Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Tinopiwa Simba Rokukunda Miedzo Uye Kuora Mwoyo

Tinopiwa Simba Rokukunda Miedzo Uye Kuora Mwoyo

Tinopiwa Simba Rokukunda Miedzo Uye Kuora Mwoyo

“Muchagamuchira simba kana mudzimu mutsvene wasvika pamuri.”—MAB. 1:8.

1, 2. Jesu akavimbisa kubatsira vadzidzi vake nechii, uye nei vaizoda kubatsirwa?

JESU aiziva kuti vadzidzi vake vaisakwanisa kuita zvose zvaakanga avarayira nesimba ravo pachavo. Tichiona kukura kwebasa rokuparidza ravaizoita, simba revavengi vavo, uye kuti ivo vaingovawo zvavo vanhu venyama, zvaiva pachena kuti vaida simba rinobva kuna Mwari. Saka ava kuda kuenda kudenga, Jesu akavimbisa vadzidzi vake kuti: “Muchagamuchira simba kana mudzimu mutsvene wasvika pamuri, uye muchava zvapupu zvangu muJerusarema nomuJudhiya mose nomuSamariya uye kusvikira kurutivi ruri kure kwazvo rwenyika.”—Mab. 1:8.

2 Vimbiso iyoyo yakatanga kuzadziswa paPendekosti ya33 C.E. mudzimu mutsvene pawakapa vateveri vaJesu Kristu simba rokuzadza Jerusarema nokuparidza kwavo. Hapana akakwanisa kumisa basa racho. (Mab. 4:20) “Mazuva ose kusvikira pakuguma kwemamiriro ezvinhu” aripo, vateveri vakatendeka vaJesu, kusanganisira isu, vaizoda zvikuru simba iroro rinobva kuna Mwari.—Mat. 28:20.

3. (a) Tsanangura kusiyana kwakaita mudzimu mutsvene nesimba. (b) Simba rinobva kuna Jehovha ringatibatsira kuitei?

3 Jesu akavimbisa vadzidzi vake kuti ‘vaizogamuchira simba paizosvika mudzimu mutsvene pavari.’ Shoko rokuti “simba” nerokuti “mudzimu” anoreva zvakasiyana. Kusiyana kwawo kungaenzanisirwa sezvizvi; mudzimu mutsvene ungafananidzwa nemagetsi anopinda mubhatiri kuti rive nemoto, asi simba rakafanana nemoto usingaoneki unenge wava mubhatiri asi usiri kushanda. Simba iro Jehovha anopa vashumiri vake achishandisa mudzimu mutsvene rinoita kuti tikwanise kuita maererano nokuzvitsaurira kwedu uye, pamwe pacho kutibatsira kurwisa zvakaipa zvingauya patiri.—Verenga Mika 3:8; VaKorose 1:29.

4. Tichakurukurei munyaya ino, uye zvinotibatsirei?

4 Simba ratinopiwa nomudzimu mutsvene rinooneka nokuita sei patiri? Mudzimu mutsvene ungaita kuti tiite sei mumamiriro ezvinhu akasiyana-siyana? Sezvatinoedza kuramba tichishumira Mwari, tinosangana nezvipingamupinyi zvakawanda zvinokonzerwa naSatani, nyika yake, kana kuti nemiviri yedu ine zvitadzo. Zvinokosha kuti tikunde zvipingamupinyi izvi kuti titsungirire sevaKristu, tigare tichiita ushumiri, uye tirambe tiine ushamwari naJehovha. Ngatikurukurei kubatsirwa kwatinoita nemudzimu mutsvene kukunda miedzo, kuora mwoyo uye kuneta.

Simba Rokukunda Miedzo

5. Munyengetero ungatisimbisa sei?

5 Jesu akadzidzisa vateveri vake kuti vanyengetere vachiti: “Musatipinza mumuedzo, asi tinunurei pane akaipa.” (Mat. 6:13) Jehovha haazosiyi vashumiri vake vakatendeka vanomukumbira vachidaro. Mumwe musi, Jesu akati “Baba vari kudenga vachapa vaya vanovakumbira mudzimu mutsvene.” (Ruka 11:13) Zvinokurudzira chaizvo kuti Jehovha anovimbisa kutipa simba iri kuti tikwanise kuita zvakarurama! Izvi hazvirevi hazvo kuti Jehovha achaita kuti tirege kuedzwa. (1 VaK. 10:13) Asi patinosangana nemiedzo, iyoyo ndiyo nguva yatinofanira kunyanya kunyengetera.—Mat. 26:42.

