Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Potera Muzita raJehovha”

“Potera Muzita raJehovha”

“Potera Muzita raJehovha”

“Ndichasiya vanhu vanozvininipisa nevakaderera . . . , uye vachapotera muzita raJehovha.”—ZEF. 3:12.

1, 2. Idutu ripi rokufananidzira riri kuuya pavanhu?

WAKAMBOPOTERA kana kuhwanda mvura mudumba kana kuti pasi pebhiriji uri parwendo here? Asi kana mvura yacho iri kuuya iine mhepo nechimvuramabwe kana kuti iri dutu rakasimba, dumba kana bhiriji zvingasakudzivirira zvakakwana.

2 Kune rumwe rudzi rwedutu riri kuuya rinogona kutsvaira munhu wose zvake. Iroro i“zuva redutu” rokufananidzira. “Zuva guru raJehovha” iroro richabata-bata vanhu vose. Asi isu tinogona kuwana kwokupotera. (Verenga Zefaniya 1:14-18.) Tingakuwana sei pa“zuva rokushatirwa kukuru kwaJehovha” rava pedyo?

Madutu Akaitika Kare Kuvanhu vaMwari

3. Idutu ripi “rine mabhanan’ana” rakauya paumambo hwaIsraeri hwemadzinza gumi?

3 Zuva raJehovha richatanga nokuparadzwa kwezvitendero zvose zvenhema zviri panyika. Panyaya yokuti tingawana sei kwokupotera, mhinduro tinoiwana pane zvakaitika kare pavanhu vaMwari. Isaya, uyo akararama muzana remakore rechisere B.C.E., akafananidza mutongo waJehovha pamadzinza gumi akapanduka eumambo hwaIsraeri ne“dutu rine mabhanan’ana” iro vanhu vaisakwanisa kudzivisa. (Verenga Isaya 28:1, 2.) Uprofita ihwohwo hwakazadziswa muna 740 B.C.E. pakapinda Asiriya munyika yemadzinza iwayo, aiwanzodanwa nezita redzinza raEfremu.

4. “Zuva guru raJehovha” rakauya sei paJerusarema muna 607 B.C.E.?

4 Pashure pokunge vaIsraeri vasina kutendeka vapiwa mutongo, “zuva guru raJehovha” rakazouya paJerusarema noumambo hweJudha muna 607 B.C.E. Izvozvo zvakaitika nokuti vanhu veJudha vakanga vapandukawo. VaBhabhironi vachitungamirirwa naNebhukadhinezari vakanga vaburitsira ziso nyika yeJudha neguta rayo Jerusarema. Vagari veJudhiya vakanga vatsvaka “kwokupotera kwenhema,” kuIjipiti yavakanga vabatana nayo mune zvematongerwo enyika. Asi vaBhabhironi vakatsvaira “kwokupotera” kwacho sezvinoita dutu rinoparadza rine chimvuramabwe.—Isa. 28:14, 17.

5. Chii chichaitika kuvanhu vaMwari seboka pachaparadzwa chitendero chose chenhema?

5 Zuva guru raJehovha rakauya paJerusarema rairatidza mutongo waizouya munguva yedu pachiKristudhomu chakapanduka. Pachazoparadzwawo zvimwe zvitendero zvose zvinoumba “Bhabhironi Guru.” Zvadaro, mamwe masangano ose nevanhu vanotsigira nyika yakaipa yaSatani vachatsakatiswa. Asi seboka, vanhu vaMwari vachapukunyuka nokuti vari kupotera muna Jehovha.—Zvak. 7:14; 18:2, 8; 19:19-21.

Kupotera Kuna Jehovha Iye Zvino Kuti Tizopona

6. Vanhu vaJehovha vangawana sei pokupotera?

6 Vanhu vaMwari vangawana sei kwokupotera kunyange iye zvino tava pedyo nomugumo kudai? Ku“funga nezvezita” raMwari uye kumushumira tichishingaira kunoita kuti tipotere kwaari tochengetedzwa. (Verenga Maraki 3:16-18.) Asi tinofanira kuziva kuti hazvisi zvokungofunga nezvezita rake chete. Tinoverenga kuti: “Munhu wose anodana zita raJehovha achaponeswa.” (VaR. 10:13) Kudana zita raJehovha kwakabatana nokuponeswa kwatinozoita. Uye vanhu vakawanda vanoda zvakarurama vanogona kuona kusiyana kwakaita vaya vasingashumiri Mwari nevaKristu vechokwadi, kureva vaya vano“funga nezvezita rake” vachimuremekedza, vachimushumira seZvapupu zvake.

