Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Vanamati Vechokwadi Vanoonekwa Nokubatana Kwavo

Vanamati Vechokwadi Vanoonekwa Nokubatana Kwavo

Vanamati Vechokwadi Vanoonekwa Nokubatana Kwavo

“Ndichavaisa mudanga vakabatana, seboka rezvipfuwo.”—MIKA 2:12.

1. Zvinhu zvakasikwa zvinopa sei uchapupu hwouchenjeri hwaMwari?

MUMWE munyori wepisarema akati: “Haiwa Jehovha, mabasa enyu mazhinji sei! Ose zvawo makaaita nouchenjeri. Nyika izere nezvinhu zvamakaita.” (Pis. 104:24) Uchenjeri hwaMwari hunooneka pakudyidzana kunoita mamiriyoni ezvinhu zvinomera, tupukanana, mhuka netumwe tunhu tupenyu tusingaoneki twakangoita hukochehukoche pasi pano. Uyezve mumuviri mako mune zviuru zvenhengo huru neduku dzinoshanda pamwe chete kuti ugare uri mutano.

2. Sezviri kufananidzirwa papeji 13, sei kubatana kwevaKristu vomuzana remakore rokutanga kuchifanira kunge kwaionekwa sechishamiso?

2 Jehovha akasika munhu asingagoni kuita zvose pasina vamwe. Vanhu vakasiyana-siyana pachitarisiko, unhu, uye zvavanogona kuita. Uyezve akasika vanhu vokutanga vakafanana naye, izvo zvaiita kuti vade kushandira pamwe, mumwe nomumwe wavo aine zvaaiwana pane mumwe. (Gen. 1:27; 2:18) Kunyange zvakadaro nyika yose iye zvino yakazviisa kure naMwari uye haisati yambokwanisa kuita zvinhu yakabatana. (1 Joh. 5:19) Saka tikafunga kuti ungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga yakanga yakaumbwa nevanhu vakasiyana-siyana, kubvira pavaranda vokuEfeso, vakadzi vechiGiriki vakanga vakakurumbira, varume vechiJudha vakanga vakadzidza, uye vanhu vaimbonamata zvidhori, tinoona kuti kubatana kwavo kwaiita kunge chishamiso chaicho.—Mab. 13:1; 17:4; 1 VaT. 1:9; 1 Tim. 6:1.

3. Bhaibheri rinotsanangura sei kubatana kwechiKristu, uye tichakurukurei muchidzidzo chino?

3 Kunamata kwechokwadi kunoita kuti vanhu vashandire pamwe sezvinoita nhengo dzemiviri yedu. (Verenga 1 VaKorinde 12:12, 13.) Zvimwe zvatichaongorora munyaya ino ndezvinotevera: Kunamata kwechokwadi kunobatanidza vanhu sei? Sei Jehovha ari iye chete anogona kubatanidza mamiriyoni evanhu vanobva kunyika dzose? Jehovha anotibatsira kukurira zvinhu zvipi zvingakanganisa kubatana kwedu? Uye chiKristu chechokwadi chinosiyana sei nechiKristudhomu panyaya yokubatana?

Kunamata Kwechokwadi Kunobatanidza Sei Vanhu?

4. Kunamata kwechokwadi kunobatanidza sei vanhu?

4 Vanamati vechokwadi vanoziva kuti sezvo Jehovha ari iye akasika zvinhu zvose, ndiye Changamire wazvo. (Zvak. 4:11) Saka kunyange zvazvo vaKristu vechokwadi vachigara kunzvimbo dzakawanda uye vaine mamiriro ezvinhu akasiyana, vose vanoteerera mitemo mimwe cheteyo yaMwari uye ndiyo yavanorarama nayo. Vanamati vose vechokwadi vanoti “Baba” vachitaura kuna Jehovha. (Isa. 64:8; Mat. 6:9) Saka vose ihama uye vakabatana sezvakatsanangurwa nomunyori wepisarema kuti: “Tarirai! Zvakanaka sei uye zvinofadza sei kuti hama dzigare pamwe chete dzakabatana!”—Pis. 133:1.

