Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuramba Ndakabatikana Musangano raJehovha

Kuramba Ndakabatikana Musangano raJehovha

Kuramba Ndakabatikana Musangano raJehovha

Yakataurwa naVernon Zubko

NDAKAKURIRA pane imwe purazi pedyo neStenen, musha uri muruwa rweSaskatchewan, kuCanada. Vabereki vangu, Fred naAdella, vaishanda nesimba kuti vatibatsire kunamata uye vatiriritire ini nehanzvadzi yangu yandaitevedzera Aurellia, nevamwe vaduku kwandiri Allegra, Alvin naDaryl. Nanhasi tichiri kutenda vabereki vedu nokutidzidzisa kwavakaita chokwadi.

Baba, avo vaiva muKristu akazodzwa vaiva muparidzi asingatyi. Vaishanda zvakaoma kuti vawane chouviri, asi vaida kuva nechokwadi kuti munhu wose aiziva kuti vaive Chapupu. Vaigara vachitaura nezvechokwadi. Handifi ndakakanganwa muenzaniso wavo wokushingaira noushingi. Vaigara vachindiudza kuti, “Ukagara wakabatikana musangano raJehovha uchanzvengana nematambudziko akawanda.”

Taiwanzoparidza mumigwagwa muStenen nemisha yakapoteredza. Izvi zvaimbondiomera. Guta rimwe nerimwe raive nendururani dzemo, dzaigona kuuya kwatiri vechiduku dzotiseka. Mumwe musi ndichiine makore masere ndakasvikirwa nechikwata chevechiduku ndakamira pakona nemagazini angu eNharireyomurindi neMukai! Vakahwapura heti yangu itsva yandakanga ndakapfeka ndokuiisa pabango raive parutivi pangu. Ndakatozoponeswa neimwe hama yakanga yakanditarisa ikaona zvaiitika. Akasvika ndokubvunza, “Vern, chii chiri kuitika?” Vakomana vacho vakabva vanyangarika. Kunyange zvazvo nyaya yacho yakandigumbura, yakandidzidzisa kuti kana uchiparidza mumugwagwa unofanira kufamba-famba kwete kungoramba wakati tumbi kunge wakaroverwa hoko. Izvi zvandaidzidza mumakore ouduku zvakazondipa ushingi hwandaifanira kuva nahwo kuti ndiende paimba nemba.

Ini naAlvin takabhabhatidzwa muna May 1951. Ndaive nemakore 13. Ndichiri kuyeuka kuti Hama Jack Nathan, avo vakapa hurukuro yorubhabhatidzo, vakatikurudzira kuti tisamborega mwedzi uchipfuura tisina kutaura nezvaJehovha. * Mumhuri medu kupayona kwaitorwa sebasa rakanakisisa rokuita muupenyu. Saka muna 1958, pandakapedza chikoro, ndakatamira kuWinnipeg, iri kuManitoba, kuti ndinopayona. Kunyange zvazvo baba vaifara kushanda neni mubhizimisi remhuri rokugadzira mapuranga okuveza, ivo naamai vaikurudzira zvikuru basa renguva yakazara saka vakanditsigira pandakatama.

Musha Mutsva Uye Wokushanda Naye Mutsva

Muna 1959, hofisi yebazi yakakumbira kana paiva nevaida kutamira kuQuebec, kwaidiwa vamwe vaparidzi. Ndakaenda kunopayona kuMontreal. Uku kwaiva kuchinja kunoshamisa! Ndakatanga kudzidza chiFrench uye kudzidza dzimwe tsika dzokunzvimbo yacho. Mutariri wedu wedunhu akandiudza kuti, “Usambofa wakati, ‘Kumusha kwedu taizviita tichidai.’” Iroro raive zano rakanaka.—1 VaK. 9:22, 23.

Pandakatamira kuQuebec ndakanga ndisina mumwe piyona wokushanda naye. Asi imwe hanzvadzi yainzi Shirley Turcotte, yandakanga ndasangana nayo kuWinnipeg, yakazova mumwe wangu wokupayona naye zvachose patakaroorana muna February 1961. Naiyewo aibva kumhuri yaida Jehovha. Panguva iyoyo ndakanga ndisingambofungi kuti aizondisimbisa uye kundikurudzira zvakadaro kwemakore akawanda.

