Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Rambai Muchitanga Kutsvaka “Kururama Kwake”

Rambai Muchitanga Kutsvaka “Kururama Kwake”

Rambai Muchitanga Kutsvaka “Kururama Kwake”

“Saka, rambai muchitanga kutsvaka umambo nokururama kwake, uye izvi zvimwe zvinhu zvose zvichawedzerwa kwamuri.”—MAT. 6:33.

1, 2. Chii chinonzi kururama kwaMwari, uye kwakavakirwa pachii?

“SAKA, rambai muchitanga kutsvaka umambo.” (Mat. 6:33) Iyi kurudziro yakaitwa naJesu muMharidzo Yepagomo inozivikanwa zvikuru neZvapupu zvaJehovha nhasi uno. Pazvose zvatinoita muupenyu, tinoedza kuratidza kuti tinoda hurumende iyoyo yoUmambo uye hatidi kumboisiya. Asi tinofanirawo kufunga nezvemashoko anozotevera orugwaro rwacho, okuti “nokururama kwake.” Chii chinonzi kururama kwaMwari, uye kutanga kukutsvaka kunorevei?

2 Shoko romutauro wakatanga kunyorwa nawo ndima iyi rinogona kushandurwa richipa pfungwa yokutonga zvakarurama. Saka Mwari ndiye anogadza oga chaanoti kururama, maererano nemaonero ake. Sezvo ari iye Musiki, Jehovha ane kodzero yokugadza zvaanoti ndizvo zvakanaka uye ndizvo zvakaipa, ndizvo zvakarurama uye zvisina kururama. (Zvak. 4:11) Zvisinei, kururama kwaMwari hakungorevi bumbiro remitemo yakawandisa isingachinjiki uye inoomesera vanhu. Panzvimbo paizvozvo, kwakavakirwa pakuti Jehovha ndiMwari worudzii uye pakutonga kwake nyaya nemazvo, rudo rwake, uchenjeri nesimba. Saka kururama kwaMwari kwakabatana nechinangwa chake uye kuda kwake. Kunosanganisira zvaanotarisira kune vaya vane chido chokumushumira.

3. (a) Kutanga kutsvaka kururama kwaMwari kunorevei? (b) Sei tichitsigira mitemo yaJehovha yakarurama?

3 Kutanga kutsvaka kururama kwaMwari kuita sei? Tingangoti zvinoreva kuita kuda kwaMwari kuti timufadze. Kutsvaka kururama kwake kunosanganisira kuedza kurarama maererano nemitemo yake yakakwana kwete yedu pachedu. (Verenga VaRoma 12:2.) Mararamiro aya ndiwo musimboti woukama hwedu naJehovha. Hazvisi zvokuteerera mitemo yake nokuti tinenge tichitya kurangwa. Kuda kwatinoita Mwari ndiko kunoita kuti tiedze kumufadza nokutsigira mitemo yake, kwete kuedza kugadza yedu toga. Tinoziva kuti izvi ndizvo zvakarurama kuti tiite, zvatinotofanira kuita. Kufanana naJesu Kristu, Mambo woUmambo hwaMwari, tinofanira kuda kururama.—VaH. 1:8, 9.

4. Sei zvichikosha zvikuru kutsvaka kururama kwaMwari?

4 Kutsvaka kururama kwaJehovha kunokosha zvakadini? Funga nezvechokwadi ichi: Muedzo wokutanga mumunda weEdheni waibva pakuti Adhamu naEvha vaizobvuma here kodzero yaJehovha yokugadza mitemo kana kuti kwete. (Gen. 2:17; 3:5) Kukundikana kwavo kubvuma izvozvo kwakaparamurira vana vavo matambudziko uye rufu. (VaR. 5:12) Ukuwo Shoko raMwari rinoti: “Munhu anotevera kururama nomutsa worudo achawana upenyu, kururama, nokukudzwa.” (Zvir. 21:21) Nemamwe mashoko, kutanga kutsvaka kururama kwaMwari kunoita kuti tive noukama hwakanaka naJehovha, izvo zvinoita kuti tizopona.—VaR. 3:23, 24.

