Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Isa Pfungwa Dzako Pane Zvawakaitirwa naJehovha

Isa Pfungwa Dzako Pane Zvawakaitirwa naJehovha

Isa Pfungwa Dzako Pane Zvawakaitirwa naJehovha

JESU achangomutswa, vamwe vadzidzi vake vaviri vaienda kuEmausi vachibva kuJerusarema. “Pavaikurukurirana nokutaurirana” inodaro nhoroondo yaRuka, “Jesu akasvika, akatanga kufamba navo; asi maziso avo akadzikatidzwa kuti varege kumuziva.” Jesu akazoti kwavari: “‘Inyaya dzipi idzi dzamuri kukurukurirana muchifamba?’ Zvino vakamira nezviso zvakasuruvara.” Vakanga vakasuwirei? Vadzidzi ava vaiva nepfungwa yokuti Jesu aizonunura vaIsraeri kuti vasatongwe neMamwe Marudzi, asi izvozvo zvakanga zvisina kuitika. Jesu wacho akanga atourayiwa. Ndosaka vakanga vakasuwa.—Ruka 24:15-21; Mab. 1:6.

Jesu akatanga kubatsira vadzidzi vacho kunzwisisa nyaya yacho. “Achitangira pane Zvakanyorwa naMosesi nezvose Zvakanyorwa nevaprofita, akavadudzira zvinhu zvaiva nechokuita naye muMagwaro ose.” Zvechokwadi muushumiri hwaJesu makanga maitika zvinhu zvakawanda zvinokosha uye zvinosimbisa kutenda! Vadzidzi ava pavaiteerera Jesu achitsanangura, kusuwa kwavakanga vakaita kwakatanga kuva kufara. Pava paya manheru iwayo, vakazoti: “Mwoyo yedu yanga isingatsvi here zvaanga achitaura nesu mumugwagwa, zvaanga achitivhurira kwazvo Magwaro?” (Ruka 24:27, 32) Tinodzidzei pane zvakaitwa nevadzidzi vaJesu?

Kana Zvatinotarisira Zvikasaitika Tinoita Sei?

Vadzidzi ivavo vaviri vaienda kuEmausi vakanga vakasuwa nokuti zvavaitarisira zvakanga zvisina kuitika. Zvakaitika kwavari ndizvo zvinotaurwa pana Zvirevo 13:12 kuti: “Kana chinhu chinotarisirwa chikanonoka, chinoita kuti mwoyo urware.” Vamwe veduwo vava nemakore vachishumira Jehovha vakambofunga kuti kusvika pari zvino “kutambudzika kukuru” kunofanira kunge kwakapfuura. (Mat. 24:21; Zvak. 7:14) Zvinonzwisisika kuti tarisiro dzakadaro dzisina kuzadziswa dzinogona kuita kuti munhu asuwe.

Zvisinei, yeuka kuti vadzidzi vaya vaviri vakatangazve kufara pavakabatsirwa naJesu kuisa pfungwa dzavo pauprofita hwakanga hwazadziswa vachitoona. Isuwo tinogona kuramba tichifara saizvozvo kana taodzwa mwoyo sezvavakaita. Mumwe anonzi Michael ava nemakore ari mukuru akati: “Pfungwa dzako ngadzirege kungoti nangananga nezvinhu zvichigere kuitwa naJehovha. Funga nezvezvaakatoita.” Iri izano rakanaka zvechokwadi!

Zvakatoitwa naJehovha

Funga nezvezvimwe zvinhu zvinoshamisa zvakatoitwa naJehovha. Jesu akati: “Uyo anotenda mandiri, iyewo achaita mabasa andinoita; uye achaita mabasa makuru kune aya.” (Joh. 14:12) Iye zvino vashumiri vaMwari vari kuita mabasa echiKristu makuru kupfuura zvavati vamboita. Vanhu vanopfuura mamiriyoni manomwe vari kutarisira kupona pakutambudzika kukuru. Pasi pano hapasati pambova nevashumiri vaJehovha vakatendeka vanoshingaira munyika dzakawanda kudaro sevariko nhasi! Jehovha aita kuti mashoko aJesu okuti paizoitwa “mabasa makuru kune” ake azadziswe.

Chii chimwe chatakatoitirwa naJehovha? Akaita kuti vanhu vane mwoyo yakanaka vakwanise kubuda munyika yakaipa, vachipinda muparadhiso yevanhu vake yaakaita kuti ivepo. (2 VaK. 12:1-4) Imbofungisisa nezvezvimwe zviri muparadhiso iyoyo zvatinogona kuwana nyore nyore. Somuenzaniso imbokanda ziso pasherefu yako yemabhuku kana kuti yokuImba yoUmambo. Imbovhura Watch Tower Publications Index, kana kuti ongorora Watchtower Library pakombiyuta. Imboteerera kaseti kana CD romutambo. Dzosa mupfungwa dzako zvaikurukurwa uye zvaiitika pagungano richangopfuura. Fungazve nezvekuwadzana kwakanaka kwatinoita nehama nehanzvadzi dzedu dzechiKristu. Chokwadi Jehovha akaita hake kutipa zvokudya zvinosimbisa ukama hwedu naye uye hama dzinotida, zvokuti iparadhiso yevanhu vaMwari chaiyo!

Munyori wepisarema Dhavhidhi akati: “Imi makaita zvinhu zvizhinji, haiwa Jehovha Mwari wangu, iwo mabasa enyu anoshamisa nepfungwa dzenyu kwatiri.” (Pis. 40:5) Zvechokwadi kana tikaisa pfungwa dzedu pazvinhu zvakanaka zvatakatoitirwa naJehovha uye tikafungisisa pfungwa dzake dzinoratidza kutida kwaanoita, tichawanazve simba rokutsungirira takatendeka patiri kushumira nemwoyo wose Baba vedu vokudenga, Jehovha.—Mat. 24:13.

[Mufananidzo uri papeji 31]

Jesu akabatsira vadzidzi vake kuisa pfungwa dzavo pazvinhu zvavakanga vatoitirwa naJehovha

[Mifananidzo iri papeji 32]

Dzosa mupfungwa dzako zvaikurukurwa nezvaiitika pagungano richangopfuura