7, 8. VaKristu vomuzana remakore rokutanga vakaponeswa sei panyama, uye izvozvo zvichaitika sei mazuva ano?

7 Kunyange zvakadaro, kupona kwedu hakungogumiri pakutizira kuna Mwari tova noukama naye chete. Vanhu vaMwari vanovimbiswa kuzonyatsoponeswa panyama. Izvi zvinoratidzwa nezvakaitika muna 66 C.E. pakarwiswa Jerusarema nemauto eRoma achitungamirirwa naCestius Gallus. Jesu akanga agara ataura kuti mazuva okutambudzika ikoko ‘aizotapudzwa.’ (Mat. 24:15, 16, 21, 22) Izvozvo zvakaitika pakadzokera mauto eRoma vanhu vasingatarisire, izvo zvakaita kuti vaKristu vechokwadi ‘vaponeswe.’ Vakakwanisa kutiza muguta racho nenharaunda dzakanga dzakaripoteredza. Vamwe vakayambuka Jodhani vakapotera mumakomo aive mhiri kwerwizi irworwo nechokumabvazuva.

8 Tinogona kuona kufanana kwezvakaitika kuvaKristu ivavo nezviri kuitika kuvanhu vaMwari mazuva ano. Kare, vaKristu vomuzana remakore rokutanga vakatsvaka kwokupotera, uye vashumiri vaMwari mazuva ano vari kuitawo saizvozvo. Zvisinei, iye zvino havazotiziri kune imwe nzvimbo nokuti vaKristu vari kwose kwose panyika. Kunyange zvakadaro, pachaguma chiKristudhomu chakapanduka, “vakasarudzwa” vari seboka nevamwe vavo veboka guru vachapona panyama nokupotera muna Jehovha uye musangano rake rakaita segomo.

9. Ndivanaani vakaedza kuita kuti vanhu vakanganwe zita raJehovha? Ipa muenzaniso.

9 Asi kana chiri chiKristudhomu, zvakakodzera kuti chiparadzwe nokuti hachina kudzidzisa vateveri vacho nezvaMwari nezvaanoda uye chakaratidza kuti chinovenga zita raMwari. Kuma500 C.E. kusvika kuma1500 C.E. zita raMwari raishandiswa chaizvo kuEurope. Zita iroro, rinomiririrwa nemabhii mana echiHebheru anowanzonyorwa saYHWH (kana kuti JHVH), raiwanika pamari, pamadziro edzimba, mumabhuku akawanda nemaBhaibheri, uye kunyange mumachechi eRoma nemamwe akabuda mairi. Asi mazuva ano tsika yavapo ndeyokubvisa zita raMwari mumaBhaibheri uye kusarishandisa pane zvimwe. Chimwe chinoratidza izvozvo itsamba yomusi waJune 29, 2008 yakatumirwa kuMasangano emaBhishopi echechi yeRoma nedare guru rinoona nezvedzidziso dzechechi iyi pamusoro ‘peZita raMwari.’ Mutsamba iyoyo Chechi yeRoma yakataura kuti mabhii mana anomiririra zita raMwari anonyorwa nenzira dzakasiyana-siyana anofanira kutsiviwa nerokuti “Ishe.” Muzinda weRoma uri kuVatican wakarayira kuti zita raMwari risashandiswa kana kutaurwa munziyo neminyengetero paminamato yechechi yeRoma. Uye vatungamiriri vezvimwe zvitendero kusanganisira zvechiKristudhomu vakavanzirawo vanamati vakawanda chaizvo zita raMwari wechokwadi.

Kudzivirirwa Kwevaya Vanotsvenesa Zita raMwari

10. Zita raMwari riri kukudzwa sei mazuva ano?

10 Kusiyana nezviri kuitwa nezvimwe zvitendero, Zvapupu zvaJehovha zvinokudza uye zvinorumbidza zita raMwari. Vanoritsvenesa nokurishandisa kwavanoita noruremekedzo. Jehovha anokomborera vaya vanovimba naye, uye anogona kuva chero zvaanoda kuti akomborere uye adzivirire vanhu vake. “Anoziva vaya vanopotera kwaari.”—Nah. 1:7; Mab. 15:14.

11, 12. Ndivanaani vakatsigira zita raJehovha muJudha yekare, uye ndivanaani vakaita saizvozvo munguva yedu?

