Zviripo Zvinoita Kuti Mufare
Zviripo Zvinoita Kuti Mufare
KUBVA kukanhu kadukuduku kapenyu kasingaoneki nemaziso kusvika kumapoka makuru enyeredzi, zvinhu zvakasikwa zvinoratidza kuti zvakarongeka. Izvi hazvishamisi nokuti Musiki “haasi Mwari wenyonganyonga.” (1 VaK. 14:33) Urongwa hwaMwari hwokunamata ndechimwezve chinhu chinoshamisa. Chimbofunga zvakaitwa naJehovha. Akaita kuti pave nesangano riri pasi nokudenga rine zvisikwa mazana emamiriyoni engirozi nevanhu zvinokwanisa kuzvisarudzira zvokuita, uye zvakabatana pakunamata kwakachena. Izvozvo zvinoshamisa zvikuru!
MuIsraeri yekare, Jerusarema ndiro raimiririra sangano raMwari repasi, maiva netemberi yaJehovha uye maigara mambo wake akazodzwa. Mumwe muIsraeri aiva nhapwa kuBhabhironi akataura madiro aaiita guta dzvene achiti: “Rurimi rwangu ngarunamatire mukanwa mangu, kana ndikasakuyeuka, kana ndikasaita kuti Jerusarema rive chinhu chikuru chinondifadza kupfuura zvose.”—Pis. 137:6.
Ndiwo maonero aunoita sangano raMwari here mazuva ano? Rinokufadza kupfuura zvimwe zvinhu zvose here? Vana vako vanonzwisisa nhoroondo yesangano raMwari repasi uye mashandiro arinoita here? Vanonyatsonzwisisa kukosha kwokuva musangano reZvapupu zvaJehovha rehama dziri munyika yose here? (1 Pet. 2:17) Madii kushandisa mazano anotevera pamanheru okunamata kwenyu kwemhuri kuti munyatsonzwisisa kukosha kwesangano raJehovha?
Rondedzera “Mazuva Ekare Kare”
Gore negore, mhuri dzevaIsraeri dzaiungana kuti dzipemberere Paseka. Mutambo wacho pawakatangwa, Mosesi akarayira vanhu achiti: “Zvino kana mwanakomana wako akazokubvunza, achiti, ‘Izvi zvinorevei?’ uti kwaari, ‘Jehovha akatibudisa muIjipiti, muimba yevaranda, noruoko rune simba.’” (Eks. 13:14) VaIsraeri vaisafanira kukanganwa zvavakanga vaitirwa naJehovha. Zvechokwadi, vanababa vakawanda muIsraeri vakateerera murayiro waMosesi. Pashure pezvizvarwa zvakati kuti, mumwe muIsraeri akazonyengetera kuti: “Haiwa Mwari, takanzwa nenzeve dzedu, madzitateguru edu akarondedzera kwatiri basa ramakaita mumazuva avo, mumazuva ekare kare.”—Pis. 44:1.
Kumunhu wechiduku mazuva ano, zvakaitika kuZvapupu zvaJehovha mumakore anenge 100 adarika zvingaita se“mazuva ekare kare.” Ungaite sei kuti vana vako vaite sevari kutozviona zvichiitika? Kuti vadaro vamwe vabereki vanoshandisa Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari, Bhuku Regore, nyaya dzoupenyu dzinobudiswa mumagazini edu, uye dzimwe dzezvaiitika musangano, kusanganisira DVD idzva rinotaura nezvevanhu vaMwari vemazuva ano. Mavhidhiyo anorondedzera kutambudzwa kwakaitwa hama dzedu muyaimbova Soviet Union uye Germany yaitongwa neNazi anodzidzisa mhuri kuti dzivimbe naJehovha mumiedzo. Shandisaiwo zvinhu izvi pamanheru okunamata kwenyu kwemhuri. Izvozvo zvichasimbisa kutenda kwevana venyu kana vakasangana nemiedzo inoda kuti varambe vakaperera kuna Mwari.
