Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Hakuna Anonzi Achembera Zvokutadza Kushumira Mwari

Hakuna Anonzi Achembera Zvokutadza Kushumira Mwari

Hakuna Anonzi Achembera Zvokutadza Kushumira Mwari

Vamwe amai vanonzi Ana nemwanasikana wavo anonziwo Ana vakabhabhatidzwa musi wa19 December, 2009, muguta reMálaga kuSpain. Vamwe vevanhu 2 352 vakabhabhatidzwa muna 2009 kuSpain. Asi chaishamisa pana amai ava nemwanasikana wavo, mazera avo. Amai vaiva nemakore 107 uye mwanasikana aine 83!

Chii chakaita kuti vazosvika pakubhabhatidzwa vachiratidza kuzvitsaurira kwavo kuna Jehovha? Mukutanga kwema1970, mwanasikana wacho aigara achikokwa nomuvakidzani wavo aive Chapupu kuChidzidzo Chebhuku Cheungano chaiitirwa pamba pake. Ana aipinda musangano wacho zvepano neapo. Zvisinei, pamusana pebasa rake, Ana haana zvaakaita zvinopfuura ipapo.

Anenge makore gumi pava paya, vamwe vana vaAna vakatanga kudzidza Bhaibheri uye vakava vashumiri vaJehovha. Mumwe wacho anonzi Mari Carmen akazoita kuti amai vake vatangezve kufarira chokwadi cheBhaibheri uye akavabatsira kutanga kudzidza Bhaibheri. Ambuya vaMari Carmen, Ana mukuru, vakatangawo kufarira Bhaibheri. Vanhu gumi vomumhuri yacho vakazobhabhatidzwa.

Zuva ravakabhabhatidzwa, vanaAna, amai nemwanasikana, vaifara zvokunge vachabata denga. Ana, uyo aiva nemakore 107 akati, “Jehovha akandiitira zvakanaka zvikuru, akandibvumira kuti ndimuzive.” Mwanasikana wake akatiwo, “Paradhiso isati yasvika, ndinoda kushumira Jehovha, ndichiita zvaanoda uye kuparidza mashoko akanaka nepandinogona napo.”

Kupinda misangano ndiko kunoita kuti chirikadzi mbiri idzi dzifare zvikuru. Mumwe mukuru womuungano yavo akati, “Hapana kana musangano wavanenge vasipo. Vanogara vakagadzirira kupindura paChidzidzo cheNharireyomurindi.”

Muenzaniso wavo wakanaka unotiyeuchidza nezveimwe chirikadzi yainzi Ana, uyo “akanga asingamboshayikwi patemberi, achiita basa dzvene usiku nemasikati, achitsanya nokuteterera.” Izvi zvakaita kuti ave neropafadzo yokuona Jesu paaiva muduku. (Ruka 2:36-38) Paaiva nemakore 84, Ana akanga asina kuchembera zvokutadza kushumira Jehovha, uye ndizvo zvakaitawo vanasazita vake ava.

Une hama dzinoda kuteerera mashoko eBhaibheri here? Kana kuti wakaona munhu achembera anoda kuteerera paunomushanyira kumba kwake here? Vanhu vakadaro vanogona kuita savanaAna vataurwa munyaya ino, nokuti hakuna anonzi achembera zvokuti haakwanisi kutanga kushumira Mwari wechokwadi, Jehovha.

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 25]

“Jehovha akandiitira zvakanaka zvikuru”

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 25]

“Paradhiso isati yasvika, ndinoda kushumira Jehovha”