Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Ndiye Changamire Ishe Wedu!

Jehovha Ndiye Changamire Ishe Wedu!

Jehovha Ndiye Changamire Ishe Wedu!

“Ndakaita Changamire Ishe Jehovha nzvimbo yangu yokupotera.”—PIS. 73:28.

1. Pauro aifananidza nyika ino nechii paakanyora mashoko ari pana 1 VaKorinde 7:31?

“MAMIRIRO ezvinhu enyika ino ari kuchinja,” akadaro muapostora Pauro. (1 VaK. 7:31) Mumutauro waakanyora nawo, zvinoita sokuti aifananidza nyika ino nevanhu vari mudariro romutambo, mumwe nomumwe achitamba pake kusvikira madariro ose apera.

2, 3. (a) Kupikiswa kwouchangamire hwaJehovha kungaenzaniswa nechii? (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura?

2 Nhasi uno panyika pakafanana nedariro riri kuitirwa mutambo, uye iwe urimo mumutambo wacho! Mutambo wacho une chokuita zvikurukuru nokurevererwa kwouchangamire hwaJehovha Mwari. Kuti tiunzwisise ngatiufananidze nezvingaitika mune imwe nyika. Nyika iyoyo inenge iine hurumende yakasarudzwa zviri pamutemo iri kuita kuti zvinhu zvifambe zvakanaka. Asiwo pane rimwe bato revapanduki rine uori, rinokonzera mhirizhonga uye rinouraya vanhu. Bato revapanduki riri kuramba hurumende yepamutemo uye vanhu vose vomunyika iyi havachazivi kuti vova kurutivi rwupi.

3 Aya ndiwo mamiriro ezvinhu aripo pakati pezvose zvakasikwa. Pane hurumende yakagadzwa zviri pamutemo ya“Changamire Ishe Jehovha.” (Pis. 71:5) Asi iye zvino sangano revapanduki rinotungamirirwa ‘neakaipa’ riri kuedza kutonga vanhu vose. (1 Joh. 5:19) Sangano iri riri kuramba hurumende yaMwari uye vanhu vose vari kuedzwa pamusoro pokutsigira kwavo uchangamire hwake. Zvakambofamba sei kuti zvinhu zvisvike pakadai? Sei Mwari achibvumira kuti zviitike? Mumwe nomumwe wedu angaitei nezvazvo?

Mamiriro Akaita Mutambo Wacho

4. Mutambo uri kuitika unosanganisira nyaya dzipi mbiri dzakada kubatana?

4 Mutambo uyu uri kuitika unosanganisira nyaya mbiri dzakada kubatana: uchangamire hwaJehovha uye kuperera kwevanhu kwaari. MuMagwaro, Jehovha anowanzonzi “Changamire Ishe.” Somuenzaniso, munyori wepisarema aivimba naye zvizere akaimba kuti: “Ndakaita Changamire Ishe Jehovha nzvimbo yangu yokupotera.” (Pis. 73:28) “Kuva changamire” zvinoreva kuva nesimba kana kuti kuva mutongi mukuru pane vose. Changamire munhu ane masimba epamusorosoro kupfuura vamwe vose. Pane zvikonzero zvakanaka zvinoita kuti tione Jehovha Mwari soMukuru pane vose.—Dhan. 7:22.

5. Sei tichifanira kutsigira uchangamire hwaJehovha?

5 Sezvo ari iye Musiki, Jehovha Mwari ndiye Changamire wenyika uye wezvose zvakasikwa. (Verenga Zvakazarurwa 4:11.) Jehovha ndiye Mutongi wedu, Mupi Wemirau yedu, uye Mambo wedu, izvo zvinoreva kuti mapazi ose ehurumende yokudenga akadai seokutonga nyaya, kugadza mitemo uye kutungamirira akabatanidzwa maari. (Isa. 33:22) Sezvo Mwari ari iye akatisika uye achitiraramisa, tinofanira kumuona saChangamire Ishe wedu. Kugara tichiyeuka kuti “Jehovha akasimbisa kwazvo chigaro chake mumatenga; [uye] umambo hwake hunodzora zvinhu zvose,” kuchaita kuti titsigire chinzvimbo chake chakakwirira.—Pis. 103:19; Mab. 4:24.

