Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Ndiani Akasvika Pakuziva Pfungwa dzaJehovha?”

“Ndiani Akasvika Pakuziva Pfungwa dzaJehovha?”

“Ndiani Akasvika Pakuziva Pfungwa dzaJehovha?”

“‘Ndiani akasvika pakuziva pfungwa dzaJehovha, kuti amurayiridze?’ Asi isu tine pfungwa dzaKristu.”—1 VAK. 2:16.

1, 2. (a) Idambudziko ripi rine vakawanda? (b) Chii chatinofanira kuyeuka nezvemafungiro edu neaJehovha?

WAKAMBOONA here kuoma kwazvakaita kunzwisisa kuti mumwe munhu anofunga sei? Pamwe uchangobva kuroora kana kuroorwa, uye unofunga kuti haumbofi wakanzwisisa kuti murume wako kana kuti mudzimai anofunga sei. Zvechokwadi varume nevakadzi vanofunga uye vanototaura zvakasiyana. Kune dzimwe nzvimbo varume vanototaura rimwe bazi romutauro rakasiyana nerinotaurwa nevakadzi asi mutauro wacho uri mumwe chete! Uyezve kusiyana kwekwatakabva uye mitauro yedu zvinoita kuti mafungiro edu asiyane. Zvisinei, kuwedzera kwaunoita kuziva vamwe, kunoitawo kuti uwedzere kunzwisisa mafungiro avo.

2 Saka hazvifaniri kutishamisa kuti mafungiro edu akasiyana nokure neaJehovha. Achishandisa muprofita Isaya, Jehovha akaudza vaIsraeri kuti: “Kufunga kwenyu hakusi kufunga kwangu, uyewo nzira dzangu hadzisi nzira dzenyu.” Achienzanisira chokwadi ichi Jehovha akaenderera mberi achiti: “Nokuti sokukwirira kwakaita matenga kupfuura nyika, saizvozvowo nzira dzangu dzakakwirira kupfuura nzira dzenyu, uye kufunga kwangu kupfuura kufunga kwenyu.”—Isa. 55:8, 9.

3. Inzira dzipi mbiri dzaungaedza nadzo kuva “shamwari yepedyo yaJehovha”?

3 Asi izvi zvinoreva here kuti hatitombofaniri kuedza kunzwisisa mafungiro aJehovha? Kwete. Kunyange zvazvo usingambofi wakanzwisisa zvakazara pfungwa dzose dzaJehovha, Bhaibheri rinokukurudzira kuva “shamwari yepedyo yaJehovha.” (Verenga Pisarema 25:14; Zvirevo 3:32.) Imwe nzira yatinogona kuswedera nayo pedyo naJehovha ndeyokuremekedza uye kucherechedza mabasa ake akanyorwa muShoko rake Bhaibheri. (Pis. 28:5) Imwezve nzira ndeyokuedza kuziva “pfungwa dzaKristu” anova ndiye “mufananidzo waMwari asingaoneki.” (1 VaK. 2:16; VaK. 1:15) Tikava nenguva yokudzidza nhoroondo dzeBhaibheri nokufungisisa nezvadzo, tinogona kutanga kunzwisisa zvakaita Jehovha uye mafungiro ake.

Ngwarira Kuona Mwari Somunhuwo Zvake

4, 5. (a) Ipfungwa ipi isina kururama yatisingadi kuva nayo? Tsanangura. (b) VaIsraeri vakava nemafungiro api asina kururama?

4 Sezvatinofungisisa nezvemabasa aJehovha, tinoda kusiyana nepfungwa yokuedza kumunzwisisa maererano nemafungiro edu vanhu. Mafungiro aya anotaurwa mumashoko aJehovha akanyorwa pana Pisarema 50:21: “Wakafunga kuti chokwadi ndaizoita sewe.” Regai imwe nyanzvi yeBhaibheri yakazotaura makore anopfuura 175 apfuura ichiti: “Vanhu vanowanzoda kuona Mwari nemaonero avo, vachimutora seanotadziswa kuita zvimwe zvinhu nemitemo yavo yavanofunga ivo kuti yakanaka.”

