Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Une zvawakadzidza here pawakaverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi? Kana zvakadaro ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

• Kutenda dzidziso yokufanorongerwa zvichaitika muupenyu kunoitwa nemachechi akatangwa naani?

Dzidziso dzaCalvin dzinonyanya kutaura nezvekuti vanhu vakafanorongerwa zvichaitika muupenyu. Dzidziso dzaJean Cauvin (John Calvin) uyo aifarira zvokuchinja dzakazara mumachechi akadai seReformed, Presbyterian, Congregational, uye Puritan.—9/1, peji 18-21.

• Kaini akawanepi mudzimai wake?

Mudzimai waKaini anofanira kuva aiva mwana waEvha uyo “akabereka vanakomana nevanasikana.” (Gen. 5:4)—9/1, peji 25.

• Mwari akatuma ngirozi ipi kuti itungamirire vaIsraeri paaivabudisa muIjipiti? (Eks. 23:20, 21)

Zvine musoro kudavira kuti ngirozi yaiva ‘nezita raJehovha mairi,’ yaiva Mwanakomana waMwari wedangwe, uyo akazova Jesu.—9/15, peji 21.

• Nei nyama yaibayirwa kuzvidhori yakakurukurwa nezvayo mubhuku ra1 VaKorinde?

Mhuka dzaibayirwa mutemberi dzevaGiriki nevaRoma, asi nyama yaisara pamitambo yacho yaigona kutengeserwa vanhu mumisika yenyama. VaKristu vakanga vasingabatani nevahedheni pakunamata; asi vaisafanira havo kuona nyama yaibva kumitambo yevahedheni yaitengeswa pamusika seyakasvibiswa. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Rambai muchidya zvinhu zvose zvinotengeswa pamusika wenyama, musingabvunzi nokuda kwehana yenyu; nokuti ‘nyika nezvizere mairi ndezvaJehovha.’” (1 VaK. 10:25, 26)—10/1, peji 12.

• Panyaya yokunamata kwechokwadi, ndezvipi zvikonzero zvisingagamuchiriki kuna Mwari?

‘Zvakanyanya kuoma. Handidi. Ndakabatikana. Handinyatsozvikwanisi. Pane munhu akandigumbura.’ Izvozvo hazvisi zvikonzero zvokuti titadze kuita zvinorayirwa naMwari.—10/15, peji 12-15.

• Ndezvipi zvimwe zvaungaita kuti uite kuti misangano yechiKristu ivake iwe nevamwe?

Gadzirira nguva ichiripo. Gara uchipinda. Svika nenguva. Uya nezvose zvichashandiswa. Usaita zvinokutadzisa kuteerera. Pindurawo. Usanyanyorebesa mhinduro dzako. Ipa hurukuro dzawakapiwa uye mienzaniso. Rumbidza vanenge vaine zvavaita. Shamwaridzana nevamwe misangano isati yatanga uye yapera.—10/15, peji 22.

• Maperembudzi, ayo anosanganisira yava kunzi Hansen’s disease, anotaurwa munyaya ipi yeBhaibheri yaiva nechokuita nekamwe kasikana?

Madzimambo Wechipiri chitsauko 5 inotaura nezvemumwe musikana muIsraeri, aishanda pamba pemukuru weuto reSiriya ainzi Naamani. Sezvo murume uyu aiva nemaperembudzi, musikana wacho akamukurudzira kuenda kuna Erisha muprofita kuti anoporeswa.—11/1, peji 22.

• Tingadzidzei pakubvuma kufurirwa kwakaita Aroni?

Mosesi paakanga asipo, vaIsraeri vakakurudzira Aroni kuti avagadzirire mwari. Akabvuma akaita izvozvo. Izvozvo zvinoratidza kuti vaduku handivo voga vanofurirwa. Kunyange vakuru vanenge vachida kuita zvakanaka vanogona kufurirwa. Tinofanira kuramba kufurirwa kuita zvakaipa.—11/15, peji 8.

• Chokwadi ndechipi, uye nhema ndedzipi?

Satani munhu chaiye: chokwadi. (2 VaK. 11:14) Munhu paanofa anoramba achirarama kunyika isina vanhu venyama: nhema. (Mup. 9:5) Ngirozi dzakatendeka dzine hanya nesu: chokwadi. (Pis. 34:7) Jesu akaenzana naMwari: nhema. (1 VaK. 11:3)—12/1, mapeji 8-9.