Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Nyatsoshandisa Nguva Yaunenge Usina Kuroora Kana Kuroorwa

Nyatsoshandisa Nguva Yaunenge Usina Kuroora Kana Kuroorwa

Nyatsoshandisa Nguva Yaunenge Usina Kuroora Kana Kuroorwa

“Regai anogona kuzviwanira nzvimbo azviwanire nzvimbo.”—MAT. 19:12.

1, 2. (a) Jesu, Pauro, nevamwe vaiona sei kusaroora kana kusaroorwa? (b) Chii chingatadzisa vamwe kuona kusaroora kana kusaroorwa sechipo?

HAPANA mubvunzo kuti wanano chimwe chezvipo zvinokosha chaizvo zvakapiwa vanhu naMwari. (Zvir. 19:14) Asiwo, vaKristu vakawanda vasina dzimba vanoraramawo upenyu hunogutsa. Harold, hama ine makore 95 isina kumbobvira yaroora, anoti: “Kunyange zvazvo ndichinakidzwa nokuva nevamwe uye kuvakoka, kana ndiri ndoga handisurukirwi. Ndinofunga kuti zvingatonzi ndine chipo chokusaroora.”

2 Jesu Kristu nomuapostora Pauro vakati kusaroora chipo chinobva kuna Mwari, sezvakangoitawo kuroora. (Verenga Mateu 19:11, 12; 1 VaKorinde 7:7.) Asi havasi vose vasina kuroora kana kuroorwa vakasarudza kudaro. Dzimwe nguva munhu anogona kushaya wokuroorana naye. Kana kuti pashure pemakore, vamwe vanozosara vava vega nemhaka yokurambana kana kufirwa. Saka kusaroora kana kusaroorwa kunganzi chipo pakudini? Uye vaKristu vakadaro vanganyatsoshandisa sei nguva iyi?

Chipo Chisina Vakawanda

3. VaKristu vasina kuroora kana kuroorwa vanowanzova nemikana ipi?

3 Munhu asina kuroora kana kuroorwa anowanzova nenguva yakawanda uye rusununguko pane akaroora kana kuroorwa. (1 VaK. 7:32-35) Iyi mikana isina vakawanda inoita kuti munhu awedzere ushumiri hwake, kuda kwaanoita vamwe, uye ave pedyo naJehovha. Saka vaKristu vakati kuti vava kunzwisisa kubatsira kunoita kusaroora uye vanosarudza ‘kumbokuwanira nzvimbo.’ Vamwe vangava vasina kumbobvira varonga kusaroora kana kuroorwa, asi zvinhu pazvakangochinja, vakanyengetera vachifungisisa nezvazvo ndokuona kuti vachibatsirwa naJehovha vaigonawo kugadzikana mumwoyo yavo. Saka vakagamuchira zvazvakanga zvava vakagara zvavo vakadaro.—1 VaK. 7:37, 38.

4. Nei vaKristu vasina kuroora vasingafaniri kufunga kuti havasi kushumira Mwari zvakakwana?

4 VaKristu vasina kuroora vanoziva kuti vanokosha kuna Jehovha nesangano rake pasinei nezvavari. Hapana asingadiwi naMwari. (Mat. 10:29-31) Hakuna munhu kana chinhu chingatiparadzanisa norudo rwaMwari. (VaR. 8:38, 39) Tingava takaroora kana tisina, hatina chikonzero chokufunga kuti hatisi kushumira Mwari zvakakwana.

5. Kuti munhu abatsirwe zvizere nokusaroora anofanira kuitei?

5 Asi kuti chipo chokusaroora chikubatsire zvakazara unofanira kuchishandisa, kungofanana nezvipo zvakadai sokuimba kana kuita zvemitambo. Saka vaKristu vakadaro, hama kana hanzvadzi, vechiduku kana vakwegura, vangava vakazvisarudza kana kuti vasina, vanganyatsoshandisa sei mamiriro avo ezvinhu? Ngatimbokurukurei mimwe mienzaniso inokurudzira yemuungano yechiKristu yepakutanga, toona kuti tinodzidzei.

