Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mwana Wenyu Angapindura Kutii?

Mwana Wenyu Angapindura Kutii?

Mwana Wenyu Angapindura Kutii?

VABEREKI: Mumagazini yaJanuary 15, 2010, papeji 16-20, takataura nezvokuedzesera nevana venyu zvinogona kuitika kwavari. Nyaya ino ine mazano anokubatsirai kuti muite kuti vana venyu vave vakagadzirira kusangana nematambudziko okuchikoro. Mungada kushandisa nyaya ino paKunamata Kwemhuri muchiedzesera zvingagona kuitika kuvana venyu.

VANA vanosangana nematambudziko akawanda kana vari Zvapupu zvaJehovha. Vavanopinda navo chikoro vanowanzovabvunza kuti sei vasingaiti zvimwe zvinhu, zvakadai sokusaruta mureza, kupemberera mazuva okuzvarwa, uye mazororo. Kana mwana wenyu akabvunzwa mibvunzo yakadaro achapindura sei?

Vamwe vana vechiKristu vakangoti: “Handiiti zvakadaro. Hazvibvumirwi kuchechi kwedu.” Vana ivavo tinovatenda nokuti vakaratidza pavamire. Mapinduriro avo anogona kuita kuti vasaramba vachibvunzwa. Asi Bhaibheri rinotikurudzira ‘kugara takagadzirira kuzvidzivirira kune munhu wose anotibvunza chikonzero’ chezvatinotenda. (1 Pet. 3:15) Kupindura kwacho hakusi kwokungoti, “Handiiti zvakadaro.” Kunyange kana vamwe vasingabvumirani nesu, vamwe vangafara pavanonzwa kuti tine zvikonzero zvezvinhu zvatinoita.

Zvapupu zvakawanda zvechiduku zvakarondedzera nyaya dzomuBhaibheri kuvamwe vana vechikoro zvichishandisa mabhuku akadai saDzidza Kumudzidzisi Mukuru. Nyaya idzi dzinogona kubatsira kutsanangura kuti sei Zvapupu zvechiduku zvichiita kana kuti zvisingaiti zvimwe zvinhu. Vamwe vana vanoteerera nemwoyo wose kana vachiudzwa nyaya dzomuBhaibheri, uye zvidzidzo zveBhaibheri zvakawanda zvakatangwa nenzira iyi. Vamwe vana vanogona kuona zvichivaomera kuteerera nyaya yemuBhaibheri kusvika yapera. Dzimwe nyaya dzomuBhaibheri dzinogona kuoma kudzinzwisisa kana dzikasatsanangurwa zvakazara. Mumwe musikana anonzi Minhee ane makore 11 akaudza shamwari yake yakanga yamukoka kuzopemberera zuva rokuzvarwa kuti: “Bhaibheri haritiudzi kuti tipemberere mazuva okuzvarwa. Mumwe munhu womuBhaibheri anonzi Johani Mubhabhatidzi akaurayiwa paipembererwa zuva rokuzvarwa.” Zvisinei, Minhee anoyeuka kuti shamwari yake inenge isina kunzwisisa zvaakataura.

Dzimwe nguva zvinobatsira kuratidza mumwe mwana wechikoro mufananidzo kana kuti imwe nyaya iri murimwe remabhuku edu. Ko kana vakuru vechikoro vachiti havawanzodi kuti vana vape vamwe mabhuku avo echitendero? Vana vedu vangabudirira kupupura vasina mabhuku edu here? Mungabatsira sei vana venyu kuti vazive zvokutaura vachizvidzivirira?

