Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Batsirai Vechiduku Vazive Zvakaita Sangano raJehovha

Batsirai Vechiduku Vazive Zvakaita Sangano raJehovha

Batsirai Vechiduku Vazive Zvakaita Sangano raJehovha

VANA vanoda kudzidza. Imbofungidzira mibvunzo ingangove yaiva nevana vechiIsraeri muIjipiti usiku hwakatangwa kuchengetwa Paseka: ‘Gwayana riri kuurayirwei?’ ‘Baba vari kuisirei ropa pasuo?’ ‘Tiri kuenda kupi?’ Zvakanzi naJehovha vanababa vechiIsraeri vaite zvinoratidza kuti aifarira kuti vana vabvunze mibvunzo yakadaro. Achivaudza zvavaizoita pakuchengeta Paseka mune ramangwana, Jehovha akati: “Vanakomana venyu pavanoti kwamuri, ‘Basa iri rinorevei kwamuri?’ imi muti, ‘Ichi chibayiro chepaseka chinobayirwa Jehovha, akadarika dzimba dzevanakomana vaIsraeri muIjipiti paakatambudza vaIjipiti, asi akanunura dzimba dzedu.’” (Eks. 12:24-27) Jehovha akazoyeuchidza vabereki vechiIsraeri nezvekukosha kwekupindura mibvunzo yevana vavo pamusoro pe“mirau nezvakatongwa” zvaakanga arayira.—Dheut. 6:20-25.

Zviri pachena kuti Jehovha aida kuti vana vawane mhinduro dzinogutsa dzemibvunzo yavaiva nayo nezvekunamata kwechokwadi, mhinduro dzaizoita kuti vade Jehovha saMwari wavo uye Muponesi. Nhasi uno, Jehovha anotarisira zvimwe chetezvo kune vechiduku. Imwe nzira yokuita nayo kuti vana vade Mwari nevanhu vake ndeyokuvabatsira kuti vazive mamiriro akaita sangano raJehovha uye vanzwisise kuti vangabatsirwa sei neurongwa hwaro. Saka ngatimboonai dzimwe nzira dzingashandiswa kubatsira vechiduku kuti vadzidze zvakawanda nezvesangano raMwari.

Ungano Yamunopinda Nayo

Vechiduku vanofanira kuziva nezveungano inopinda nemhuri yenyu. Kuti zvidaro, imi vabereki munofanira kuenda nevana venyu kumisangano yose yechiKristu. Kana mukadaro, munenge muchitotevedzera zvakaudzwa vaIsraeri naJehovha achiti: “Unganidza vanhu, varume nevakadzi nevana . . . , kuti vateerere uye kuti vadzidze, nokuti vanofanira kutya Jehovha Mwari wenyu, vochenjerera kuita mashoko ose omutemo uyu. Vanakomana vavo vasina kuziva vanofanira kuteerera, uye vanofanira kudzidza kutya Jehovha Mwari wenyu.”—Dheut. 31:12, 13.

Vana vanogona kutanga kudzidza Shoko raJehovha vachiri vacheche. Muapostora Pauro akataura nezvaTimoti achiti: “Kubvira paucheche wakaziva zvinyorwa zvitsvene.” (2 Tim. 3:15) Pamisangano muImba yoUmambo, kunyange vana vaduku chaizvo vanogona kunzwisisa mashoko anenge achikurukurwa uye kuziva nziyo dzoUmambo. Vari ikoko, vanodzidza kushandisa uye kuremekedza Bhaibheri nemabhuku anoritsanangura. Uyezve, pamisangano vachazvionera voga rudo rwechokwadi urwo runozivisa vaKristu vechokwadi. Jesu akati: “Ndiri kukupai murayiro mutsva, kuti mudanane; sokuda kwandakakuitai, kuti nemiwo mudanane. Vose vachaziva kuti muri vadzidzi vangu neizvi, kana muine rudo pakati penyu.” (Joh. 13:34, 35) Vana pavanoona vanhu vari paImba yoUmambo vane rudo uye vasina chokutya, vachatorwa mwoyo uye zvichavabatsira kuita kuti kupinda misangano yechiKristu kuve mararamiro avo.

Mukagara muchisvika paImba yoUmambo nguva ichiripo uye muchiti nonokei kubva pashure pemisangano, vana venyu vachava nomukana wokuti vave neshamwari. Pane kuvarega vachingoshamwaridzana nevamwe vana, madii kuvasuma kuhama nehanzvadzi dzemazera ose? Vana venyu vachaona kuti vakura pazera vanoziva zvakawanda uye vane uchenjeri, kana vakasvika pakuvaziva. Kufanana naZekariya wekare “murayiridzi aidzidzisa kutya Mwari wechokwadi,” akabatsira Uziya wechiduku, mambo weJudha, vose vashumira Jehovha kwemakore akawanda vakatendeka vanogona kubatsira vechiduku. (2 Mak. 26:1, 4, 5) Muri muImba yoUmambo, munogonawo kutsanangura kuvana venyu basa reraibhurari, bhodhi rezviziviso, uye zvimwe zvinhu.

Sangano Riri Munyika Yose

Vana vanofanira kunzwisisa kuti ungano yavanopinda imwe yeungano dzinopfuura 100 000 dzinoumba sangano riri munyika yose. Tsanangurai zvakaita sangano iri, mashandiro aro, uye zvinogona kuitwa nevana kuti vatsigire basa raro. Varatidzei kuti nei muri kutarisira gungano redunhu nereruwa, uye kushanya kwemutariri wedunhu.—Ona bhokisi rakanzi  “Nyaya Dzokukurukura paKunamata Kwemhuri,” papeji 28.