5 Tinoda kungwarira kuti tisafunga nezvaJehovha tichishandisa maonero edu uye zvido zvedu. Sei izvozvo zvichikosha? Sezvatinodzidza Magwaro, tinogona kuona zvimwe zvinhu zvakaitwa naJehovha sezvisina kunyatsoti twasu pamaonero edu sevanhu vasina kukwana. VaIsraeri vekare vakava nemafungiro akadaro vakatanga kuona zvavaiitirwa naJehovha sezvisina kururama. Cherechedza zvakataurwa naJehovha kwavari: “Zvino imi muchati: ‘Nzira yaJehovha haina kururama.’ Ndapota inzwai, haiwa imi imba yaIsraeri. Nzira yangu haina kururama here? Nzira dzenyu hadzisi idzo dzisina kururama here?”—Ezek. 18:25.

6. Jobho akawana chidzidzo chei, uye tingabatsirwa sei nezvakaitika kwaari?

6 Kuti tisaona Jehovha semaonero atinoita vanhuwo zvavo tinofanira kuziva kuti kunzwisisa kwedu kune pakunogumira uye dzimwe nguva kwakatorasika. Jobho aifanira kudzidza chidzidzo ichi. Jobho akatambura zvokupererwa nezano akasvika pakungofunga nezvake iye chete. Akanga asisafunge nezvedzimwe nyaya dzinokosha. Asi Jehovha akamubatsira norudo kuti agadzirise maonero ake. Akabvunza Jobho mibvunzo inopfuura 70 yaasina kana kumbokwanisa kupindura, achimuratidza kuti ane zvaakanga asiri kunzwisisa. Jobho akadavira achizvininipisa, akachinja maonero aaiita.—Verenga Jobho 42:1-6.

Kuwana “Pfungwa dzaKristu”

7. Sei tichibatsirwa kunzwisisa mafungiro aJehovha kana tikaongorora zvakaitwa naJesu?

7 Jesu ainyatsotevedzera Baba vake pazvose zvaaitaura nezvaaiita. (Joh. 14:9) Saka kuongorora zvakaitwa naJesu kunotibatsira kunzwisisa mafungiro aJehovha. (VaR. 15:5; VaF. 2:5) Saka ngationgororei nhoroondo mbiri dzeEvhangeri.

8, 9. Sezvakanyorwa pana Johani 6:1-5, chii chakanga chaitika chakazoita kuti Jesu abvunze Firipi mubvunzo, uye Jesu akazviitirei?

8 Fungidzira zviri kuitika. Paseka ya32 C.E. yakanga yava pedyo. Vaapostora vaJesu vakanga vachangobva kurwendo rwainakidza rwokuparidza muGarireya yose. Sezvo vakanga vaneta nebasa iri, Jesu akaenda navo kunzvimbo iri yoga kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva kwemahombekombe eGungwa reGarireya. Zvisinei, zviuru zvevanhu zvakavatevera. Jesu apedza kuporesa gurusvusvu iri revanhu nokuridzidzisa zvinhu zvakawanda, pakava nedambudziko. Vanhu vose ivavo vaizowanirwa kupi zvokudya kunzvimbo iri kwayo yoga kudaro? Achiziva dambudziko racho, Jesu akabvunza Firipi, uyo aibva kunzvimbo iyoyo kuti: “Tichatenga kupi zvingwa zvokuti ava vadye?”—Joh. 6:1-5.

