Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tsvaka Chikomborero chaJehovha Nemwoyo Wose

Tsvaka Chikomborero chaJehovha Nemwoyo Wose

Tsvaka Chikomborero chaJehovha Nemwoyo Wose

“[Mwari] anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.”—VAH. 11:6.

1, 2. (a) Vanhu vakawanda vanotsvaka sei kukomborerwa naMwari? (b) Ko isu tinonyanya kudirei chikomborero chaJehovha?

“MWARI akukomborere!” Kune dzimwe nzvimbo hazvishamisi kunzwa munhu achitaura mashoko aya kune mumwe munhu waasingatombozivi kana amunzwa achihotsira. Unogona kuona vafundisi vezvitendero zvakasiyana-siyana vachikomborera vanhu, mhuka, nezvimwe zvinhu zvisina upenyu. Vanhu vanotoronga nzendo dzokuenda kune dzimwe nzvimbo dzinonzi nezvitendero dzinoyera vachida kukomborerwa. Vezvematongerwo enyika vanowanzokumbira Mwari kuti akomborere nyika dzavo. Unofunga kuti zvikumbiro zvakadaro zvakakodzera here? Zvinoshanda here? Mwari anombokomborera vanhu vakaita sei, uye sei achivakomborera?

2 Jehovha akagara ataura kuti mumazuva okupedzisira, aizova nevanhu vakachena, vane rugare, vanobva kunyika dzose vaizoparidza mashoko akanaka oUmambo kusvika kumigumo yenyika pasinei nokuvengwa uye kupikiswa. (Isa. 2:2-4; Mat. 24:14; Zvak. 7:9, 14) Isu takabvuma kurarama tichizadzisa mashoko iwayo akafuridzirwa tinoda chikomborero chaMwari, nokuti tikasava nacho hatingambotarisira kubudirira. (Pis. 127:1) Asi tingawana sei chikomborero chaMwari?

Zvikomborero Zvinouya Kuvanhu Vanoteerera

3. Dai vaIsraeri vakanga vateerera, zvinhu zvingadai zvakavafambira sei?

3 Verenga Zvirevo 10:6, 7. VaIsraeri pavakanga vava pedyo kupinda muNyika Yakapikirwa, Jehovha akavaudza kuti vaizobudirira uye vaizodzivirirwa zvinoshamisa kana vakateerera izwi rake. (Dheut. 28:1, 2) Vanhu ava vaizova nechokwadi kuti chikomborero chaJehovha chaizouya pavari kana vateerera.

4. Kuteerera kwechokwadi kunosanganisirei?

4 VaIsraeri vaifanira kuteerera nepfungwa dzakaita sei? Mutemo waMwari wairatidza kuti aisazofara kana vanhu vake vakakundikana kumuteerera va“chifara nomufaro womwoyo.” (Verenga Dheuteronomio 28:45-47.) Jehovha akakodzera kuti tisangomuteerera nokuti hapana zvatingazviita, sezvinoita mhuka kana kuti madhimoni. (Mako 1:27; Jak. 3:3) Kuteerera Mwari kwechokwadi kunobva pakuti tinomuda. Kunoonekwa nokufara kunobva pakutenda kuti mitemo yaJehovha hairemi uye kuti “anopa mubayiro vaya vanomutsvaka nomwoyo wose.”—VaH. 11:6; 1 Joh. 5:3.

5. Kuvimba nezvavakanga vavimbiswa naJehovha kungadai kwakabatsira sei munhu kuteerera mutemo uri pana Dheuteronomio 15:7, 8?

5 Funga kuti kuteerera kwakadaro kwokuvimba naMwari kwaifanira kuratidzwa sei nokutevedzera mutemo unowanikwa pana Dheuteronomio 15:7, 8. (Verenga.) Kuteerera kwokungoti ko tingazvidii kungadai kwakabatsira zvako varombo, asi kwaizoita kuti vanhu vaMwari vagarisane zvakanaka uye noushamwari here? Chinotokosha kupfuura izvozvo ndechokuti kwaizoratidza kuti vaitenda kuti Jehovha anokwanisa kupa vashumiri vake zvavanoda here, vachiutora somukana wokuratidza kuti vanoda kupa sezvaanoita iye? Kana! Mwari aicherechedza mwoyo womunhu anopa nemwoyo wose uye aivimbisa kumukomborera pazvose zvaaizoita. (Dheut. 15:10) Kutenda chipikirwa ichocho kwaizoita kuti vade kupa zvoita kuti vakomborerwe zvikuru.—Zvir. 28:20.