Kana muine mukana, kokai vatariri vanofambira, mamishinari, nhengo dzemhuri yeBheteri, uye vamwe vari mubasa renguva yakazara kuti muzodya navo. Musafunge kuti havana nguva yokuva nevechiduku. Vashumiri ivavo venguva yakazara vanoedza kutevedzera Jesu, uyo aigamuchira vana nguva dzose achitaura navo. (Mako 10:13-16) Pavanonzwa vashumiri vaJehovha ivavo vachitsanangura zvavanosangana nazvo uye kufara kwavanoita mubasa dzvene, vachavawo nechinangwa chokupinda mubasa renguva yakazara.

Zvii zvimwe zvamungaita semhuri kuti mubatsire vana venyu kuti vazive zvakaita sangano raJehovha? Pano pane zvimwe zvamunogona kuita: Rongai semhuri kuti mudzidze bhuku raZvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari. Nyanyai kukurukura nezvokuzvipira, kuzvininipisa uye kuvimbika kwevashumiri vaJehovha. Ratidzai kuti Jehovha akavashandisa sei pakuparadzira mashoko akanaka munyika yose. Shandisai mavhidhiyo anobudiswa nesangano raJehovha kuvadzidzisa zvidzidzo zvinokosha pane zvakaitika kare uye zviri kuitika iye zvino. Kana muchikwanisa, shanyirai hofisi yebazi uye musha weBheteri munyika yenyu kana kune imwe nyika. Kushanya ikoko kuchaita kuti vana venyu vaone kuti sangano raJehovha repasi pano rinotungamirirwa neboka romuranda akatendeka rakarongwa sei kuti ripe zvokudya zvinosimbisa pakunamata uye ritungamirire hama dziri munyika yose, sezvakanga zvakaita romuzana remakore rokutanga C.E.—Mat. 24:45-47; Mab. 15:22-31.

Kuita Kuti Mashoko Acho Aenderane Nemwana Mumwe Nomumwe

Pakudzidzisa vana venyu, yeukai madzidzisiro aiita Jesu vaapostora vake. Akambovaudza kuti: “Ndichiine zvinhu zvizhinji zvokutaura nemi, asi hamukwanisi kuzvinzwisisa panguva ino.” (Joh. 16:12) Jesu aisapa vadzidzi vake mashoko akawandisa panguva imwe chete. Asi aivadzidzisa zvishoma nezvishoma chokwadi chinokosha kuitira kuti vanyatsobata. Imiwo musape vana venyu mashoko akawandisa. Nokuvadzidzisa mashoko mashoma asi muchizviita nguva dzose kuti vazive sangano, muchaita kuti varambe vachifarira uye zvichaita kuti vanakidzwe nokudzidza nezveungano yechiKristu. Zvinodiwa nevana venyu pazvinochinja, munogona kudzokorora uye kuwedzera pane zvavakatodzidza.

Ungano yechiKristu ndiyo inoita kuti vanhu vasimbe pakunamata, uye vechiduku vanoshingaira pakuita mabasa ayo vachanyatsogadzirira kurwisa kufurira kunoita nyika yaSatani. (VaR. 12:2) Tine chivimbo chokuti muchafara chaizvo kubatsira vana venyu kuti vazive mamiriro akaita sangano raJehovha. Nechikomborero chake, dai vakaramba vari musangano racho vachida Mwari watinoshumira.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 28]

 Nyaya Dzokudzidza paKunamata Kwemhuri

Hedzino dzimwe nyaya dzine chokuita nesangano dzamunogona kudzidza pamanheru oKunamata Kwemhuri.

▪ Kurukurai nhoroondo yeungano yenyu. Yakaumbwa riini uye sei? Yakamboshandisa Dzimba dzoUmambo dzipi? Pamunokurukura izvi, madii kukoka mumwe ava nenguva yakareba ari muungano yacho kumba kwenyu kuti apindure mibvunzo ine vana venyu?

▪ Tsanangurai kuti misangano yakasiyana-siyana yeungano nemagungano zvinobatsira chii uye udzai vana kuti vangaita sei kuti zvivabatsire.

▪ Kurukurai chinangwa chezvikoro zvakasiyana-siyana zvakavambwa nesangano raJehovha. Taurai zvimwe zvakaitika zvakanaka zvinoratidza kuti vanhu vakapedza kudzidza muzvikoro izvozvo vari kuva nezvibereko.

▪ Batsirai vechiduku kuti vaone kukosha kwokuva vaparidzi vemashoko akanaka vanogara vachishuma. Varatidzei kuti vanogona sei kuwedzera pamushumo unobudiswa muBhuku Regore reZvapupu zvaJehovha.

▪ Kurukurai mabasa enguva yakazara anogona kuitwa nevechiduku vari musangano raJehovha. Chitsauko 10 chebhuku raTakarongwa Kuita Zvinoda Jehovha chine mashoko anobatsira panyaya iyoyi.

▪ Batsirai vechiduku kuti vanzwisise kuti sei zvimwe zvinhu zvichiitwa nenzira yazvinoitwa muungano. Tsanangurai kuti sei vasingafaniri kuita zvavo voga vachisiya zvinoitwa nesangano kunyange patunyaya tuduku. Varatidzei kuti vanogona sei kuita kuti zvinhu zvinyatsoita muchechetere muungano nokutevedzera zvinenge zvataurwa nevakuru.

[Mufananidzo]

Vana venyu vachabatsirwa kana vakashamwaridzana nevashumiri vava nemakore vari musangano

[Mifananidzo iri papeji 26]

Vabereki nhasi vanoedza kupa mhinduro dzinogutsa pamusoro pesangano raJehovha, sezvaingoita vaIsraeri kare