Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuramba Takatendeseka Munyika Isina Kutendeseka

Kuramba Takatendeseka Munyika Isina Kutendeseka

Kuramba Takatendeseka Munyika Isina Kutendeseka

KUSATENDESEKA kuri pose pose semhepo yatinofema. Vanhu vanonyepa, vanodhurisa zvinhu, vanoba, havabhadhari zvikwereti, uye vanotozvirumbidza nokubiridzira kwavanoita mumabhizimisi. Sezvo tichigara nevanhu vakadaro, muedzo chaiwo kuti tirambe takavimbika. Tingakurira sei muedzo wokuva vasina kutendeseka? Ngatikurukurei zvinhu zvitatu zvichatibatsira kuti tidaro zvinoti: kutya Jehovha, kuva nehana yakanaka, uye kugutsikana nezvatinazvo.

Kutya Kugumbura Jehovha

Muprofita Isaya akanyora kuti: “Jehovha ndiye Mutongi wedu, Jehovha ndiye Mupi wemirau yedu, Jehovha ndiye Mambo wedu.” (Isa. 33:22) Kuziva nzvimbo yaJehovha kunoita kuti timutye, zvoitawo kuti tirambe pfungwa yokusatendeseka iri kwose kwose. Zvirevo 16:6 inoti: “Munhu anobva pane zvakaipa nokuda kwokutya Jehovha.” Kutya ikoko hakusi kuya kwokuti Mwari anozotitsiva, asi kutya kwakanaka kwokusada kugumbura Baba vedu vokudenga, avo vanoda kuti zvinhu zvitifambire zvakanaka.—1 Pet. 3:12.

Pane chimwe chiitiko chinoratidza zvakanakira kutya kwakadaro. Ricardo nomudzimai wake Fernanda vakanotora mari yavo kubhangi inoenzana neUS$700. * Fernanda akaisa mazimari acho muchikwama asina kumboverenga. Pavakasvika kumba, vapedza kubhadhara mari dzaifanira kubhadharwa, vakashamiswa kuona mari yavakanga vatora kubhangi yakangokwana muchikwama chaFernanda. Vakabva vati, “Mushandi womubhangi anofanira kunge atipa mari yakawandisa.” Vakambopindwa nekapfungwa kokuichengeta, sezvo vakanga vachiine zvimwe zvikwereti zvaifanira kubhadharwa. Ricardo anorondedzera kuti: “Takanyengetera kuna Jehovha kuti atipe simba rokudzorera mari yacho. Shungu dzokuti timufadze sezvaanotikumbira pana Zvirevo 27:11 dzakaita kuti tidzorere mari yacho.”

Hana Yakadzidziswa neBhaibheri

Kuti tive nehana inoshanda tinofanira kudzidza Bhaibheri uye kuedza kushandisa zvatinodzidza. Izvi zvichaita kuti ‘shoko raMwari, benyu uye rine simba’ ripinde mupfungwa dzedu nemwoyo zvobva zvaitawo kuti tive “vakatendeseka muzvinhu zvose.”—VaH. 4:12; 13:18.

Funga zvakaitika kuna João. Akasvika pakuva nechikwereti chakakura, chaienzana neUS$5 000. Akabva atamira kune rimwe guta asina kubhadhara chikwereti chacho. Pashure pemakore masere, João akadzidza chokwadi, uye hana yake yakadzidziswa neBhaibheri yakamuita kuti ataure nomunhu uya wokumukweretesa, kuti abhadhare chikwereti chacho! Munhu wacho akabvuma kuti abhadharwe pamwedzi pamwedzi sezvo João aine mudzimai nevana vanoda kuriritirwa nekamari kaanotambira.

Kugutsikana Nezvauinazvo

Muapostora Pauro akanyora kuti: “Kuzvipira kuna Mwari uku pamwe chete nokugutsikana inzira inopfumisa kwazvo. . . . Kana tiine zvokudya nezvokupfeka nepokugara, tichagutsikana nezvinhu izvi.” (1 Tim. 6:6-8) Kufungisisa zano iri rokuchenjera kuchatibatsira kuti tisapinda mumusungo wokuchiva, mumabhizimisi asina kunyatsotsarukana kana kuti zvirongwa zvokuda kukurumidza kupfuma zvisina kwazvinosvika. (Zvir. 28:20) Kutevedzera zano raPauro kuchatibatsirawo kuisa Umambo hwaMwari pakutanga, tiine chivimbo chokuti achatipa zvose zvatinoda pakurarama.—Mat. 6:25-34.