6. Paaiedzwa naSatani, Jesu akatora kupi mhinduro dzake?

6 Jesu akashandisa magwaro kupindura Dhiyabhorosi paaimuedza. Shoko raMwari raiva mupfungwa dzaJesu zvakajeka paakapindura kuti: “Zvakanyorwa kuti, . . . Zvakare zvakanyorwa kuti, . . . Ibva, Satani! Nokuti zvakanyorwa kuti, ‘Jehovha Mwari wako ndiye waunofanira kunamata, uye ndiye oga waunofanira kuitira basa dzvene.’” Kuda Jehovha neShoko rake kwakaita kuti Jesu arambe zvinhu zvinokwezva zvaakaisirwa pamberi pake neMuedzi. (Mat. 4:1-10) Pashure pokunge Jesu aramba achikunda miedzo, Satani akamusiya.

7. Bhaibheri rinotibatsira sei kukunda miedzo?

7 Kana Jesu akavimba neMagwaro kuti akunde miedzo yaDhiyabhorosi, ko kuzoti isu? Zvechokwadi, kukwanisa kurwisa Dhiyabhorosi nevanhu vake kunotangira pakuva neshungu dzokuziva zvinodiwa naMwari uye dzokunyatsozviita. Vanhu vakawanda vakadzidza Bhaibheri vakasvika pakunzwisisa uchenjeri hwaMwari nokururama kwake zvikaita kuti vade kurarama maererano nezvarinotaura. Chokwadi “shoko raMwari” rine simba rokukwanisa “kunzwisisa kufunga nevavariro zvomwoyo.” (VaH. 4:12) Kuverenga kwaunoita Magwaro nokuafungisisa ndiko kunowedzerawo kunzwisisa kwaunoita chokwadi chaJehovha. (Zvir. 2:4, 5) Saka zvakanaka kuti tifungisise magwaro ane chokuita nepatisina kusimba.

8. Tingawana mudzimu mutsvene nokuitei?

8 Kuziva Magwaro handiko chete kwaiita kuti Jesu akunde miedzo. Akanga ‘azerewo nomudzimu mutsvene.’ (Ruka 4:1) Kuti tidarowo tinofanira kuswedera pedyo naJehovha nokushandisa zvakanaka urongwa hwose hwaakatipa kuti tizadzwe nemudzimu wake. (Jak. 4:7, 8) Zvimwe zviri paurongwa hwacho kudzidza Bhaibheri, kunyengetera, uye kuwadzana nevamwe vanamati. Vakawanda vakanzwisisawo kubatsira kunoita kuramba wakabatikana pamabasa echiKristu, uko kunobatsira kuti tirambe tichifunga zvinhu zvinovaka pakunamata.

9, 10. (a) Miedzo ipi yakanyanya kwaunogara? (b) Kufungisisa uye kunyengetera kungakusimbisa sei kukunda muedzo kunyange paunenge uchinzwa wakaneta?

9 Miedzo ipi yaunofanira kurwisana nayo? Wakambosangana nemuedzo wokuda kutamba nenyaya dzerudo nemunhu wausina kuroorana naye here? Kana usina kuroora kana kuroorwa, wakambova nemuedzo wokuda kubvuma kufambidzana nemunhu asingatendi here? Pavanenge vachiona terevhizheni kana kushandisa Indaneti, vaKristu vangaerekana vasangana nemuedzo wokuona zvinonyadzisira. Zvakamboitika kwauri here, kana zvakadaro wakaita sei? Kuchenjera kufungisisa kuti chikanganiso chimwe chete chingakusvitsa pane chimwe, zvozoita kuti utadze zvakakomba. (Jak. 1:14, 15) Funga nezvekurwadziwa kungaitwa Jehovha, ungano, uye vemhuri yako. Asi kuramba takaomerera pane zvinodiwa naMwari kunoita kuti tive nehana yakanaka. (Verenga Pisarema 119:37; Zvirevo 22:3.) Pose paunosangana nemiedzo yakadaro, usamborega kunyengeterera simba rokuikunda.

10 Pane chimwezve chokufunga nezvacho panyaya yokuedzwa kwaJesu naDhiyabhorosi. Jesu akaedzwa naSatani pashure pemazuva 40 achitsanya murenje. Hapana mubvunzo kuti Dhiyabhorosi akafunga kuti iyi yaiva “nguva yakakodzera” yokuedza kuperera kwaJesu. (Ruka 4:13) Satani anotsvakawo nguva yakakodzera yokuedza kuperera kwedu. Saka zvinokosha kuti ukama hwedu naMwari hugare hwakasimba. Satani anowanzorwisa panguva yaanoona kuti munhu haana kusimba. Saka pose patinonzwa takaneta kana kuti takaora mwoyo, tinofanira kuwedzera kuteterera Jehovha kuti atidzivirire uye atipe mudzimu mutsvene.—2 VaK. 12:8-10.