9 Jesu akabvunzirei Firipi mubvunzo uyu? Jesu akanga apererwa nezano here? Kwete. Aimbofunga sei ipapa? Muapostora Johani, uyo aivapowo anotsanangura kuti: “[Jesu] akanga achitaura izvi kuti amuedze, nokuti iye aiziva zvaakanga ava kuda kuita.” (Joh. 6:6) Pano Jesu aida kuona kuti kutenda kwevadzidzi vake kwakanga kwasimba zvakadini. Kubvunza mubvunzo uyu kwakaita kuti avape mukana wokuratidza kuti vaitenda zvakadini zvaaikwanisa kuita. Asi havana kushandisa mukana uyu saka vakaratidza kuti maonero avo akanga achigumira pedyo zvikuru. (Verenga Johani 6:7-9.) Jesu akazovaratidza kuti aigona kuita chimwe chinhu chavakanga vasina kumbofungidzira. Akaita chishamiso chokupa zviuru izvozvo zvaive nenzara zvokudya.—Joh. 6:10-13.

10-12. (a) Jesu angave akaregererei kuitira mukadzi wechiGiriki zvaakanga akumbira pakarepo? Tsanangura. (b) Iye zvino tichada kukurukurei?

10 Nhoroondo iyi inogona kutibatsira kunzwisisa mafungiro aJesu pane chimwezve chiitiko. Achangopa gurusvusvu revanhu iri zvokudya, Jesu nevaapostora vake vakananga kuchamhembe, vakapfuura miganhu yenyika yeIsraeri, kunharaunda yeTire neSidhoni. Vari ikoko, vakasangana nomumwe mukadzi wechiGiriki akakumbira Jesu kuti aporesewo mwanasikana wake. Pakutanga Jesu haana kumbomudavira. Asi paakaramba achingokumbira, Jesu akati kwaari: “Rega vana vatange vaguta, nokuti hazvina kunaka kutora chingwa chevana wochikandira imbwa duku.”—Mako 7:24-27.

11 Jesu akatangirei amboramba kubatsira mukadzi uyu? Jesu aimuedza, sezvaakaita Firipi, kuti aone kuti aizoita sei, achimupa mukana wokuratidza kutenda kwake? Izwi rake paaitaura, kunyange zvazvo risingaratidzwi pane zvakanyorwa, raisava rokumuodza mwoyo. Mashoko aakashandisa okuti “imbwa duku” aiita kuti mukadzi uyu asabva aona seatorwa sembwa chaiyo. Saka zvichida Jesu aiita zvinoitwa nomubereki ari kuda kuitira mwana zvaakumbira asi asingadi kuti mwana wacho azive kuti ndizvo zvaari kuda kumuitira, achida kuti amboona kana mwana wake ari kukumbira nemwoyo wose. Chingava chero chikonzero chipi chaakazviitira, Jesu akaitira mukadzi uyu zvaakakumbira paakangoratidza kutenda kwake.—Verenga Mako 7:28-30.

12 Nhoroondo mbiri idzi dzeEvhangeri dzinotiwanisa nzwisiso inokosha pamusoro pe“pfungwa dzaKristu.” Ngationei kuti nhoroondo idzi dzinogona sei kutibatsira kunzwisisa mafungiro aJehovha zviri nani.

Kukurukura Kwakaita Jehovha naMosesi

13. Kunzwisisa mafungiro aJesu kunotibatsira sei?

13 Kunzwisisa mafungiro aJesu kunotibatsira kunzwisisa dzimwe ndima dzeMagwaro dzisiri nyore kunzwisisa. Somuenzaniso, funga mashoko akataurwa naJehovha kuna Mosesi pakanga paumbwa nevaIsraeri mhuru yendarama. Mwari akati: “Ndatarira vanhu ava ndikaona kuti vanhu vane mitsipa yakaoma. Naizvozvo ndisiye ndakadaro, kuti hasha dzangu dzivamukire uye ndivatsakatise, uye rega ndiite kuti iwe uve rudzi rukuru.”—Eks. 32:9, 10.

