Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kupa Zvikonzero—Jehovha Anokuona Sei?

Kupa Zvikonzero—Jehovha Anokuona Sei?

Kupa Zvikonzero​—Jehovha Anokuona Sei?

“MUKADZI wamakandipa kuti ave neni, andipa muchero womuti wacho ndikadya,” akadaro murume. “Nyoka—yandinyengera saka ndadya,” akadavira mukadzi. Mashoko aya akataurwa kuna Mwari nevabereki vedu vokutanga, Adhamu naEvha, ndiwo akava mavambo okupa kwevanhu tuzvikonzero.—Gen. 3:12, 13.

Mutongo wakapiwa naJehovha kuna Adhamu naEvha nokuda kwokutadza kwavo vachiziva wakaratidza pachena kuti tuzvikonzero twavo twakanga tusina musoro kwaari. (Gen. 3:16-19) Saka tobva tati here zvikonzero zvose zvinopiwa hazvina musoro kuna Jehovha? Pane zvimwe zvikonzero zvaanonzwisisa here? Kana zvakadaro, tingaziva sei musiyano? Kuti tipindure ngatimboonai kuti kupa zvikonzero kuita sei.

Kupa zvikonzero kunoitwa nomunhu achitsanangura kuti aitirei chimwe chinhu, aregererei kuchiita, kana kuti sei asiri kuzochiita. Chimwe chikonzero chinogona kunzwisisika kana munhu akundikana kuita chimwe chinhu uye chinogona kutorwa sokukumbira ruregerero kungaita kuti munhu arerutsirwe kana kuti akanganwirwe. Zvisinei, sezvakaitika kuna Adhamu naEvha, tumwe tunogona kuva tuzvikonzero kana kuti kuhwanda nomunwe. Saka sezvo kazhinji vanhu vachiwanzopa tuzvikonzero twerudzi urwu, vanhu vanowanzofungira zvisizvo panopiwa zvikonzero.

Patinopa zvikonzero, zvikurukuru panyaya dzine chokuita nokunamata kwedu Mwari, tinofanira kungwarira kuti ‘tisazvinyengera nokufunga kwenhema.’ (Jak. 1:22) Saka ngatikurukurei mimwe mienzaniso yomuBhaibheri uye mitemo ichatibatsira kuti tirambe tichiva “nechokwadi chezvinhu zvinogamuchirika kunaShe.”—VaEf. 5:10.

Zvinotarisirwa naMwari Kuti Tiite

MuShoko raMwari tinowana mirayiro yatinofanira kuteerera sevanhu vaJehovha. Somuenzaniso, murayiro wakapiwa naKristu kuti “endai munoita kuti vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi” uchiri kushanda kuvateveri vose vechokwadi vaKristu. (Mat. 28:19, 20) Kuteerera murayiro iwoyo kunokosha zvokuti muapostora Pauro akatoti: “Ndine nhamo kana ndikasazivisa mashoko akanaka!”—1 VaK. 9:16.

Kunyange zvakadaro vamwe vanhu vava nenguva yakareba vachidzidza Bhaibheri nesu vachiri kunyara kuparidza mashoko akanaka oUmambo hwaMwari. (Mat. 24:14) Vamwe vaimboita basa rokuparidza vakarega. Vanhu ivavo vasingaparidzi vanowanzopa zvikonzero zvipi? Ko nguva yakapfuura Jehovha akaita sei nevamwe vaizeza kuita zvaainge ataura kuti vaite?