11 Kunyange zvazvo voruzhinji vemunyika yeJudha vakanga vapanduka, paiva nevamwe vaka“potera muzita raJehovha.” (Verenga Zefaniya 3:12, 13.) Vamwe vanhu vakadai saJeremiya, Bharuki, naEbhedhi-mereki vakasiyiwa pakarangwa naMwari vaJudha vakanga vasingatendi nokubvumira kwaakaita kuti vaBhabhironi vakunde nyika yacho ndokutapa vanhu vayo. Vanhu ivavo vakasiyiwa vakanga vararama “pakati” perudzi rwakanga rwapanduka. Vamwe vakaramba vakatendeka vari kwavakanga vaendeswa. Muna 539 B.C.E., vaMedhiya nevaPezhiya vakakunda Bhabhironi vachitungamirirwa naKoreshi. Pasina nguva, Koreshi akapa murayiro waibvumira vaJudha vakanga vasara kuti vadzokere kunyika yavo.

12 Zefaniya akagara ataura nezvevaya vaizoita kuti kunamata kwechokwadi kutangezve, achiti Jehovha aizovaponesa uye aizovafarira. (Verenga Zefaniya 3:14-17.) Izvozvo zvakazoitikawo munguva yedu. Pashure pokunge Umambo hwaMwari hwagadzwa kudenga, Jehovha akanunura vakazodzwa vakatendeka vachiri pasi pano pakutapwa neBhabhironi Guru panyaya yokunamata. Uye achiri kuvafarira nanhasi.

13. Vanhu vemarudzi ose vari kusunungurwa sei?

13 Vaya vane tariro yokurarama nokusingaperi pasi pano vakabudawo muBhabhironi Guru uye vari kurarama vakasununguka padzidziso dzezvitendero zvenhema. (Zvak. 18:4) Saka Zefaniya 2:3 iyo inoti, “Tsvakai Jehovha, imi vanyoro vose vepanyika,” iri kunyanya kuzadziswa nhasi. Vanyoro vemarudzi ose, vangava vaine tariro yekuenda kudenga kana kuti yokurarama pasi pano, vari kupotera muzita raJehovha.

Zita raMwari Harishandi Sedumwa

14, 15. (a) Vamwe vakashandisa chii sedumwa? (b) Chii chatisingafaniri kushandisa sezango?

14 Vamwe vaIsraeri vaiona temberi sedumwa raigona kuvadzivirira kuvavengi vavo. (Jer. 7:1-4) Temberi isati yavako, vaIsraeri vaiona areka yesungano sezango raizovadzivirira muhondo. (1 Sam. 4:3, 10, 11) Mumwe mambo akanga akakurumbira, Constantine akanyora nependi mabhii maviri okutanga ezita rokuti Kristu muchiGiriki, khi narho, panhoo dzevarwi vake achitarisira kuti vaizodzivirirwa muhondo. Uye Mambo Gustav Adolph II wokuSweden, uyo akarwa muhondo yokuEurope ya1618-1648 anonzi aipfeka nhumbi yokuzvidzivirira nayo ine mufananidzo uri papeji 7. Cherechedza kuti zita rokuti Iehova raioneka zvakajeka pakora yacho.

15 Vamwe vanhu vaMwari vakambonetswa nemadhimoni vakabatsirwa nokudana zita raJehovha zvinonzwika. Kunyange zvakadaro hatifaniri kutora chinhu chinenge chakanyorwa zita raMwari sedumwa kana kuti zango rinobatsira munhu muupenyu hwezuva nezuva, sokunge kuti rine mushonga wokudzivirira. Izvi handizvo zvinorehwa nokupotera muzita raJehovha.

Kupotera Kwatinoita Nhasi

16. Panyaya dzokunamata tinowana sei pokupotera mazuva ano?

16 Mazuva ano tinopotera pakati pevanhu vaMwari apo tinochengetedzwa nokuva noukama naye. (Pis. 91:1) Pachishandiswa “muranda akatendeka, akangwara” uye vakuru vari muungano, tinonyeverwa nezvemaitiro enyika anogona kukanganisa kuchengetedzwa kwatakaitwa. (Mat. 24:45-47; Isa. 32:1, 2) Funga nezvokuti takanyeverwa kangani nezvekuda kuunganidza pfuma, uye funga kuti kunyeverwa kwakadaro kwakachengetedza sei ukama hwedu naMwari. Tinogarawo tichinyeverwa nezvengozi yokusakendenga kana kuti kushaya hanya, uko kunogona kuita kuti tipedzisire tisisaiti basa raJehovha. Shoko raMwari rinoti: “Kushayiwa hanya kwemapenzi ndiko kuchaaparadza. Munhu anonditeerera achagara akachengeteka, asinganetseki nokutya dambudziko.” (Zvir. 1:32, 33) Kuedza kuva netsika dzakanaka kunotichengetedzawo pakunamata.

