Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unotanga Iwe Here Kukudza Vamwe vaKristu?

Unotanga Iwe Here Kukudza Vamwe vaKristu?

Unotanga Iwe Here Kukudza Vamwe vaKristu?

“Pakudanana sehama, dananai kwazvo. Pakukudzana, tungamiriranai.”—VAR. 12:10.

1, 2. (a) Pauro akakurudzira chii mutsamba yake kuvaRoma? (b) Tichakurukura mibvunzo ipi?

MUTSAMBA yaakanyorera vaRoma, muapostora Pauro akasimbisa kukosha kwokuti isu vaKristu tidanane muungano. Anotiyeuchidza kuti rudo rwedu “rurege kuva nounyengeri.” Anotaurawo nezve“kudanana sehama” uye anoratidza kuti rudo rwakadaro runofanira kuratidzwa “kwazvo.”—VaR. 12:9, 10a.

2 Kuda hama hakungorevi kungodzifarira nechomumwoyo. Kunofanira kuratidzwa nezviito. Pakuti ndiani angaziva rudo rwuri mumwoyo medu kunze kwokunge tatorwuratidza. Ndosaka Pauro akazowedzera kuti: “Pakukudzana, tungamiriranai.” (VaR. 12:10b) Kukudza vamwe kunosanganisira chii? Sei zvichikosha kuti titange isu kukudza vamwe vaKristu? Tingazviita sei?

Kukudza Nokuremekedza

3. Shoko rokuti “kukudza” rinorevei mumitauro yakatanga kushandiswa pakunyora Bhaibheri?

3 Shoko rechiHebheru rinonyanya kushandurwa kuti “kukudza” rinoreva “uremu.” Munhu anokudzwa anoonekwa seanorema kana kuti anokosha. Shoko rimwe chetero rinomboshandurwa nedzimwe shanduro dzeMagwaro richinzi “mbiri,” izvo zvinoratidzazve kuti munhu anokudzwa anotarisirwa pamusoro zvakadini. (Gen. 45:13, Bhaibheri Rinoera) Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “kukudza” muBhaibheri rinopa pfungwa yokukwidziridza uye kukoshesa. (Ruka 14:10) Zvose izvi zvinoratidza kuti vaya vatinokudza tinovakoshesa.

4, 5. Kukudza nokuremekedza zvinofambirana sei? Ipa muenzaniso.

4 Kukudza vamwe kunosanganisirei? Kunotangira pakuvaremekedza. Tingatoti mashoko okuti “kukudza” uye “kuremekedza” anowanzoshandiswa pamwe chete nokuti akada kuenderana. Kukudza kuratidza kwatinoita kuti tinoremekedza munhu. Zvazviri kureva ndezvokuti kuremekedza kunoreva maonero atinoita hama yedu asi kukudza kunoreva mabatiro atinomuita.

5 MuKristu angaratidza sei vamwe vake rukudzo rwechokwadi kana asingavaremekedzi mumwoyo make? (3 Joh. 9, 10) Sezvinongoitawo chinhu chinomera, chinosvibirira kana midzi yacho yakanyura muvhu rakanaka, rukudzo runova rwechokwadi kana midzi yarwo yakadzika mumwoyo unoremekedza. Sezvo rukudzo rwekunyepera rusingabvi pakuremekedza kwechokwadi, runopedzisira rwasvava. Ndosaka Pauro akatanga ataura mashoko aya asati akurudzira nezvokukudzana: “Rudo rwenyu ngarurege kuva nounyengeri.”—VaR. 12:9; verenga 1 Petro 1:22.

Kudza Vanhu Nokuti Vakasikwa “Vakafanana naMwari”

6, 7. Sei tichifanira kuremekedza vamwe?

6 Sezvo kuremekedza munhu nemwoyo wose kuri iko kunoita kuti uzomukudza, hatifaniri kukanganwa zvikonzero zvomuMagwaro zvokuremekedza hama dzedu dzose. Saka ngatimbokurukurai zviviri zvezvikonzero zvacho.