6. Kuperera kudini?

6 Kuti titsigire uchangamire hwaJehovha, tinofanira kuramba takaperera kwaari. “Kuperera” kuisa pfungwa dzako dzose pakuva netsika dzakanaka. Munhu akaperera kuna Mwari ndouya asina chaanopomerwa uye akarurama. Ndizvo zvakanga zvakaita Jobho.—Job. 1:1.

Matangiro Akaita Mutambo Wacho

7, 8. Satani akatii nezvokukodzera kwaJehovha kuva changamire?

7 Makore anenge 6 000 akapfuura, imwe ngirozi yakati Jehovha haana kukodzera kuva changamire. Kuda kunamatwa ndiko kwakaita kuti mupanduki iyeye ataure izvozvo uye aite zvaakaita. Akafurira murume nomukadzi vokutanga, Adhamu naEvha kuti varege kutsigira Mwari sachangamire uye akaedza kusvibisa zita raJehovha achimuti akanga avarevera nhema. (Verenga Genesisi 3:1-5.) Mupanduki uyu akava Muvengi mukuru, Satani (Mupikisi), Dhiyabhorosi (Mucheri), nyoka (munyengeri), uye dhiragoni (muparadzi).—Zvak. 12:9.

8 Satani akazvigadza somutongi, achikwikwidzana naMwari. Changamire Ishe Jehovha aizoita sei neizvi? Aizobva angoparadza vapanduki vatatu ava here, Satani, Adhamu naEvha? Simba rokudaro aiva naro, uye izvozvo zvingadai zvakabva zvangoratidza kuti ndiani aiva nesimba kupfuura vose. Zvingadai zvakaratizawo kuti Jehovha akanga ataura chokwadi nezvomutongo wokuputsa mutemo wake. Saka sei Mwari asina kuita saizvozvo?

9. Satani akapokana nechii?

9 Satani paakareva nhema uye paakatsausa Adhamu naEvha pana Mwari, akaratidza kusava nechokwadi nekodzero yaJehovha yokuteererwa nevanhu. Uyezve kunyengera kwaakaita vanhu vokutanga kuti varege kuteerera Mwari kwakaratidza kuti Satani akanga asina chokwadi nokuti vanhu vose vaizoramba vakavimbika. Sezvinoratidzwa pane zvakaitika kuna Jobho, uyo akaramba achitsigira uchangamire hwaJehovha, Satani akati aigona kutsausa vanhu vose pana Mwari.—Job. 2:1-5.

10. Kumbomira kwakaita Mwari kuratidza kuti ndiye changamire kwakapa mukana wei?

10 Kumbomira kwakaita Jehovha kuratidza kuti ndiye changamire kwakapa Satani mukana wokuratidza kana zvaakataura zviri zvechokwadi. Mwari akapawo vanhu mukana wokuratidza kuti vanotsigira uchangamire hwake. Chii chakaitika mumazana emakore akapfuura? Satani akaumba sangano rakasimba revapanduki. Jehovha achapedzisira ariparadza pamwe chete naDhiyabhorosi, zvichibva zvazopa uchapupu hwakasimba hwokuti Mwari ndiye akakodzera kuva changamire. Jehovha Mwari aiva nechokwadi chezvaizoitika zvokuti akagara azvitaura pakapanduka vanhu muEdheni.—Gen. 3:15.