Tunonzi naMwari Tuzvikonzero Twenhando

“Zvakanyanya kuoma.” Zvikuru kuvanhu vaya vanonyara, basa rokuparidza rinogona kuita serakanyanya kuoma. Asi funga zvatinogona kudzidza pamuenzaniso waJona. Akapiwa naJehovha basa raakaona serakaoma zvisingaite, rokuzivisa kuparadzwa kwaizoitwa Ninivhi. Zviri nyore kuti tione kuti sei Jona akaona iri riri basa rakaoma. Ninivhi raive guta guru reAsiriya, uye vaAsiriya vaizivikanwa sevanhu vaiva noutsinye husingaite. Jona angave akati: ‘Ndichaita sei pakati pevanhu ivavo?’ ‘Vachandiita sei?’ Nenguva isipi, akanga atiza. Asi Jehovha haana kubvuma kachikonzero kake. Panzvimbo paizvozvo akamutumazve kunoparidzira vaNinivhi. Panguva ino Jona akashinga akanoita zvaakanga atumwa, uye Jehovha akakomborera basa rake.—Jona 1:1-3; 3:3, 4, 10.

Kana uchifunga kuti basa rokuparidza mashoko akanaka rakanyanya kukuomera, yeuka kuti “zvinhu zvose zvinobvira kuna Mwari.” (Mako 10:27) Unogona kuva nechokwadi kuti Jehovha achakusimbisa ukaramba uchimukumbira kuti akubatsire uye achakukomborera kana ukava noushingi hwokuita ushumiri hwako.—Ruka 11:9-13.

“Handidi.” Ungaita sei kana uchinzwa mwoyo wako usingadi zvokuita ushumiri hwako hwechiKristu? Gara uchiziva kuti Jehovha anogona kushanda mauri oita kuti uve nechido. Pauro akati: “Mwari ndiye, ari kushanda mamuri kuti mude uye muite zvinomufadza.” (VaF. 2:13) Saka unogona kukumbira Jehovha kuti akuite kuti ude kuita kuda kwake. Ndizvo chaizvo zvakaitwa naMambo Dhavhidhi. Akateterera kuna Jehovha achiti: “Ndifambisei muchokwadi chenyu.” (Pis. 25:4, 5) Unogona kuitawo saizvozvo nokunyengetera nemwoyo wose kuti Jehovha akuite kuti ude kuita zvinomufadza.

Zvinonzwisisika kuti kana takaneta kana kuti takaora mwoyo, dzimwe nguva tingatoita zvekuzvimanikidza kuti tipinde misangano paImba yoUmambo kana kuti tibude muushumiri. Kana zvakadaro tinofanira kubva tafunga kuti hatinyatsodi Jehovha here? Kana. Vashumiri vaMwari vakatendeka vekare vaitotamburirawo kuti vaite kuda kwaMwari. Somuenzaniso, Pauro akati aiita ‘seairwadzisa muviri wake’ kuti ateerere mirayiro yaMwari. (1 VaK. 9:26, 27) Saka kunyange kana tichiita zvokuzvimanikidza kuita ushumiri, tine chokwadi kuti tichakomborerwa naJehovha. Sei achitikomborera? Nokuti tiri kuzvimanikidza kuita kuda kwaMwari nechikonzero chakanaka, chokuti tinoda Jehovha. Kana tadaro tinenge tapa mhinduro kumashoko aSatani okuti vashumiri vaMwari vanomusiya kana vasangana nemiedzo.—Job. 2:4.

“Ndakabatikana.” Kana usingabudi muushumiri nokuti unofunga kuti wakanyanya kubatikana, zvinokosha zvikuru kuti uongorore kuti ndezvipi zvauri kuisa pakutanga. Jesu akati: “Rambai muchitanga kutsvaka umambo.” (Mat. 6:33) Kuti utevedzere mutemo uyu, unofanira kuita kuti upenyu hwako husava nezvakawanda kana kuti kubvisa imwe nguva pavaraidzo woishandisa paushumiri. Zvinonzwisisika kuti tinoda imwe nguva yokuvarairwa uye kuita zvimwe zvinhu, asi izvozvi hazvifaniri kuva tuzvikonzero twokurega kuita ushumiri hwedu. Mushumiri waMwari anoisa Umambo hwaMwari pakutanga muupenyu.