14. Mosesi akatii pane zvakanga zvataurwa naJehovha?

14 Nhoroondo yacho inoenderera mberi ichiti: “Mosesi akatsvaka kuti Jehovha Mwari wake anzwe nyasha, akati: ‘Haiwa Jehovha, nei hasha dzenyu dzichifanira kumukira vanhu venyu vamakabudisa munyika yeIjipiti nesimba guru uye noruoko rune simba? Neiko vaIjipiti vachifanira kuti, “Akavabudisa achivavarira kuita zvakaipa kuti avaurayire mumakomo, uye kuti avatsakatise panyika”? Dzorai hasha dzenyu huru muzvidembe pamusoro pokuitira vanhu venyu zvakaipa. Yeukai Abrahamu, Isaka naIsraeri vashumiri venyu, vamakapikira muchipika nemi pachenyu, zvamakati kwavari, “Ndichaita kuti vana venyu vawande senyeredzi dzokumatenga, ndichapa vana venyu nyika yose iyi yandakasarudza, kuti vaiite yavo nokusingagumi.”’ Zvino Jehovha akazvidemba pamusoro pezvakaipa zvaakanga ataura kuti aizoitira vanhu vake.”—Eks. 32:11-14. *

15, 16. (a) Mukana upi wakava naMosesi pamusana pezvakanga zvataurwa naJehovha? (b) Jehovha “akazvidemba” mupfungwa ipi?

15 Zvechokwadi Jehovha aifanira kugadziridzwa mafungiro ake naMosesi here? Kana nepaduku pose! Kunyange zvazvo Jehovha akataura zvaaigona kuita, haana kuti akanga ava kutozviita. Apa Jehovha aitoedza Mosesi, sezvakazoitwa naJesu kuna Firipi nokumukadzi uya muGiriki. Mosesi akapiwa mukana wokuratidza mafungiro ake. * Jehovha akanga agadza Mosesi kuti ave murevereri pakati pake nevaIsraeri, uye Jehovha airemekedza kugadza kwaakanga aita Mosesi pabasa iroro. Mosesi aizovhiringwa zvokutadza kuziva zvokuita here? Aizoti dzawira mutswanda here okurudzira Jehovha kuti asiyane nevaIsraeri oitwa iye rudzi rukuru?

16 Matauriro akaita Mosesi akaratidza kutenda kwake uye kuvimba kwake nematongero aJehovha akarurama. Akaratidza kuti akanga asingangozvifungi iye, asi aiva nehanya nezita raJehovha. Akanga asingadi kuti rizvidzwe. Saka Mosesi akaratidza kuti ainzwisisa “pfungwa dzaJehovha” panyaya iyi. (1 VaK. 2:16) Saka zvakazofamba sei? Nhoroondo yacho yakafuridzirwa inoti Jehovha “akazvidemba” pane zvaakanga ataura nokuti akanga asina kumboti ava kutoita chimwe chinhu. MuchiHebheru, shoko iri rinogona kungoreva kuti Jehovha akangorega kuita zvinhu zvaakanga ataura kuti aigona kuitira rudzi rwacho rwose.

Kukurukura Kwakaita Jehovha naAbrahamu

17. Jehovha akaratidza sei mwoyo murefu zvikuru paaitaura naAbrahamu?

17 Mumwe muenzaniso unoratidza kubvumira kunoita Jehovha vashumiri vake mukana wokuratidza kutenda kwavo uye kuvimba naye unosanganisira chikumbiro chaAbrahamu pamusoro peSodhoma. Munhoroondo iyoyo, Jehovha akaratidza mwoyo murefu zvikuru nokurega Abrahamu achimubvunza mibvunzo misere. Pane pamwe panoteterera Abrahamu zvinobva mukatikati memwoyo achiti: “Hamungambofungi kuita saizvozvi, kuuraya munhu akarurama pamwe chete neakaipa kuti akarurama aitirwe zvinoitirwa akaipa! Hamungambofungi zvakadaro. Mutongi wenyika yose haasi kuzoita zvakarurama here?”—Gen. 18:22-33.

18. Tinodzidzei pamatauriro akaita Jehovha naAbrahamu?

18 Tinodzidzei munhoroondo iyi nezvemafungiro aJehovha? Jehovha aitoda kubatsirwa naAbrahamu kuti aite chisarudzo chakarurama here? Kwete. Jehovha aingogona kutaura pakutanga chaipo chikonzero chezvaaida kuita. Asi achimupa mukana wokubvunza mibvunzo iyi, Jehovha akapa Abrahamu nguva yokuti asvike pakunzwisisa chisarudzo chacho uye mafungiro ake. Zvakabatsirawo Abrahamu kunzwisisa kudzama kwakaita tsitsi dzaJehovha uye matongero ake akarurama. Jehovha akataura naAbrahamu seari kutaura neshamwari yake.—Isa. 41:8; Jak. 2:23.

