Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndinotenda Kuti Ndakashumira Jehovha, Kunyange Mumiedzo

Ndinotenda Kuti Ndakashumira Jehovha, Kunyange Mumiedzo

Ndinotenda Kuti Ndakashumira Jehovha, Kunyange Mumiedzo

Yakataurwa naMaatje de Jonge-van den Heuvel

NDAVA nemakore 98. Pamakore aya, 70 acho ndanga ndichifara kushumira Jehovha asi nomumiedzo. MuHondo Yenyika II, ndakazokandwa mumusasa wevasungwa, kwandakazoora mwoyo ndikapedzisira ndaita zvandakazodemba. Pashure pemakore akati kuti, ndakatarisana nomumwezve muedzo wairwadza chaizvo. Pasinei nezvakaitika, ndinotenda Jehovha kuti ndakava neropafadzo yokumushumira kunyange mumiedzo.

Upenyu hwangu hwakachinja muna October 1940. Ndaigara muguta reHilversum riri makiromita 24 kumaodzanyemba kwakadziva kumabvazuva kweAmsterdam muNetherlands. Nyika yacho yaitongwa neNazi panguva iyoyo. Ndakanga ndava nemakore mashanu ndaroorwa naJaap de Jonge, murume aida mhuri yake, uye taiva nemwanasikana wataida zvikuru aiva nemakore matatu ainzi Willy. Takanga takavakidzana neimwe mhuri yaishayiwa, yaiva nevana vasere, ichiomerwa nokuwana chouviri. Kunyange zvakadaro, vaigara nomumwe murume wechiduku vachimupa zvokudya. Zvakandinetsa kuti ‘Sei vaizviwedzera nhamo kudaro?’ Pandakambovaendesera zvokudya ndakanzwa kuti murume wacho aiva piyona. Akandiudza nezveUmambo hwaMwari uye kukomborera kwahuchaita vanhu. Zvandakaudzwa izvi zvakandibaya mwoyo, uye ndakabva ndagamuchira chokwadi. Gore iroro chairo ndakazvitsaurira kuna Jehovha ndokubhabhatidzwa. Papera gore ndabhabhatidzwa, murume vangu akabhabhatidzwawo.

Kunyange zvazvo ndaiva neruzivo rweBhaibheri rushoma, ndainyatsonzwisisa kuti kuva mumwe weZvapupu zvaJehovha, kwaireva kuti ndakanga ndava nhengo yesangano rakarambidzwa. Ndaizivawo kuti Zvapupu zvakati kuti zvakanga zvatoendeswa kujeri nemhaka yokuparidza shoko roUmambo. Kunyange zvakadaro, ndakabva ndangotanga kuparidza paimba neimba, uye ini nemurume wangu taiita kuti mapiyona nevatariri vanofambira vawane pokugara pamba pedu. Pamba pedu paichengetwawo mabhuku anotsanangura Bhaibheri, aiunzwa nehama nehanzvadzi kubva kuAmsterdam. Vaitutira mabhuku pamaodha bhasikoro avo voavhara nematende. Rudo noushingi zvehama idzi nehanzvadzi zvaishamisa zvechokwadi! Vaizvipinza mukanwa meshumba kuti vabatsire hama dzavo.—1 Joh. 3:16.

“Mhamha, Muchakurumidza Kudzoka Here?”

Inenge mwedzi mitanhatu ndabhabhatidzwa, mapurisa matatu akauya pamba pedu. Vakapinda mumba, vakatanga kutsvaka mabhuku. Kunyange zvazvo vasina kuona kabati raive rakazadzwa mabhuku, vakaona mamwe mabhuku akanga akavigwa pasi pemubhedha wedu. Vakabva vati ndivatevere kumahofisi avo muHilversum. Pandakambundira mwanasikana wangu Willy ndichimuti asare zvakanaka, iye akabvunza kuti, “Mhamha, muchakurumidza kudzoka here?” Ndakabva ndati, “Ndiri kudzoka mwanangu.” Zvisinei, paizopera mwedzi 18 yakaoma ndisina kumumbundirazve.

