Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Regai Tipe Chinopiwa chaJehovha’

‘Regai Tipe Chinopiwa chaJehovha’

‘Regai Tipe Chinopiwa chaJehovha’

KANA mumwe munhu akakuitira mutsa unomutenda sei? Chimbofunga zvakaitwa nevakuru vemauto aIsraeri vachiratidza kutenda kwavo pavakanga varwa nevaMidhiyani. VaIsraeri vakarwa hondo iyi vachangobva kuita chivi chaiva nechokuita naBhaari wePeori. Mwari akaita kuti vanhu vake vakunde, uye mauto 12 000 nevaIsraeri vose vakagovana zvavakanga vapamba. Achiita maererano nezvainge zvarayirwa naJehovha, mauto akapa vapristi zvimwe zvezvavakanga vawana, uye vamwe vaIsraeri vakaitawo saizvozvo kuvaRevhi.—Num. 31:1-5, 25-30.

Zvisinei, vakuru vemauto vaida kupa zvinopfuura ipapo. Vakaudza Mosesi kuti, “Vashandi venyu vaverenga varume vehondo vatinotarisira uye hapana kana mumwe anzi ashayikwa kwatiri.” Vakasarudza kupa Jehovha ndarama nezvishongo zvakasiyana-siyana. Zvishongo zvose zvendarama zvaisvika 190 kg.—Num. 31:49-54.

Mazuva anowo, vanhu vakawanda vanonzwa vachida kuratidza kutenda zvavakaitirwa naJehovha. Havasi vashumiri vaMwari chete vanonzwa vachida kuratidza kutenda kwavo. Somuenzaniso, chimbofunga zvakaitwa nomutyairi webhazi akatakura hama kuenda nokudzoka kunhandare yaiitirwa gungano remarudzi ose rakaitirwa kuBologna, Italy, muna 2009. Nemhaka yokuti aityaira zvakanaka uye ainge akadzikama, vaya vakakwira bhazi rake vakaronga kumunyorera kadhi rokumutenda ndokumupa mari yembasera nebhuku raBhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? Mutyairi wacho akabva ati: “Ndiri kugamuchira kadhi nebhuku, asi mari, kwete, nokuti ndiri kuda kupawo chipo kuti murambe muchiita basa ramuri kuita. Kunyange zvazvo ndisiri mumwe weZvapupu zvaJehovha, ndiri kupa chipo ichi nokuti ndaona kuti munoita zvinhu zvose murudo.”

Kana uchida kutenda zvawakaitirwa naJehovha, imwe nzira yaunogona kuzviita nayo ndeyokupa chipo kubasa renyika yose reZvapupu zvaJehovha. (Mat. 24:14) Dzimwe nzira dzokupa nadzo dzakanyorwa mubhokisi riri munyaya ino.

[Bhokisi riri papeji 20]

MAPIRO ANOITA VAMWE

ZVIPO KUTI VATSIGIRE BASA ROMUNYIKA YOSE

Vakawanda vanochengeta kana kuronga mari yavanozoisa mumabhokisi ezvipo akanzi “Basa Romunyika Yose.”

Mwedzi woga woga ungano dzinotumira mari iyi kuhofisi yeZvapupu zvaJehovha yomunyika yadzo. Zvipo zvemari inopiwa nokuzvidira zvinogonawo kutumirwa zvakananga kuWatchtower Bible and Tract Society of New York, Inc., Attention Treasurer’s Office, 25 Columbia Heights, Brooklyn, New York 11201-2483, kana kuti kuhofisi yebazi romunyika yenyu reZvapupu zvaJehovha. Cheki dzinotumirwa kukero iri pamusoro apa dzinofanira kunyorerwa “Watchtower.” Mungapawo zvishongo kana kuti zvimwe zvinhu zvinokosha. Zvinofanira kuuya netsamba pfupi inotaura kuti zvipo.

