Usazvinyengera Nokufunga Kwenhema
Usazvinyengera Nokufunga Kwenhema
“CHII ichi chawaita?” Mwari akabvunza Evha kudaro pashure pokunge adya muti wakanga warambidzwa. Evha akapindura kuti, “Nyoka—yandinyengera saka ndadya.” (Gen. 3:13) Satani, nyoka ine manomano yakafurira Evha kuti asateerera Mwari ndiye akazonzi ‘nyoka yepakutanga, iri kutsausa nyika yose inogarwa.’—Zvak. 12:9.
Nhoroondo iri muna Genesisi inoratidza kuti Satani anoruka nhema nechinangwa chokunyengera vaya vakavarairwa. Evha akabvuma kufurirwa naSatani. Asi hatifaniri kufunga kuti Satani ndiye chete anogona kutinyengera. Bhaibheri rinotinyeverawo nezvengozi ‘yokuzvinyengera nokufunga kwenhema.’—Jak. 1:22.
Tingaona sezvisingamboiti kuti tizvinyengere. Asi Mwari akanyora mashoko iwayo okunyevera nechinangwa. Saka zvakanaka kuti tifunge kuti zvingaitika sei kuti tizvinyengere uye kuti kufunga kupi kwenhema kungatitsausa. Pane muenzaniso uri muMagwaro unogona kutibatsira.
Muenzaniso Wevamwe Vakambozvinyengera
Munenge mugore ra537 B.C.E., mambo akakurumbira Koreshi wePezhiya akadzika mutemo wokuti vaJudha vakanga vakatapwa muBhabhironi vadzokere kuJerusarema kunovakazve temberi. (Ezra 1:1, 2) Gore raitevera racho vanhu vakatanga kuvaka nheyo yetemberi itsva, maererano nechinangwa chaJehovha. Vakafara zvokufara zviya vakarumbidza Jehovha nokuti akanga akomborera danho rokutanga pabasa rinokosha iri. (Ezra 3:8, 10, 11) Asi vasati vambodini, vakatanga kushorwa nenyaya yokuvakazve, vakabva vaora mwoyo. (Ezra 4:4) Papera makore anenge 15 vadzoka, vakuru vakuru vokuPezhiya vakarambidza basa rokuvaka raiitwa muJerusarema. Vakuru vakuru vomuruwa rwacho vakabva vaenda kuJerusarema ‘vakanomisa vaJudha nechisimba.’—Ezra 4:21-24.
Nemhaka yechipingamupinyi ichi, vaJudha vakazvinyengera nokufunga kwenhema. Vaiti: “Nguva haisati yasvika, iyo nguva yeimba yaJehovha, kuti ivakwe.” (Hag. 1:2) Vakafunga kuti Mwari aida kuti temberi izovakwa zvayo pava paya. Panzvimbo pokuti vafunge nzira dzokuita nadzo basa raMwari dzvene, vakatanga kuti sika-sika nokuita kuti dzimba dzavo dziyevedze. Muprofita waMwari Hagai akavabvunza kuti: “Inguva yokuti mugare mudzimba dzenyu dzakarovererwa mapuranga, imba iyi [temberi yaJehovha] iri dongo here?”—Hag. 1:4.
Uri kuona here chidzidzo pamuenzaniso uyu? Kuona kunge chinangwa chaMwari chichiri kure kungaita kuti tisakoshesa zvinhu zvine chokuita nokunamata topedza nguva tichiita zvinhu zvedu pachedu. Somuenzaniso, ngatimbotii uri kutarisira vaenzi. Paunenge wakamirira kuti vasvike ungaita tunhu twakawanda-wanda uchigadzirira kuuya kwavo. Zvisinei, paunozoudzwa kuti vachati nonokei kusvika, unobva warega kuita zvose zvawanga uchiita here?
