Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ita Zvisarudzo Zvinokudza Mwari

Ita Zvisarudzo Zvinokudza Mwari

Ita Zvisarudzo Zvinokudza Mwari

“Munhu ane njere anofunga nezvenhanho dzake.”—ZVIR. 14:15.

1, 2. (a) Pazvisarudzo zvose zvatinoita, chinangwa chedu chikuru chinofanira kuva chei? (b) Mibvunzo ipi yatichakurukura?

PAMWE tinozviita kakawanda zuva nezuva. Zvakawanda zvacho hazvinyanyi hazvo kukosha. Asi zvimwe zvacho zvinogona kuchinja upenyu hwedu zvakakura. Zvii izvozvo? Zvisarudzo. Pazvisarudzo zvose zvatinoita, zviduku kana zvakakura, chinangwa chedu chikuru ndechokukudza Mwari.—Verenga 1 VaKorinde 10:31.

2 Unoona zviri nyore here kuita zvisarudzo kana kuti zvakakuomera? Kuti tive vaKristu vakasimba pakunamata, tinofanira kudzidza kusiyanisa zvakanaka nezvakaipa toita zvisarudzo zvinoratidza maonero edu, kwete emumwe munhu. (VaR. 12:1, 2; VaH. 5:14) Ndezvipi zvimwe zvikonzero zvakasimba nei tichifanira kudzidza kuita zvisarudzo zvakanaka? Nei dzimwe nguva zvisiri nyore kuzviita? Matanho api atingatora kuti tive nechokwadi chokuti zvisarudzo zvatinoita zvinokudza Mwari?

Nei Tichifanira Kuita Zvisarudzo?

3. Chii chatisingafaniri kubvumira kuti chitikanganise pakuita zvisarudzo?

3 Kana tichiomerwa nokuratidza patimire panyaya yezvinotaurwa neBhaibheri, vatinopinda navo chikoro kana vatinoshanda navo vangafunga kuti hatina chokwadi nezvatinotenda zvokuti tinongoita gundamusaira. Vangareva nhema, vangabiridzira, kana kuba voedza kutinyengetedza ‘kutevera ruzhinji’ nokubatana navo kana kuti kuvabatsira kuvhara zvavanenge vaita. (Eks. 23:2) Zvisinei, munhu anoziva kuita zvisarudzo zvinokudza Mwari haazoiti zvinopesana nehana yake yakadzidziswa neBhaibheri nemhaka yokutya vanhu kana kuti kuda kudiwa nevamwe.—VaR. 13:5.

4. Chii chingaita kuti vamwe vade kutisarudzira zvokuita?

4 Hakusi kuti vose vanoda kutisarudzira zvokuita vanenge vachida kuti zvitiipire. Shamwari dzinenge dzichifunga kuti dziri kuita zvakanaka dzingasimbirira kuti tibvume mazano adzo. Kana tisisiri kugara pamba, hama dzedu dzingave dzichinetseka chaizvo pamusoro pedu uye dzingada kuramba dzichipindira pazvisarudzo zvatinenge tichifanira kuita. Somuenzaniso, funga nezvenyaya yokurapwa. Bhaibheri rinorambidza zviri pachena kushandisa ropa zvisina kukodzera. (Mab. 15:28, 29) Zvisinei, dzimwe nyaya dzoutano hadzisi dzokungoti chakati ndicho chinofanira kuitwa, dzingada kuti mumwe nomumwe azvisarudzire marapirwo aachabvuma kana kuramba. * Hama dzedu dzingava dziine zvadzinofunga kuti ndizvo zvinotofanira kuitwa panyaya idzi. Asi pakusarudza zvokuita, muKristu mumwe nomumwe akabhabhatidzwa anofanira kutakura “mutoro wake.” (VaG. 6:4, 5) Chinonyanya kukosha kwatiri ndechokuti tirambe tiine hana yakanaka pamberi paMwari, kwete pevanhu.—1 Tim. 1:5.