“Handinyatsozvikwanisi.” Unogona kufunga kuti haukodzeri kuva mushumiri wemashoko akanaka. Vamwe vashumiri vaJehovha vakatendeka vekare vakafunga kuti vakanga vasingakwanisi kuita mamwe mabasa avakanga vapiwa naJehovha. Funga nezvomuenzaniso waMosesi. Paakaudzwa kuti aite rimwe basa naJehovha, Mosesi akati: “Pamusoroi, Jehovha, asi ini handisi munhu anogona kutaura zvakanaka, kubvira nezuro kana kubvira kare kana kubvira pamakataura nomushumiri wenyu, nokuti ndinondandamira uye ndine chirimi.” Kunyange zvazvo Jehovha akamuvimbisa kuti aizova naye, Mosesi akapindura kuti: “Pamusoroi, Jehovha, ndapota, asi tumai henyu mumwe, chero wamuchatuma.” (Eks. 4:10-13) Jehovha akaita sei?

Jehovha haana kuti Mosesi achirega kuita basa racho. Zvisinei, Jehovha akagadza Aroni kuti abatsire Mosesi pakuita basa racho. (Eks. 4:14-17) Uyezve mumakore akazotevera, Jehovha akatsigira Mosesi achimupa zvose zvaaida kuti abudirire pakuita basa raakanga apiwa naMwari. Nhasi uno, unogona kuva nechokwadi kuti Jehovha achaita kuti vamwe vaKristu vagara nebasa vakubatsire kuita ushumiri hwako. Chinokosha kupfuura zvose ndechokuti Shoko raMwari rinotivimbisa kuti Jehovha achaita kuti tikwanise kuita zvaakatituma.—2 VaK. 3:5; ona bhokisi rakanzi  “Makore Andakafara Kupfuura Mamwe Ose Muupenyu.”

“Pane munhu akandigumbura.” Vamwe vanorega ushumiri kana kuti kupinda misangano nokuti vakagumburwa, vachifunga kuti Jehovha haangambotadzi kunzwisisa chikonzero chavo chokurega kunamata. Kunyange zvazvo zvichinzwisisika kuti tinotsamwa kana mumwe munhu atitadzira, chingabva chava chikonzero chinonzwisisika here chokusiya mabasa echiKristu? Pauro nemumwe waainamata naye, Bhanabhasi, vanogona kunge vakagumburana pavakatadza kuwirirana pane imwe nyaya ‘vakatsamwirana kwazvo.’ (Mab. 15:39) Asi pane mumwe wavo akabva asiya ushumiri here? Kana!

Iwewo kana wakagumburwa neimwe hama, yeuka kuti muvengi wako haisi hama yako yechiKristu asi kuti ndiSatani, uyo ari kuda kukuparadza. Zvisinei Dhiyabhorosi haasi kuzobudirira kana iwe ‘ukamurwisa, wakasimba pakutenda.’ (1 Pet. 5:8, 9; VaG. 5:15) Kana uine kutenda kwakadaro, hauzombofi ‘wakaodzwa mwoyo.’—VaR. 9:33.

Kana Tisingagoni Kuita Zvakawanda

Kubva patuzvikonzero twatakurukura zviri pachena kuti hapana chikonzero chinobva muMagwaro chinonzwisisika chokurega kuita zvatinenge tatumwa naJehovha, kusanganisira basa rokuparidza mashoko akanaka. Kunyange zvakadaro, panogona kuva nezvikonzero zvinonzwisisika zvinotitadzisa kuita zvakawanda muushumiri hwedu. Mamwe mabasa atinonzi neMagwaro tinofanira kuita anogona kuderedza nguva yatinoita basa rokuparidza. Uyewo pane pamwe patinonzwawo kuti zvechokwadi takaneta kana kuti tiri kurwara zvokuti hatichakwanisi kuita zvakawanda sezvataizoda kuita mubasa raJehovha. Zvisinei, Shoko raMwari rinotivimbisa kuti Jehovha anoziva chido chedu uye anonzwisisa zvatisingagoni kuita.—Pis. 103:14; 2 VaK. 8:12.