Mhandara Nemajaya Asati Aroora

6, 7. (a) Vanasikana vaFiripi vaiva neropafadzo ipi yokushumira Mwari? (b) Timoti akashandisa sei zvakanaka ujaya hwake, uye izvi zvakaita kuti akomborerwe sei?

6 Muevhangeri Firipi aiva nevanasikana vana, mhandara, vaishingaira muushumiri sezvaaiita. (Mab. 21:8, 9) Kuprofita kwaiva chimwe chezvishamiso zvemudzimu mutsvene, uye vasikana ivavo vakashandisa chipo ichi kuzadzisa Joeri 2:28, 29.

7 Timoti ndemumwe akashandisa zvakanaka ujaya hwake. Kubvira paucheche akadzidziswa “zvinyorwa zvitsvene” naamai vake Yunisi naambuya vake Roisi. (2 Tim. 1:5; 3:14, 15) Asi vanofanira kunge vakava vaKristu munenge muna 47 C.E. pakatanga Pauro kushanyira guta ravaigara reRistra. Pashure pemakore maviri, pakazoshanya Pauro kechipiri, zvichida Timoti akanga ava kuda kusvitsa kana kuti achangoti pfuurei makore 20. Pasinei nezera uye kuti akanga achangowana chokwadi, aipupurirwa zvakanaka nevakuru vechiKristu muRistra nemuIkoniyumu yaive pedyo. (Mab. 16:1, 2) Saka Pauro akakumbira Timoti kuti vafambe vose mubasa rake. (1 Tim. 1:18; 4:14) Hatigoni kuva nechokwadi kuti Timoti haana kuzombobvira aroora. Asi tinoziva kuti achiri jaya, akabvuma nomufaro kufamba naPauro, akazoshumira asina kuroora kwemakore somumishinari uye mutariri.—VaF. 2:20-22.

8. Chii chakaita kuti Johani Mako ave nezvinangwa zvokunamata, uye akakomborerwa sei?

8 Achiri wechiduku, Johani Mako akanyatsoshandisawo nguva yaakanga asina kuroora. Iye naamai vake Mariya, pamwe nehama yake Bhanabhasi, vaiva nhengo dzokutanga dzeungano yomuJerusarema. Mhuri yavo inofanirawo kunge yaiva neupenyu hwakati simukirei, nokuti vaiva nemba muguta nemushandi. (Mab. 12:12, 13) Asi pasinei nezvose izvi, Mako akanga asingatsvaki zvakangonakira iye kana kuti zvokuzvifadza kunyange zvazvo aive achiri jaya; uyewo haana kusarudza kuva nemhuri neupenyu hwomutambarakede. Zvichida kuwadzana nevaapostora achiri muduku ndiko kwakaita kuti ade basa roumishinari. Saka haana kuzeza kubatana naPauro naBhanabhasi parwendo rwavo rwokutanga rwoumishinari achivashumira. (Mab. 13:5) Akazofamba naBhanabhasi, uye pashure pacho, akazoshandawo naPetro kuBhabhironi. (Mab. 15:39; 1 Pet. 5:13) Hatizivi kuti Mako akagara kwenguva yakareba zvakadini asina kuroora. Asi akasvika pakurumbidzwa zvakanaka chaizvo somunhu aida kushumira vamwe nekuita zvakawanda mubasa raMwari.

9, 10. VaKristu vechiduku vasati varoora vane mikana ipi yokuwedzera ushumiri? Ipa muenzaniso.