Ngozi Yokuzviona Setakarurama

5. Ingozi ipi yatinofanira kungwarira?

5 Paainyorera vaKristu vaive kuRoma, muapostora Pauro akataura nezveimwe ngozi yatinofanira kungwarira kuti tibudirire pakutanga kutsvaka kururama kwaMwari. Achitaura nezvevamwe vake vechiJudha, Pauro akati: “Nokuti ndinovapupurira kuti vanoshingairira kushumira Mwari; asi havazviiti maererano nezivo yakarurama; nokuti, zvavakanga vasingazivi kururama kwaMwari, havana kuzviisa pasi pokururama kwaMwari, asi vakatsvaka kumisa kururama kwavo pachavo.” (VaR. 10:2, 3) Maererano naPauro, vanamati ivavo vakanga vasinganzwisisi kururama kwaMwari nokuti vaive mushishi kuedza kumisa kana kuti kugadza kururama kwavo pachavo. *

6. Maonero api atisingafaniri kuva nawo, uye akaipirei?

6 Imwe nzira yatinogona kupinda nayo mumusungo iwoyo ndeyokuona kushumira kwedu Mwari semakwikwi nevamwe. Izvi zvinogona kuita kuti tipedzisire tava kunyanya kuvimba nezvatinogona kuita. Asi chokwadi dai taizodaro, kwaizova kukanganwa kururama kwaJehovha. (VaG. 6:3, 4) Vavariro yakarurama yokuita zvinhu zvakanaka kuda Jehovha. Tikangoedza kuzviita vanhu vakarurama tinenge tadira mvura kutaura kwedu kuti tinomuda.—Verenga Ruka 16:15.

7. Jesu akaedza sei kubatsira vaiva nedambudziko rekuzvitora sevakarurama?

7 Jesu ainetseka kwazvo nokuti “vamwe vaizvivimba kuti vakanga vakarurama uye vaiona vamwe vose sepasina.” Akaedza kubatsira vaiva nedambudziko rokuzviona sevakarurama nokurondedzera mufananidzo uno: “Varume vaviri vakakwira kutemberi kunonyengetera, mumwe muFarisi uye mumwe wacho muteresi. MuFarisi wacho akamira, akatanga kunyengetera zvinhu izvi mumwoyo make, achiti, ‘Haiwa Mwari, ndinokuongai kuti handina kufanana nevamwe vanhu vose, makororo, vasina kururama, mhombwe, kunyange nomuteresi uyu. Ndinotsanya kaviri pavhiki, ndinopa chegumi chezvinhu zvose zvandinowana.’ Asi muteresi amire kure zvishoma akanga asingadi kunyange kutarira kudenga, asi akaramba achizvirova pachipfuva, achiti, ‘Haiwa Mwari, ndinzwirei nyasha ini mutadzi.’” Jesu akazopedzisa nokuti: “Ndinokuudzai, Murume uyu akaburukira kumba kwake anzi akarurama kupfuura murume uya; nokuti munhu wose anozvikwidziridza achanyadziswa, asi anozvininipisa achakwidziridzwa.”—Ruka 18:9-14.

Imwe Ngozi—‘Kunyanya Kuva Akarurama’

8, 9. ‘Kuva akanyanya kururama’ kunorevei, uye kunogona kuita kuti tipedzisire tadini?

8 Imwe ngozi yatinofanira kungwarira inotsanangurwa pana Muparidzi 7:16: “Usanyanya kuva akarurama, kana kuratidza kuti wakanyanya kuchenjera. Nei uchifanira kuzviparadza?” Munyori wacho weBhaibheri akafuridzirwa anoenderera mberi achitipa chikonzero chokuti tisadaro mundima 20 achiti: “Nokuti hapana munhu akarurama panyika anoramba achiita zvakanaka asingatadzi.” Munhu ‘akanyanya kururama’ anogadza mitemo yake oga yokururama uye anotonga vamwe vanhu achiishandisa. Asi anokundikana kuziva kuti kana achiita izvi anenge achikwidziridza mitemo yake kupfuura yaMwari izvo zvinoita kuti aratidze kuti haana kururama mukuona kwaMwari.