Edzeserai Zvinogona Kuitika

Zvinobatsira kuti muedzesere muri kumba zvingagona kuitika, vabereki vachiita kunge ndivo vana vanodzidza nevana vavo. Vana pavanenge vachiedza kutaura vachizvidzivirira pakutenda kwavo, vabereki vachafanira kuvatenda vovaratidza magadzirisiro avangaita zvavanenge vataura uye kuti zvakanakirei kuti vadaro. Somuenzaniso vaudzei kuti vashandise mashoko anogona kunzwisiswa nevezera ravo vavanodzidza navo. Mumwe mukomana ane makore mapfumbamwe anonzi Joshua anoti vaanodzidza navo vakanga vasinganzwisisi mashoko akadai seokuti “hana” uye “kuvimbika.” Saka aifanira kushandisa mashoko ari nyore pakukurukura navo.—1 VaK. 14:9.

Vamwe vana vechikoro vakabvunza mibvunzo, vanopedzisira vasisateereri kana vakapiwa mhinduro yakarebesa. Vana veZvapupu vanofanira kuita zvokukurukura nevakadaro uye kumbonzwawo zvavanofunga kuitira kuti varambe vachida kunzwa nyaya yacho. Mumwe musikana ane makore gumi anonzi Haneul anoti, “Vana vokuchikoro kwedu vanofarira kuita zvokukurukura kwete kungotsanangurirwa.” Kuti mukurukure, bvunza mubvunzo, wonyatsoteerera zvinofungwa newauri kutaura naye.

Hurukuro dziri pasi apa dzinoratidza makurukuriro angaita vana vechiKristu nevavanodzidza navo. Hamufaniri henyu kudzidzira hurukuro idzi nomusoro, nokuti vana havafanani, uye zvavanosangana nazvo zvakasiyana. Saka mwana anofanira kuwana pfungwa iri munyaya yacho, oita yokutaura nemashoko ake uye zvinoenderana nemamiriro ake ezvinhu nevana vokuchikoro kwake. Kana muine vana vanoenda kuchikoro, edzai kuedzesera zviri muhurukuro idzi navo.

Kudzidzisa vana kunoda nguva uye ibasa chairo. Vabereki vechiKristu vanofanira kugara vachidzidzisa vana vavo Bhaibheri uye vachivanyengetedza kurarama vachiritevedzera.—Dheut. 6:7; 2 Tim. 3:14.

Pakunamata kwenyu kwemhuri kunotevera, edzai kuedzesera nevana venyu hurukuro idzi. Onai kuti izvi zvingabatsira sei. Yeukai kuti chinangwa chacho hachisi chokudzidzira nomusoro mhinduro dzacho kana kuti mashoko. Munotogona kuedzesera mamwe mamiriro ezvinhu kanoverengeka, muchipa mhinduro yakasiyana neyamambopa moona kuti vana venyu vanopindura sei. Pavanenge vachiedza kutsanangura zvavanotenda, vabatsirei kuva vanonzwisisa uye kuti vataure vafunga. Nokufamba kwenguva, muchazodzidzisa vana venyu kutaura zvavanotenda vachizvidzivirira kuvavakidzani nevadzidzisi sezvavanongoita kuvavanodzidza navo.

[Bhokisi/Mifananidzo iri papeji 4, 5]

KUPEMBERERA MAZUVA OKUZVARWA

Mary: John, ko wozouyawoka kuzopemberera zuva rangu rokuzvarwa.

John: Inga waita hako nokundifungawo, Mary. Ndingambokubvunzawo here kuti seiko uchiita mabiko pazuva rawakazvarwa?

Mary: Kuti ndipemberereka. Asi iwe haupemberere rako?

John: Handipemberere ini.

Mary: Chikonzero? Vanhu vekumba kwedu vakafara pandakazvarwa.

John: Mhuri yangu yakangoitawo seyako. Vakafara pandakazvarwa. Asi handifungi kuti ichocho chikonzero chokupemberera gore negore. Vanhu kana vari pamabiko avo vanozviona sokunge ndivo vanokosha kupfuura vamwe vanhu vose. Asi Mwari haasi iye anokosha kutipfuura here? Saka hatifaniri kumutenda here nokuti akatipa upenyu?

Mary: Saka uri kureva here kuti handifaniri kuva nemabiko okupemberera zuva randakazvarwa?