5. Tingaita sei kuti kutenda kwedu kusaparara?

5 Kuva nemwoyo miviri kunogona kutiisa mungozi yakakura. Mudzidzi Jakobho akanyora kuti munhu ane mwoyo miviri haana “kutsiga munzira dzake dzose.” (Jak. 1:8) Achakandwa kwose kwose nemafungiro evanhu anochinja-chinja sezvinoitwa munhu ari muchikepe chisina chidzoreso mugungwa rine dutu. Zviri nyore chaizvo kuti kutenda kwemunhu akadaro kuparare sezvinoita chikepe, otanga kupomera vamwe! (1 Tim. 1:19) Tingadzivisa sei izvozvo? Tinofanira ‘kudzikamiswa pakutenda.’ (Verenga VaKorose 2:6, 7.) Kuti tidzikamiswe, tinofanira kudzidza kuita zvisarudzo zvinoratidza kuti tinotenda Shoko raMwari rakafuridzirwa. (2 Tim. 3:14-17) Asi ndezvipi zvimwe zvingatitadzisa kuita zvisarudzo zvakanaka?

Zvinhu Zvinoita Kuti Tiomerwe Nokusarudza Zvokuita

6. Kutya kungaita kuti tiitei?

6 Kutya kunogona kutikanganisa pakuita zvisarudzo, tichifunga kuti tinozoita zvisiri izvo, tinozokundikana kana kuti vamwe vanozotiona setakapusa. Izvozvo zvinonzwisisika. Hapana anoda kuita chisarudzo chisiri icho, chinozokonzera dambudziko kana kuti chinonyadzisa. Kunyange zvakadaro, kuda Mwari uye Shoko rake kunogona kutibatsira kusatya zvakanyanya. Sei? Kuda Mwari kuchaita kuti tigare tichiona zvinotaura Shoko rake uye mabhuku anotsanangura Bhaibheri tisati taita zvisarudzo zvinokosha. Izvozvo zvinoita kuti tisanyanya kukanganisa. Zvinodaro sei? Nokuti Bhaibheri rinogona ‘kupa vasina zivo njere, uye kupa jaya zivo nemano okufunga.’—Zvir. 1:4.

7. Zvakaitika kuna Mambo Dhavhidhi zvinogona kutidzidzisei?

7 Zvinoreva here kuti hatizombokanganisiwo pakusarudza zvokuita? Aiwa. Tose tinokanganisa. (VaR. 3:23) Somuenzaniso, Mambo Dhavhidhi aiva murume akachenjera uye akatendeka. Asi pane dzimwe nguva akatadza kusarudza zvakanaka zvikaita kuti iye nevamwe vatambure. (2 Sam. 12:9-12) Kunyange zvakadaro Dhavhidhi haana kurega zvaaikanganisa zvichimutadzisa kuita zvisarudzo zvakanaka zvairarirwa naMwari. (1 Madz. 15:4, 5) Kufanana naDhavhidhi, tinogona kuita zvisarudzo pasinei nezvatakambokanganisa, kana tikayeuka kuti Jehovha anozvifuratira uye anokanganwira zvivi zvedu. Acharamba achitsigira vaya vanomuda uye vanomuteerera.—Pis. 51:1-4, 7-10.

8. Tinodzidzei pane zvakataurwa nomuapostora Pauro nezvewanano?

8 Tinogona kuita kuti tisanyanya kuzvidya mwoyo panyaya yokuita zvisarudzo. Tingazviita sei? Tinofanira kuziva kuti dzimwe nguva panogona kuva nenzira dzakati wandei dzakarurama dzokusarudza padziri. Funga zvakataurwa nomuapostora Pauro panyaya yewanano. Achifemerwa naMwari akanyora kuti: “Asi kana paine munhu anofunga kuti ari kutadza kuramba asina kuroora kana kuroorwa, kana iye ayaruka, izvi zviri izvo zvinofanira kuitika, ngaaite zvaanoda; anenge asingatadzi. Ngavaroore kana kuroorwa. Asi kana chero munhu upi zvake achinzwa akagadzikana mumwoyo make, asingamanikidzwi, asi aine simba pane zvaanoda uye asarudza izvi mumwoyo make, kuti arambe asina kuroora kana kuroorwa, achaita zvakanaka.” (1 VaK. 7:36-38) Pauro akati kusaroora kana kusaroorwa ndiko kwakanyanya kunaka, asi handiko chete kwakanaka.

