Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anonzwa Kuchema Kweanotambudzika

Jehovha Anonzwa Kuchema Kweanotambudzika

Jehovha Anonzwa Kuchema Kweanotambudzika

SEZVAKATAURWA naMambo akachenjera Soromoni weIsraeri, vanhu “vose vanowirwa nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.” (Mup. 9:11) Chimwe chiitiko chinorwadza kana kuti muedzo zvinogona kuvhiringa upenyu hwedu. Somuenzaniso, kufirwa nemunhu womumba musingafungiri kunogona kupedza simba. Mumavhiki nemwedzi zvinozotevera, kurwadziwa kwacho uye kuora mwoyo zvinogona kukukurira. Munhu anogona kukangaidzika zvokufunga kuti haakodzeri kunyengetera kuna Jehovha.

Munhu akadaro anoda kukurudzirwa, kunzwisiswa, uye kudiwa. Munyori wepisarema Dhavhidhi akaimba zvinokurudzira achiti: “Jehovha anotsigira vose vaya vanowa, uye anomutsa vose vakakotamiswa.” (Pis. 145:14) Bhaibheri rinotiudza kuti “maziso [aJehovha] anotarira-tarira panyika pose kuti aratidze simba rake nokuda kwevaya vane mwoyo wakakwana kwaari.” (2 Mak. 16:9) Rinotizve Jehovha anonzwa kana “anotambudzika akashevedza,” uyezve “a[no]mununura mukutambudzika kwake kwose.” (Pis. 34:6) Jehovha anotsigira uye anonyaradza sei munhu anotambudzika uye akasuruvara?

“Shoko Rinotaurwa Panguva Yakakodzera”

Imwe nzira inoshandiswa naJehovha kubatsira munhu panguva yakakodzera ihama dzechiKristu. VaKristu vanokurudzirwa kutaura “zvinonyaradza mweya yakaora mwoyo.” (1 VaT. 5:14) Mashoko orudo anotaurwa nevatinonamata navo vane tsitsi anogona kutisimbisa panguva yatinenge takamomoterwa nenhamo tichichema. Mashoko okunyaradza anotaurwa kunyange mukukurukura kwenguva pfupi anogona kukurudzira chaizvo munhu akaora mwoyo. Anogona kutaurwa nomumwe munhu akambotsungirira asangana nedambudziko rakadaro. Kana kuti anogona kuva mashoko anotaurwa neshamwari inonzwisisa yaona zvakawanda muupenyu. Jehovha anogona kushandisa nzira idzi dzinobatsira kuti akurudzire munhu akasuwa.

Funga zvakaitika kuna Alex, mumwe mukuru wechiKristu akanga achangobva kuroora ndokufirwa nomudzimai wake arwara nechimwe chirwere chaisarapika. Mumwe mutariri anofambira ane tsiye nyoro akafunga zvokumbotaura naAlex achimubata maoko. Iyewo akafirwa nomudzimai asi akaroorazve. Mutariri anofambira uyu akatsanangura kuti aimbokurirwa sei neshungu. Akati zvinhu zvaimboita nani paaiva nevamwe muushumiri uye pamisangano yeungano. Asi paaingopinda mumba opfiga dhoo aisurukirwa zvokuti. Alex anoti: “Zvakandinyaradza chaizvo kuziva kuti panotovawo nevamwe vakambonzwawo sezvandaiita.” Zvechokwadi “shoko rinotaurwa panguva yakakodzera” rinogona kunyaradza uye kutsigira panguva yenhamo.—Zvir. 15:23.