Zvakaitika ndezvokuti mumwe mupurisa akaenda neni kuAmsterdam nechitima kuti ndinobvunzurudzwa. Mapurisa akaedza kundimanikidza kuti nditaure kuti dzimwe hama nhatu dzokuHilversum dzaiva Zvapupu zvaJehovha. Ndakati: “Ndinongoziva mumwe chete wavo. Ndiye anotitengesera mukaka.” Ichocho chaiva chokwadi nokuti hama iyoyo yaitiunzira mukaka. Saka ndakati: “Zvokuti iye mumwe weZvapupu zvaJehovha motomubvunza moga, hamungabvunze ini.” Pandakaramba kuvaudza zvavaida vakandirova kumeso uye vakandiisa muchitokisi, ndikagaramo kwemwedzi miviri. Murume wangu paakaziva kwandaiva, akakwanisa kundiunzira mbatya nezvokudya. Muna August 1941, ndakazoendeswa kuRavensbrück, musasa wevakadzi waiva nomukurumbira woutsinye, anenge makiromita 80 kuchamhembe kweBerlin, muGermany.

“Faranuka Mudikani”

Patakasvika, takaudzwa kuti kana taizosaina pepa rokuramba kutenda kwedu taizoenda kumba. Asi handina kusaina. Panzvimbo paizvozvo ndakavapa zvinhu zvangu ndokukumura zvipfeko zvose maigezera ruzhinji, umo ndakasangana nedzimwe hanzvadzi dzechiKristu dzokuNetherlands. Takapiwa zvipfeko zvomumusasa zvaive zvakasonererwa kachira kepepuru, tikapiwa ndiro, kapu, nechipunu. Usiku hwokutanga, takarara mudzimba dzaifanoiswa vasungwa vasati vaendeswa kwavaizogara. Imomo ndimo mandakatanga kuchema kubvira pandakanga ndasungwa. Ndakachema ndichiti “Chii chichaitika kwandiri? Ndichagara muno kwenguva yakadini?” Kutaura chokwadi panguva iyi ukama hwangu naJehovha hwakanga husati hwasimba, sezvo ndakanga ndangova nemwedzi mishomanana ndaziva chokwadi. Ndakanga ndichiine zvakawanda zvokudzidza. Mangwana acho tava kumakwa rejisita, imwe hanzvadzi yokuNetherlands inofanira kunge yakacherechedza kusuruvara kwangu. Yakati: “Faranuka mudikani, faranuka! Chii chingatiwana?”

Tamakwa rejisita, takaendeswa kune dzimwe dzimba dzevasungwa dzataizogara, kwatakatambirwa nemazana ehanzvadzi dzechiKristu dzomuGermany nokuNetherlands. Dzimwe hanzvadzi dzomuGermany dzakanga dzatova nerinopfuura gore dzichigara mudzimba dzevasungwa idzi. Kuva navo kwakandisimbaradza zvokuti ndakatanga kuti faranukei. Ndakafadzwawo nokuona kuti dzimba dzevasungwa dzaigara hanzvadzi dzedu dzaive dzakachena kupfuura dzimwe dzaive mumusasa uyu. Uyezve, zvaizivikanwa kuti mudzimba dzedu makanga musina zvokubirana, kutukana, kana kurwisana. Pasinei nokuti taiitirwa utsinye mumusasa uyu, dzimba dzedu dzakanga dzakafanana nechitsuwa chakachena chiri mugungwa rine tsvina.

Upenyu Hwezuva Nezuva Mumusasa

Upenyu hwomumusasa hwaiva hwokufondoka asi zvokudya zviri zvishomashoma. Taifanira kumuka na5:00 mangwanani tobva tatanga kumakwa rejisita. Magadhi aiita kuti timire panze kweinenge awa, pasinei nokuti kunze kwakaita sei. Na5:00 dzemanheru, tadhamba nebasa, taimakwazve rejisita. Taizodya chingwa nemuto toenda kunorara taparara nokuneta.