9 ‘Kunyanya kuva akarurama’ kana kuti semashandurirwo azvakaitwa mumamwe maBhaibheri, ‘kunyanya kuzviita akarurama’ kana kuti ‘kuva munhu akaisvo-rurama,’ kunogona kutoita kuti tione sokunge Jehovha asinganyatsobati dzimwe nyaya zvakanaka. Zvisinei, tinofanira kuyeuka kuti kana tava kusava nechokwadi nekururama kwaJehovha, tinenge tava kutotora kururama kwedu sokuri pamusoro pekwake. Zvinoita sokuti tava kutogadza Jehovha dare tomupa mutongo tichishandisa mafungiro edu nezvezvatinoti zvakanaka kana kuti zvakaipa. Asi Jehovha ndiye ane kodzero yokugadza mitemo yezvakarurama kwete isu!—VaR. 14:10.

10. Chii chinogona kuita kuti tipe Mwari mhosva sezvakaitwa naJobho?

10 Kunyange zvazvo pasina mumwe wedu anganyatsoronga kuti anoda kutonga Mwari, kuva kwedu vanhu vane chivi kunogona kutitungamirira kuti tiite saizvozvo. Izvi zvinogona kuitika patinoona sokunge taitirwa chimwe chinhu chatinofunga kuti hachina kururama kana kuti isu pachedu tikatambura. Kunyange murume akanga akatendeka Jobho akaita chikanganiso ichi. Pakutanga Jobho akatsanangurwa somunhu “asina chaaipomerwa, akarurama, achitya Mwari uye achinzvenga zvakaipa.” (Job. 1:1) Asi nhamo dzakazoti dzomumomotera, akatanga kuona seaibatwa zvisina kumukodzera. Izvi zvakazoita kuti Jobho ati “mweya wake wakarurama pane kuti Mwari ndiye akarurama.” (Job. 32:1, 2) Jobho aitozofanira kugadziridzwa maonero aaiita zvinhu. Saka hatifaniri kushamiswa kana dzimwe nguva tikaona tava kuona zvinhu semaonero aakaita. Kana zvikadaro, chii chingatibatsira kugadziridza mafungiro edu?

Hapasi Pose Patinenge Tichiziva Zvose Zvakaitika

11, 12. (a) Kana tichifunga kuti hatina kubatwa zvakanaka, tinofanira kuyeukei? (b) Chii chingaita kuti mumwe munhu afunge kuti mufananidzo waJesu wevashandi vomumunda wemizambiringa uri kuratidza munhu asina kubata vanhu zvakanaka?

11 Chinhu chokutanga kuyeuka ndechokuti hapasi pose patinenge tichiziva zvose zvakaitika. Ndizvo zvakaitika kuna Jobho. Akanga asingazivi nezvemisangano yaiitwa kudenga nengirozi dzaMwari paaipomerwa zvenhema naSatani. (Job. 1:7-12; 2:1-6) Jobho akanga asingazivi kuti matambudziko ake akanga achikonzerwa naSatani. Tingatoti hatina chokwadi kana Jobho aitomboziva kuti Satani ndiani chaizvo! Saka akanga akarasika achifunga kuti matambudziko ake aikonzerwa naMwari. Saka zviri nyore kuti tione zvinhu nepasipo kana tisiri kuziva zvose zviri kuitika.

