Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Jesu Kristu paakatuma vaapostora 12 kuti vanoparidza, akavaudza kuti vatakure midonzvo uye vapfeke hwashu here?

Vamwe vanoti nhoroondo dziri muEvhangeri nhatu dzinotaura nezvokutuma kwakaita Jesu vaapostora vake dzinopikisana. Asi kana tikaongorora nhoroondo idzi pane chimwe chinhu chatinogona kuwana chingatifadza. Ngatimbotangai nokuenzanisa zvakanyorwa naMako naRuka. Nhoroondo yaMako inoti: “[Jesu] akavarayirawo kuti varege kutakura chinhu nokuda kworwendo rwacho kunze kwomudonzvo woga, vasina chingwa, vasina homwe yezvokudya, vasina mari yemhangura muzvikwama zvavo zvaisungirwa pamabhandi, asi kuti vasunge hwashu, uye varege kupfeka nguo mbiri dzomukati.” (Mako 6:7-9) Ruka akanyora kuti: “Musatakura chinhu nokuda kworwendo rwacho, mudonzvo kana homwe yezvokudya, kana chingwa kana mari yesirivha; uyewo musava nenguo mbiri dzomukati.” (Ruka 9:1-3) Zvinoita sokuti mashoko aya ari kupikisana. Maererano nezvakanyorwa naMako, vaapostora vakaudzwa kuti vatakure mudonzvo uye vasunge hwashu dzavo, asi nhoroondo yaRuka inoti hapana chavaifanira kutakura, kunyange mudonzvo. Mako akataura nezvehwashu, asi Ruka haana kumbotaura nezvazvo.

Kuti tinzwisise zvaida kurehwa naJesu pamusi uyu, ngationgororei mashoko akafanana ari muEvhangeri nhatu idzi. Munhoroondo dziri pamusoro apa, uyewo pana Mateu 10:5-10, vaapostora vakaudzwa kuti vasapfeka kana kutakura “nguo mbiri dzomukati.” Kungangova kuti muapostora mumwe nomumwe ainge akapfeka nguo imwe yomukati. Saka parwendo urwu vaisafanira kutakura imwe. Vainge vakapfekawo hwashu. Mako akati vaifanira “kusunga hwashu dzavo,” dzavainge vakatopfeka. Zvakadini nemidonzvo? The Jewish Encyclopedia rinoti: “Zvinoita sokuti kare ikako muHebheru wose aifamba nomudonzvo.” (Gen. 32:10) Mako akanyora kuti vaapostora vaifanira ‘kurega kutakura chinhu nokuda kworwendo rwacho’ kunze kwemidonzvo yavaiva nayo pavakapiwa murayiro iwoyo naJesu. Saka vanyori veEvhangeri vaisimbisa murayiro waJesu wokuti vaisafanira kuita kunonoka nokumbotsvaka zvimwe zvavaida kuzoshandisa parwendo urwu.

Pfungwa iyi yakasimbiswazve uye yakanyorwa naMateu, uyo akatonzwa Jesu achitaura murayiro iwoyo. Jesu akati: “Musatora ndarama kana sirivha kana mhangura yokuisa muzvikwama zvenyu zvinosungirwa pabhandi, kana homwe yezvokudya zvorwendo, kana nguo mbiri dzomukati, kana hwashu kana mudonzvo; nokuti mushandi akakodzera kuwana zvokudya zvake.” (Mat. 10:9, 10) Zvakadini nehwashu dzakanga dzakapfekwa nevaapostora uye midonzvo yavainge vakabata? Jesu akanga achireva kuti vasanotora zvinhu zvakadaro, asi haana kuvaudza kuti varase zvavakanga vachitova nazvo. Nei akapa murayiro uyu? “Nokuti mushandi akakodzera kuwana zvokudya zvake.” Izvi ndizvo zvairehwa nomurayiro waJesu, uyo waiwirirana nezvaakataura paMharidzo yake yepaGomo kuti vasazvidya mwoyo pamusoro pezvokudya, zvokunwa kana kuti zvokupfeka.—Mat. 6:25-32.