9. Tinofanira kuva nehanya here nokuti vamwe vanoona sei zvatinosarudza? Tsanangura.

9 Tinofanira kuva nehanya nokuti vamwe vachaona sei zvatinosarudza here? Pamwe pacho tinofanira kudaro. Ona zvakataurwa naPauro panyaya yokudya zvokudya zvaiita sezvakabayirwa kuzvidhori. Akabvuma kuti zvinosarudzwa nomunhu zvingasava zvakaipa, asi zvinogona kukuvadza mumwe munhu ane hana isina kusimba. Pauro akati aizoita sei? Akanyora kuti, “Kana zvokudya zvichiita kuti hama yangu igumbuke, handichazombodyizve nyama, kuti ndirege kuita kuti hama yangu igumbuke.” (1 VaK. 8:4-13) Nesuwo tinofanira kufunga kuti zvatinosarudza zvingakanganisa sei hana dzevamwe. Asi patinoita zvisarudzo, chatinonyanya kukoshesa ushamwari hwedu naJehovha. (Verenga VaRoma 14:1-4.) Ndezvipi zvinotaurwa neBhaibheri zvichatibatsira kuita zvisarudzo zvinokudza Mwari?

Matanho Matanhatu Okuita Zvisarudzo Zvakanaka

10, 11. (a) Mumhuri tingadzivisa sei kuzvikudza? (b) Vakuru vanofanira kuyeukei pavanenge vachiita zvisarudzo zvine chokuita neungano?

10 Ngwarira kuzvikudza. Tisati tasarudza zvokuita, tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndini ndinofanira kuita chisarudzo ichi here?’ Mambo Soromoni akanyora kuti: “Kuzvikudza kwavapo here? Ruzvidzo ruchabva rwavapowo; asi vane mwero ndivo vane uchenjeri.”—Zvir. 11:2.

11 Vabereki vangapa vana vavo mukana wokuita zvimwe zvisarudzo, asi vana havafaniri kungozvipa voga masimba okudaro. (VaK. 3:20) Madzimai navanaamai vane masimba akati kuti mumhuri asi vanofanira kuziva kuti varume vavo ndivo misoro yemba. (Zvir. 1:8; 31:10-18; VaEf. 5:23) Uyewo, varume vanofanira kuziva kuti masimba avo ane paanogumira uye kuti vari pasi paKristu. (1 VaK. 11:3) Vakuru vanoita zvisarudzo zvine chokuita neungano. Zvisinei, vanova nechokwadi chokuti ‘havapfuuri zvinhu zvakanyorwa’ muShoko raMwari. (1 VaK. 4:6) Vanonyatsotevedzawo zvavanorayirwa nemuranda akatendeka. (Mat. 24:45-47) Tikava nemwero toita zvisarudzo zvatinenge tapiwa mvumo yokuita chete, tinodzivisa matambudziko akawanda patiri uye pavamwe vanhu.

12. (a) Nei tichifanira kutsvakurudza? (b) Tsanangura kuti munhu angatsvakurudza sei.

12 Tsvakurudza. Soromoni akanyora kuti: “Zvirongwa zvomunhu anoshingaira zvinobatsira, asi munhu wose anokurumidzira zvinhu achashayiwa njere.” (Zvir. 21:5) Somuenzaniso, uri kufunga nezvokutanga bhizimisi here? Usamhanyira zvinhu. Wana mashoko ose anodiwa, tsvaka rubatsiro rwevaya vane ruzivo rwezvinhu zvakadaro, uye ona zvinotaurwa neBhaibheri panyaya yacho. (Zvir. 20:18) Kuti uronge tsvakurudzo yako, nyora pasi zvose zvazvakanakira, uye nyorawo matambudziko angavapo. Usati wasarudza zvokuita, “verenga zvinodiwa.” (Ruka 14:28) Funga kuti chisarudzo chako chichada mari yakadii uye chichasiya ukama hwako naMwari hwava papi. Kutsvakurudza kunoda nguva uye kushanda zvakaoma. Asi kana ukaita izvozvo hauzomhanyiri kuita chisarudzo chinozokutemesa musoro.

