Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Nei Mosesi akatsamwira vanakomana vaAroni, Eriyezari naItamari pakafa vakoma vavo Nadhabhi naAbhihu, uye chii chakadzora kutsamwa kwake?—Revh. 10:16-20.

Vapristi vachangobva kugadzwa kuti vashumire patebhenekeri, Jehovha akauraya vanakomana vaAroni, Nadhabhi naAbhihu nokuti vakanga vapisira rusenzi pamberi paJehovha nomoto usingabvumirwi nomutemo. (Revh. 10:1, 2) Mosesi akarayira vanakomana vaAroni vakanga vasara kuti vasacheme vakoma vavo. Pasina nguva yakareba izvi zvaitika, Mosesi akatsamwira Eriyezari naItamari nokuti vakanga vasina kudya mbudzi yechinopiwa chechivi. (Revh. 9:3) Akatsamwirei zvakadaro?

Mitemo yakanga yapiwa Mosesi naJehovha yaitaura zvakajeka kuti mupristi aipa chibayiro chechivi ndiye aifanira kudyira chimwe chacho muchivanze chetende rokusanganira. Kuita izvi kwainzi kuzvidavirira pazvivi zvevaya vakanga vapa chibayiro chacho. Zvisinei, kana rimwe ropa rechibayiro chacho raizoendeswa muNzvimbo Tsvene, chinopiwa chacho chaisafanira kudyiwa. Asi chaifanira kupiswa.—Revh. 6:24-26, 30.

Zvinoita sokuti chiitiko ichocho chinosuruvarisa chaitika, Mosesi akanyatsoona kukosha kwekunyatsotevedza mitemo yose yaJehovha. Paakaziva kuti mbudzi yechinopiwa chechivi yakanga yatopiswa, akabvunza akatsamwa kwazvo kuti nei Eriyezari naItamari vakanga vasina kuidya sezvakanga zvarayirwa nemhaka yokuti ropa rayo rakanga risina kuendeswa pamberi paJehovha muNzvimbo Tsvene.—Revh. 10:17, 18.

Sezvo Aroni ari iye akanga abvumira vapristi vakanga vasara kuita zvavakanga vaita, akabva apindura mubvunzo waMosesi. Achifunga kuurayiwa kwaiva kwaitwa vanakomana vake vaviri, Aroni angadaro akafunga kuti vapristi vaisagona kudya chinopiwa chechivi chomusi iwoyo vaine hana yakanaka. Pamwe akaona sokuti kudya chinopiwa ichi kwaisazofadza Jehovha, kunyange zvazvo vakanga vasina mhosva pachikanganiso chakaitwa naNadhabhi naAbhihu.—Revh. 10:19.

Aroni angadaro akafunga kuti vana vake pavakaita mabasa oupristi kekutanga, vaifanira kunge vakanyatsongwarira kuti vafadze Mwari kunyange pazvinhu zviduku-duku. Zvisinei, zita raJehovha rakanga rasvibiswa naNadhabhi naAbhihu, uye Mwari akanga avatsamwira kwazvo. Saka Aroni anogona kunge akafunga kuti nhengo dzemhuri yevapristi yakanga yaita chivi ichi dzaisafanira kudya chinopiwa chitsvene.

Zvinoita sokuti Mosesi akagamuchira mhinduro yemukoma wake, nekuti nyaya yacho inopedzisa ichiti: “Mosesi paakanzwa izvozvo, zvakabva zvamufadza.” (Revh. 10:20) Zviri pachena kuti Jehovha akafadzwawo nemhinduro yaAroni.