17, 18. Chii chiri kubatsira mamiriyoni evanhu kupotera kuna Jehovha nhasi?

17 Fungawo nezvokukurudzirwa kwatinoitwa nemuranda akatendeka kuti titeerere murayiro waJesu wokuparidza mashoko akanaka oUmambo pasi pose. (Mat. 24:14; 28:19, 20) Zefaniya akataura nezvokuchinja kwaizobatsira vanhu kutizira kuzita raMwari. Akati: “Panguva iyoyo ndichaita kuti marudzi achinjire kumutauro wakachena, kuti ose zvawo adane zita raJehovha, kuti amushumire akabatana.”—Zef. 3:9.

18 Mutauro wakachena uyu chii? Mutauro wakachena unoreva chokwadi nezvaJehovha Mwari uye zvinangwa zvake zviri muShoko rake rakafuridzirwa. Iwe uri kutotaura mutauro iwoyo paunobatsira vanhu kunyatsonzwisisa Umambo hwaMwari uye kuti huchatsvenesa sei zita rake, paunotaura nezvokurevererwa kwouchangamire hwaMwari, uye paunotaura nomufaro nezvezvikomborero zvichawanikwa nevanhu vakatendeka. Kutaura kuri kuita vakawanda mutauro uyu wokufananidzira kuri kuita kuti nhamba yevari ‘kudana zita raJehovha’ uye vari ‘kumushumira vakabatana’ iwedzere. Mamiriyoni evanhu munyika yose ari kupotera kuna Jehovha.—Pis. 1:1, 3.

19, 20. Kuvimba ne“kwokupotera kwenhema” kwakakundikana kubatsira vaIsraeri sei?

19 Vanhu vari munyika vakatarisana nematambudziko akaita semakomo. Vakawanda vapererwa zvokuti vanotarisira kuti vanhu vakangoitawo saivo vachaagadzirisa. Kana kuti vanotarisira kuti masangano ezvematongerwo enyika achaagadzirisa, sezvakangoita vaIsraeri kare pavakatsvaka kubatsirwa nenyika dzavakanga vakavakidzana nadzo. Asi unoziva kuti izvi hazvina kubatsira vaIsraeri. Uye nhasi hakuna hurumende, kana kuti sangano reMubatanidzwa Wenyika Dzepasi Pose, richanyatsogadzirisa matambudziko evanhu. Saka munhu angatsvakirei kupotera kumasangano ezvematongerwo enyika? Bhaibheri rakaprofita nezvawo richiati, “kwokupotera kwenhema.” Unogona kuaonawo saizvozvo nokuti vanhu vose vanoisa tariro yavo maari vachaodzwa mwoyo zvinosuwisa.—Verenga Isaya 28:15, 17.

20 Dutu rokufananidzira rezuva raJehovha rava pedyo kusvika panyika. Zvirongwa zvevanhu uye zvombo zvenyukireya kana pfuma zvicharatidza kuti hazvikwanisi kudzivirira. Isaya 28:17 inoti: “Chimvuramabwe chichakukura kwokupotera kwenhema, uye mvura ichafashamira nzvimbo yokuvanda.”

21. Tichabatsirwa sei nokuita zvinotaurwa norugwaro rwegore rwa2011?

21 Iye zvino uye mune remangwana iroro, vanhu vaMwari vachanyatsochengetedzwa naMwari wavo Jehovha. Zita raZefaniya, iro rinoreva kuti “Jehovha Avanza,” rinotaura nezvokuvanzwa uku kwechokwadi. Zvakakodzera kuti rugwaro rwegore rwa2011 runotipa zano rouchenjeri rokuti: “Potera muzita raJehovha.” (Zef. 3:12) Kunyange iye zvino tinogona uye tinofanira kupotera kuzita raJehovha, tichivimba naye zvizere. (Pis. 9:10) Ngatigarei tichiyeuka mashoko aya akafuridzirwa anokurudzira: “Zita raJehovha inhare yakasimba. Munhu akarurama anomhanyira mariri odzivirirwa.”—Zvir. 18:10.

Unoyeuka Here?

• Tingapotera sei kuzita raJehovha iye zvino?

• Sei tisingafaniri kuvimba ne“kwokupotera kwenhema”?

• Tinovimbiswa kwokupotera kupi mune remangwana?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 6]

Rugwaro rwegore rwa2011 runoti: “Potera muzita raJehovha.”—Zefaniya 3:12.

[Vakatipa Mufananidzo uri papeji 7]

Thüringer Landesmuseum Heidecksburg Rudolstadt, Waffensammlung “Schwarzburger Zeughaus”