CHIRONGWA CHOKUPA UCHIZOGONA KUDZORERWA

Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania ingachengeteswa mari kuti ishandiswe munyika yose. Zvisinei, muridzi anogona kudzorerwa mari yake kana ava kuida. Kuti uwane mamwe mashoko, tapota nyorera Treasurer’s Office pakero iri pamusoro apa kana kuti fonera (04) 2910591.

KURONGA KUBATSIRA VAMWE

Kuwedzera kuzvipo chaizvo zvemari, kune dzimwe nzira dzokupa nadzo kutsigira basa roUmambo romunyika yose. Dzimwe dzacho ndeidzi:

Inishuwarenzi: Munhu angaita kuti Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania izopiwa inishuwarenzi yake youpenyu kana kuti mari yake yomudyandigere.

Maakaundi Okubhengi: Munhu angaita kuti maakaundi ake okubhengi, magwaro anoratidza mari yaiswa mubhengi, kana kuti maakaundi okurega basa atarisirwe kana kuti azopiwa Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania, kana afa, zvichienderana nezvinodiwa nebhengi romunzvimbo iyoyo.

Mari yeBhizimisi Neyakakwereteswa: Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania ingapiwa mugove waiva nomunhu pabhizimisi nemagwaro anoratidza mari yaakakweretesa yaanofanira kudzorerwa.

Zvivako Nenzvimbo: Zvivako kana nzvimbo inotengeseka zvingapiwa sechipo chaicho kana kuti, kana iri nzvimbo yokugara, anenge apa wacho anogona kuramba achigarapo paanenge achiri mupenyu. Zivisa hofisi yebazi romunyika yako usati wanyora gwaro repamutemo uchipa chivako kana nzvimbo ipi neipi.

Chipo Chinobviswa Gore Negore: Uhwu urongwa hwokuti gore negore munhu anotamisa mari kana kuti mubereko wayo achizviendesa kusangano repamutemo rinoshandiswa neZvapupu zvaJehovha. Munhu wacho kana kuti mumwe munhu waanosarudza anozowana mari inenge yabvumiranwa gore negore kwoupenyu hwose. Anenge apa wacho anoderedzerwa mari yomutero yaanobhadhara gore rinotanga kubviswa chipo chacho chepagore negore.

Zvido Zvenhaka uye Pfuma Yakachengeteswa: Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania ingasiyirwa zvinhu sechido chenhaka chepamutemo, kana kuti Watch Tower Bible and Tract Society of Pennsylvania inganzi ndiyo inozotora zvinhu zvinenge zvakachengeteswa. Zvinhu zvakachengeteswa zvinobatsira sangano rechitendero zvingava nezvazvinobatsira pakudzikisirwa mutero.

Sezvinoreva mashoko okuti “kuronga kubatsira vamwe,” zvipo zvakadai zvinoda kuti ari kupa wacho anyatsoronga. Pane bhurocha riri mumutauro weChirungu neSpanish rine musoro unoti Charitable Planning to Benefit Kingdom Service Worldwide, rinoyamura vanhu vanoda kubatsira basa romunyika yose reZvapupu zvaJehovha nedzimwe nzira. Bhurocha racho rakanyorerwa kupa mashoko enzira dzakasiyana-siyana dzokupa nadzo zvipo kana mari iye zvino kana kuti pakufa. Vaverenga bhurocha iri uye vataura navanachipangamazano vavo vomutemo kana kuti vemitero, vakawanda vanga vachikwanisa kutsigira basa rechitendero chedu uye rokubatsira vanhu munyika yose, uye pavanenge vachidaro ivo vanenge vachibatsirwa pamutero wavanobhadhara. Ungawana bhurocha iri kana ukarikumbira kuCharitable Planning Office.

Kana uchida mamwe mashoko, unganyorera kana kufonera Charitable Planning Office, pakero iri pasi apa, kana kuti nehofisi yebazi romunyika yenyu.

Charitable Planning Office

Jehovah’s Witnesses

P. Bag WG-5001

Westgate

Runhare: (04) 2910591