6. VaHebheru 11:6 inotipa chivimbo nezvei?

6 Kuwedzera pakuva nokutenda kuti Jehovha Mupi Wemubayiro, VaHebheru 11:6 inotaura chimwe chinodiwa kuti tiwane chikomborero chaMwari. Cherechedza kuti Jehovha anopa mubayiro vaya “vanomutsvaka nomwoyo wose.” Shoko rakashandurwa pano rinoreva kuisa simba rose nepfungwa dzose. Izvi zvinobva zvatipawo chivimbo chokuti chikomborero chacho hachikoni. Chinenge chichibva kuna Mwari wechokwadi “asingamborevi nhema.” (Tito 1:2) Aratidza kwezviuru zvemakore kuti zvaanovimbisa zvinototi zviitike. Mashoko ake haatombokundikani; anoitika sezvaanenge ataura nguva dzose. (Isa. 55:11) Saka tinogona kunyatsova nechivimbo chakazara chokuti tikaratidza kutenda kwechokwadi, achatiratidza kuti Mupi Wemubayiro.

7. Tingaita sei kuti tiwane zvikomborero zvinouya noku“mbeu” yaAbrahamu?

7 Jesu Kristu akaratidza kuti ndiye wokutanga pavaya vanoumba “mbeu” yaAbrahamu. VaKristu vakazodzwa ndivo vechipiri pa“mbeu” iyoyo yakapikirwa. Vakapiwa basa ‘rokuti vazivise kwose kwose kunaka kwouya akavadana kuti vabve murima vapinde muchiedza chake chinoshamisa.’ (VaG. 3:7-9, 14, 16, 26-29, mashoko omuzasi; 1 Pet. 2:9) Hatingatarisiri kuva noukama hwakanaka naJehovha kana tisingateereri vaya vakasarudzwa naJesu kuti vachengete zvinhu zvake. Dai pasina “muranda akatendeka, akangwara” taisambofa takanzwisisa zvatinoverenga muShoko raMwari kana kuziva kuti tozvishandisa sei. (Mat. 24:45-47) Kushandisa zvatinenge tadzidza muMagwaro kuchaita kuti tiwane chikomborero chaMwari.

Kuramba Tichiita Kuda kwaMwari

8, 9. Jakobho akashanda nesimba zvakadini achienderana nezvaaitsvaka?

8 Pfungwa yokuisa simba rose pachinhu kuti tiwane chikomborero chaMwari inogona kutiyeuchidza nezvaJakobho. Akanga asingazivi kuti zvakanga zvavimbiswa Abrahamu naMwari zvaizozadziswa sei, asi aitenda kuti Jehovha aizowedzera zvikuru vana vasekuru vake kuti vazova rudzi rukuru. Saka muna 1781 B.C.E., Jakobho akaenda kuHarani kunotsvaka mukadzi. Akanga asiri kungotsvakawo mudzimai wokungogara naye achimufadza chete; aitsvaka mukadzi ainamata Jehovha aizova amai vakanaka vevana vake.

9 Tinoziva kuti Jakobho akasangana naRakeri, mwanasikana wasekuru vake. Akazoda Rakeri akabvuma kushandira baba vake, Rabhani, kwemakore manomwe kuti amutore ave mudzimai wake. Iyi yaisangova nyaya yomunhu akawana mukadzi akanga amutora mwoyo. Jakobho ainyatsoziva zvakanga zvavimbiswa naMwari Wemasimbaose kuna sekuru vake Abrahamu, akazozvitaurazve kuna baba vake Isaka. (Gen. 18:18; 22:17, 18; 26:3-5, 24, 25) Isaka akazoudzawo mwanakomana wake Jakobho kuti: “Mwari Wemasimbaose achakukomborera nokuita kuti ubereke nokuita kuti uwande, uye uchava ungano yemarudzi. Achakupa chikomborero chaAbrahamu, iwe nevana vako vauinavo, kuti uite kuti nyika yaunogara uri mutorwa ive yako, yakapiwa Abrahamu naMwari.” (Gen. 28:3, 4) Saka kushanda nesimba kwakaitwa naJakobho kuti awane mukadzi akarurama uye ave nemhuri kwairatidza chivimbo chaaiva nacho pane zvakanga zvataurwa naJehovha.

10. Sei Jehovha akafadzwa nokukomborera Jakobho?

10 Jakobho akanga asiri kutsvaka pfuma kuti achengete mhuri yake. Pfungwa dzake dzaiva panhaka yake. Ziso rake raive pakuitwa kwokuda kwaJehovha. Jakobho aiva neshungu dzokuita zvose zvaaigona kuti awane chikomborero chaMwari pasinei nezvipingamupinyi. Akaramba akadaro kusvikira pakukwegura, uye izvi zvakaita kuti Jehovha amukomborere.—Verenga Genesisi 32:24-29.