Mumwe mukuru wechiKristu aiziva vanhu vakati wandei vakanga vafirwa, akadawo kutaura naAlex mashoko okumukurudzira. Akamutaurira noushamwari kuti Jehovha anoziva kuti tinonzwa sei uye kuti tinodei. “Kana mumwedzi inotevera kana kuti makore, ukaona kuti wava kuda mumwe mudzimai,” yakadaro hama yacho, “urongwa hwatakaitirwa naJehovha hwerudo ndehwokuti tinogona kuroorazve.” Ichokwadi hacho kuti havasi vose vanofirwa nomudzimai kana kuti nomurume vanozoda kuroora kana kuroorwazve vokwanisa kuzviita. Asi Alex achifunga nezvemashoko ehama yacho akati, “Kuyeuchidzwa kuti uhwu urongwa hwaJehovha kunokubatsira kuti usafunga kuti ukaroozorazve unenge waputsa chirangano nomumwe wako kana kuti watyora mutemo waJehovha nezvewanano.”—1 VaK. 7:8, 9, 39.

Munyori wepisarema Dhavhidhi, uyo pachake akasangana nemiedzo uye matambudziko zvakawanda, anoti: “Maziso aJehovha ari pane vakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuchemera kwavo kubatsirwa.” (Pis. 34:15) Zvechokwadi, Jehovha anogona kupindura panguva yakakodzera kuchema kwomunhu ari kutambura achishandisa mashoko anoratidza kunzwisisa evamwe vaKristu vakura pane zvokunamata vane tsiye nyoro. Uhwu urongwa hunokosha uye hunobatsira.

Anoshandisa Misangano yechiKristu

Munhu anenge akasurukirwa ari nyore kufunga zvinoodza mwoyo izvo zvingaita kuti apedzisire azviita zindoga. Zvisinei, Zvirevo 18:1 inonyevera kuti: “Munhu anozviparadzanisa nevamwe achazvitsvakira zvaanoda zvoudyire; acharwa nouchenjeri hwose hunobatsira.” Alex anobvuma kuti: “Kana wafirwa nomumwe wako, pfungwa dzako dzinozara nezvinhu zvisingakurudziri. Ndinoyeuka ndichimbozvibvunza kana ndisina zvandaigona kuita kuti mudzimai wangu asafa uye kana ndakamuratidza rudo uye kunzwisisa zvakakwana. Ndakanga ndisingadi kuva ndoga. Ndaisada kuva tsvimborume. Zvakaoma chaizvo kudzinga pfungwa dzakadaro nokuti zuva nezuva unenge uchiyeuchidzwa kuti uri woga.”

Munhu anenge akasuruvara anoda shamwari dzinovaka kupfuura zvaati amboita. Idzi dzinowanika nyore pamisangano yeungano. Ipapo, tinozarura pfungwa dzedu kuti tiwane mazano aMwari akanaka uye anovaka.

Misangano yechiKristu inotibatsira kuti tisatungamidza nhamo dzedu kupfuura zvimwe zvinhu zvinokosha. Patinenge takateerera tichifungisisa ndima dzomuBhaibheri, pfungwa dzedu hadzizorambi dziri pakutambura kwedu asi dzinenge dzava pazvinhu zvinokosha, zvakadai sokurevererwa kwouchangamire hwaJehovha nokutsveneswa kwezita rake. Uyezve panguva dzakadaro tinosimbiswa nokuziva kuti kunyange zvazvo vamwe vasingazivi matambudziko atiri kutarisana nawo kana kuti vasinganzwisisi kuti tiri kunzwa sei, zvechokwadi Jehovha anoziva. Anoziva kuti “mudzimu unotambudzika nokuda kwokurwadziwa kwomwoyo.” (Zvir. 15:13) Mwari wechokwadi anoda kutibatsira, uye izvi zvinotikurudzira uye zvinotipa simba rokuti tirambe tichitsungirira.—Pis. 27:14.