7 Kusiyana nezvimwe zvisikwa zviri pasi pano, vanhu vakasikwa “vakafanana naMwari.” (Jak. 3:9) Ndosaka tiinewo rudo, uchenjeri, uye tichidawo kutonga nyaya zvakarurama sezvinoita Mwari. Cherechedza zvimwe zvatakawana kuMusiki wedu. Munyori wepisarema anoti: “Haiwa Jehovha . . . , imi mune kukudzwa kunorondedzerwa kumusoro kwematenga! . . . Makamuitawo [munhu] akaderera zvishoma pane vakaita savanamwari, mukabva mamushongedza kukudzwa nokubwinya.” (Pis. 8:1, 4, 5; 104:1) * Vanhu vose zvavo vakashongedzwa naMwari nokupiwa chiremerera uye kukudzwa. Saka kana tichiremekedza mumwe munhu tinenge tichitoremekedza akamupa chiremerera chacho, iye Jehovha. Zvino kana tiine chikonzero chakasimba chokuremekedza vanhu vose, zvakadini nevatinonamata navo!—Joh. 3:16; VaG. 6:10.

Tiri Mhuri Imwe

8, 9. Pauro anopa chikonzero chipi chokuremekedza vamwe vaKristu?

8 Chimwe chikonzero chokuremekedzana chakataurwa naPauro. Mumashoko anozoteverwa neokuti tikudzane, Pauro anoti: “Pakudanana sehama, dananai kwazvo.” Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “dananai kwazvo” rinotaura nezverudo runoratidziranwa mumhuri ine vanhu vakabatana uye vanotsigirana. Saka kushandisa kwaakaita mashoko iwayo kunoratidza kuti Pauro aisimbisa kuti kudanana kwevanhu vari muungano kunofanira kusimba sezvakaita kwevanhu vari mumhuri yakanyatsobatana. (VaR. 12:5) Uyezve tinofanira kuyeuka kuti Pauro akanyora mashoko iwayo kuvaKristu vakazodzwa, avo vakanga vagamuchirwa sevana vaBaba mumwe chete, Jehovha. Saka ava, neimwe pfungwa inokosha zvikuru, vakanga vava mhuri yakabatana. Saka vaKristu vakazodzwa vomumazuva aPauro zvechokwadi vaiva nechikonzero chakasimba chokuremekedzana. Ndizvo zvinoitawo vakazodzwa variko nhasi uno.

9 Ko vaya ve“mamwe makwai”? (Joh. 10:16) Kunyange zvazvo vasati vava kunzi vana vaMwari, zvakakodzera kuti vashevedzane kuti hama nehanzvadzi nokuti ivo imhuri yechiKristu yomunyika yose. (1 Pet. 2:17; 5:9) Saka kana vaya vemamwe makwai vachinyatsoziva kuti sei vachishandisa mashoko okuti “hama” kana kuti “hanzvadzi,” vanewo chikonzero chakasimba chokuremekedza vamwe vaKristu.—Verenga 1 Petro 3:8.

Sei Zvichikosha Zvakadaro?

10, 11. Sei kuremekedza uye kukudza zvichikosha kwazvo?

10 Sei kuremekedza uye kukudza zvichikosha zvakadaro? Chikonzero chacho ndechichi: Kana tichikudza hama dzedu nehanzvadzi tinenge tichiita kuti zvinhu zvifambe zvakanaka muungano uye ungano ibatane.

11 Tinoziva zvedu kuti kuva noukama hwepedyo naJehovha uye kutsigirwa nomudzimu wake ndizvo zvinotisimbisa kupfuura zvimwe zvose sevaKristu. (Pis. 36:7; Joh. 14:26) Asiwo kana hama nehanzvadzi dzikaratidza kuti dzinotikoshesa, zvinotikurudzira. (Zvir. 25:11) Kana tikatendwa nemwoyo wose uye tikaremekedzwa zvinotikurudzira zvikuru. Zvinotipa simba rakawedzerwa rokuramba tichifamba nomufaro uye tisingadzokeri shure munzira youpenyu. Zviri pachena kuti wakambonzwawo saizvozvo.

12. Mumwe nomumwe wedu angaita sei kuti rudo ruve musimboti woukama hwedu muungano?

12 Saka sezvo Jehovha achiziva kuti tinozvarwa tichida kuremekedzwa, anoshandisa Shoko rake kutikurudzira ‘kufarira kukudzana.’ (VaR. 12:10, Bhaibheri Dzvene; verenga Mateu 7:12.) VaKristu vose vanoshandisa zano iri rinoshanda nguva dzose vanoita kuti rudo ruve musimboti woukama hwedu hwechiKristu. Naizvozvo zvingava zvakanaka kuti timire timbozvibvunza kuti, ‘Ndakapedzisira riini kutaurira nemwoyo wose imwe hama kana hanzvadzi iri muungano kuti ndinoiremekedza?’—VaR. 13:8.