Kunze kwemusi weSvondo, mazuva ose ndaishanda mumapurazi ndichicheka gorosi nejeko, ndichikukura madhaka mumigero yokurasa mvura, uye ndichigeza matanga enguruve. Kunyange zvazvo basa racho rairema uye raiva netsvina, ndairikwanisa mazuva ose nokuti ndakanga ndichiri wechiduku uye ndakasimba. Chimwe chaindisimbisa kuimba nziyo dzine shoko reBhaibheri pandaishanda. Zvisinei murume wangu nemwana wangu ndaivafunga mazuva ose.

Taiwana zvokudya zvishomanana, asi tose hanzvadzi dzaivemo taiedza kuchengeta chimedu chechingwa zuva rega rega kuitira kuti tizowana chakati kuti musi weSvondo pataiwana mukana wokuva pamwe chete tichikurukura nyaya dzomuBhaibheri. Takanga tisina mabhuku anotsanangura Bhaibheri, asi ndainyatsoteerera paitaurwa nyaya dzokunamata nehanzvadzi dzechikuru dzokuGermany dzakanga dzakatendeka. Takatochengeta kunyange Chirangaridzo chorufu rwaKristu.

Kusuwa Zvakanyanya, Kuzvidemba, Uye Kuora Mwoyo

Dzimwe nguva taiudzwa kuti tiite basa rainyatsotsigira hondo yairwiwa nevaNazi. Nemhaka yokusapindira kwedu mune zvematongerwo enyika, hanzvadzi dzose dzairamba kuita basa iroro, uye ndaitevedzera ushingi hwadzo. Taizorangwa nokunyimwa zvokudya kwemazuva uye kuramba takamiswa kwemaawa tapedza kumakwa rejisita. Pamwe pacho iri nguva yechando, takakiyirwa mune imwe imba yevasungwa kwemazuva 40 pasina chokudziya.

SeZvapupu zvaJehovha taiudzwa taudzwazve kuti taizobudiswa kana tikasaina pepa rokuramba kutenda kwedu. Pashure pokugara muRavensbrück kwerinopfuura gore, ndakaora mwoyo chaizvo. Mwoyo wangu wakanga wangova pakuda kuona murume wangu nemwanasikana wangu zvokuti ndakaenda kumagadhi omumusasa kunokumbira fomu rokuzivisa kuti ndakanga ndisisade kuva Mudzidzi weBhaibheri, ndokubva ndarisaina.

Dzimwe hanzvadzi padzakanzwa zvandakanga ndaita, dzakatanga kundinyenyeredza. Zvisinei, hanzvadzi mbiri dzechikuru dzemuGermany, Hedwig naGertrud dzakanditsvaka dzikandiudza kuti dzakanga dzichiri kundida. Vakanditsanangurira tichigeza matanga enguruve kukosha kwokuramba takaperera kuna Jehovha uye maratidziro atinoita kuti tinomuda nokusabvuma kutsauswa. Rudo rwavo rwokunge ndivo vakandibereka rwakandibaya mwoyo. * Ndaiziva kuti ndakanga ndakanganisa saka ndaida kunochinja zvandakanga ndasaina. Mamwe manheru ndakaudza imwe hanzvadzi nezvechisarudzo changu chokunokumbira kuchinja zvandakanga ndasaina. Mumwe mukuru womumusasa anofanira kunge akanzwa zvataitaura nokuti manheru iwayo chaiwo, ndakabva ndabudiswa ndikadzoserwa kuNetherlands nechitima. Mumwe mukadzi aive mukuru wedu, uyo wandichiri kuyeuka chiso chake, akati kwandiri, “Uchiri Bibelforscher (Mudzidzi weBhaibheri), uye uchagara wakadaro.” Ndakamupindura kuti, “Ehe, ndicharamba ndakadaro kana Jehovha achida.” Kunyange zvakadaro, ndakaramba ndichifunga kuti, ‘Ndingachinja sei zvandasaina?’

Mamwe mashoko aive pafomu racho aiti: “Ndiri kuvimbisa mugwaro rino kuti handichafi ndakashanda nesangano reInternational Bible Students Society.” Ndakazoziva zvokuita! Muna January 1943, pandakangosvika pamba, ndakatangazve kuparidza. Ndaiziva zvangu kuti ndikangobatwazve nevaNazi ndichiparidza nezvoUmambo hwaMwari, ndaizorangwa zvakaomarara.