11. Vanhu vakawanda vakaitei panyaya youchangamire hwaJehovha?

11 Vanhu vakawanda vakaratidza kuti vane kutenda uye vakaramba vakaperera kuna Jehovha panyaya yokuva kwake changamire uye yokutsveneswa kwezita rake. Vanosanganisira Abheri, Inoki, Noa, Abrahamu, Sara, Mosesi, Rute, Dhavhidhi, Jesu, vadzidzi vaKristu vokutanga, uye mamiriyoni evanhu vakaperera kuna Mwari mazuva ano. Vanhu vanotsigira uchangamire hwaMwari vari kuratidzawo kuti Satani murevi wenhema uye vari kuchenesa zita raJehovha rakazvidzwa naDhiyabhorosi paakazvirova dundundu achiti aigona kutsausa vanhu vose pana Mwari.—Zvir. 27:11.

Tinoziva Pachagumira Mutambo Wacho

12. Tingava sei nechokwadi chokuti Mwari haazorambi akangopeta maoko zvakaipa zvichiitika?

12 Tine chokwadi chokuti munguva pfupi iri kuuya Jehovha acharatidza kuti ndiye changamire. Haazongorambi akapeta maoko zvakaipa zvichiitika, uye tinoziva kuti tiri kurarama mumazuva okupedzisira. Jehovha akaparadza vakaipa panguva yeMafashamo. Akaparadza Sodhoma neGomora uye Farao nemauto ake. Sisera neuto rake uye Saniheribhi nemauto ake okuAsiriya havana kukwanisa kumirisana noWokumusorosoro. (Gen. 7:1, 23; 19:24, 25; Eks. 14:30, 31; Vat. 4:15, 16; 2 Madz. 19:35, 36) Naizvozvo tinogona kuva nechivimbo chokuti Jehovha Mwari haazongorambi akapeta maoko zvachose zita rake richizvidzwa uye Zvapupu zvake zvichitambudzwa. Uyezve, iye zvino tinoona uchapupu hwokuvapo kwaJesu, uye hwokuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino.—Mat. 24:3.

13. Tingaita sei kuti tisaparadzwa pamwe chete nevavengi vaJehovha?

13 Kuti tisaparadzwa pamwe chete nevavengi vaMwari, tinofanira kuratidza kuti tinotsigira uchangamire hwaJehovha. Tingazviita sei? Nokuramba takaparadzana noutongi hwaSatani husiri pamutemo uye kuramba kutyisidzirwa nevamiririri vake. (Isa. 52:11; Joh. 17:16; Mab. 5:29) Tadaro ndipo chete patinotsigira uchangamire hwaBaba vedu vokudenga, tova netariro yokuponeswa apo Jehovha achachenesa zita rake uye paacharatidza kuti ndiye Changamire Wezvose.

14. Ndima dzakasiyana-siyana dzeBhaibheri dzinotaura nezvei?

14 Bhaibheri rose zvaro rinorondedzera zvakawanda nezvevanhu nouchangamire hwaJehovha. Zvitsauko zvitatu zvokutanga zvinotiudza nezvokusikwa uye kupinda kwakaita vanhu muchivi, zvitsauko zvitatu zvokupedzisira zvichitaura nezvokununurwa kwavo. Zvimwe zvitsauko zvose zvinotiudza kuti Changamire Ishe Jehovha akatora matanho api kuti azadzise chinangwa chake nezvevanhu, nyika uye zvinhu zvose zvakasikwa. Genesisi inoratidza kuti Satani nouipi zvakavapo sei panyika uye mashoko okupedzisira ari muna Zvakazarurwa anoratidza mabvisirwo achaitwa uipi, kuparadzwa kuchaitwa Dhiyabhorosi, uye kuti kuda kwaMwari kuchaitwa sei pasi pano sezvakunoitwa kudenga. Zvechokwadi Bhaibheri rinotaura chakakonzera chivi norufu uye kuti zvichabviswa sei pasi pano, kuti vanhu vakaperera kuna Mwari vawane mufaro uye upenyu husingagumi.

