Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Imbirai Jehovha!

Imbirai Jehovha!

Imbirai Jehovha!

“Ndichaimbira Mwari wangu chero bedzi ndiripo.”—PIS. 146:2.

1. Chii chakaita kuti wechiduku Dhavhidhi anyore mamwe emapisarema ake?

ACHIRI muduku, Dhavhidhi akapedza maawa akawanda ari mumasango aiva pedyo neBhetrehema achifudza makwai ababa vake. Paaifudza makwai, Dhavhidhi aiona zvinhu zvinoshamisa zvakasikwa naJehovha: denga rakazara nenyeredzi, “mhuka dzomusango,” uye “shiri dzokudenga.” Akabayiwa mwoyo nezvaakaona zvokuti akanyora nziyo dzinoita kuti munhu anzwe manyukunyuku pakurumbidza Musiki wezvinhu izvi zvinoshamisa. Nziyo dzakawanda dzaDhavhidhi dziri mubhuku reMapisarema. *Verenga Pisarema 8:3, 4, 7-9.

2. (a) Nziyo dzingaita kuti munhu anzwe sei? Ipa muenzaniso. (b) Tingadzidzei nezveukama hwaDhavhidhi naJehovha muPisarema 34:7, 8 nePisarema 139:2-8?

2 Dhavhidhi angangove akanatsiridza unyanzvi hwake somuimbi panguva iyi youpenyu hwake. Akava nyanzvi yemandiriri zvokuti akakumbirwa kuti anoridzira Mambo Sauro rudimbwa. (Zvir. 22:29) Nziyo dzaDhavhidhi dzaizorodza mambo iyeye aishushikana sezvinongoita nziyo dzakanaka pavanhu mazuva ano. Pose paairidza rudimbwa rwake, “Sauro aizorodzwa uye aiita zvakanaka.” (1 Sam. 16:23) Nziyo dzakanyorwa nomuimbi uyu aitya Mwari dzichiri kungoshanda nanhasi. Pafunge! Nanhasi, makore anopfuura 3 000 kubva pakaberekwa Dhavhidhi, vanhu vakawanda vane mararamiro akasiyana-siyana uye vari kwose kwose panyika vanogara vachiverenga mapisarema aDhavhidhi kuti vanyaradzwe uye vave netariro.—2 Mak. 7:6; verenga Pisarema 34:7, 8; 139:2-8; Amo. 6:5.

Kukosha Kwenziyo Pakunamata Kwechokwadi

3, 4. Urongwa hupi hwokuimbira Mwari hwaivapo mumazuva aDhavhidhi?

3 Dhavhidhi aiva netarenda, uye akarishandisa zvakanaka chaizvo kuti arumbidze Jehovha. Ava mambo waIsraeri, Dhavhidhi akaronga kuti pavanhu vaishanda patebhenekeri pavewo nevaiimba zvinonakidza. PavaRevhi 38 000 vaishanda patemberi, 4 000 vakanzi vave “varumbidzi,” uye 288 vavo vakanga va“karovedzwa kuimbira Jehovha, vose vari nyanzvi.”—1 Mak. 23:3, 5; 25:7.

4 Dhavhidhi pachake akanyorawo nziyo dzakawanda dzaiimbwa nevaRevhi. MuIsraeri wose aiwana mukana wokuvapo paiimbwa mapisarema aDhavhidhi anofanira kuva aibayiwa mwoyo nezvaainzwa. Nokufamba kwenguva, areka yesungano payakaendeswa kuJerusarema, “Dhavhidhi akaudza vakuru vevaRevhi kuti vagadze hama dzavo dzaiva vaimbi dziine zviridzwa, zviridzwa zvine tambo noudimbwa nemakwakwakwa esimbi, dzichiridza kwazvo kuti pave nokufara kukuru.”—1 Mak. 15:16.

5, 6. (a) Sei nziyo dzaikosheswa chaizvo paitonga Dhavhidhi? (b) Tinoziva sei kuti nziyo dzaikosha chaizvo pakunamata munguva yevaIsraeri vekare?

5 Pamazuva aDhavhidhi, sei nziyo dzaikosheswa zvakadaro? Chingava here chikonzero chokuti mambo pachake aiva muimbi? Aiwa, paiva nechimwe chikonzero chakazotaurwa kwatopera mazana emakore Mambo akarurama Hezekiya paakatangazve mabasa epatemberi. Pana 2 Makoronike 29:25, tinoverenga kuti: “[Hezekiya] akaita kuti vaRevhi vamire paimba yaJehovha, vaine makwakwakwa esimbi, nezviridzwa zvine tambo noudimbwa, maererano nomurayiro waDhavhidhi nowaGadhi muoni wamambo newomuprofita Natani, nokuti Jehovha aipa murayiro achishandisa vaprofita vake.”