9 Vaduku vakawanda muungano vanoshandisawo nguva yavanenge vasati vava nemba kuti vawedzere basa ravo pakushumira Mwari. Vanonzwisisa sezvaiita Mako naTimoti kuti kusava nemba kunoita kuti ‘vashandire Ishe nguva dzose pasina kudzongonyedzwa.’ (1 VaK. 7:35) Izvozvo zvine zvazvakanakira. Vane mikana yokupayona, kushumira kunodiwa vaparidzi voUmambo zvakanyanya, kudzidza mumwe mutauro, kubatsira pakuvaka Dzimba dzoUmambo kana bazi, kupinda Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri, uye kushumira paBheteri. Kana uchiri muduku uye usati waroora kana kuroorwa, uri kunyatsoshandisa here mikana yaunayo?

10 Imwe hama inonzi Mark, yakatanga kupayona yava kuda kusvitsa makore 20, ndokuzopinda Chikoro Chokudzidzisa Vashumiri, ikanoshanda kwakasiyana-siyana munyika yose. Achitaura nezvemakore 25 aapedza ari mubasa renguva yakazara, anoti: “Ndakaedza kukurudzira vose muungano, ndichiparidza navo, ndichivashanyira ndichifudza, ndichikoka vamwe kuzodya, pamwe tichitomboungana tichikurudzirana pakunamata. Zvose izvi zvakaita kuti ndifare chaizvo.” Sezvinoratidzwa nemashoko aMark, kupa kunounza mufaro mukuru, uye kushanda zvizere mubasa dzvene kunoita kuti pave nemikana yakawanda yokupa vamwe. (Mab. 20:35) Pasinei nezvaunofarira, unyanzvi hwaunahwo, kana kuti ruzivo, pane zvakawanda zvinogona kuitwa nevechiduku mubasa raIshe.—1 VaK. 15:58.

11. Ndezvipi zvimwe zvakanakira kusamhanyirira dzimba?

11 Kunyange zvazvo vechiduku vakawanda vachida kuzova nemba, pane zvikonzero zvakanaka zvokuti vasadzimhanyira. Pauro anokurudzira vechiduku kumirira kusvikira “vayaruka,” pfungwa yokuda zvepabonde painenge isisina kunyanya kusimba. (1 VaK. 7:36) Zvinotora nguva kuti unzwisise zvauri uye kuti uve noruzivo rwokusarudza munhu akakodzera wokuroorana naye. Kupa mhiko yomuchato hachisi chisarudzo chokutamba nacho nokuti ndecheupenyu hwose.—Mup. 5:2-5.

Kana Zvikaitika Wakura

12. (a) Ana akashandisa sei mukana waakanga ava nawo paakava chirikadzi? (b) Iropafadzo ipi yaakava nayo?

12 Ana, anotaurwa muEvhangeri yaRuka, anofanira kunge akasuruvara chaizvo paakafirwa nomurume asingafungiri vachingova nemakore manomwe varoorana. Hatizivi kana aiva nevana uye kana akambofunga zvokuroorwazve. Asi Bhaibheri rinoti ava nemakore 84, Ana akanga achiri chirikadzi. Pane zviri muBhaibheri, tinogona kuti Ana akashandisa mukana waakanga ava nawo kuswedera pedyo naJehovha. “Akanga asingamboshayikwi patemberi, achiita basa dzvene usiku nemasikati, achitsanya nokuteterera.” (Ruka 2:36, 37) Saka zvokunamata zvaiva pokutanga muupenyu hwake. Izvi zvaida kuzvipira uye kushanda nesimba, asi akawana mubayiro mukuru. Akava neropafadzo yokuona Jesu achiri mwana uye akaudza vamwe nezvekusunungurwa kwakanga kwava kuda kuitwa vanhu naMesiya.—Ruka 2:38.

13. (a) Chii chinoratidza kuti Dhokasi aiita zvakawanda muungano? (b) Mabasa akanaka nemutsa waDhokasi zvakaita kuti awane mubayiro wei?