13. (a) Ivimbiso ipi iri pana Jakobho 1:5? (b) Kunyengeterera uchenjeri kunogona kutibatsira sei?

13 Nyengeterera uchenjeri. Kuti zvisarudzo zvedu zvikudze Mwari tinofanira kunge tamukumbira kuti atibatsire pakusarudza. Mudzidzi Jakobho akanyora kuti: “Kana mumwe wenyu achishayiwa uchenjeri, ngaarambe achikumbira Mwari, uye iye achahupiwa; nokuti iye ane rupo kuna vose uye haazvidzi.” (Jak. 1:5) Hapana chinonyadzisa pakubvuma kuti tinoda uchenjeri hwaMwari kuti hutibatsire pakuita zvisarudzo. (Zvir. 3:5, 6) Tinohuda nokuti kungovimba nokunzwisisa kwedu chete kunogona kuita kuti tirasike zviri nyore. Patinonyengeterera uchenjeri totsvaka zvinotaura Shoko raMwari, tinobvumira mudzimu mutsvene kutibatsira kunzwisisa kuti vavariro yedu ndeyei pakuita chisarudzo chatinenge tichiita.—VaH. 4:12; verenga Jakobho 1:22-25.

14. Nei tisingafaniri kuverengera?

14 Ita chisarudzo chacho. Usamhanyira kuita izvi usati watsvakurudza uye wanyengeterera uchenjeri. Munhu akachenjera anova nenguva ‘yokufunga nezvenhanho dzake.’ (Zvir. 14:15) Asi usaverengera. Munhu anoverengera anogona kupa zvikonzero zvisina kana nomusoro wose zvokurega kuita chimwe chinhu. (Zvir. 22:13) Asi hazvirevi kuti haasarudzi, nokuti anosarudza kurega vamwe vachimuudza zvokuita noupenyu hwake.

15, 16. Kuita zvatinenge tasarudza kunosanganisirei?

15 Chiita zvacho zvawasarudza. Zvose zvatinenge taita tichigadzirira kuita chisarudzo hapana zvazvinobatsira kana tikasazoshanda nesimba kuti tiite zvacho zvatinenge tasarudza. “Zvose zvinowana ruoko rwako kuti ruite, zviite nesimba rako rose,” akanyora kudaro Soromoni. (Mup. 9:10) Kuti tibudirire pane zvatinenge tasarudza, tinofanira kunge takagadzirira kuzoita zvinenge zvichidiwa. Somuenzaniso, muparidzi weungano angasarudza kupayona. Achabudirira here? Angangobudirira kana akasapedzera simba rakawandisa pabasa rake renyika uye kuzvivaraidza zvomushayisa nguva yaanoda kuti aite ushumiri.

16 Zvisarudzo zvakanakisisa hazviwanzova nyore kuzozviita. Nei zvakadaro? Nokuti “nyika yose iri musimba reakaipa.” (1 Joh. 5:19) Tinofanira kurwisana “nevatongi venyika verima rino, nemasimba emidzimu yakaipa ari munzvimbo dzomumatenga.” (VaEf. 6:12) Muapostora Pauro nomudzidzi Judha vakaratidza kuti vaya vanosarudza kukudza Mwari vachatofanira kurwisa zvakasimba.—1 Tim. 6:12; Jud. 3.