5. Chii chinoita kuti vanamati vechokwadi vabatane?

5 Kunyange zvazvo vaKristu vechokwadi vari vanhu vane chivi, vanonamata vakabatana nokuti vakadzidza kudanana. Jehovha anovadzidzisa kuva norudo kupfuura zvingaitwa nomumwe munhu. (Verenga 1 Johani 4:7, 8.) Shoko rake rinoti: “Pfekai rudo rukuru rwokunzwira vamwe tsitsi, mutsa, pfungwa dzinozvininipisa, unyoro, nomwoyo murefu. Rambai muchishivirirana nokukanganwirana nomwoyo wose kana paine munhu ane chikonzero chokunyunyutira mumwe. Jehovha zvaakakukanganwirai nomwoyo wose, imiwo itai saizvozvo. Asi, kunze kwezvinhu zvose izvi, pfekai rudo, nokuti irwo chisungo chakakwana chokubatana.” (VaK. 3:12-14) Chisungo ichi chakakwana chokubatana, irwo rudo, ndicho chinoratidza kuti ava ndivo vaKristu vechokwadi. Hausati wazvionerawo woga here kuti kubatana uku ndicho chinhu chinosiyanisa kunamata kwechokwadi nokumwe kwose?—Joh. 13:35.

6. Tariro yoUmambo inotibatsira sei kuramba takabatana?

6 Vanamati vechokwadi vakabatanawo nokuti vanoisa tariro yavo paUmambo hwaMwari. Vanoziva kuti Umambo hwaMwari hwava kubva hwotsiva hurumende dzevanhu hwokomborera vanhu norugare rwechokwadi runogara nokusingaperi. (Isa. 11:4-9; Dhan. 2:44) Saka vaKristu vanoteerera zvakataurwa naJesu nezvevateveri vake kuti: “Havasi venyika, seni ndisiri wenyika.” (Joh. 17:16) VaKristu vechokwadi vanoramba vasina wavanotsigira pamagakava anoitika munyika; saka vanokwanisa kuramba vakabatana kunyange vanhu vavakagarisana navo vari kurwa.

Vanodzidziswa neMunhu Mumwe

7, 8. Mirayiridzo inobva muBhaibheri inobatsira sei kuti tibatane?

7 VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakanga vakabatana nokuti vose vaikurudzirwa nomunhu mumwe. Vaiziva kuti Jesu ndiye aidzidzisa uye aitungamirira ungano achishandisa dare rinodzora raiumbwa nevaapostora nevarume vakuru vaive kuJerusarema. Varume ava vakanga vakazvipira, vaiita zvisarudzo zvaibva muShoko raMwari uye vaiva nevatariri vanofambira vaiendesa mirayiridzo kuungano munyika dzakawanda. Nezvevamwe vatariri vakadaro, Bhaibheri rinoti: “Zvavaifamba nomumaguta vaipa vakanga varimo mirayiro yakanga yasarudzwa nevaapostora nevarume vakuru vaiva muJerusarema kuti vachengete.”—Mab. 15:6, 19-22; 16:4.

8 Saizvozvowo, nhasi uno Dare Rinodzora, rinoumbwa nevaKristu vakazodzwa, rinoita kuti ungano yenyika yose ibatane. Dare Rinodzora rinobudisa mabhuku anotikurudzira pakunamata mumitauro yakawanda. Izvi zvokudya zvinotisimbisa pakunamata zvinobva muShoko raMwari. Saka zvinodzidziswa zvacho hazvibvi kuvanhu asi kuna Jehovha.—Isa. 54:13.

9. Basa ratakapiwa naMwari rinobatsira sei kuti tibatane?

9 Vatariri vechiKristu vanoitawo kuti vanhu vabatane nokutungamirira pakuparidza. Kubatana kunoita vanhu vanenge vachishanda basa raMwari kwakasimba kupfuura nokure kubatana kunoita vanhu vomunyika vanenge vachiita zvimwewo zvinhu. Ungano yechiKristu haina kuvambwa kuti ingoshandawo zvayo sekirabhu asi kuti ikudze Jehovha uye iite basa rokuparidza mashoko akanaka, kudzidzisa vanhu uye kusimbisa nhengo dzayo. (VaR. 1:11, 12; 1 VaT. 5:11; VaH. 10:24, 25) Ndosaka muapostora Pauro akazoti nezvevaKristu: “Makamira makasimba mumafungiro mamwe chete, nomweya mumwe chete muchibishairira kutenda kwemashoko akanaka muri pamwe chete.”—VaF. 1:27.

10. Ndezvipi zvimwe zvinhu zvinotibatanidza sevanhu vaMwari?

10 Saka sevanhu vaJehovha takabatana nokuti tinobvuma uchangamire hwake, tinoda hama dzedu, tinotarisira kuuya kwoUmambo hwaMwari, uye tinoremekedza vaya vanoshandiswa naMwari kutitungamirira. Jehovha anotibatsira kukurira mamwe mafungiro anogona kukanganisa kubatana kwedu sezvo tiri vanhu vane chivi.—VaR. 12:2.