Kunoparidza kuGaspé

Makore maviri pashure pomuchato wedu, takagadzwa semapiyona chaiwo kuRimouski, kuQuebec. Chirimo chakatevera, hofisi yebazi yakatikumbira kuenda kuGaspé Peninsula, iri kumahombekombe eCanada ari kumabvazuva. Chinangwa chacho chaiva chokudyara mbeu dzechokwadi dzakawanda sedzataikwanisa. (Mup. 11:6) Takazadza motokari yedu nemagazini 1 000 uye mabhuku anoda kusvika 400, nezvokudya nezvipfeko, ndokuenda kunoparidza kwemwedzi wose. Takanyatsotevedza tumisha twose turi muGaspé. Nhepfenyuro yemo yeredhiyo yakanyevera kuti Zvapupu zvaiuya ikaudza vanhu kuti vasabvuma mabhuku edu. Zvisinei, vanhu vakawanda havana kunyatsonzwisisa chiziviso chacho saka vakanzwa sechaitoshambadzira mabhuku edu, saka vakaagamuchira.

Mumakore iwayo mune dzimwe nzvimbo dzeQuebec kuparidza takasununguka kwakanga kusati kwajairirwa, zvokuti zvakanga zvisingashamisi kumiswa nemapurisa. Izvi zvakamboitika mune rimwe guta mataigovera mabhuku padzimba dzose. Mumwe mupurisa akati tiende naye kukamba, tikabvuma. Ndakanzwa kuti gweta reguta iroro rakanga rapa mutemo wokuti tirambidzwe kuparidza. Sezvo mukuru wemapurisa akanga asipo zuva iroro, ndakapa gweta iroro tsamba yakanga yakanyorwa zvose yaibva kuhofisi yebazi muToronto yaitsanangura kodzero yedu yokuparidza. Parakaverenga tsamba yacho, gweta riya rakabva rati: “Unoziva chii, ini handidi zvinhu zvinondinetsa. Mupristi wemuguta rino ndiye akandiudza kuti ndikurambidzei.” Sezvo taida kuti vanhu vomundima iyi vazive kuti basa redu rakanga richibvumirwa nomutemo, takakurumidza kudzokera kwatakanga tamisirwa nemapurisa tikaenderera mberi noushumiri hwedu.

Mangwanani akatevera patakadzokera kunoona mukuru wemapurisa, akashatirwa paakanzwa kuti takanga tamiswa. Akaridzira gweta riya runhare achivava! Mukuru wemapurisa akatiudza kuti kana paine anenge atinetsa, tinofanira kumufonera ogadzirisa nyaya yacho. Kunyange zvazvo taive mabvakure uye chiFrench chedu chaive chokutambudzikira, takaona kuti vanhu vacho vaiva nemutsa uye vaigamuchira vaeni. Asi taingoti, ‘Vachazomboziva chokwadi here vanhu ava?’ Mhinduro yomubvunzo uyu takazoiwana papera makore akawanda patakadzoka kuzovaka Dzimba dzoUmambo muGaspé yose. Takaona kuti vakawanda vatakapupurira vava hama dzedu. Zvechokwadi Jehovha ndiye anoita kuti zvikure.—1 VaK. 3:6, 7.