13 Mumwe mukadzi ainzi Dhokasi kana kuti Tabhita, aigara muJopa, chiteshi chengarava chekare chaiva kuchamhembe kwakadziva kumadokero kweJerusarema. Sezvo Bhaibheri risingatauri nezvemurume wake, anofanira kunge akanga asina kuroorwa panguva iyoyo. Dhokasi “aiita mabasa mazhinji akanaka okupa varombo zvipo zvokuvanzwira ngoni.” Aigadzirira chirikadzi dzaishayiwa nevamwe nguo zhinji, uye izvi zvaiita kuti vamude chaizvo. Saka paakaerekana arwara ndokufa, ungano yose yakatumira vanhu kunoteterera Petro kuti auye kuzomutsa hanzvadzi yavo yaidiwa chaizvo. Mashoko okumutswa kwake paakapararira muJopa, vakawanda vakava vatendi. (Mab. 9:36-42) Dhokasi anofanira kunge akabatsira vamwe vavo nemutsa wake iwoyo waishamisa.

14. Chii chinoita kuti vaKristu vasina kuroora kana kuroorwa vaswedere pedyo naJehovha?

14 Nhasi muungano munowanikwa vanhu vakura asi vasina dzimba, kufanana naAna naDhokasi. Vamwe vangava vakashaya wokuroorana naye akakodzera. Vamwewo vakarambana nevamwe vavo kana kuti vakafirwa. Nokushaya wokuudza nhuna dzavo, vaKristu vasina kuroora kana kuroorwa vanowanzodzidza kunyatsovimba naJehovha. (Zvir. 16:3) Silvia, imwe hanzvadzi isina kuroorwa yava nemakore anopfuura 38 iri paBheteri, inozviona sechikomborero. Inoti: “Dzimwe nguva ndinombozvibvunza kuti, ‘Zvandinongokurudzira vamwe ini ndichakurudzirwawo naani?’” Asi anozotiwo: “Kuvimba kuti Jehovha anoziva zvandinoda kupfuura ini wacho kunondibatsira kuswedera pedyo naye. Uye dzimwe nguva ndinokurudzirwa nomunhu wandinenge ndisingambofungira zvachose.” Pose patinoswedera pedyo naJehovha, iyewo anowedzera kutibata nounyoro uye kutipa chivimbo maari.

15. VaKristu vasina kuroora kana kuroorwa ‘vangawedzera’ sei kuda vamwe?

15 Kusaroora kana kusaroorwa kunopa mikana yakanaka yoku‘wedzera’ kuda vamwe. (Verenga 2 VaKorinde 6:11-13.) Jolene, hanzvadzi isina kuroorwa yava nemakore 34 iri mubasa renguva yakazara, inoti: “Ndakaedza kushanda zvakaoma kuti ndive neshamwari dzakasiyana siyana, kwete dzezera rangu chete. Kusaroorwa mukana wakazonaka wokupa zvaunazvo kuna Jehovha, vemhuri yako, hama dzako nehanzvadzi, pamwe chete nevavakidzani. Pandiri kukura ndiri kuwedzerawo kufara nezvandiri.” Zvechokwadi vakwegura, ndonda, vaya vari kurera vana pasina mumwe mubereki, vechiduku, nevamwewo muungano vanoonga rubatsiro rwevaya vasina kuroora kana kuroorwa. Chokwadi ndechokuti patinoratidza vamwe rudo isu vacho tinonzwa zvakanaka. ‘Ungawedzerawo’ here kuda vamwe?

Kusaroora Kana Kusaroorwa Kwoupenyu Hwose

16. (a) Nei Jesu akasarudza kugara asina kuroora? (b) Pauro akashandisa sei nokuchenjera kusaroora kwake?

16 Jesu haana kuroora; aifanira kugadzirira uye kuita ushumiri hwaakanga apiwa. Akapedza nyika achifamba, achifumira kushanda kusvika usiku, ndokuzobayira upenyu hwake. Akaita zvose izvi nokuti akanga asina kuroora. Muapostora Pauro akafamba zviuru zvemakiromita uye akasangana nematambudziko makuru muushumiri. (2 VaK. 11:23-27) Kunyange zvazvo Pauro angave akamboroora, akazosarudza kugara asina paakapiwa basa rokuva muapostora. (1 VaK. 7:7, 8; 9:5) Jesu naPauro vakakurudzira vamwe kuti vanyatsotevedzera muenzaniso wavo nokuda kweushumiri. Asi havana kuti, kuti munhu ave mushumiri waMwari anofanira kusaroora kana kusaroorwa.—1 Tim. 4:1-3.