Kukurira Kuzvikudza Uye Godo

11. Sei kuzvikudza kuchiparadzanisa vanhu, uye Jehovha anotibatsira sei kuti tikukurire?

11 Kuzvikudza kunoparadzanisa vanhu. Munhu anozvikudza anoda kufunga kuti ari pamusoro pevamwe uye anowanzonakidzwa nokutaura achizvirumbidza. Asi izvi zvinowanzokanganisa kubatana; vaya vanomunzwa achizvirumbidza vanogona kunzwa godo. Mudzidzi Jakobho anotiudza zviri pachena kuti: “Kudada kwose kwakadaro kwakaipa.” (Jak. 4:16) Kutarisira vamwe pasi kushaya rudo. Zvinoshamisa kuti Jehovha muenzaniso wokuzvininipisa nokuti anoita zvinhu nevanhu vanotadza sesu. Dhavhidhi akanyora kuti: “Kuzvininipisa kwenyu [Mwari] ndiko kunoita kuti ndive mukuru.” (2 Sam. 22:36) Shoko raMwari rinotibatsira kukurira kuzvikudza richitidzidzisa kufunga zvakanaka. Pauro akafuridzirwa kubvunza kuti: “Ndiani anoita kuti usiyane nomumwe? Chokwadi, chii chauinacho chausina kugamuchira? Zvino, kana wakachigamuchira zvechokwadi, nei uchizvirumbidza sokunge kuti hauna kuchigamuchira?”—1 VaK. 4:7.

12, 13. (a) Sei zviri nyore kunzwa godo? (b) Kuona vamwe semaonerwo avanoitwa naJehovha kunobatsirei?

12 Godo ndiro rimwe rinotadzisa vanhu kubatana. Nemhaka yokuti takazvarwa tiine chivi, zviri nyore kuti tinzwe godo, uye kunyange vaKristu vava nemakore vanombonzwira godo vamwe pane zvavari, tunhu twavo, mabasa avanoita muungano, kana kuti zvavanogona kuita. (Jak. 4:5) Somuenzaniso, imwe hama ine mhuri inogona kunzwira godo mabasa anoitwa nehama iri mubasa renguva yakazara, isingazivi kuti iyo iri mubasa renguva yakazara ingavawo iri kutoinzwirawo kagodo kokuti ine mhuri nevana. Tingaita sei kuti godo rakadaro rirege kukanganisa kubatana kwedu?

13 Kutibatsira kuti tisava negodo, yeuka kuti Bhaibheri rinofananidza nhengo dzeungano yevaKristu vakazodzwa nenhengo dzomuviri womunhu. (Verenga 1 VaKorinde 12:14-18.) Somuenzaniso, kunyange zvazvo ziso rako ringave richionekera kupfuura mwoyo, zvose zviri zviviri zvinokosha? Saizvozvowo Jehovha anokoshesa nhengo dzose dzeungano kunyange zvazvo dzimwe dzingava dzakakurumbira kupfuura dzimwe. Saka ngationei hama dzedu semaonerwo adzinoitwa naJehovha. Panzvimbo pokunzwira vamwe godo, ngativafarirei. Kana tikadaro, tinoita kuti kusiyana kwakaita vaKristu vechokwadi nevemachechi echiKristudhomu kuoneke.

ChiKristudhomu Chinozivikanwa Nokuita Mazvakemazvake

14, 15. ChiKristu chakapanduka chakasvika sei pakusabatana?

14 Kubatana kwakaita vaKristu vechokwadi kwakasiyana zvachose nemakakatanwa ari pakati pemachechi echiKristudhomu. Pakazosvika zana remakore rechina, chiKristu chakapanduka chakanga chapararira zvokuti mambo weRoma wechihedheni akanga ava kuchitonga, zvikaita kuti pave nechiKristudhomu. Chakazotanga kuita tumapoka, nyika dzakawanda dzakanga dzagamuchira chiKristudhomu dzikazvibvisa kuRoma ndokuvamba chechi dzeNyika.

15 Dzakawanda dzenyika idzi dzairwisana kwemazana emakore. Mumazana emakore echi17 ne18, vanhu vokuBritain, France, neUnited States vakatsigira nyaya yokuzvipira kunyika dzavo, zvokuti pfungwa yokuti tiri kutsigira nyika yababa, yakava chitendero. Mumazana emakore echi19 ne20, pfungwa yokuti tiri kutsigira nyika yababa yakatanga kuzara mumisoro yevakawanda. Machechi echiKristudhomu akazopedzisira ava tumapoka twakawandisa, tuzhinji twacho tuchibvumira pfungwa yokuti tinotsigira nyika yababa. Vanhu vemachechi vakatorwisa vamwe vavo kuhondo. Nhasi chiKristudhomu chakakamurwa nekusiyana kwedzidziso uye kutsigira nyika dzekwavanogara.