John: Izvo zvava kwauri Mary. Asi unomboziva here kuti kunyange zvazvo vanhu vakawanda vachifadzwa nokupiwa zvipo, Bhaibheri rinoti pane mufaro mukuru mukupa kupfuura mukugamuchira. Zvaisazova zvakanaka here kuti titende Mwari, tifunge nezvevamwe uye tivaitire zvakanaka pane kuti tingofunga nezvedu pachedu?

Mary: Handisati ndambofunga nezvazvo ini. Saka hautombopiwa nevabereki vako zvipo?

John: Ndinopiwa. Asi vabereki vangu havamiriri zuva randakazvarwa. Vanondipa zvipo pose pavanenge vangodira. Gara zviya unoziva here kuti kupemberera mazuva okuzvarwa kwakatangira kupi?

Mary: Handizivi ini. Ndiudzewoka.

John: Zvakanaka, ndozokuudza mangwana imwe nyaya inonakidza nezvezuva rokuzvarwa romumwe munhu akararama kare kare.

KUSARUTA MUREZA

Gail: Iwewe Claire sei usingasaruti mureza?

Claire: Waita hako Gail nokundindibvunza. Asi rega ndimbokubvanzawo iwe kuti sei uchiusaruta?

Gail: Ndinozviita nokuti ndinoda nyika yangu.

Claire: Ndinoziva kuti unoda amai vako Gail. Asi unovasaruta here?

Gail: Handivasaruti. Asi ndinosaruta mureza nokuti ndinouremekedza. Hauremekedzi mureza here?

Claire: Ndinouremekedza. Asi unoreva here kuti chinhu chose chatinoremekedza tinochisaruta?

Gail: Asi uri kutaura chokwadi. Mudzidzisi wedu ndinomuremekedza asi handimusaruti. Aa, saka handinyatsozivi kuti sei ndichisaruta mureza.

Claire: Gail, vanhu vakawanda vanofunga kuti mureza unomiririra nyika yavo. Saka kusaruta mureza kunoreva kuti vachaita chero chipi kana chipi nokuda kwenyika yavo. Asi ini handiwo maonero andinoita. Handingapi upenyu hwangu kunyika yangu nokuti ndakahupiwa naMwari. Ndakasarudza kuhupa kwaari. Saka kunyange zvazvo ndichiremekedza mureza, handiusaruti.

Gail: Hoo ndazonzwisisa.

Claire: Zvisinei, Gail, ndafara kuti wabvunza nyaya iyi. Kana uchida kuziva chandinoitira kana kuti chandinoregerera kuita zvimwe zvinhu, ingondibvunza. Waimboziva here kuti Bhaibheri rinoti kare kare, mumwe mambo weBhabhironi akamboudza vanhu kuti vakotamire chifananidzo. Vamwe vakaramba kunyange zvaizoita kuti vaurayiwe.

Gail: Hoo? Saka vakaitwa sei?

Claire: Ndichakuudza nezvavo masikati tava kunodya.

ZVEMATONGERWO ENYIKA ZVEKUCHIKORO

Mike: Tim, unofunga kuti tosarudza ani kuti atimiririre muParamende yevechiduku?

Tim: Hapana wandinotsigira pavanhu vacho vose.

Mike: Uchitadza nei?

Tim: Ndine mutungamiriri wangu akanakisisa. SomuKristu, ndakavimbisa kutevera Jesu. Saka handigoni kusarudza mumwe mutungamiriri. Unomboziva here kuti sei ndichifunga kuti ndiye Mutungamiriri akanakisisa?

Mike: Aiwa handidi kutombozviziva.

Tim: Zvakanaka kana wava kuzoda kuziva, usazeza kundibvunza.

[Mufananidzo uri papeji 4]

“John, ko wozouyawoka kuzopemberera zuva rangu rokuzvarwa”

[Mufananidzo uri papeji 3]

“Sei usingasaruti mureza?”