Kuti ndiratidze kuna Jehovha kuti chido changu chemwoyo wose chaiva chokuva mushumiri wake akavimbika, ini nomurume wangu takaitazve kuti vanhu vaiuya nemabhuku nevatariri vanofambira vagare pamba pedu. Hakusi kufara kwandakaita kuti ndakanga ndawana mumwezve mukana wokuratidza kuti ndinoda Jehovha nevanhu vake!

Mumwe Muedzo Wakandirwadza

Mwedzi mishomanana hondo isati yapera, ini nomurume wangu takasangana nomumwe muedzo unorwadza. Muna October 1944, mwanasikana wedu akangotanga kurwara. Willy akanga abatwa nechirwere chaimutadzisa kufema uye kumedza. Zvakaramba zvichimusimbira ndokubva afa mushure memazuva matatu. Aingova nemakore manomwe.

Kufirwa nemwana wedu mumwe chete iyeye kwakatirwadza chaizvo. Kutaura chokwadi miedzo yandakasangana nayo kuRavensbrück pakanga pasina zviripo kana ndichienzanisa nokurwadziwa kwandakaita pakafa mwana wedu. Zviisinei, pataisurukirwa taiwanzonyaradzwa nemashoko ari pana Pisarema 16:8 anoti: “Ndakaisa Jehovha pamberi pangu nguva dzose. Nokuti ari kuruoko rwangu rworudyi, handizozununguswi.” Taivimba zvakasimba nechipikirwa chaJehovha chorumuko. Takaramba tichitsungirira tiri muchokwadi uye taigara tichishingaira kuparidza mashoko akanaka. Kusvikira paakazofa muna 1969, murume wangu akandibatsira zvechokwadi kushumira Jehovha nokuonga.

Zvikomborero Uye Mufaro

Mumakore ose apfuura aya, chinhu changa chichinyanya kundifadza kuva shamwari yepedyo yevashumiri venguva yakazara. Kubvira panguva dzehondo musha wedu wanga uchingosvikira vatariri vanofambira nemadzimai avo pavaishanyira ungano yedu. Maarten naNel Kaptein, mumwe mutariri anofambira nomudzimai wake, vakatogara pamba pedu kwemakore 13! Pakazonyanya kurwara Nel, ndakava neropafadzo yokumupepa mumba medu kwemwedzi mitatu kusvikira afa. Kuwadzana navo uye nedzimwe hama nehanzvadzi kwakandibatsira kuti ndinakidzwe neparadhiso yevanhu vaMwari yatiri mairi iye zvino chaiye.

Chimwe chiitiko chakandifadza zvikuru muupenyu hwangu kukokwa kwandakaitwa muna 1995 kuRavensbrück pazuva rairangarirwa zvakaitika ikoko. Ndakasangana nehanzvadzi dzandaiva nadzo mumusasa dzandakanga ndisina kuona kwemakore anopfuura 50! Ndakafara chaizvo pandakasangana navo zvokuti handizvikanganwi, uye zvakatipa mukana wokukurudzirana kuti titarisire zuva richararamazve hama dzedu neshamwari.

Pana VaRoma 15:4 Pauro anoti “nokutsungirira kwedu uye nokunyaradza kunobva muMagwaro, tive netariro.” Ndinotenda Jehovha nokutipa kwaakaita tariro iyi, iyo yaita kuti ndimushumire ndichionga ndiri mumiedzo.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 19 Mazuva iwayo, nemhaka yokusakwanisa kunyorerana nedzimbahwe redu, hama dzaigadzirisa nyaya dzine chokuita nokupindira mune zvematongerwo enyika nepadzaigonawo napo. Ndosaka vanhu vaibata zvakasiyana siyana munhu anenge atadza panyaya dzakadai.

[Mufananidzo uri papeji 10]

Ndiina Jaap, muna 1930

[Mufananidzo uri papeji 10]

Mwanasikana wedu Willy, aine makore manomwe

[Mufananidzo uri papeji 12]

Muna 1995, ndakafara pandakasanganazve nevamwe vangu. Ndiri wechipiri kubva kuruboshwe pamutsetse wokutanga