16. Zvinhu zvipi zvinoparadzanisa vanhu vari muchiKristudhomu?

16 Muzana remakore rechi20, mazana emachechi echiKristudhomu akaedza kuita mubatanidzwa. Asi pashure pekuedza kwemakumi emakore, machechi mashomanana akabatana kuva imwe, uye vanhu vacho vachakaparadzaniswa nenyaya dzakadai seyokuti vanhu vakatanga vari mhuka, kubvisa pamuviri, ungochani, nenyaya yokupa vakadzi zvigaro. Mumamwe machechi vatungamiriri vanoedza kuunza vanhu vanobva kumapoka akasiyana-siyana nokuedza kufuratira dzidziso dzaimbovaparadzanisa. Zvisinei, kufuratira dzidziso kunoita kuti vanhu vacho vave nokutenda kusina kusimba uye hakubatanidzi chiKristudhomu chakaparadzana.

Havatsigiri Nyika Dzavanogara

17. Kunamata kwechokwadi kwakagara kwataurwa sei kuti kwaizobatanidza vanhu “nemazuva okupedzisira”?

17 Kunyange zvazvo nyika iye zvino yakaparadzana zvaisati yamboita, vanamati vechokwadi vachiri kuzivikanwa nokubatana kwavo. Muprofita waMwari, Mika, akagara ataura kuti: “Ndichavaisa mudanga vakabatana, seboka rezvipfuwo.” (Mika 2:12) Mika akagara ataura kukwidziridzwa kwokunamata kwechokwadi kupfuura kumwe kunamata kwose, kungava kwavanamwari venhema kana kuti kwokunamata nyika samwari. Akanyora kuti: “Nemazuva okupedzisira gomo reimba yaJehovha richasimbiswa kwazvo kupfuura misoro yemakomo, richakwidziridzwa kupfuura zvikomo; uye marudzi achadirana achienda kwariri. Nokuti marudzi ose, achafamba rumwe norumwe nezita ramwari warwo; asi isu, tichafamba nezita raJehovha Mwari wedu.”—Mika 4:1, 5.

18. Kunamata kwechokwadi kwakatibatsira kuchinja zvakadini?

18 Mika akatsanangurawo kuti kunamata kwechokwadi kwaizobatanidza sei vanhu vaimbova vavengi. Akati: “Marudzi mazhinji achaenda achiti: ‘Uyai, ngatikwirei kugomo raJehovha nokuimba yaMwari waJakobho; iye achatirayiridza nezvenzira dzake, uye isu tichafamba mumakwara ake.’ . . . Vachapfura mapakatwa avo kuti ave miromo yemagejo nemapfumo avo kuti ave zvokuchekereresa miti. Havazosimudzirani mapakatwa, rudzi norudzi, uyewo havazodzidzizve kurwa.” (Mika 4:2, 3) Vaya vari kusiya kunamata vanamwari vakagadzirwa nevanhu kana kuti nyika dzavo vanobvuma kunamata Jehovha vobatana nevamwe vari pasi pose. Mwari anovadzidzisa kudanana.

19. Kubatana kwemamiriyoni evanhu mukunamata kwechokwadi chiratidzo chiri pachena chei?

19 Kubatana kwakaita vaKristu vechokwadi pasi pose kunoshamisa uye kunoratidza zviri pachena kuti Jehovha anoramba achitungamirira vanhu vake achishandisa mudzimu wake. Vanhu vanobva kunyika dzose vari kubatanidzwa zvisati zvamboitika mukugara kwose kwaita vanhu panyika. Uku kuzadziswa kunoshamisa kwezvinorehwa naZvakazarurwa 7:9, 14, uye kunoratidza kuti ngirozi dzaMwari dzava pedyo kuregedzera “mhepo” dzichaparadza nyika iripo iye zvino yakaipa. (Verenga Zvakazarurwa 7:1-4, 9, 10, 14.) Hachisi chikomborero here kubatana nevamwe sehama nehanzvadzi dzomunyika yose? Mumwe nomumwe wedu angaita sei kuti kubatana ikoko kurambe kuripo? Izvi ndizvo zvichakurukurwa munyaya inotevera.

Ungapindura Sei?

• Kunamata kwechokwadi kunobatanidza sei vanhu?

• Tingaita sei kuti godo rirege kukanganisa kubatana kwedu?

• Sei vanamati vechokwadi vasingaparadzaniswi nevanhu vanozviti vari kutsigira nyika yababa?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 13]

VaKristu vomuzana remakore rokutanga vaibva kwakasiyana-siyana

[Mifananidzo iri papeji 15]

Kubatsira kwaunoita pabasa rokuvaka Imba yoUmambo kunobatsira sei kubatana?