Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ona Zita Riri Pamadziro Edzimba

Ona Zita Riri Pamadziro Edzimba

Ona Zita Riri Pamadziro Edzimba

ST. MORITZ. Iri izita rawakambonzwa here? Zvingangodaro nokuti inzvimbo inobvakachira vanhu vanobva pasi pose iri kuEngadine Valley kuSwitzerland. Asi St. Moritz haisi iyo yoga yava nemakore ichikwezvera vanhu kunzvimbo iyi inoyevedza iri nechokumucheto kweSwitzerland kwainoganhurana neItaly pakati pemakomo eAlps anogara akachena chando nechepamusoro. Kunewo Swiss National Park, ine miti nemhuka zvakazonaka zvinorumbidza Musiki wedu Mukuru, Jehovha. (Pis. 148:7-10) Asi kunewo zvisaririra zvemararamiro aiita vanhu mumakore epakati pema1600.

Pane zvimwe zvaunoona padzimba dziri munzvimbo iyi zvinoshamisa zvikuru. Hazvishamisi kuona zita raMwari rakanyorwa pamberi pemba, pakadai sepamusuo. Mumazana emakore akapfuura, vanhu vaiwanzoshongedza kunze kwedzimba vachiita zvokunyora mashoko nependi, vachiita zvokukwenga panenge pakadzururwa, kana kuti kutemera padombo. Pano pane mufananidzo wemba iri mumusha weBever. Mashoko akanyorwapo kana ashandurwa anoti: “Mugore ra1715. Jehovha ndiye wokutanga, uye Jehovha ndiye wokupedzisira. NaMwari zvinhu zvose zvinoita, asipo hapana zviripo.” Zita raMwari rinowanika kaviri mumashoko aya ava nemakore.

Mumusha weMadulain, unogona kuona mamwe mashoko akanyorwa ava nemakore akatowanda. Mashoko acho anoti: “Pisarema 127. Kana Jehovha asingavaki imba, vavaki vayo vanoshanda zvakaoma vachishandira pasina. Lucius Rumedius. Mugore ra1654.”

Sei zita raMwari richioneka padzimba dzevanhu munzvimbo iyi? Makore aibuda dzimwe chechi muchechi yeRoma, Bhaibheri rakabudiswa mumutauro weRomansh, uyo wakabva muchiLatin unotaurwa muEngadine. Tingatoti ndiro bhuku rokutanga kushandurirwa mumutauro uyu. Vanakidzwa nezvavaiverenga muShoko raMwari, vanhu vakawanda vomunzvimbo iyi vainyora pamadziro edzimba dzavo mazita avo pamwe chete nemamwe mashoko avaitora muBhaibheri aiva nezita raMwari.

Nanhasi, pashure pemazana emakore mashoko aya anyorwa padzimba idzi, achiri kuzivisa zita raJehovha achimurumbidza. Vanhu vanoshanya nevagari vemunzvimbo iyi vanokokwa kuzodzidza nezvaMwari anoshamisa, Jehovha, kuchimwe chivako chine zita rake chinonzi Imba yoUmambo yeZvapupu zvaJehovha iri muBever.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 7]

© Stähli Rolf A/age fotostock