15. Tingaita sei kuti tizobatsirwa panoguma nyaya ine chokuita nouchangamire hwaJehovha?

15 Mutambo uya uri kuitwa panyika wava kubva wopera. Nyaya iya yava nemakore ichitsviriridza youchangamire yava kusvika kwamvura yacheka makumbo. Satani achabviswa uye achapedzisira aparadzwa zvachose, uye kuda kwaMwari kuchaitika kwose kwose. Asi kuti tiwane zvikomborero zvakawanda zvakagara zvataurwa muShoko raMwari, iye zvino tinofanira kutsigira uchangamire hwaJehovha. Hazviiti kuti tiite mutamba kwose. Kuti tikwanise kuti: “Jehovha ari kurutivi rwangu,” tinofanira kuramba tiri kurutivi rwake.—Pis. 118:6, 7.

Tinogona Kuramba Takaperera!

16. Sei tingava nechokwadi chokuti vanhu vanokwanisa kuramba vakaperera kuna Mwari?

16 Tinogona kutsigira uchangamire hwaJehovha uye kuramba takaperera kwaari, nokuti muapostora Pauro akanyora kuti: “Hapana muedzo wakakubatai kunze kweinozivikanwa nevanhu. Asi Mwari akatendeka, uye haangakuregei muchiedzwa kupfuura zvamunogona kutsungirira, asi pamwe chete nomuedzo achaitawo nzira yokubuda nayo kuti mukwanise kuutsungirira.” (1 VaK. 10:13) Muedzo uri kutaurwa naPauro unenge uchibva kupi, uye Mwari anotipa sei nzira yokubuda nayo?

17-19. (a) VaIsraeri vakakurirwa nomuedzo upi murenje? (b) Sei tichikwanisa kuramba takaperera kuna Jehovha?

17 Zvakaitika kuvaIsraeri pavaiva murenje zvinoratidza kuti “muedzo” unouya nemamiriro ezvinhu anogona kutifurira kutyora mutemo waMwari. (Verenga 1 VaKorinde 10:6-10.) VaIsraeri vangadai vakakurira muedzo wacho, asi vaida “zvinhu zvinokuvadza,” pavakaitirwa naJehovha chishamiso chokupiwa zvihuta zvaivakwanira kwemwedzi wose. Kunyange zvazvo vanhu vakanga vava nenguva vasina kudya nyama, Mwari akanga avapa mana yaivakwanira. Asi vakabvuma kuedzwa vakava nemakaro pakuunganidza zvihuta.—Num. 11:19, 20, 31-35.

18 Izvi zvisati zvaitika, Mosesi paaipiwa Mutemo ari muGomo reSinai, vaIsraeri vakanamata mhuru uye vakaita zvaifadza nyama yavo. Kusava nomutungamiriri wavaiona nemaziso kwakaita kuti vakurirwe nomuedzo. (Eks. 32:1, 6) Vava kuda kutopinda muNyika Yakapikirwa, zviuru zvevaIsraeri zvakanyengerwa nevakadzi vechiMoabhi, vakabva vaita unzenza navo. Zviuru zvevaIsraeri zvakafira ipapo nokuda kwechivi ichi. (Num. 25:1, 9) Dzimwe nguva vanhu vaIsraeri vaikurirwa nomuedzo wokunyunyuta, zvokutoti mumwe musi vakataura vachishora Mosesi pamwe chete naMwari pachake! (Num. 21:5) VaIsraeri vakatonyunyuta pakaparadzwa Kora, Dhatani, Abhiramu nevavaibatana navo, vachiti zvakanga zvisina kururama kuti vapanduki ava vaparadzwe. Izvi zvakaita kuti vaIsraeri 14 700 vaparadzwe nedenda rakabva kuna Mwari.—Num. 16:41, 49.