17. Mazuva ano vamwe vari kutevera sei tsoka dzaJesu nedzaPauro, uye tingava sei nechokwadi chokuti Jehovha anokoshesa vanozvipira zvakadaro?

17 Vamwe mazuva ano vakasarudza kugara vasina kuroora kana kuroorwa kuti vanyatsoita ushumiri. Harold watambotaura, ava nemakore anopfuura 56 ari paBheteri. Anoti: “Pandakazosvitsa makore gumi ndiri paBheteri, ndakanga ndaona vakaroorana vakawanda vachisiya Bheteri nokurwara kana kuti kunochengeta vabereki vakwegura. Vabereki vangu vose vakanga vafa. Asi ndaifarira Bheteri chaizvo zvokuti ndaisada kukanganisa ropafadzo iyoyo nokuroora.” Makore akapfuura, imwewo hanzvadzi inonzi Margaret, yava nenguva iri piyona yakati: “Paiva nemikana yokuroorwa muupenyu hwangu, asi handina kumboisa pfungwa dzangu pazviri. Asi ndakashandisa rusununguko rwandaiva narwo somunhu asina kuroorwa kuti ndibatikane muushumiri, uye izvi zvakaita kuti ndifare chaizvo.” Chokwadi Jehovha haazombokanganwi munhu wose anozvipira nokuda kwekunamata kwechokwadi.—Verenga Isaya 56:4, 5.

Nyatsoshandisa Mamiriro Ako Ezvinhu

18. Vamwe vangakurudzira uye vangatsigira sei vaKristu vasina kuroora kana kuroorwa?

18 VaKristu vose vasina kuroora kana kuroorwa vari kuita zvavanokwanisa kuti vashumire Jehovha vanofanira kurumbidzwa uye kukurudzirwa. Tinovada nezvavari uye pamusana pezvakawanda zvavari kuita muungano. Havazombosurukirwi kana tikanyatsoratidza kuti tiri “vanun’una kana hanzvadzi kana amai kana baba kana vana” vavo.—Verenga Mako 10:28-30.

19. Ungaitei kuti unyatsoshandisa nguva yaunenge usina kuroora kana kuroorwa?

19 Ungava usina imba nokuti ndizvo zvawakada kana kuti nezvimwewo zvikonzero, mienzaniso iyi yemuMagwaro neyemazuva ano ngaikupe chivimbo chokuti unogona kufara uye kuva nezvibereko muupenyu. Zvimwe zvipo zvinoita zvokumirirwa nomwoyo wose, uye zvimwe zvinongoerekana zvauya. Zvimwe unoona kukosha kwazvo ipapo, asi zvimwe unozozvikoshesa nokufamba kwenguva. Saka zvinoenderana nokuti tiri kuzviona sei. Ungaitei kuti unyatsoshandisa nguva yausina kuroora kana kuroorwa? Swedera pedyo naJehovha, iva nezvakawanda zvokuita mubasa raMwari, uye wedzera kuda vamwe. Kungofanana newanano, kusaroora kana kusaroorwa kunopa mubayiro kana tikakuona sezvakunoitwa naJehovha uye tikashandisa chipo ichi nokuchenjera.

Unoyeuka Here?

• Kusaroora kana kusaroorwa kunganzi chipo munzira dzipi?

• Kusaroora kana kusaroorwa kunobatsira sei majaya nemhandara?

• Mikana ipi ine vaKristu vasina dzimba yokuswedera pedyo naJehovha uye kuwedzera kuda kwavanoita hama?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mifananidzo iri papeji 18]

Uri kunyatsoshandisa here mikana yaunayo yokushumira Jehovha?