Yeuka kuti Hagai naZekariya vakabatsira vaJudha kuti vanzwisise kuti Jehovha akanga achiri kuda kuti temberi ivakwe pasina kunonozeka. Hagai akavakurudzira kuti, “Simbai, imi vanhu vose venyika, . . . mushande.” (Hag. 2:4) Vaifanira kuenderera mberi nebasa, vaine chivimbo chokuti mudzimu waMwari waizovabatsira. (Zek. 4:6, 7) Muenzaniso uyu ungatibatsira here kuti tirege kuona sokunge zuva raJehovha richiri kure?—1 VaK. 10:11.
Rega Kuzvinyengera Asi Iva Nemafungiro Akanaka
Muapostora Petro mutsamba yake yechipiri akataura nezvenguva yaJehovha yokuunza “matenga matsva nenyika itsva.” (2 Pet. 3:13) Akataura nezvevamwe vaseki vakanga vasina chokwadi kuti Mwari aizombogadzirisa matambudziko evanhu. Vakanga vakarasika vachiti hapana kana chaizoitika uye zvinhu zvose zvairamba “zvakaita sezvazvakanga zvakangoita kubvira pazvakatanga kusikwa.” (2 Pet. 3:4) Petro aida vanhu vasafunga zvenhema saizvozvo. Akanyora kuti: “[Ndiri kuita] kuti mukwanise kufunga zvakanaka nokukuyeuchidzai.” Akayeuchidza vaKristu vaainamata navo kuti vaseki ivavo vaizvinyengera. Kuti agadzirise zvinhu panyika, Mwari akanga amboita kuti pave nemafashamo pasi rose.—2 Pet. 3:1, 5-7.
Muna 520 B.C.E., Hagai akanga ambokurudzira vaJudha vakanga vaora mwoyo. Akavaudza kuti: “Mwoyo yenyu ngaifunge nezvenzira dzenyu.” (Hag. 1:5) Kuti avabatsire kufunga zvakanaka, akayeuchidza vaainamata navo zvinangwa zvaMwari uye zvaakavimbisa vanhu vake. (Hag. 1:8; 2:4, 5) Achangopedza kuvakurudzira, vakatangazve basa rokuvaka, pasinei nokuti vakuru vakuru vakanga vavarambidza. Vavengi ava havana kukanda mapfumo pasi, vakaedzazve kumisa basa rokuvaka asi zvakashaya basa. Vakazobvumidzwa kuvaka temberi, uye vakaipedza mumakore mashanu.—Ezra 6:14, 15; Hag. 1:14, 15.
Kuita Kuti Mwoyo Yedu Ifunge Nezvenzira Dzedu
Unofunga kuti isuwo patinowirwa nematambudziko tingaora mwoyo sezvakaita vaJudha vomuzuva raHagai here? Kana izvozvo zvikaitika, zvingatiomera kuramba tichishingaira mubasa rokuparidza mashoko akanaka. Asi chii chingaita kuti tiore mwoyo? Zvimwe ndezvokuti tinogona kuitirwa zvakaipa munyika ino yakaipa. Chimbofunga nezvaHabhakuki uyo akabvunza kuti: “Ndichashevedzera kwamuri kuti mundibatsire pakuitirwa chisimba kusvikira rini, imi musingaponesi?” (Hab. 1:2) Nemhaka yokunganzi nevamwe kunonoka, muKristu angatanga kufunga kuti nguva ichiripo oisa upenyu hwomutambarakede pokutanga. Unofunga kuti zvingaitika kwauri here? Kana tikava nemafungiro iwayo, chokwadi tinenge tichizvinyengera. Zvinokosha kuti titeerere zano romuMagwaro rokuti ‘mwoyo yedu ifunge nezvenzira dzedu,’ uye ‘tikwanise kufunga zvakanaka.’ Tinogona kuzvibvunza kuti, ‘Ndinofanira kunetseka here kuti nei nyika ino yatora nguva refu isati yaparadzwa kupfuura zvandaifunga?’