Zvatinodzidza

19. Tingatevedzera sei Jobho?

19 Tadzidzei nezve“pfungwa dzaJehovha”? Tinofanira kubvumira kuti Shoko raMwari riumbe manzwisisiro atinoita pfungwa dzaJehovha. Hatifaniri kuona Jehovha seasingagoni kuita zvinhu sokusagona kwatinoita, tichimuona nemafungiro edu sevanhu. Jobho akati: “[Mwari] haasi munhu akaita seni kuti ndimupindure, kuti titongane.” (Job. 9:32) Kufanana naJobho, patinotanga kunzwisisa pfungwa dzaJehovha, hatimbotadzi kutaura sezvaakaita kuti: “Tarirai! Aka kanongova kachikamu kadukuduku kenzira dzake, uye tinongonzwa zevezeve rokutaura kwake! Asi ndiani anganzwisisa kutinhira kwake kune simba?”—Job. 26:14.

20. Tinofanira kuita sei kana tikasangana nendima iri muMagwaro isiri nyore kunzwisisa?

20 Patinenge tichiverenga Magwaro, tinofanira kuita sei kana tikasangana nendima dzisiri nyore kunzwisisa, zvikurukuru nezvemafungiro aJehovha? Kana tatsvakurudza, tikasara tisina kuwana mhinduro yakajeka, tinogona kuzviona sokuedzwa kuti tinovimba sei naJehovha. Ngatiyeukei kuti mamwe mashoko anotipa mukana wokuratidza kutenda kwedu unhu hwaJehovha. Ngatizvininipisei tichibvuma kuti hatinzwisisi zvinhu zvose sezvaanoita iye. (Mup. 11:5) Izvi zvichaita kuti tibvumirane nemashoko omuapostora Pauro okuti: “Haiwa, pfuma yaMwari nouchenjeri nezivo zvakadzama sei! Kutonga kwake hakugoni kuongororwa sei uye nzira dzake hadzigoni kurondwa sei! Nokuti ‘ndiani akasvika pakuziva pfungwa dzaJehovha, kana kuti ndiani akava munhu anomupa mazano?’ Kana kuti, ‘Ndiani akatanga kumupa chinhu, kuti iye achidzorerwezve?’ Nokuti zvinhu zvose zvinobva kwaari uye zviripo naye uye ndezvake. Kukudzwa ngakuve kwaari nokusingaperi. Ameni.”—VaR. 11:33-36.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 14 Imwe nhoroondo yakada kufanana neiyi iri pana Numeri 14:11-20.

^ ndima 15 Maererano nedzimwe nyanzvi dzeBhaibheri shoko rechiHebheru rakashandurwa kuti “ndisiye ndakadaro” riri pana Eksodho 32:10 rinogona kutorwa sokuti Jehovha aikumbira Mosesi kuti apindire, kana kuti ‘amire pakanga pakaputsika’ pakati pake nerudzi rwevaIsraeri. (Pis. 106:23; Ezek. 22:30) Kunyange zvingave zvakadaro, zviri pachena kuti Mosesi akanzwa akasununguka kutaura zvaaifunga kuna Jehovha.

Unoyeuka Here?

• Chii chingatibatsire kuti tirege kuedza kunzwisisa Jehovha maererano nemafungiro edu?

• Kunzwisisa zvakaitwa naJesu kunokubatsira sei kuva “shamwari yepedyo yaJehovha”?

• Wadzidzei pakukurukura kwakaita Jehovha naMosesi uye naAbrahamu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 5]

Tinodzidzei nezvemafungiro aJehovha pamatauriro aakaita naMosesi naAbrahamu?