6 Saka Jehovha ndiye aishandisa vaprofita vake kuti arayire vanamati vake kumurumbidza nerwiyo. Vaimbi vedzinza roupristi vaitonzi vasaite mamwe mabasa aiitwa nevamwe vaRevhi kuti vawane nguva yakakwana yokunyora uye zvichida yokudzidzira.—1 Mak. 9:33.

7, 8. Panyaya yokuimba nziyo dzedu dzoUmambo, chii chinokosha kupfuura unyanzvi?

7 Pamwe ungati, “Panyaya yokuimba zvaisamboita kuti ndiverengerwe pakati penyanzvi dzaiimba patebhenekeri!” Asika havasi vaRevhi vose vaiimba vaiva nyanzvi. Maererano na1 Makoronike 25:8, paivawo ‘nevaidzidzira.’ Chimwezve chinhu chokufunga nezvacho ndechokuti pangava paivawo nevamwe vanhu vairidza zviridzwa uye vaiimba samare vemamwe madzinza evaIsraeri, asi Jehovha akapa vaRevhi chete basa rokuimba. Tinogona kuva nechokwadi chokuti vangave vaiva ‘nyanzvi’ kana kuti ‘vaidzidzira,’ vaRevhi vose ava vakatendeka vaiita basa ravo nemwoyo wose.

8 Dhavhidhi aifarira kuimba uye aikugona zvokuti. Asi tarenda roga ndiro rinokosha here kuna Mwari? Pana VaKorose 3:23, Pauro akanyora kuti: “Zvose zvamunoita, zviitei nomweya wose sokunge munoitira Jehovha, kwete vanhu.” Saka zviri pachena kuti chinokosha ‘kuita nomweya wose’ zvatinokwanisa pakurumbidza Jehovha.

Nziyo Pashure Penguva yaDhavhidhi

9. Tsanangura zvaungadai wakaona nokunzwa kudai waivapo pakatsaurirwa temberi panguva yokutonga kwaSoromoni.

9 Paitonga Soromoni, nziyo dzaishandiswa chaizvo pakunamata kwechokwadi. Pakatsaurirwa temberi, paiva nekwaya yakakwana, yaiva nevairidza mabhosvo endarira vaisvika 120. (Verenga 2 Makoronike 5:12.) Bhaibheri rinotiudza kuti “varidzi vemabhosvo [vose vari vapristi] nevaimbi [vakaita] kuti inzwi ravo rinzwike somunhu mumwe chete vachirumbidza nokuonga Jehovha, . . . ‘nokuti akanaka, nokuti mutsa wake worudo unogara nokusingagumi.’” Pavakangokwidza manzwi avo vachiimba nomufaro, “imba yacho yakazadzwa negore,” izvo zvairatidza kuti Jehovha akanga azvifarira. Zvinofanira kuva zvaifadza chaizvo, zvaikanga mate mukanwa kunzwa mabhosvo ose iwayo pamwe nevaimbi zviuru vachinyatsopindirana!—2 Mak. 5:13.

10, 11. Chii chinoratidza kuti vaKristu vepakutanga vaishandisa nziyo pakunamata?

10 Nziyo dzaishandiswawo pakunamata nevaKristu vepakutanga. Ichokwadi kuti vanamati vomuzana remakore rokutanga vaisanamatira mutebhenekeri kana kuti mutemberi, asi mudzimba. Kazhinji pavaiungana zvinhu zvakanga zvisina kuvamirira zvakanaka nemhaka yokutambudzwa uye zvimwe zvikonzero. Kunyange zvakadaro, vaKristu ivavo vaiimba vachirumbidza Mwari.

11 Muapostora Pauro akarayira hama dzake dzechiKristu dzokuKorose kuti: “Rambai . . . muchirayirana nemapisarema, nziyo dzokurumbidza Mwari, nziyo dzomudzimu nenyasha.” (VaK. 3:16) Pashure pokunge Pauro naSirasi vakandwa mujeri, vakatanga ku“nyengetera vachirumbidza Mwari norwiyo,” kunyange zvazvo vaisava nebhuku renziyo. (Mab. 16:24-26) Kudai waizokandwa mujeri, inziyo dzedu ngani dzoUmambo dzawaizokwanisa kuimba nemusoro?