Simba Rokukunda Kuneta Uye Kuora Mwoyo

11, 12. (a) Chii chinoita kuti vakawanda vanzwe vakaora mwoyo mazuva ano? (b) Chii chingatipa simba rokukunda kuora mwoyo?

11 Sevanhu vakazvarwa vaine chivi, tinomboorawo mwoyo. Izvozvo zvakanyanya mazuva ano nokuti nguva yatiri inotenderedza musoro chaizvo. Tava munguva zvichida yakanyanya kuoma zvisati zvamboonekwa nevanhu. (2 Tim. 3:1-5) Nokuswedera kuri kuita Amagedhoni, nhamo dzemari, kushushikana, nezvimwewo zviri kuwedzera. Saka hazvishamisi kuti vamwe vari kuramba vachiona zvakaoma kutarisira uye kuriritira mhuri dzavo. Vanonzwa vaneta, varemerwa, vadhamba, uye vasisazvigoni. Kana zvirizvo zviri kuitika kwauri, ungakunda sei?

12 Yeuka kuti Jesu akavimbisa vadzidzi vake kuti aizovapa mudzimu mutsvene waMwari kuti uve mubatsiri wavo. (Verenga Johani 14:16, 17.) Iri ndiro simba rinopfuura ose ariko. Achirishandisa, Jehovha anogona kutipa simba “zhinji kwazvo” rokuti titsungirire chero muedzo. (VaEf. 3:20) Muapostora Pauro akati kana tikavimba nawo tinowana “simba rinopfuura renguva dzose,” kunyange zvazvo ‘tichimanikidzwa munzira dzose.’ (2 VaK. 4:7, 8) Jehovha haavimbisi kuti achatibvisira nhamo, asi anotivimbisa kuti achishandisa mudzimu wake, achatipa simba rokutsungirira.—VaF. 4:13.

13. (a) Mumwe wechiduku ari kusimbiswa sei kuti atsungirire mamiriro ezvinhu akaoma? (b) Pane mimwe mienzaniso yakadaro yaunoziva here?

13 Funga nezvomumwe piyona ane makore 19 anonzi Stephanie. Akaita sitiroko aine makore 12 akazoonekwa kuti aiva nebundu muuropi. Akazovhiyiwa kaviri, akarapwa achipiswa negetsi, ndokuzositirokazve kaviri izvo zvakasiya rutivi rwake rworuboshwe rusisashandi uye asisanyatsooni. Stephanie anorega kuita zvimwe zvinhu kuti azowana simba rokuita zvinonyanya kukosha kwaari, zvakadai semisangano yechiKristu neushumiri. Kunyange zvakadaro, anoona kuti mudzimu waJehovha unomubatsira nenzira dzakawanda kuti atsungirire. Mabhuku anotsanangura Bhaibheri anotaura zvakasangana nevamwe vaKristu anomunyevenutsa paanenge akasuruvara. Hama nehanzvadzi dzinomusimbisa nokumutumira tsamba kana kuti kumukurudzira, misangano isati yatanga uye yapera. Vanhu vanofarira vanoratidzawo kuonga kwavanoita zvavari kudzidziswa naStephanie nokuenda kumba kwake kuti vanodzidza Bhaibheri. Stephanie anoonga chaizvo Jehovha nokuda kwezvose izvi. Rugwaro rwaanofarira ndiPisarema 41:3, urwo rwaanofunga kuti rwuri kuzadziswa paari.

14. Zvii zvatisingafaniri kusiya kana takaora mwoyo, uye nechikonzero chei?

14 Kana taneta kana kuti tawandirwa nezvokuita, hatimbofaniri kufunga kuti kusiya zvimwe zvinhu zvokunamata ndiwo mushonga. Tikadaro tinenge tarasika zvechokwadi. Nei tichidaro? Nokuti zvinhu zvakadai sokudzidza Bhaibheri tiri toga kana nemhuri, ushumiri, uye misangano ndizvo zvinoita kuti tiwane mudzimu mutsvene unotipa simba. Zvinhu zvine chokuita nokunamata zvagara zvinozorodza. (Verenga Mateu 11:28, 29.) Kakawanda hama nehanzvadzi dzinosvika pamisangano dzakarukutika, asi padzinozoenda kumba, dzinenge dzava nesimba semabhatiri awedzerwa moto.