Chinhu Chatakanzi Tose Tiite

13. (a) Ndiani anofanira kutanga kukudza vamwe? (b) Mashoko aPauro ari pana VaRoma 1:7 anoratidzei?

13 Ndiani anofanira kutanga kukudza vamwe? Mutsamba yaakanyorera vaHebheru, Pauro anorondedzera vakuru vechiKristu achivati “vaya vari kukutungamirirai.” (VaH. 13:17) Ichokwadi kuti vakuru vanotungamirira pazvinhu zvakawanda. Kunyange zvakadaro, sezvo vari ivo vafudzi vanofanira kutungamirira pakukudza vamwe vaKristu, kusanganisira vamwe vakuru. Somuenzaniso, panosangana vakuru vachikurukura zvinhu zvine chokuita nemanamatiro eungano, vanofanira kuratidza kuti vanokudzana nokuteerera zvinotaurwa nemumwe mukuru chero upi. Uyezve pavanoita zvisarudzo, vanoratidza kuti vanokudza vamwe nokufunga maonero anoita vamwe vakuru vose. (Mab. 15:6-15) Asi tinofanira kuyeuka kuti tsamba yaPauro kuvaRoma yakanga isiri kunyorerwa vakuru chete asi ungano yose. (VaR. 1:7) Saka mashoko aya okuti titange isu kukudza vamwe anoshandawo kwatiri tose.

14. (a) Enzanisira kusiyana kwakaita kukudza vamwe nokutanga isu kukudza vamwe. (b) Mubvunzo upi watinofanira kuzvibvunza?

14 Cherechedzawo zvimwe zviri muzano iri raPauro. Akakurudzira vamwe vaKristu muRoma kusangokudza vamwe chete asi kutanga ivo kudaro. Zvakasiyana papi izvozvo? Funga nezvomuenzaniso uyu. Pane mudzidzisi angakurudzira vana vanogona kuverenga nokunyora kuti vadzidze kuverenga here? Kwete. Vanenge vachitogona kuverenga nechekare. Panzvimbo paizvozvo mudzidzisi angada kubatsira vana vake kuti vavandudze maverengero avo. Saizvozvowo, kudanana, kunova ndiko kunoita kuti tikudzane, kwagara kuri pakati pevaKristu vechokwadi. (Joh. 13:35) Zvisinei, sezvo vana vanotogona kuverenga nokunyora vachigona kuvandudza mano avo, isuwo tinogona kuvandudza rudo rwedu nokutanga isu kukudza vamwe. (1 VaT. 4:9, 10) Izvi zvakataurirwa mumwe nomumwe wedu. Tingazvibvunza kuti, ‘Ndizvo zvandiri kuita here, kutanga ini kukudza vamwe vari muungano?’

Kudza ‘Vakaderera’

15, 16. (a) Pakukudza vamwe, ndevapi vatisingafaniri kusiya, uye nechikonzero chei? (b) Chii chingatiratidza kuti tinoremekedza hama dzedu nehanzvadzi nemwoyo wose?

15 Pakukudza vamwe, ndevapi muungano vatisingadi kusiya? Shoko raMwari rinoti: “Munhu anonzwira nyasha munhu akaderera, anokweretesa Jehovha, uye Iye achamuripa zvaanoita.” (Zvir. 19:17) Mashoko aya tingaashandisa sei patinoedza kutanga kukudza vamwe?

16 Unobvuma kuti vanhu vakawanda vanogona kukudza munhu ari pamusoro pavo, asi vanhu ivavo vanogona kubata zvokusaremekedza vaya vavanoona sevakaderera. Zvisinei, Jehovha haana kudaro. Anoti: “Ndichakudza vaya vanondikudza.” (1 Sam. 2:30; Pis. 113:5-7) Jehovha anokudza vose vanomushumira uye vanomukudza. Haafuratiri munhu “akaderera.” (Verenga 1 Samueri 2:8; 2 Mak. 16:9) Handizvo here kuti tose tinoda kutevedzera Jehovha? Saka kana tichida kuona kuti tiri kukudza vamwe zvakadini, zvingava zvakanaka kuzvibvunza kuti, ‘Ndinobata sei vaya vasina mabasa anoonekera kana kuti zvinzvimbo muungano?’ (Joh. 13:14, 15) Mhinduro yomubvunzo iwoyo inotaura zvakawanda nezvokuti tiri kuremekedza vamwe zvakadini.—Verenga VaFiripi 2:3, 4.