Asi kungoita zvokurondedzera zvakaitika kunogona kukurumidza kufinha mwana muduku. Saka itai kuti vana venyu vataurewo. Somuenzaniso, mungakumbira mwana wenyu kuti asarudze nyika yaanofarira, otsvakurudza
nhoroondo yeZvapupu munyika iyoyo, uye ozotaurira mhuri zvaanenge adzidza. Munogonawo kukoka vamwe vaKristu vomuungano yenyu vava nenguva refu vakatendeka kuti vazovapowo pamamwe manheru okunamata kwenyu kwemhuri. Zvichida, mwana wenyu anogona kuzokurukura navo achivabvunza nezvoupenyu hwavo mune zvokunamata. Munogona kuita kuti mwana wenyu adhirowe mifananidzo yezvinhu zvikuru zvakaitika musangano nepazvakaitika, zvakadai sokuvakwa kwebazi, gungano remarudzi, kana kuti mashandisirwo aiitwa giramufomu muushumiri hwepaimba neimba.Dzidza “Kushanda Kwenhengo Imwe Neimwe”
Muapostora Pauro akafananidza ungano yechiKristu ‘nemuviri wose unonyatsobatanidzwa pamwe chete pachishandiswa mapfundo ose maererano nokushanda kwenhengo imwe neimwe kuti muviri ukure uzvivake murudo.’ (VaEf. 4:16) Kudzidza nezvomuviri womunhu uye mashandiro aunoita kunowedzera kuonga uye kuremekedza kwatinoita Musiki. Saizvozvowo, patinoongorora mashandiro anoita ungano yechiKristu, tinobva tashamiswa ne“uchenjeri hwaMwari.”—VaEf. 3:10.
Jehovha anorondedzera mashandiro anoita sangano rake, kusanganisira nhengo dzokudenga. Somuenzaniso, anotiudza kuti akatanga kupa zvakazarurwa kuna Jesu Kristu, uyo akazotuma “ngirozi yake, akaishandisa kuzvipa ichiita zvokuratidza muranda wake Johani, uyo akapupurira” nezvazvo. (Zvak. 1:1, 2) Kana Mwari achitizivisa mashandiro anoita sangano rake kudenga, haangadiwo here kuti tinzwisise “kushanda kwenhengo imwe neimwe” musangano rake pasi pano?
Somuenzaniso, kana mutariri wedunhu ava pedyo kushanyira ungano yenyu, madii kukurukura semhuri mabasa evatariri vanofambira uye zvikomborero zvavanowana? Vanotibatsira sei? Mimwe mibvunzo yamungakurukura inosanganisira yokuti: Nei zvichikosha kushuma basa romumunda? Sangano raMwari rinowana kupi mari? Dare Rinodzora rakamira sei, uye rinotipa sei zvokudya zvinosimbisa pakunamata?
Patinonzwisisa mashandiro anoita vanhu vaJehovha, zvichatibatsira pazvinhu zvinenge zvitatu: Kutenda kwatinoita vaya vari kushanda zvakaoma kuti vatishumire kunowedzera. (1 VaT. 5:12, 13) Zvinoita kuti tide kutsigira zvinorongwa nesangano. (Mab. 16:4, 5) Uyezve, chivimbo chedu mune vaya vari kutungamirira chinosimbiswa sezvatinoona zvisarudzo uye zvavanoronga zvichibva muMagwaro.—VaH. 13:7.
“Ongororai Shongwe Dzaro Dzokugara”
“Forai muchitenderera Ziyoni, muripoterere, verengai shongwe dzaro. Isai mwoyo yenyu parusvingo rwaro runodzivirira. Ongororai shongwe dzaro dzokugara, kuti muzvirondedzere kuchizvarwa chomunguva yemberi.” (Pis. 48:12, 13) Apa munyori wepisarema aikurudzira vaIsraeri kuti vanyatsoongorora Jerusarema. Ungafungidzira here zvinhu zvinofadza zvaiyeukwa nemhuri dzevaIsraeri dzaienda kuguta dzvene kumitambo yegore negore uye dzaiona temberi yaro yakazonaka? Zvinofanira kunge zvakaita kuti ‘vazozvirondedzera kuchizvarwa chomunguva yemberi.’