12 Somuenzaniso funga nezvomufananidzo waJesu wevashandi vomumunda wemizambiringa. (Verenga Mateu 20:8-16.) Pano Jesu anorondedzera mumwe munhu anobhadhara vashandi vake mibhadharo yakafanana, kunyange zvazvo vamwe vacho vangoshanda awa imwe vasina kushanda zuva rose. Unopaona sei? Kuitawo here ikoko? Zvimwe unobva watanga kunzwira tsitsi vaya vakashanda zuva rose vachigochwa nezuva. Zvechokwadi vaifanira kuwana yakawanda kupfuura vamwe! Tichifunga saizvozvo tinogona kuona muridzi wemunda uyu seasina rudo uye ane tsvete. Kunyange mhinduro yaakapa vashandi vakanga vanyunyuta inogona kuonekwa seyomunhu akashandisa simba rake zvisina kunaka. Asi tinoziva zvose here?

13. Nderipi rimwe divi ratinogona kutarisa naro mufananidzo waJesu wevashandi vomumunda wemizambiringa?

13 Ngatimboongororai mufananidzo uyu nerimwe divi. Zviri pachena kuti murume womumufananidzo uyu ainzwisisa kuti varume ava vose vaida kuwana chokupa mhuri dzavo. Mumazuva aJesu, vashandi vomumunda vaibhadharwa pazuva. Mhuri dzavo dzaiwana chokubata pamubhadharo wezuva nezuva. Tichifunga izvi, ngatifungei zvaizoitika kune vaya vakawanikwa nomurume uyu nguva dzaenda vakashanda kweawa imwe. Zvimwe vaitotadza kuwanisa mhuri dzavo chouviri nemari yeawa imwe; asi chido chokushanda vaive nacho uye vakanga vamirira zuva rose kuti vawane basa. (Mat. 20:1-7) Yakanga isiri mhosva yavo kuti vasashanda zuva rose. Hapana chiri munyaya yacho chinoratidza kuti vainzvenga kuti vasapiwa basa. Fungidzira uchimirira zuva rose, uchiziva kuti kumba vakamirira zvauchawana zuva iroro. Waizofara sei wawana basa, uye zvaizokushamisa zvakadini wawana mari yaikwana kutengera mhuri yako zvokudya?

14. Tinowana chidzidzo chipi chinokosha pamufananidzo wemunda wemizambiringa?

14 Ngatichiongororai zvakaitwa nemuridzi wemunda. Hapana waakapa mari isina kukwana. Asi akavabata vose sevanhu vaive nekodzero yokuriritira mhuri dzavo. Sezvo vashandi vakanga vakawanda zvakadaro, muridzi wemunda angadai akatoti ndavawanira ipapo, ovapa mari yakaderera, asi haana kudaro. Vashandi vose vakadzokera kumba vaine mari inokwana kupa mhuri yavo chouviri. Kufungisisa zvose izvi kunogona kuchinja maonero ataiita zvakaitwa nomuridzi wemunda uyu. Zvaakaita zvaitoratidza rudo kwete kushandiswa zvisina kunaka kwesimba. Tinodzidzei? Kuti tikasafungisisa zvose zvakaitika tinogona kuona nyaya zvisiri izvo. Chokwadi mufananidzo uyu unoratidza kukwirira kwakaita kururama kwaMwari, uko kusingadzorwi nemitemo kana kuti maonero evanhu chete.

Maonero Edu Anogona Kunge Akavhiringwa

15. Chii chinogona kukanganisa maonero atinoita nyaya?

15 Chechipiri chatinofanira kufunga nezvacho kana tichiona imwe nyaya seisina kubatwa zvakarurama ndechokuti maonero edu anogona kunge akavhiringwa kana kuti tiine zvimwe zvatisingagoni kuona. Anogona kuvhiringwa nokuti tinozvarwa tiine chivi, tinofungira vamwe zvisizvo, takasiyana kwatakabva nako. Tinotadziswawo kuona zvimwe zvinhu nokuti hatigoni kuziva vavariro dzevanhu uye zviri mumwoyo yavo. Kusiyana nesu, Jehovha naJesu vanogona kuziva zviri mumwoyo.—Zvir. 24:12; Mat. 9:4; Ruka 5:22.

16, 17. Chii chingava chakaita kuti Jehovha asashandisa mutemo wake pamusoro poupombwe panyaya yechivi chaDhavhidhi naBhatishebha?