12. Tingaratidza sei kuti tinokoshesa nziyo dzedu dzoUmambo?

12 Sezvo nziyo dzichikosha zvakadaro pakunamata kwedu, zvakanaka kuzvibvunza kuti: ‘Ndinonyatsodzikoshesa here? Ndinoita zvandinokwanisa kuti ndisvike nenguva pamisangano nepamagungano kuti ndiimbe rwiyo rwokutanga nehama dzangu nehanzvadzi, uye ndinoimba nechido here? Ndinokurudzira vana vangu kuti vasaona nziyo dzinoimbwa tapedza Chikoro chaMwari Choushumiri tava kusumwa kuMusangano Webasa kana kuti tapedza hurukuro yavose tava kusumwa kuChidzidzo cheNharireyomurindi sekanguva kokumbozorora, kana kuti kamukana kokumbobuda pasina chikonzero, kuti vambotwasanudza makumbo here?’ Kuimba kunotova kunamata kwatinoita. Hazvinei kuti tiri ‘nyanzvi’ kana kuti tiri ‘kudzidzira,’ tose tinogona uye tinofanira kuimba kuti tirumbidze Jehovha.—Enzanisa na2 VaKorinde 8:12.

Zvatinoda Zvinochinja Nokufamba Kwenguva

13, 14. Kuimba zvinonzwika nemwoyo wose pamisangano yedu kunokosherei? Enzanisira.

13 Makore anodarika 100 apfuura, Zion’s Watch Tower yakatsanangura chimwe chinoita kuti nziyo dzedu dzoUmambo dzikoshe chaizvo. Yakati: “Kuita chokwadi chokuimba inzira yakanaka yokuita kuti chipinde mupfungwa uye mumwoyo yevanhu vaMwari.” Mashoko akawanda enziyo dzedu anobva muMagwaro, saka kudzidza mashoko edzimwe nziyo dzacho kunogona kuva nzira yakanaka chaizvo yokuita kuti chokwadi chidzike midzi mumwoyo medu. Kazhinji vanhu vanouya kumisangano yedu kekutanga vanobayiwa mwoyo nokuimba nemwoyo wose kunoitwa neungano.

14 Mamwe manheru muna 1869, C. T. Russell achibva kubasa akanzwa kuimba mune rimwe zimba raiva nechepasi pechivako. Panguva iyoyo akanga akanda mapfumo pasi panyaya yokutsvaka chokwadi nezvaMwari. Saka akanga asarudza kuti sika sika nebhizimisi rake, achiti kana awana mari, aizoishandisa hake kubatsira vanhu kunyange zvazvo aisakwanisa kuvabatsira pane zvokunamata. Hama Russell vakapinda muzimba racho raiva neguruva nerima vakawana muchiitwa zvesvondo. Vakagara pasi vakateerera. Vakazonyora kuti zvavakanzwa usiku ihwohwo ‘zvakaita kuti, vachibatsirwa naMwari, vatangazve kusimbisa kutenda kwavo kwakanga kusisina kusimba kwokuti Bhaibheri rakafemerwa naMwari.’ Cherechedza kuti kuimba ndiko kwakakwezva Hama Russell kuti vapinde musangano uyu.

15. Manzwisisiro edu akanatsiridzwa sei izvo zvakaita kuti chionekwe chiri chinhu chakakodzera kugadziridza bhuku renziyo?

15 Kunzwisisa kwatinoita Magwaro kunonatsiridzwa nokufamba kwenguva. Zvirevo 4:18 inoti: “Gwara revakarurama rakaita sechiedza chinopenya chinoramba chichiwedzera kupenya kusvikira ava masikati chaiwo.” Chiedza chakawanda chinotoita kuti ‘maimbiro atinoita chokwadi’ agadziridzwe. Mumakore 25 adarika, Zvapupu zvaJehovha munyika dzakawanda zvanga zvichinakidzwa nokushandisa bhuku renziyo rinonzi Imbirai Jehovha Rumbidzo. * Mumakore ose aya kubvira pakabudiswa bhuku racho, chiedza changa chichiwedzera kujeka panyaya dzakati wandei, uye mamwe mashoko ari mubhuku racho renziyo haachashandiswi. Somuenzaniso, iye zvino hatichatauri tichiti “nhevedzo itsva” asi tava kuti “nyika itsva.” Uyewo tava kuti zita raJehovha “richatsveneswa,” kwete kuti “richarevererwa.” Saka bhuku redu renziyo raifanira kuitwa kuti rienderane nezvatava kutenda.