Funga nezvamambokadzi weShebha, akanga asina chokwadi nezvaainzwa nezvembiri yokutonga uye uchenjeri hwaSoromoni. Chii chakazoita kuti abvume kuti zvaakanga anzwa zvaiva zvechokwadi? Akati: “Handina kutenda mashoko avo kusvikira ndauya kuti maziso angu aone.” (2 Mak. 9:6) Chokwadi zvatinenge taita zvokuzvionera ‘nemaziso edu’ ndizvo zvinonyanya kutibatsira.
Ungabatsira sei vana vako kuti vaone ‘nemaziso avo’ kunaka kwesangano raJehovha? Kana kwamunogara kuine hofisi yebazi reZvapupu zvaJehovha pedyo, rongaiwo kuti munoiona. Somuenzaniso, Mandy naBethany vakakurira kunzvimbo yaive kure nemakiromita 1 500 kubva kuBheteri yomunyika yavo. Asi, vabereki
vavo vaigara vachironga kuti vashanyire Bheteri, kunyanya paikura vanasikana ava. Vakati: “Patakanga tisati tashanyira Bheteri, taifunga kuti inzvimbo isingafarwi, yevanhu vakura chete. Asi, takaona vechiduku vachishandira Jehovha nesimba uye vachifara! Takazoona kuti sangano raJehovha rakakura kupfuura zvataifunga tiri kwataigara, uye pose pataishanyira Bheteri tainzwa ukama hwedu naJehovha hwasimbiswa.” Kuzvionera voga zvakaita sangano raMwari kwakakurudzira Mandy naBethany kuti vatange kupayona, uye vakatozoshevedzwa kuti vambobatsira kuita basa paBheteri.Pane imwezve nzira ‘yokuona’ nayo sangano raJehovha, yakanga isina vaIsraeri vekare. Mumakore achangobva kupfuura, vanhu vaMwari vakawana mavhidhiyo uye maDVD anoratidza zvakasiyana-siyana zvinoitwa nesangano raMwari, akadai saJehovah’s Witnesses—Organized to Share the Good News, Our Whole Association of Brothers, To the Ends of the Earth, uye United by Divine Teaching. Pamuchaona nemhuri yenyu kushanda nesimba kunoita vashandi vepaBheteri, hama dzinoita mabasa okuyamura, mamishinari, uye hama dzinogadzirira uye kuronga magungano, mwoyo yenyu ichawedzera kuda sangano rose rehama.
Ungano yose yevanhu vaMwari inoita basa rinokosha pakuparidza mashoko akanaka uye kutsigira vaKristu vari munharaunda yavanogara. Zvisinei, imi nemhuri yenyu yeukaiwo “sangano rose rehama dzenyu munyika.” Izvi zvichabatsira imi nevana venyu kuti murambe “makasimba pakutenda,” muchiyeuka kuti zviripo zvinoita kuti mufare.
[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 18]
Sangano raMwari Inyaya Yakakodzera Kudzidza Nezvayo
Tine zvakawanda zvokushandisa kuti tibatsirwe tose kudzidza zvakawanda nezvenhoroondo yesangano raJehovha uye mashandiro arinoita. Mibvunzo inotevera ingakubatsirai kuti muve nepokutangira:
☞ Basa revatariri vanofambira variko mazuva ano rakatangwa sei?—Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari, mapeji 222-227.
☞ Chii chainyanya kukosha pa“Zuva Ravana” pagungano rakaitwa muna 1941?—Zvapupu zvaJehovha—Vazivisi voUmambo hwaMwari, mapeji 86, 88.
☞ Dare Rinodzora rinoita sei zvisarudzo?—‘Kupupurira Kwazvo’ Pamusoro poUmambo hwaMwari, mapeji 108-114.