11. Tinofanira kuedza kuitei zvinoenderana nekuda kwaMwari kwatava kuziva?

11 Kufanana naJakobho isuwo hatizivi zvose nezvokuzadziswa kwechinangwa chaJehovha. Asi kudzidza Shoko raMwari kunoita kuti tingovawo nomufananidzo wezvichange zvakaita “zuva raJehovha.” (2 Pet. 3:10, 17) Somuenzaniso hatizivi kuti ndirini chaizvo pachasvika zuva iroro, asi tinoziva kuti rava pedyo. Tinotenda zvinotaurwa neShoko raMwari parinoti tikashanda nesimba pakupa uchapupu panguva shoma yasara, tichazviponesa pamwe chete nevanotiteerera.—1 Tim. 4:16.

12. Tine chokwadi nechii?

12 Tinoziva kuti mugumo unogona kusvika chero nguva; nguva yaJehovha hainei nokuti tapa uchapupu munhu mumwe nomumwe ari pasi pano. (Mat. 10:23) Isuwo tiri kupiwa mirayiridzo yokuti tibudirire pakuita basa rokuparidza. Nokutenda, tinoita basa iri nepatinogona napo, tichishandisa zvose zvatiinazvo. Hatifaniri kungoparidza ndima dzine vanhu vanoteerera chete. Ko tinenge taziva sei kuti ndima yacho ichange yakadaro? (Verenga Muparidzi 11:5, 6.) Basa redu nderokuparidza, tiine chivimbo chokuti Jehovha achatipa chikomborero chake. (1 VaK. 3:6, 7) Tine chokwadi kuti anoona zvose zvatiri kuedza kuita, uye achashandisa mudzimu mutsvene wake kutipa mirayiridzo yatinoda.—Pis. 32:8.

Kukumbira Mudzimu Mutsvene

13, 14. Kukwanisa kwemudzimu mutsvene waMwari kuita kuti vashumiri vake vakwanise kuita zvinhu kwagara kuchiratidzwa sei?

13 Ko kana tichifunga kuti taita vatete pakuita basa ratinenge tapiwa kana kuti pakuparidza? Tinofanira kukumbira Jehovha kuti atipewo mudzimu wake mutsvene kuti uwedzere mano atingava nawo mubasa rake. (Verenga Ruka 11:13.) Mudzimu waMwari unogona kuita kuti vanhu vakwanise kuita rimwe basa pasinei nokuti vakabva nokupi kana kuti vakamboriita here. Somuenzaniso vaIsraeri vachangobuda muIjipiti, mudzimu waMwari wakaita kuti vanhu vaive vafudzi nevaranda vaparadze vavengi vavo muhondo pasinei nokuti vakanga vasati vamborwa. (Eks. 17:8-13) Izvozvo zvichangopfuura, mudzimu mumwe chetewo wakaita kuti Bhezareri naOhoriyabhi vakwanise kugadzira tebhenekeri yakanga yakanaka iine purani yakanga yabva kuna Mwari.—Eks. 31:2-6; 35:30-35.

14 Mudzimu iwoyo une simba wakaita kuti vashumiri vaMwari variko mazuva ano vakwanise kuita basa resangano pavakaona kuti vaifanira kuzvidhindira voga mabhuku avo. Mune imwe tsamba, Hama R. J. Martin, avo vaiva mutariri wemadhipatimendi anosanganisira rokudhinda, vakatsanangura zvavakanga vakwanisa kuita pakazosvika 1927. “Ishe akazarura suo panguva yakakodzera; muchina wokudhinda wakava mumaoko edu, maoko evanhu vakanga vasingambozivi kana kuti wakagadzirwa sei uye unoshanda sei. Asi Ishe anoziva kuita kuti pfungwa dzevanhu vakazvipira dzikurumidze kubata. . . . Mumavhiki mashomanana, takanga takwanisa kuchemedza muchina uyu; uye nanhasi uchiri kuchema, uchiita basa rokuti kunyange vakaugadzira vakanga vasingazivi kuti unogona kuriita.” Nanhasi Jehovha achiri kukomborera basa remwoyo wose rakadaro.