15. (a) Jehovha anovimbisa here kuti achaita kuti mutoro wokuva muKristu usarema zvachose? Tsanangura uchishandisa Magwaro. (b) Mwari anotivimbisei, uye izvozvo zvinomutsa mubvunzo upi?

15 Izvi hazvirevi kuti mutoro wokuva mudzidzi waKristu hauremi zvachose. Pane basa kuti munhu ave muKristu akatendeka. (Mat. 16:24-26; Ruka 13:24) Asi Jehovha anopa vakaneta simba achishandisa mudzimu mutsvene. Muprofita Isaya akanyora kuti, “Vaya vanotarira kuna Jehovha vachawanazve simba. Vachabhururukira kumusoro nemapapiro sezvinoita makondo. Vachamhanya vasingaperi simba; vachafamba vasinganeti.” (Isa. 40:29-31) Kana zvakadaro, tingabvunza kuti, Chii chinomboita kuti munhu anzwe sokuti kunamata kuri kumunetesa?

16. Tingaitei kuti tibvise zvinhu zvingangova zvichiita kuti tinete kana kuti tiore mwoyo?

16 Shoko raJehovha rinoti tive “nechokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi.” (VaF. 1:10) Afemerwa naMwari, muapostora Pauro akafananidza upenyu hwomuKristu nemujaho wakareba wokumhanya, achiti: “Ngatibviseiwo zvinhu zvose zvinorema . . . , uye ngatimhanyei nokutsungirira nhangemutange yakaiswa pamberi pedu.” (VaH. 12:1) Zvaaitaura ndezvokuti hatifaniri kuita zvinhu zvisina basa, zvinotiremedza, izvo zvinotinetesa. Pamwe vamwe vedu tiri kuedza kuita zvakawandisa muupenyu hwakatobatikana nechekare. Saka kana uchigara uchinzwa wakaneta, wakawandirwa nezvokuita, zvingakubatsira kuongorora kuti haungadaro uri kunyanya kushanda kubasa kwako here, haungadaro uri kunyanya kubvakacha kana kuti kuita zvemitambo nezvimwewo here. Kuziva zvatisingakwanisi kunofanira kutibatsira kuti tirege kuzviremedza.

17. Nei vamwe vanganzwa vaora mwoyo, asi Jehovha anovimbisei panyaya iyi?

17 Zvichida vamwe vedu vangave vachinzwa kakuora mwoyo nokuti mugumo hauna kuuya pavaitarisira. (Zvir. 13:12) Zvisinei, vanenge vachinzwa saizvozvo vanogona kukurudzirwa nemashoko ari pana Habhakuki 2:3 anoti: “Zvauri kuratidzwa ndezvenguva yakatarwa, zvinoramba zvichikurumidza zvakananga kumugumo, uye hazvizorevi nhema. Kunyange kana zvikanonoka, ramba wakazvimirira; nokuti zvichatoitika chete. Hazvizononoki.” Jehovha anotivimbisa kuti mugumo uchauya panguva chaipo!

18. (a) Zvipikirwa zvipi zvinokupa simba? (b) Nyaya inotevera ichatibatsira pachii?

18 Chokwadi, vashumiri vose vaJehovha vakatendeka vakamirira zuva ravanenge vasisaneti kana kuora mwoyo, vose vanenge vari vapenyu pavachava ‘nesimba rouduku.’ (Job. 33:25) Kunyange iye zvino tinogona kuva nesimba nechomukati nokushanda kunenge kuchiita mudzimu mutsvene sezvatinoita zvinhu zvine chokuita nokunamata zvinotipa simba. (2 VaK. 4:16; VaEf. 3:16) Usarega kupera simba kuchikutadzisa kuwana zvikomborero zvisingagumi. Matambudziko ose, angave achikonzerwa nemiedzo, kuneta kana kuti kuora mwoyo, akasapfuura iye zvino, achapfuura munyika itsva yaMwari. Munyaya inotevera, tichaongorora kuti mudzimu mutsvene unosimbisa sei vaKristu kutsungirira kutambudzwa, kuti vasabvuma kufurirwa nevamwe, uye vatsungirire matambudziko akasiyana-siyana.

Ungapindura Sei?

• Kuverenga Bhaibheri kunotipa sei simba?

• Kunyengetera nokufungisisa zvinotipa sei simba?

• Ungarega sei zvimwe zvingadaro zviri kuita kuti uore mwoyo?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 24]

Misangano yechiKristu inogona kutipa simba