Nguva Yakagara Yataurwa neBhaibheri
Chimbofunga nezvemashoko aJesu ane chokuita nekuguma kwemamiriro ezvinhu epanguva ino. Nhoroondo yaMako youprofita hwemazuva okupedzisira inoratidza kuti Mako 13:33-37) Mamwe mashoko anonyevera saizvozvo anowanika muuprofita hunotsanangura zuva guru raJehovha reAmagedhoni. (Zvak. 16:14-16) Nei nyevero yacho ichidzokororwa yadzokororwazve? Nyevero dzakadaro dzinodiwa, nokuti vanhu vangaguma vasingachashingairi, vaneta nokumirira kwenguva inoita seyakarebesa.
Jesu akataura ataurazve kuti tinofanira kuramba takamuka. (Jesu akashandisa mufananidzo kuti asimbise kukosha kwokuti tirambe takamuka patinenge takamirira kuguma kwenyika ino. Akataura nezvemunhu ane imba yakapazwa nembavha. Angadai akaita sei kuti asapazirwa? Aifanira kuramba akamuka usiku hwose. Jesu akapedzisa mufananidzo uyu nokutipa zano rokuti: “Ivai vakagadzirira, nokuti Mwanakomana womunhu ari kuuya paawa yamusingafungi kuti ndiyo.”—Mat. 24:43, 44.
Mufananidzo uyu unoratidza kuti zvinokosha kuti munhu amirire, kunyange kwenguva yakati rebei. Hatifaniri hedu kunyanya kunetseka kuti nyika ino inenge yatora nguva yakareba kudarika zvatanga tichifunga. Hatifaniri kuzvinyengera nokufunga kwenhema kwokuti ‘nguva yaJehovha haisati yasvika.’ Mafungiro akadaro anogona kutonhodza chido chedu chokuparidza mashoko akanaka oUmambo.—VaR. 12:11.
Kubvisa Kufunga Kwenhema
Zano riri pana VaGaratiya 6:7 rinoshandawo panyaya yokuzvinyengera nokufunga kwenhema richiti: “Musatsauswa . . . Zvinodyarwa nomunhu, ndizvo zvaachakohwa.” Kana munda ukasadyarwa, zviri nyore kuti masora azaremo. Saizvozvowo kana tikasava nokufunga kwakanaka, kufunga kwenhema kunogona kudzika midzi mupfungwa dzedu. Somuenzaniso, tinogona kuzviudza kuti, ‘Ichokwadi kuti zuva raJehovha riri kuuya, asi kwete iye zvino.’ Izvozvo zvingaita kuti tisashingaira pamabasa edu ane chokuita nokunamata. Nokufamba kwenguva tinogona kusiya purogiramu yedu yokunamata. Zuva raJehovha ndipo parinobva ratisvikira takavarairwa zvedu.—2 Pet. 3:10.
Asi kana tikaramba tichiongorora “zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika uye zvakakwana” kufunga kwenhema hakuzodziki midzi mupfungwa dzedu. (VaR. 12:2) Chinhu chikuru chichatibatsira kuti tirambe takamuka kugara tichiverenga Shoko raMwari. Magwaro anogona kusimbisa kutenda kwedu kuti Jehovha agara achiita zvinhu zvake panguva yaakatara.—Hab. 2:3.
Kudzidza kwatinoita, kunyengetera, kupinda misangano nguva dzose, kuparidza uyewo kuita mabasa anoratidza mutsa kuchatibatsira kuti ‘tinyatsofunga nezvokuvapo kwezuva raJehovha.’ (2 Pet. 3:11, 12) Jehovha achaona kutendeka kwedu. Muapostora Pauro anotiyeuchidza kuti: “Tisarega kuita zvakanaka, nokuti mumwaka wakakodzera tichakohwa kana tisinganeti.”—VaG. 6:9.
Iye zvino haisi nguva yokuti tirege kufunga kwenhema kuchitinyengera kuti tifunge kuti Jehovha achinja pachauya zuva rake. Asi inguva yokuti tisimbise mwoyo yedu, nokuti zuva raJehovha raswedera pedyo.
[Mufananidzo uri papeji 4]
Hagai naZekariya vakakurudzira vaJudha kuvaka
[Mufananidzo uri papeji 5]
Dai muridzi wemba akanga aziva kuti mbavha iri kuuya angadai akaita sei?