15. VaRoma 8:11 inokurudzira zvakadini vaya vakatarisana nemuedzo?

15 Mudzimu waJehovha unoshanda nenzira dzakasiyana-siyana. Unogona kuwanikwa nevashumiri vose vaMwari, uye unovabatsira kukurira zvipingamupinyi zvakakura. Ko kana tichinzwa muedzo uchida kutikurira? Tinogona kusimbiswa nemashoko aPauro anowanika pana VaRoma 7:21, 25; uye VaR 8:11. Ichokwadi, “mudzimu waiye akamutsa Jesu kubva kuvakafa” unogona kushanda matiri, uchitiita kuti tive nesimba rokukurira zvido zvenyama. Mashoko iwayo akanyorerwa vaKristu vakazodzwa, asi anoshandawo kuvashumiri vose vaMwari. Tose tinowana upenyu nokutenda muna Kristu, nokushanda nesimba kuti tiuraye zvishuvo zvakaipa, uye kurarama maererano nezvatinotungamirirwa nomudzimu kuti tiite.

16. Tinofanira kuita sei kuti tigamuchire mudzimu mutsvene waMwari?

16 Tingatarisira here kuti Mwari atipe simba rake raanoshandisa tisina zvatamboita? Kwete. Kuwedzera pakurinyengeterera, tinofanira kushingairira kudzidza Shoko rake rakafuridzirwa. (Zvir. 2:1-6) Uyezve, mudzimu waMwari unoshanda neungano yechiKristu. Kugara kwedu tichipinda misangano kunoratidza kuti tine chido chokunzwa “zvinotaurwa nomudzimu kuungano.” (Zvak. 3:6) Tinofanirawo kuzvininipisa totevedzera zvatinenge tadzidza. Zvirevo 1:23 inotipa zano rokuti: “Dzokai kana ndakutsiurai. Ndichabva ndaita kuti simba rangu rouchenjeri ribude kwamuri.” Zvechokwadi Mwari anopa mudzimu wake “vaya vanomuteerera somutongi.”—Mab. 5:32.

17. Kukomborera kunoita Mwari zvatinoedza kuita kungafananidzwa nechii?

17 Kunyange zvazvo pachidiwa kuti tishande nesimba kuti tiwane chikomborero chaMwari, yeuka kuti zvinhu zvose zvakanaka zvatinoitirwa naJehovha hazvingobvi pakuti tinoshanda nesimba chete. Zvinoitwa nechikomborero chake patiri zvingafananidzwa nokuvakwa kunoitwa miviri yedu nezvokudya. Mwari akagadzira miviri yedu zvokuti tinonakirwa nezvokudya uye zvinotivaka. Ndiyezve anotipa zvokudya zvacho. Hatinyatsozivi zvakakwana kuti zvatinodya zvinovaka sei miviri yedu, kana kuti hatisi tose tinokwanisa kutsanangura zvakazara kuti miviri yedu inowana sei simba pazvinhu zvatinenge tadya. Tinongoziva kuti tikadya tichava nesimba saka ndizvo zvatinoita. Kana tikasarudza kudya zvokudya zvakanaka, tinotowedzera kuvakwa muviri. Saizvozvowo, Jehovha anotiudza zvatinofanira kuita kuti tiwane upenyu husingaperi, uye anotibatsira kuti tizviite. Zviri pachena kuti zvakawanda ndiye anozoita saka ndiye akakodzera kurumbidzwa. Kunyange zvakadaro, tinofanira kushandira pamwe naye, tichitevedzera kuda kwake, kuti tiwane chikomborero.—Hag. 2:18, 19.

18. Shungu dzako ndedzokuti uite sei, uye sei uchida kudaro?

18 Saka isa mwoyo wako wose mubasa rose raunoita. Nguva dzose vimba naJehovha kuti ubudirire. (Mako 11:23, 24) Paunodaro iva nechivimbo chokuti “munhu wose anotsvaka anowana.” (Mat. 7:8) Vakazodzwa vachakomborerwa ne“korona youpenyu” kudenga. (Jak. 1:12) “Mamwe makwai” aKristu ari kuedza kuwana chikomborero nokumbeu yaAbrahamu, achafara kumunzwa achiti: “Uyai, imi makakomborerwa naBaba vangu, garai nhaka youmambo hwamakagadzirirwa kubvira pakuvambwa kwenyika.” (Joh. 10:16; Mat. 25:34) Chokwadi “vaya vanokomborerwa [naMwari] vachagara nhaka yenyika, . . . vachagara mairi nokusingaperi.”—Pis. 37:22, 29.

Ungatsanangura Here?

• Kuteerera kwechokwadi kunosanganisirei?

• Chii chinodiwa kuti tiwane chikomborero chaMwari?

• Tingaita sei kuti tigamuchire mudzimu mutsvene waMwari, uye ungatibatsira sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 9]

Jakobho akaita mutsimba nengirozi kuti awane chikomborero chaJehovha.

Iwe unoisa simba rako rose saizvozvowo here pakutsvaka chikomborero?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Mudzimu mutsvene waMwari wakaita kuti Bhezareri naOhoriyabhi vabudirire