Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Jesu akaudza vateereri vake kuti: “Ivai vakakwana, nokuti Baba venyu vokudenga vakakwana.” Ko vanhu nhasi vangava sei “vakakwana”?—Mat. 5:48.

Kuti tikwanise kupindura mubvunzo uyu tinofanira kunzwisisa mashandisirwo akaitwa shoko rokuti “kukwana” muBhaibheri. Hazvisi zvose zvinonzi neMagwaro zvakakwana zvinenge zvakanyatsokwana zvakazara. Jehovha pachake akakwana zvakazara. Kukwana kwevanhu kana kuti kwezvinhu kune pakunogumira. Mashoko echiHebheru neechiGiriki omuBhaibheri akashandurwa kuti “kukwana” anowanzoreva “kuzara,” “kusvika,” kana kuti “kusava nechinana” maererano nezvinenge zvichidiwa nemumwe munhu ane masimba. Mukutaura kwezuva nezuva, shoko racho hariwanzorevi kukwana zvizere. Mumwe muenzaniso ndewokuti “munhu akakwana” tichireva kuti pfungwa dzake dzinonyatsoshanda.

Adhamu naEvha vakasikwa vakakwana pazvinhu zvose. Vakanga vakakwana maererano nezvaidiwa noMusiki wavo. Nokuda kwokusateerera, havana kuramba vachiita zvaidiwa izvi saka vakarasikirwa nokukwana kwavo ivo nevana vavo. Saka vanhu vose vakawana chivi ichocho, kusakwana, kubva kuna Adhamu.—VaR. 5:12.

Asi, sezvakaratidzwa naJesu muMharidzo Yepagomo, kunyange vanhu vasina kukwana vanogona kukwana zvine mwero. Muhurukuro iyoyo, akaratidza kuti rudo rwakakwana runoratidzwa sei. Urwu rudo rwakafanana nerwakaratidzwa naMwari kuvanhu. Jesu akati: “Rambai muchida vavengi venyu uye muchinyengeterera vaya vanokutambudzai; kuti muve vanakomana vaBaba venyu vari kumatenga, nokuti vanoita kuti zuva ravo ribudire vanhu vakaipa nevakanaka uye vachiita kuti kunaye pavanhu vakarurama nevasina kururama.” (Mat. 5:44, 45) Nokuratidza rudo kusvika pakadaro, vadzidzi vaJesu vaizenge vachitevedzera muenzaniso waMwari wakakwana.

Nhasi uno, Zvapupu zvaJehovha munyika yose zvinoedza kuramba zvichiratidza vamwe rudo rukuru. Vane chido chokubatsira vanhu vanobva kwakasiyana-siyana, uye vemarudzi nezvitendero zvakasiyana-siyana kuti vasvike pazivo yakarurama yechokwadi cheBhaibheri. Munyika 236, Zvapupu zviri kuitisa zvidzidzo zveBhaibheri 7 000 000 nevanhu vanofarira.

Jesu akabvunza kuti: “Nokuti kana muchida vaya vanokudai, mune mubayiro wei? Vateresi havasi kuita saizvozvowo here? Uye kana muchikwazisa hama dzenyu chete, chii chamuri kuita chinoshamisa? Vanhu vemamwe marudzi havasi kuita saizvozvowo here?” (Mat. 5:46, 47) VaKristu vechokwadi havaratidzi rusarura kuvanhu vasina kudzidza saivo, kana kuti vorumwe rudzi; uye havangoratidzi rudo kuvanhu vanozovaratidzawo chete. Asi vanobatsira varombo nevarwere, vakuru nevaduku. Muzvinhu zvakadaro vaKristu vanogona kutevedzera rudo rwaJehovha vova vakakwana zvezera ravo.

Tichazombofa takakwana sezvakanga zvakamboita Adhamu? Hongu tichadaro. Vanhu vanoteerera vanotenda muchibayiro chaJesu vachasvika pakukwana Mukutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru, apo ‘Mwanakomana waMwari achaputsa mabasa aDhiyabhorosi.’—1 Joh. 3:8.