19 Pamiedzo ichangobva kutaurwa hapana unganzi vaIsraeri vaitadza kuukurira. Vanhu vakakurirwa nemiedzo nokuti vakanga vasisina kutenda muna Jehovha uye vakanga vamukanganwa, vakanganwa kuvada kwaaiita uye kuti nzira dzake dzakarurama. Sezvakangoita vaIsraeri, miedzo yatinotarisana nayo inongowanikwawo nomunhu wose. Kana tikaedza kuikurira uye tikavimba netsigiro yaMwari, tinogona kuramba takaperera kwaari. Tinogona kuva nechivimbo chokuti achadaro nokuti “Mwari akatendeka,” uye haaregi ‘tichiedzwa kupfuura zvatinogona kutsungirira.’ Jehovha haazombotisiyi tichipinda mumamiriro ezvinhu anoita kuti zvitiomere kuita kuda kwake.—Pis. 94:14.

20, 21. Patinoedzwa, Mwari anotipa sei “nzira yokubuda nayo”?

20 Jehovha anoita kuti pave ne“nzira yokubuda nayo” nokutisimbisa kuti tisakurirwa nemiedzo. Somuenzaniso, vanhu vanotitambudza vanogona kutirova vachida kuti tirambe kutenda kwedu. Izvozvo zvingaita kuti tide kukanda mapfumo pasi tichiitira kuti tisarohwa, tisatambudzwa kana kuti tisaurayiwa. Zvisinei, kubva pamashoko aPauro akafuridzirwa akanyorwa pana 1 VaKorinde 10:13, tinoziva kuti miedzo yatiri kusangana nayo iyi haizorambi iripo nokusingaperi. Jehovha haazoiregi iripo kusvika tisingachakwanisi kuramba takatendeka kwaari. Mwari anogona kusimbisa kutenda kwedu uye kutipa simba ratinenge tichida kuti tirambe takaperera kwaari.

21 Jehovha anotitsigira achishandisa mudzimu wake mutsvene. Mudzimu iwoyo unotiyeuchidzawo pfungwa dziri muMagwaro dzatinoda kuti tisakurirwa nemiedzo. (Joh. 14:26) Saka hatizonyengedzwi kuti tiite zvakaipa. Somuenzaniso, tinonzwisisa nyaya dzakabatana dzouchangamire hwaJehovha uye kuperera kwevanhu kwaari. Kuziva nyaya idzi kwakaita kuti vakawanda vatsigirwe naMwari kuti varambe vakatendeka kusvikira pakufa. Asi rufu harusi irwo rwakaita kuti vakurire miedzo; rubatsiro rwaJehovha ndirwo rwakaita kuti vakwanise kutsungirira kusvikira pamugumo vasina kukurirwa nemiedzo. Anogonawo kutibatsira saizvozvo. Chiripo ndechokuti anoshandisa ngirozi dzake dzakatendeka kuti dzive vashumiri vebasa rinoitirwa vanhu vose, va“katumwa kuzoshumira vaya vachagara nhaka yoruponeso.” (VaH. 1:14) Sezvatichaona munyaya inotevera, vanhu vakaperera kuna Mwari chete ndivo vanogona kuva netariro yokuva neropafadzo yokutsigira uchangamire hwaMwari nokusingaperi. Isuwo tinogona kuva vamwe vavo kana tikaramba takaomerera kuna Jehovha saChangamire Ishe wedu.

Ungapindura Sei?

• Sei tichifanira kuona Jehovha saChangamire Ishe wedu?

• Kuramba takaperera kuna Mwari zvinorevei?

• Tinoziva sei kuti munguva pfupi iri kuuya Jehovha achabva aratidza kuti ndiye changamire?

• Maererano na1 VaKorinde 10:13, sei munhu achikwanisa kuramba akaperera kuna Mwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 24]

Satani akanyengera Adhamu naEvha kuti varege kuvimbika kuna Jehovha

[Mufananidzo uri papeji 26]

Tsigira uchangamire hwaJehovha nyangwe zvodini