Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Dzidzisai Vana Venyu Kuti Vave Netsika

Dzidzisai Vana Venyu Kuti Vave Netsika

Dzidzisai Vana Venyu Kuti Vave Netsika

CHIMWE chirevo chokuGermany chinoti: “Munhu anobvisa ngowani hapana paasingakwani.” Munyika dzakawanda, kubvisa kwomurume ngowani achisvika pamusha kana kuti achikwazisana nevanhu, kwairatidza kuti ane tsika uye anoremekedza. Saka chirevo chataurwa chinoreva kuti kana munhu aine tsika vanhu vanowanzomuitira mutsa uye vanowanzomubata zvakanaka.

Vana vane tsika zvechokwadi vanodadisa! Mumwe mutariri wedunhu kuHonduras uyo anobuda nevaparidzi vemazera akasiyana-siyana muushumiri hwepaimba neimba anoti, “Ndakaona kuti mwana akarayirwa uye ane tsika anoita kuti saimba ade kuteerera kupfuura zvinoita mashoko angu.”

Mazuva ano afumuka tsika kudai, kudzidza kubata vamwe zvakanaka chinhu chakanaka uye chinobatsira. Uyezve Magwaro anotikurudzira kuzvibata “nenzira yakakodzera mashoko akanaka pamusoro paKristu.” (VaF. 1:27; 2 Tim. 3:1-5) Zvinokosha kuti tidzidzise vana vedu kuremekedza vamwe. Vangadzidziswa sei kuti vave netsika dzechokwadi kwete dzokungobata vanhu kumeso? *

Ngavadzidze Patsika Dzenyu Dzakanaka

Vana vanodzidza nokutevedzera zvavanoona zvichiitwa. Saka chinhu chinokosha pakudzidzisa vana tsika dzakanaka ndechokuti vabereki pachavo vave nadzo. (Dheut. 6:6, 7) Hamufaniri kungoudza mwana wenyu kuti tsika dzakanaka dzinokosha zvoperera ipapo. Zvinokosha zvikuru kuti muti uku muchimudzidzisa, uku muchiratidza tsika dzacho.

Funga nezvaPaula, * uyo akakurira mumhuri yechiKristu isina baba. Anoremekedza vanhu vose. Zvakatanga sei? Anopindura kuti, “Amai vaiva muenzaniso wakanaka kwatiri isu vana, saka kuremekedza vamwe kwakapedzisira kwava muropa.” Mumwe muKristu anonzi Walter akadzidzisa vanakomana vake kuremekedza amai vavo vasiri muKristu. Anoti, “Ndaigara ndichidzidzisa vanakomana vangu kuremekedza amai vavo, vachiona pandiri ini nokuti ndaisambotaura zvakaipa nezvemudzimai wangu.” Walter akaramba achirayiridza vanakomana vake achishandisa Shoko raMwari, achinyengetera kuti Jehovha amubatsire. Mumwe wavo iye zvino anoshanda pahofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha, uye mumwe wacho ndipiyona. Vanakomana ava vanoda uye vanoremekedza vabereki vavo vose.

Bhaibheri rinoti: “Mwari haasi Mwari wenyonganyonga, asi worugare.” (1 VaK. 14:33) Zvose zvinoitwa naJehovha zvakarongeka. VaKristu vanofanira kutevedzera Mwari nokuita kuti pamba pagare pakachena. Vamwe vabereki vakadzidzisa vana vavo kusiya pavanorara pakanaka mazuva ose vasati vaenda kuchikoro, kurongedza mbatya dzavo, uye kubatsira kuita mabasa omumba. Kana vana vachiona zvinhu zvose pamusha zviri panzvimbo yazvo uye zvakachena, zvinowanzoita kuti ivowo vaite kuti dzimba dzavanorara nezvinhu zvavo zvigare zvakachena.

Vana venyu vanoona sei zvavari kudzidza kuchikoro? Vanotenda zvavari kuitirwa nevadzidzisi vavo here? Somubereki, imi munotendawo here vadzidzisi ava? Vana venyu vanowanzotevedzera maonero amunoita basa ravo rechikoro nevadzidzisi vavo. Madii kuvakurudzira kupota vachitenda vadzidzisi vavo? Kutenda munhu anenge akuitira chakanaka, angava mudzidzisi, chiremba, mutengesi womuchitoro kana mumwewo munhu, inzira yakanaka zvikuru yokuratidza kuti une tsika. (Ruka 17:15, 16) Tinotenda zvikuru vana vechiKristu vakasiyana nevamwe nokuda kwetsika dzavo nokuzvibata.

Vanhu vemuungano yechiKristu vanofanirawo kuratidza muenzaniso wakanaka panyaya dzetsika. Zvinofadza chaizvo kuona vechiduku vari muungano vachiratidza kuti vana kwavo nokuti “ndapota” uye “mazvita”! Kana vanhu vakuru vachiratidza kuti vanoremekedza Jehovha nokuteerera pamisangano, vana vaduku vanovatevedzerawo. Vana vanogona kudzidza kuremekedza vavakidzani vavo nokuona tsika dzakanaka dzinoratidzwa paImba yoUmambo. Somuenzaniso kamwe kakomana kanonzi Andrew kane makore mana kava kutogona kuti, “Pamusoroi,” kana kachipinda nepane vanhu vakuru.