16 Ngatimboongororai nhoroondo yaDhavhidhi naBhatishebha. (2 Sam. 11:2-5) Maererano neMutemo waMosesi, vaifanira kuurayiwa. (Revh. 20:10; Dheut. 22:22) Kunyange zvazvo Jehovha akavaranga, haana kushandisa mutemo wake. Zvakaitwa naJehovha ipapo zvakarurama here? Haana kuratidza tsvete pana Dhavhidhi uye kutyora mitemo yake yakarurama here? Vamwe vanoverenga Bhaibheri vakafunga kudaro.

17 Zvisinei, mutemo uyu pamusoro poupombwe, wakapiwa naJehovha kuvatongi vasina kukwana, vasingagoni kuziva zviri mumwoyo womunhu. Waiita kuti vakwanise kutonga zvakaenzana pasinei nokuti ivo vakanga vasina kukwana. Ukuwo, Jehovha anogona kuziva zviri mumwoyo. (Gen. 18:25; 1 Mak. 29:17) Saka hatifaniri kutarisira kuti Jehovha angadzorwe nemutemo waakaitira kuti ubatsire vatongi vasina kukwana. Dai aizodaro, zvaisazofanana nokumanikidza munhu ane maziso anoona zvakanaka kuti apfeke magirazi here, iwo akagadzirirwa kubatsira vanhu vasingaoni zvakanaka? Jehovha aigona kuona zviri mumwoyo yaDhavhidhi naBhatishebha uye kuona kuti vari kupfidza zvechokwadi. Achifunga nezvazvo, akavatonga nengoni uye norudo.

Ramba Uchitsvaka Kururama kwaJehovha

18, 19. Chii chichatibatsira kuti tisambotonga Jehovha maererano nemitemo yedu yokururama?

18 Saka kana dzimwe nguva paine zvatinoona sokunge Jehovha asina kuita zvakarurama, tingava tazviverenga muBhaibheri kana kuti zvaitika kwatiri muupenyu, ngatirege kumboona kunge Mwari akakanganisa tichishandisa mitemo yedu yokururama. Yeuka kuti hapasi pose patinenge tichiziva zvose zvakaitika uye kuti maonero edu anogona kunge akavhiringika uye tiine zvimwe zvatisingagoni kuona. Usambokanganwa kuti “hasha dzomunhu hadziiti kuti pave nokururama kwaMwari.” (Jak. 1:19, 20) Tikadaro, mwoyo wedu hauzombova “unotsamwira Jehovha.”—Zvir. 19:3.

19 Kufanana naJesu, ngatigarei tichiziva kuti Jehovha chete ndiye ane kodzero yokugadza mitemo yezvakarurama nezvakanaka. (Mako 10:17, 18) Edza kuwana “zivo yakarurama” kana kuti “ruzivo rwechokwadi” nezvemitemo yake. (VaR. 10:2; 2 Tim. 3:7, Bhaibheri Rinoera) Kana tichibvuma mitemo iyi uye tichirarama maererano nokuda kwaJehovha, tinenge tichiratidza kuti tiri kutanga kutsvaka “kururama kwake.”—Mat. 6:33.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Maererano neimwe nyanzvi, mumutauro wakashandiswa pakutanga, shoko rokuti “kumisa” rinogona kurevawo ‘kumisa shongwe.’ Saka zvaiita sokuti vaJudha ivavo vaimisa shongwe yokufananidzira yokuti ivo varumbidzwe kwete Mwari.

Unoyeuka Here?

• Sei zvichikosha kuti titsvake kururama kwaJehovha?

• Zvinhu zvipi zviviri zvatinofanira kungwarira?

• Tingatanga sei kutsvaka kururama kwaMwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

Tinowana chidzidzo chei pamufananidzo waJesu wevarume vaviri vakanyengetera patemberi?

[Mufananidzo uri papeji 10]

Zvakanga zvisina kururama here kupa vashandi vakashanda kweawa imwe mubhadharo wakaenzana newevakashanda zuva rose?