Kukudza Vamwe Nokuwana Nguva Yokuva Navo

17. Ndeipi nzira huru yatingatanga nayo kukudza vamwe, uye sei zvakadaro?

17 Ndeipi nzira huru yatingatanga nayo kukudza vose vari muungano? Ndeyokuwana nguva yokuva navo. Sei zvakadaro? SevaKristu, tinogara takabatikana, uye mabasa edu anokosha omuungano anotitorera nguva yedu yakawanda. Ndosaka zvisingashamisi kuti tinotora nguva sechinhu chinokosha. Tinozivawo kuti hatifaniri kutarisira kuti hama dzedu dzipedze nguva yadzo yakawandisa dziinesu. Ukuwo zvinotifadza kana vamwe vari muungano vachinzwisisa kuti havafaniri kutoita zvokutiudza kuti tinofanira kupedza nguva yedu tiinavo.

18. Sezviri kuratidzwa nomufananidzo uri papeji 18, tingaratidza sei kuti tine chido chokuwanira vamwe vaKristu nguva?

18 Kunyange zvakadaro, tinonzwisisa kuti (zvikurukuru isu tinoshanda sevafudzi muungano) kana tichiratidza chido chokumbosiya zvatinenge tichiita kuti tiwanire vamwe vaKristu nguva tinenge tichiratidza kuti tinovaremekedza. Zvakadaro sei? Kana tichisiya mabasa edu kuti tiwanire hama dzedu nguva, tiri kutodziudza kuti, ‘Iwe unokosha mukuona kwangu zvokuti ndaona zvichikosha kuva nenguva newe pane kuti ndirambe ndichiita zvandanga ndichiita.’ (Mako 6:30-34) Kana tisingadiwo kumbosiya zvatinenge tichiita kuti tiwanire hama dzedu nguva, tinoita kuti dzizvione sedzisingakoshi kwatiri. Zvinonzwisisika hazvo kuti pane dzimwe nyaya dzinokosha zvokuti dzinenge dzisingafaniri kumbosiyiwa. Asi chido chedu, kana kuti kusava nechido kwedu, chokuwanira vamwe nguva yedu zvinoratidza zvakawanda nezvokuti tinoremekedza zvakadini hama dzedu nehanzvadzi.—1 VaK. 10:24.

Usamborega Kutanga Iwe Kukudza Vamwe

19. Ndeipi imwe nzira, kunze kwokuwanira vamwe vaKristu nguva, yatingavakudza nayo?

19 Pane dzimwe nzira dzinokosha dzokukudza nadzo vamwe vaKristu. Somuenzaniso, patinovawanira nguva tinodawo kuvateerera. Jehovha zvakare ane muenzaniso wakanaka panyaya iyi. Munyori wepisarema Dhavhidhi akati: “Maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuchemera kwavo kubatsirwa.” (Pis. 34:15) Tinoedza kutevedzera Jehovha nokutarisa uye kurereka nzeve dzedu kana hama dzedu dzichitaura, zvikurukuru vaya vanouya kwatiri vachida kubatsirwa. Kana tichidaro tinoratidza kuti tinovakudza.

20. Zviyeuchidzo zvipi nezvokukudza vamwe zvatinofanira kusakanganwa?

20 Sezvatakurukura, tinoda kugara takajekerwa nechikonzero chedu chokuremekedza vamwe vaKristu nemwoyo wose. Uyezve tinotsvaka mikana yokuva isu vokutanga kukudza vanhu vose, kusanganisira vakaderera. Kana tikatora matanho aya, tichasimbisa chisungo cherudo uye chokubatana muungano. Saka tose ngatisangokudza vamwe chete asi ngatirambei tichitanga isu kudaro. Uchaita saizvozvo chero zvodini here?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Mashoko aDhavhidhi ari mupisarema rechi8 ndeouprofitawo nezvemunhu akakwana Jesu Kristu.—VaH. 2:6-9.

Unoyeuka Here?

• Kukudza uye kuremekedza zvinobatana papi?

• Zvikonzero zvipi zvatiinazvo zvokukudza vamwe vaKristu?

• Sei kukudzana kuchikosha?

• Tingakudza vamwe vaKristu nenzira dzipi?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 18]

Tingakudza sei vamwe vaKristu?