17. Pazvisarudzo zvatinoita, Jehovha anotarisira kuti tiitei?

17 Ongorora pawasvika nechisarudzo chacho wogadzirisa panoda kugadziriswa. Hazvisi zvisarudzo zvose zvinobva zvafamba semarongero atinenge taita. Tose tinowirwa “nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.” (Mup. 9:11) Kunyange zvakadaro, pane zvimwe zvisarudzo izvo Jehovha anotarisira kuti tishingirire kuzviita pasinei nemiedzo. Chisarudzo chomunhu chokuzvitsaurira kuna Jehovha kana kuti chokuita mhiko yewanano hachigoni kuzochinjwa. Mwari anotarisira kuti tirarame maererano nezvisarudzo izvozvo. (Verenga Pisarema 15:1, 2, 4.) Asi zvisarudzo zvakawanda hazvikoshi hazvo saizvozvo. Munhu akachenjera anoongorora panguva nenguva zvisarudzo zvaakaita. Haazoregi kuzvikudza kana kuti kuoma musoro kuchimutadzisa kugadzirisa kana kuti kunyange kuchinja zvaakasarudza. (Zvir. 16:18) Chinonyanya kukosha kwaari kuva nechokwadi chokuti upenyu hwake hunoramba huchikudza Mwari.

Dzidzisa Vamwe Kuita Zvisarudzo Zvinokudza Mwari

18. Vabereki vangadzidzisa sei vana vavo kuita zvisarudzo zvakanaka?

18 Vabereki vanogona kubatsira chaizvo vana vavo kudzidza kuita zvisarudzo zvinokudza Mwari. Vana vanodzidza zvakanakisisa kana vachiona zvinoita vabereki. (Ruka 6:40) Kana zvakakodzera, vabereki vanogona kutsanangurira vana vavo matanho avakatora ivo pachavo pakuita zvimwe zvisarudzo. Vangadawo kubvumira kuti vana vavo vaite zvimwe zvisarudzo vovarumbidza kana zvavanenge vasarudza zvabudirira. Ko kana mwana akaita chisarudzo chisina kunaka? Mubereki angakurumidza kufunga nezvokuvharidzira mwana wacho pane zvinozoitika, asi izvozvo kakawanda hazvina kunakira mwana wacho. Somuenzaniso, mubereki angabvumira mwana kuwana chitambi chokutyaira motokari. Ngatitii mwana wacho atyora mutemo womumugwagwa akaripiswa. Mubereki angabhadhara mari yacho. Asi, kana mwana wacho akanzi ashande kuti abhadhare mari yacho, zvingangomudzidzisa chidzidzo.—VaR. 13:4.

19. Tinofanira kudzidzisei vanhu vatinodzidza navo Bhaibheri, uye tingazviita sei?

19 Jesu akaudza vateveri vake kuti vadzidzise vamwe. (Mat. 28:20) Chimwe chinhu chinokosha chaizvo chatinogona kudzidzisa vadzidzi veBhaibheri ndechokuita zvisarudzo zvakanaka. Kuti tibudirire kudaro, hatifaniri kuvaudza zvokuita. Zvakanaka chaizvo kuvadzidzisa kufunga zvinotaurwa neBhaibheri kuitira kuti vazvisarudzire zvokuita. Vanofanira kudaro nokuti “mumwe nomumwe wedu achazvidavirira kuna Mwari.” (VaR. 14:12) Saka tose zvedu tine zvikonzero zvakasimba zvokuti tiite zvisarudzo zvinokudza Mwari.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 4 Nyaya iyi yakakurukurwa muwedzero yoUshumiri Hwedu hwoUmambo hwaNovember 2006, mapeji 5-8 yaiva nemusoro unoti “Ndinoona Sei Zvikamu Zviduku Zveropa uye Kurapwa Neropa Rangu?”

Ungapindura Sei?

• Nei tichifanira kudzidza kuita zvisarudzo?

• Kutya kungaita kuti tiitei, uye tingakunda sei kutya kwatinoita?

• Ndeapi matanho matanhatu atingatora kuti tive nechokwadi chokuti zvatinosarudza zvinokudza Mwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 16]

Matanho Okuita Zvisarudzo Zvakanaka

1 Ngwarira Kuzvikudza

2 Tsvakurudza

3 Nyengeterera Uchenjeri

4 Ita Chisarudzo Chacho

5 Chiita Zvacho Zvawasarudza

6 Ongorora pawasvika nechisarudzo chacho wogadzirisa panoda kugadziriswa

[Mufananidzo uri papeji 15]

Munhu ane mwoyo miviri akafanana nomunhu ari muchikepe chisina chidzoreso mugungwa rine dutu