16. Bhuku redu idzva renziyo richatibatsira sei kuita zvinotaurwa nezano raPauro riri pana VaEfeso 5:19?

16 Nokuda kwezvikonzero izvi nezvimwewo, Dare Rinodzora rakabvumira kuti pabudiswe bhuku idzva renziyo rinonzi Imbirai Jehovha. Nziyo dziri mubhuku redu idzva dzava 135. Saka zvapava nenziyo shoma dzokudzidza, zvava kuita kuti tidzidze mashoko edzimwe nziyo dzacho itsva nemusoro. Izvi zvinoenderana nezano raPauro rakanyorwa pana VaEfeso 5:19.—Verenga.

Ratidza Kuti Unodzida

17. Ipfungwa dzipi dzingatibatsira kuti tisanyara nemanzwi edu pakuimba muungano?

17 Tinofanira kurega kuimba zvinonzwika pamisangano yedu yechiKristu here tichinyara nenzwi redu? Funga izvi: Pakutaura chaipo, hachisi chokwadi here kuti “tose tinokanganisa kazhinji”? (Jak. 3:2) Asi hatimboregi kurumbidza Jehovha paimba neimba tichityira kuti hatitauri zvakatsetseka pamusana pokuti takazvarwa nechivi. Zvino manzwi asina kutsetseka angatitadzisa sei kuimba tichirumbidza Mwari? Jehovha, uyo “akaita muromo womunhu,” anofara kunzwa tichishandisa manzwi edu kuimba tichimurumbidza.—Eks. 4:11.

18. Hama nehanzvadzi dziri kubatsirwa nei kudzidza mashoko enziyo itsva?

18 MaCD akanzi Sing to Jehovah—Piano Accompaniment ari kubatsira hama nehanzvadzi dzakawanda kudzidza nziyo itsva. Kuteerera marimba acho kunonakidza chaizvo. Kana ukagara uchiateerera uri kumba uye uchiteedzerawo zviri mubhuku rako renziyo, zvichakubatsira kudzidza mashoko acho zvoita kuti uve nechivimbo paunenge wava kuimba nziyo dzacho kuImba yoUmambo.

19. Matanho api anotorwa pakugadzirira marimba akadai seanoshandiswa pamagungano?

19 Zviri nyore kusakoshesa marimba atinotevedzera pakuimba pazuva regungano chairo, magungano edunhu, uye eruwa. Pane basa rakawanda rinoitwa kuti avepo. Kana nziyo dzacho dzasarudzwa, chikwata chevanhu 64 vanoridzira Watchtower zviridzwa chinofanira kunyatsonyorerwa maridziro achichaita. Mumwe nomumwe wavo anozopedza maawa akawanda achiongorora nziyo dzacho dzavachadzidzira uye dzichazorekodhwa kuPatterson, New York. Pachikwata chacho hama nehanzvadzi gumi hadzigari muUnited States. Vose vanoiona iri ropafadzo kushanda kuti pave nenziyo dzinonakidza dzatinoshandisa pamagungano. Tinogona kuratidza kuonga kwatinoita rudo rwavo rwavanoratidza vachishanda nesimba. Pamagungano edu, sachigaro paanotikumbira kuti tigare pasi, ngatikurumidzei kuita saizvozvo toteerera takanyarara marimba atakagadzirirwa.

20. Wasarudza kuitei?

20 Jehovha anoteerera nziyo dzedu dzokumurumbidza. Dzinokosha kwaari. Tinogona kufadza mwoyo wake nokuimba zvinonzwika nemwoyo wedu wose, pose patinoungana kuti tinamate. Hazvinei kuti tiri nyanzvi kana kuti tiri kudzidzira, ‘ngatiimbirei Jehovha’!—Pis. 104:33.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 1 Zvinoshamisa ndezvokuti mazana emakore gumi pashure perufu rwaDhavhidhi, boka rengirozi rakazivisa nezvokuberekwa kwaMesiya kuvafudzi vechiJudha vaifudza makwai avo mumasango ari pedyo neBhetrehema.—Ruka 2:4, 8, 13, 14.

^ ndima 15 Nziyo dzacho dzose 225 dzaiwanika mumitauro inopfuura 100.

Unofungei?

• Mienzaniso ipi yekare inotaurwa muBhaibheri inoratidza kuti nziyo dzine basa rinokosha pakunamata kwedu?

• Unoona kuteerera murayiro waJesu wakanyorwa pana Mateu 22:37 kwakabatana papi nokuimba nziyo dzoUmambo nemwoyo wose?

• Tingaratidza sei kuti tinokoshesa nziyo dzedu dzoUmambo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 23]

Unorambidza vana vako kungobuda-buda patinenge tichiimba here?

[Mufananidzo uri papeji 24]

Uri kudzidzira mashoko enziyo dzedu itsva uri kumba here?