Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Zvinhu Zvavakaita Zvakaenda Navo’

‘Zvinhu Zvavakaita Zvakaenda Navo’

‘Zvinhu Zvavakaita Zvakaenda Navo’

HAMA Theodore Jaracz, nhengo yeDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, vakapedza upenyu hwavo hwepasi pano mangwanani emusi weChitatu June 9, 2010. Vanga vava nemakore 84 uye vasiya mudzimai Melita wavanga vakaroorana naye kwemakore 53. Dzimwe hama dzavo dzasara ihanzvadzi yavo nevana vayo vatatu, vasikana vaviri nomukomana mumwe chete.

Hama Jaracz vakaberekwa musi waSeptember 28, 1925, kuPike County, Kentucky, U.S.A., uye vakaratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha vaine makore 15, musi waAugust 10, 1941. Makore maviri gare gare, vava nemakore 17, vakatanga basa roupiyona hwenguva dzose, uye ikoko ndiko kwakava kutanga kwavo basa renguva yakazara ravakazoita kwemakore anoda kusvika 67.

Muna 1946, vava nemakore 20, Hama Jaracz vakapinda kirasi yechinomwe yeChikoro cheBhaibheri cheWatchtower cheGiriyedhi. Pavakapedza kudzidza, Hama Jaracz vakatumirwa kunoshanda somutariri anofambira kuCleveland, Ohio, muUnited States. Muna 1951, vakatumirwa kunotungamirira basa repabazi rokuAustralia. Bhuku reGore reZvapupu zvaJehovha ra1983 rakashuma kuti Hama Jaracz “vaikurudzira hama zvikuru munyika yacho yose nokushingairira kwavo kuita zvinhu zvaMwari nenzira yakarongwa uye kutungamirira zvakanaka mumunda.”

Pavakadzokera kuUnited States, Hama Jaracz vakaroora Melita Lasko musi waDecember 10, 1956. Pavakaroorana vakatanga kuita basa rokufambira, vachishanda zvakaoma mumatunhu nemaruwa akawanda eUnited States. Gore ra1974 rava kunopera, Hama Jaracz vakadanwa kuti vazova nhengo yeDare rinodzora reZvapupu zvaJehovha.

Hama Jaracz vacharamba vachiyeukwa somushumiri waJehovha anga akazvipira uye akatendeka, anga akaisa pfungwa dzake pabasa raMwari. Vanga vari murume ane rudo nomudzimai wake, uye munhu aida zvokunamata vachitanga kuita zvido zvevamwe pane zvavo. (1 VaK. 13:4, 5) Kufarira kwavo nomwoyo wose kuita zvakanakira vamwe kwaioneka pakuda kwavaiita kuti vanhu vose vabatwe zvakaenzana uye nengoni. Uyezve kuda vanhu kwavaiita kwairatidzwa nokushingaira kwavo muushumiri hwomumunda.

Kunyange zvazvo takasuruvara nokurasikirwa nemunhu aishanda nesimba, anga ari nhengo yaidiwa yemhuri yeBheteri uye yesangano rose rehama, tinofarawo kuti Hama Jaracz vakashumira vakatendeka kwemakumi emakore. Tine chivimbo chokuti ‘vanga vakatendeka kunyange kusvikira kurufu, uye vakagamuchira korona youpenyu.’ (Zvak. 2:10) Tine chokwadiwo kuti ‘zvinhu zvavakaita zvaenda navo.’—Zvak. 14:13.