Mambo Dhavhidhi akambochema kuna Mwari aoneswa nhamo nevavengi vake achiti: “Simba rangu rinopera mukati mangu; mwoyo wangu wakarukutika mukati mangu.” (Pis. 143:4) Nhamo dzinowanzoita kuti munhu apedzisire arukutika muviri zvose nepfungwa, kunyange nemwoyo. Matambudziko anogona kuuya nokurwara kana kuti undonda. Tinogona kuva nechivimbo kuti Jehovha achatibatsira kutsungirira. (Pis. 41:1-3) Kunyange zvazvo Mwari asingaiti chishamiso chokutirapa nhasi uno, anopa munhu anenge achirwara uchenjeri noushingi kuti atsungirire. Yeuka kuti Dhavhidhi paakaremerwa nemiedzo, akataura naJehovha. Akaimba kuti: “Ndakayeuka mazuva ekare kare; ndakafungisisa mabasa enyu ose; ndakaramba ndichifunga nezvebasa remaoko enyu ndiine chido.”—Pis. 143:5.

Kunyorwa kwakaitwa pfungwa idzodzi muShoko raMwari kunoratidza kuti Jehovha anonzwisisa kuti tinonzwa sei. Mashoko akadaro anotipa chivimbo chokuti anotinzwa kana tichimuteterera. Kana tikabvuma kubatsirwa naJehovha, ‘iye achatitsigira.’—Pis. 55:22.

“Rambai Muchinyengetera”

Jakobho 4:8 inoti: “Swederai pedyo naMwari, uye iye achaswedera pedyo nemi.” Imwe nzira yokuswedera nayo pedyo naMwari kunyengetera. Muapostora Pauro anotikurudzira kuti “rambai muchinyengetera.” (1 VaT. 5:17) Kunyange kana zvichitiomera kuwana mashoko anonyatsobudisa zviri mumwoyo medu, “mudzimu unotitetererera nokugomera kusinganzwiki.” (VaR. 8:26, 27) Zvechokwadi Jehovha anonzwisisa kuti tinonzwa sei.

Monika, uyo anogara achinyengetera kuna Jehovha, anoti: “Kunyengetera, kuverenga Bhaibheri, uye kudzidza ndiri ndoga zviri kuita kuti Jehovha ave Shamwari yangu yepedyo. Ndava kutomuona somunhu chaiye zvokuti ndinyatsoona zvaanondiitira muupenyu. Zvinondinyaradza kuziva kuti kunyange pandinenge ndisingagoni kutsanangura kuti ndiri kunzwa sei, iye anondinzwisisa. Ndinoziva kuti mutsa wake nezvikomborero hazviperi.”

Saka ngatibvumei kunyaradzwa norudo nevamwe vaKristu, ngatishandisei zano romutsa nezviyeuchidzo zvinosimbisa kutenda zvatinonzwa pamisangano yechiKristu, uye ngatititaurei zviri kutsi kwemwoyo yedu kuna Jehovha mumunyengetero. Idzi inzira dzaJehovha dzaanotiratidza nadzo panguva yakakodzera kuti ane hanya nesu. Alex anotaura zvaakazvionera oga achiti: “Kana tikashandisa zvose zvatinopiwa naJehovha Mwari kuti tirambe takasimba pakunamata, tichava ne‘simba rinopfuura renguva dzose’ rokutsungirira chero miedzo ingatiwira.”—2 VaK. 4:7.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 18]

Kunyaradza Vanotambudzika

Mapisarema azere nemashoko okuyaura kwevanhu neokuvimbisa kwaJehovha kuti anonzwa kuchema kweanotambudzika anenge akurirwa neshungu. Funga nezvendima dzinotevera:

“Ndakaramba ndichidana kuna Jehovha ndichitambudzika, ndakaramba ndichichemera Mwari wangu kuti ndibatsirwe. Akanzwa inzwi rangu ari mutemberi yake, kuchema kwangu ndiri pamberi pake kuti ndibatsirwe kwakabva kwasvika munzeve dzake.”—Pis. 18:6.

“Jehovha ari pedyo nevaya vakaora mwoyo; anoponesa vaya vakadzvinyirirwa.”—Pis. 34:18.

“[Jehovha] anoporesa vakaora mwoyo, uye anosunga panovarwadza.”—Pis. 147:3.

[Mufananidzo uri papeji 17]

Zvechokwadi “shoko rinotaurwa panguva yakakodzera” rinogona kunyaradza pazuva redambudziko!