Takawana Nhaka

Mwanasikana wedu Lisa akaberekwa muna 1970. Iyi nhaka yatakawana kuna Jehovha yakawedzera mufaro wedu. Ndakashanda naLisa naShirley pakuvaka Dzimba dzoUmambo. Pakapedza Lisa chikoro akati: “Amai naBaba, sezvo ndakaita kuti musiye basa renguva yakazara kwekanguva, ndava kuda kutsiva nguva iyoyo nokutora upiyona.” Iye zvino apfuura makore 20 achipayona, asi iye zvino ava kupayona nomurume wake, Sylvain. Vakava neroparadzo yokuita basa rokuvaka munyika dzakasiyana-siyana. Chinangwa chedu semhuri ndechokuti upenyu hwedu husava nezvakawanda tichibvuma kushandiswa naJehovha. Handisati ndakanganwa mashoko aLisa paakatanga kupayona. Ndingati zvaakaita zvakandipa shungu dzokudzoka mubasa renguva yakazara muna 2001, uye ndichiri kupayona kubvira ipapo. Kupayona kuri kuramba kuchindidzidzisa kuvimba naJehovha pazvose zvandinoita uye kurarama upenyu hwokusava nezvakawanda asi hunogutsa uye hunonakidza.

Basa Rokuvaka Rinoda Munhu Ane Rudo, Akavimbika uye Akatendeka

Jehovha akandidzidzisa kuti tikabvuma kushandiswa pabasa chero ripi raanenge atipa, tinokohwa zvikomborero zvakawanda. Kushanda muDare Rokuvaka Romunharaunda uye kuvaka munzvimbo dzakasiyana-siyana nehama nehanzvadzi muQuebec yose nedzimwe nzvimbo chikomborero chaicho.

Kunyange zvazvo vamwe vanovaka vangasapa hurukuro dzinonwisa mvura pachikuva, kana vachivaka Dzimba dzoUmambo vanopenya senyeredzi. Idzi hama dzinodiwa dzinoshanda nemwoyo wose uye zvipo zvavo zvinova pachena. Izvi zvinoita kuti pabude chivako chakanaka chinoshandiswa pakunamata Jehovha.

Ndakambobvunzwa kuti, “Munhu anoshanda panovakwa Imba yoUmambo anofanira kuva munhu akaita sei?” Kubva pane zvandakazvionera ndoga, chokutanga munhu akadaro anofanira kuda Jehovha neMwanakomana wake uye hama dzose. (1 VaK. 16:14) Chechipiri anofanira kuva akavimbika uye akatendeka. Kana zvinhu zvikasaenda nepataida, sezvo izvozvo zvichiitika, munhu akavimbika acharamba achitsigira urongwa hwesangano. Kutendeka kuchaita kuti azvipire kushanda pamamwe mabasa achatevera.

Ndinotenda Jehovha

Kunyange zvazvo baba vakafa muna 1985, zano ravakandipa rokuti ndigare ndakabatikana musangano raJehovha harisati rabva mupfungwa dzangu. Iye zvino vanofanira kunge vakabatikana, sevamwe vose vakawana basa ravo musangano raJehovha rokudenga. (Zvak. 14:13) Amai vava nemakore 97. Havachagoni kunyatsotaura sezvavaiita nemhaka yesitiroko; kunyange zvakadaro vachiri kuziva Bhaibheri. Pavanotinyorera vanoisa magwaro uye vanotikurudzira kuramba tichishumira Jehovha takatendeka. Tose isu vana hatizivi kuti tingatenda sei kuti takapiwa vabereki vane rudo zvakadaro!

Ndinotendawo Jehovha nokundipa Shirley, mudzimai uye munhu wokushanda naye akatendeka. Anogara achiyeuka zano raakapiwa naamai vake rokuti, “Vern achange akabatikana chaizvo muchokwadi, uye uchafanira kudzidza kumusiyirawo vamwe.” Patakaroorana makore 49 apfuura, takati taizofanira kuchembedzana, tichishumira Jehovha, uye kana tikapona panoguma nyika ino, todzoka pakuva vaduku tose tichiramba tichimushumira nokusingaperi. Chokwadi tanga tiine “zvizhinji zvokuita mubasa raShe.” (1 VaK. 15:58) Jehovha anga achititarisira uye achiva nechokwadi kuti hapana chatinoshayiwa.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 6 Nyaya youpenyu yaJack Halliday Nathan iri muNharireyomurindi yaSeptember 1, 1990, mapeji 10-14.

[Mufananidzo uri papeji 31]

“Chinangwa chedu semhuri ndechokuti upenyu hwedu husava nezvakawanda tichibvuma kushandiswa naJehovha”