Kunyange zvazvo pakutanga nhoroondo idzi dzingaita sokuti dzinopikisana, dzaingotaura pfungwa imwe chete. Vaapostora vaifanira kuenda nezvavaiva nazvo chete vasingatsauswi nokutsvaka zvimwe. Nei? Nokuti Jehovha aizovapa zvavaida.

Soromoni paakati “mukadzi, nevakadzi vazhinji,” ndivanaani vaaireva?—Mup. 2:8.

Hatinganyatsoziva zvedu, asi kunenge kuti aireva vakadzi vaikudzwa vaaionana navo pamuzinda wake.

Muna Muparidzi chitsauko 2, Soromoni akataura nezvezvinhu zvakasiyana-siyana zvaakaita, zvinosanganisira mabasa makuru okuvaka. Akawedzera kuti: “Ndakazviunganidzira sirivha nendarama, nepfuma yaingowanikwa nemadzimambo uye nematunhu chete. Ndakazvitsvakira vaimbi vechirume nevaimbi vechikadzi nezvinhu zvinofadza vanakomana vevanhu kwazvo, iye mukadzi, nevakadzi vazhinji.”—Mup. 2:8.

Nyanzvi dzakawanda dzinofungidzira kuti “vakadzi” vanotaurwa naSoromoni madzimai nevarongo vokune dzimwe nyika vaakazoroora akwegura, avo vakazomutsausa pakunamata. (1 Madz. 11:1-4) Asi tsanangudzo iyi haina kujeka. Soromoni paakanyora mashoko aya, akanga ava kutoziva nezve“vakadzi” ava. Uyewo panguva iyi akanga achiri kufarirwa naJehovha, nekuti ndiye aimufemera kuti anyore mabhuku ari muBhaibheri. Izvi hazvipindirani nezvaakazenge aita mumakore akatevera paaiva nemazana emadzimai nevarongo vokune dzimwe nyika uye paakatsauka pakunamata.

Mubhuku raMuparidzi, Soromoni akati akanga “atsvaka kuti awane mashoko anofadza uye akatsvaka kunyora mashoko akarurama echokwadi.” (Mup. 12:10) Zviri pachena kuti aiziva mashoko okuti “mudzimai,” “mambokadzi,” uye “murongo,” nokuti akaashandisa paakanyora magwaro akafuridzirwa. (Zvir. 5:18; 12:4; 18:22; Mup. 9:9; Rwiyo 6:8, 9) Asi pana Muparidzi 2:8, haana kushandisa mashoko iwayo.

Mashoko okuti “iye mukadzi, nevakadzi vazhinji,” (muushoma nomuuzhinji) haana kujairika nokuti ndiwo chete akadaro anowanika muBhaibheri rechiHebheru. Nyanzvi dzinoongorora Bhaibheri hadzina chokwadi kuti mashoko aya anorevei. Vashanduri vakawanda veBhaibheri vanoti mashoko ari pana Muparidzi 2:8 anoreva vakadzi vanotanga kutaurwa muushoma vozotaurwa muuzhinji. Iyi ndiyo pfungwa inobudiswa neshanduro yokuti “iye mukadzi, nevakadzi vazhinji.”

Soromoni aiva nomukurumbira zvokuti mambokadzi weShebha aibva kuumambo hwakapfuma akanzwa nezvake akamushanyira, uye akashaya romuromo. (1 Madz. 10:1, 2) Izvi zvinoita kuti tifunge nezvezvingarehwa nemashoko aSoromoni okuti “iye mukadzi, nevakadzi vazhinji.” Angave aitaura nezvevakadzi vaikudzwa vaaionana navo pamuzinda wake mumakore akawanda paakanga achiri kufarirwa naMwari.