Saka tinofanira kungwarira kuti tirege kuzvitongesa kana kuti kutongesa vamwe panyaya idzi. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Ndiwe ani kuti utonge mushandi womumba womumwe munhu? Iye anomira kana kuti anowa pamberi patenzi wake.” (VaR. 14:4) Panzvimbo pokuenzanisa mamiriro edu ezvinhu neevamwe, tinofanira kuyeuka kuti “mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.” (VaR. 14:12; VaG. 6:4, 5) Patinotaura naJehovha mumunyengetero tichimuudza zvikonzero zvedu, mumwe nomumwe wedu anofanira kuzviita ne“hana yakatendeseka.”—VaH. 13:18.

Chinoita Kuti Kushumira Jehovha Kutifadze

Tose tinokwanisa kushumira Jehovha nomufaro unobva pasi pemwoyo nokuti zvaanoda kwatiri, pasinei nemamiriro edu ezvinhu, zvagara zvichinzwisisika uye zvichikwanisika. Sei tingadaro?

Shoko raMwari rinoti: “Usarega kuitira zvakanaka vaya vanofanira kuitirwa zvakanaka, kana ruoko rwako ruine simba rokuzviita.” (Zvir. 3:27) Wacherechedzei pachirevo ichi nezvezvinodiwa naMwari? Jehovha haakupi murayiro wokuedza kuita zviri musimba reruoko rwehama yako asi kuti umushumire nesimba rine ruoko rwako. Izvi zvinoreva kuti mumwe nomumwe wedu anogona kushumira Jehovha nemwoyo wose, pasinei nokuti simba reruoko rwedu ishoma kana kuti rakawanda.—Ruka 10:27; VaK. 3:23.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 14]

 “Makore Andakafara Kupfuura Mamwe Ose Muupenyu”

Kunyange kana miviri yedu kana pfungwa zvisisakwanisi kuita zvakawanda, hatifaniri kukurumidza kufunga kuti izvi zvichatitadzisa kushanda zvakazara muushumiri. Somuenzaniso funga zvakaitika kuna Ernest, imwe hama yechiKristu yokuCanada.

Ernest akanga asingagoni kunyatsotaura uye ainyara zvokuti. Paakakuvara musana zvakaipisisa, aifanira kusiya basa rake rokuvaka. Kunyange zvazvo akanga aremara, mamiriro ake ezvinhu akanga ava kumuwanisa nguva yakati wandei muushumiri. Kurudziro yakapiwa kumisangano yeungano yokutora upiyona hwebetsero yakamubaya mwoyo. Zvisinei, aiona seasingambokwanisi ushumiri hwakadaro.

Achida kuona kuti akanga asingakwanisi upiyona hwebetsero zvechokwadi here, akahutora kwemwedzi mumwe chete. Akashamiswa aona achisvitsa maawa ake zvakanakanaka. Akazofunga kuti, ‘Kuti ndingagona kuzvidzokorora?’ Kuti aone kana zvaikwanisika akatora mumwe mwedzi wechipiri, akabudirira zvakare.

Ernest akazoita upiyona hwebetsero kwegore, asi akati, “Chokwadi ndinonyatsoziva kuti handimbokwanisi upiyona hwenguva dzose.” Achida kuona kana zvaiita, akanyora fomu reupiyona hwenguva dzose. Zvakamushamisa paakaona achipedza gore rokutanga ari piyona wenguva dzose. Akasarudza kuenderera mberi uye akafara kushumira sapiyona wenguva dzose kwemakore maviri, kusvikira azofa nokurwara kwaikonzerwa nokukuvara kwaakanga aita. Zvisinei, asati afa, aiwanzotaura misodzi iri mumaziso kuvanhu vaiuya kuzomuona achiti, “Makore iwayo andakashumira Jehovha sapiyona ndiwo makore andakafara kupfuura mamwe ose muupenyu hwangu.”

[Mufananidzo uri papeji 13]

Tinogona kukurira chimhingamupinyi chero chipi chingada kutitadzisa ushumiri

[Mufananidzo uri papeji 15]

Jehovha anofadzwa patinomushumira nemwoyo wose, tichiita zvose zvinobvumirwa nemamiriro edu ezvinhu