Chii chimwe chingaitwa nevabereki kuti vabatsire vana vavo kudzidza kuva netsika dzakanaka dzavanotarisirwa kuva nadzo? Vabereki vanogona uye vanofanira kukurukura nevana vavo zvidzidzo zvatinowana mumienzaniso yakawanda iri mushoko raMwari.—VaR. 15:4.

Vadzidzisei Nemienzaniso yomuBhaibheri

Amai vaSamueri vanofanira kunge vakamudzidzisa kukotamira Mupristi Mukuru Eri. Pavakaendesa Samueri kutebhenekeri, pamwe aingova nemakore matatu kana mana. (1 Sam. 1:28) Munogona here kudzidzisa vana venyu kuti “mangwanani,” “masikati,” “manheru,” kana kuti zvimwewo zvinoitwa kwamunogara? Vana venyu vanogona kupedzisira vaita saSamueri uyo “aidiwa zvikuru naJehovha nevanhu.”—1 Sam. 2:26.

Madii kushandisa nyaya dzomuBhaibheri kuvabatsira kusiyanisa kuva netsika nokusava nadzo? Somuenzaniso mambo akanga asina kutendeka wevaIsraeri, Ahaziya, paaida kuona muprofita Eriya akatuma “mukuru wevanhu makumi mashanu aine vanhu vake makumi mashanu” kunomutora. Mukuru wacho akaudza muprofita wacho kuti aende naye. Matauriro ake akanga asiri okuremekedza mumiririri waMwari. Eriya akamupindura sei? Akati: “Kana ndiri munhu waMwari, moto ngauburuke kumatenga uparadze iwe nevanhu vako makumi mashanu.” Izvozvo ndizvo chaizvo zvakaitika. “Moto wakaburuka kumatenga ukaparadza iye nevanhu vake makumi mashanu.”—2 Madz. 1:9, 10.

Mukuru wemakumi mashanu wechipiri akatumwa kunotora Eriya. Naiyewo akaita zvokuudza Eriya zvokuita. Moto wakaburukazve kubva kudenga. Asi kwakazouya mukuru wemakumi mashanu wechitatu. Uyu akaratidza ruremekedzo. Panzvimbo pokuudza Eriya zvokuita, akapfugama ndokuteterera achiti: “Munhu waMwari wechokwadi, ndapota, mweya wangu nemweya yevashandi venyu makumi mashanu ngaive inokosha kwamuri. Onai moto waburuka kumatenga ukaparadza vakuru vaviri vevanhu makumi mashanu vatanga kuuya, mumwe nomumwe nevanhu vake makumi mashanu, asi zvino mweya wangu ngauve unokosha kwamuri.” Muprofita waMwari aizoita kuti moto uburukire pamunhu aitya zvakadaro uye airemekedza here? Kwaizova kusafunga! Pane kudaro, ngirozi yaJehovha yakaudza Eriya kuti aende nomukuru wacho. (2 Madz. 1:11-15) Izvi hazviratidzi kuti tsika dzakanaka dzinokosha here?

Muapostora Pauro paakasungwa nevarwi veRoma patemberi, haana kufunga kuti aigona kungotaura zvake asina kukumbira. Akakumbira mukuru mukuru wacho noruremekedzo kuti: “Ndinobvumirwa here kutaura chimwe chinhu kwamuri?” Izvozvo zvakaita kuti Pauro apiwe mukana wokutaura achizvidzivirira.—Mab. 21:37-40.

Paaitongwa, Jesu akarohwa nembama kumeso. Asi aiziva nzira yakakodzera yokunyunyuta nayo achiti: “Kana ndataura zvakaipa, pupurira zvakaipa zvacho; asi kana zvakarurama, unondiroverei?” Hapana aigona kuti Jesu akanga atadza kutaura.—Joh. 18:22, 23.

Shoko raMwari rinewo mienzaniso yokupindura kwatingaita kana tapiwa zano rakasimba uye mabvumiro atingaita noruremekedzo kukanganisa kwatinenge taita. (Gen. 41:9-13; Mab. 8:20-24) Somuenzaniso, Abhigairi akakumbira ruregerero pane zvakaipa zvakaitirwa Dhavhidhi nomurume wake Nabhari. Haana kungokumbira ruregerero chete asi akatomupawo zvokudya zvakawanda. Dhavhidhi akabayiwa mwoyo chaizvo nezvakaitwa naAbhigairi zvokuti pakafa murume wake, Dhavhidhi akasarudza kumutora kuti ave mudzimai wake.—1 Sam. 25:23-41.

Dzidzisai vana venyu kuremekedza vamwe, pangava pavanenge vari mumamiriro ezvinhu akaoma kana kuti kungoratidza tsika dzakanaka. ‘Kuita kuti chiedza chedu chivheneke pamberi pevanhu’ saizvozvo ‘kunoita kuti Baba vedu vari kumatenga vakudzwe.’—Mat. 5:16.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Asiwo vabereki vanofanira kubatsira vana vavo kuona musiyano wokuremekedza vanhu vakuru nowekubvuma zviri kuda kuitwa nomunhu ane vavariro yakaipa. Ona Mukai! yaJanuary-March 2008, mapeji 3-11.

^ ndima 7 Mamwe mazita akachinjwa.