Asi nemhaka ye“simba rinonyengera repfuma,” hatifaniri kurerutsa ngozi yokuva nemakaro uye ruchiva. (Mat. 13:22) Yeuka zvakaitwa naAkani. Akanga azvionera vaIsraeri vachiyambuka Rwizi rwaJodhani nechishamiso. Kunyange zvakadaro akakundwa nemakaro akaba sirivha nendarama nenguwo yaidhura pazvinhu zvakawanikwa muguta reJeriko. Izvozvo zvakamuurayisa. (Josh. 7:1, 20-26) Ndokusaka Jesu akazotaura pashure pemazana emakore kuti: “Rambai makasvinura, muchenjerere kuchochora kwemarudzi ose”!—Ruka 12:15.

Iva Akatendeseka Kubasa

Ngatimboongororai mamwe mamiriro ezvinhu angaita kuti zvitiomere kuramba takatendeseka pazvinhu zvose. Kuva akatendeseka kubasa kunosanganisira kuva vanhu “vasingabi,” kunyange kana vakawanda vachidaro. (Tito 2:9, 10) Jurandir, uyo anoshandira bazi rehurumende, aive akavimbika pakutaura mari yaainge ashandisa kana afamba nebasa. Asi vamwe vake vaitaura mari yakawanda kupfuura yavainge vashandisa. Vaikwanisa kuzviita nokuti mukuru wedhipatimendi ravo aivavharidzira. Mukuru wacho akatotuka Jurandir nokuti aive akavimbika akabva aita kuti asapota achishandira kunze. Nokufamba kwenguva bazi racho rakazoongororwa mari dzaro, uye Jurandir akarumbidzwa nokuvimbika kwake. Akasimudzirwawo pabasa.

André, anoshanda somushambadzi, akaudzwa newaaishandira kuti abhadharise kaviri vanhu vavainge vaitira basa. Hama yedu yakanyengetera kuna Jehovha kuti iwane ushingi hwokusasiya zvinotaura Bhaibheri. (Pis. 145:18-20) Akaedzawo kutsanangurira waaishandira nei aisakwanisa kuita zvaaimuudza, asi hazvina zvazvakabatsira. Saka André akaona zviri nani kusiya basa iri raibhadhara. Zvisinei, pashure pegore, akadaidzwazve nouya waaimboshandira, achiudzwa kuti vakanga vasisabhadharise vanhu mari yakawandisa. André akabva asvikoitwa maneja.

Bhadhara Zvikwereti

Muapostora Pauro akapa vaKristu zano rokuti: “Musambova nechikwereti chero nomunhu upi zvake.” (VaR. 13:8) Tingaedza kuzvipembedza kuti tisabhadhara chikwereti, tichiti munhu wacho akapfuma saka hapana zvaanoidira. Zvisinei Bhaibheri rinonyevera kuti: “Munhu akaipa anokwereta asingadzoreri.”—Pis. 37:21.

Asi ko pakaitika “zviitiko zvisingafanoonekwi” zvotitadzisa kubhadhara chikwereti? (Mup. 9:11) Francisco akakwereta kuna Alfredo mari inoenzana neUS$7 000 achida kubhadhara bhangi rakamutengera imba. Asi nemhaka yezvinhu zvisina kufamba zvakanaka pabhizimisi rake, Francisco akatadza kubhadhara nemusi wavakanga vawirirana. Akaenda kuna Alfredo kunokurukura nyaya yacho, uye Alfredo akabvuma kubhadharwa zvishoma nezvishoma.

Usabata Vanhu Kumeso

Yeuka muenzaniso wakashata waAnaniyasi naSafira, vomuungano yechiKristu yomuzana remakore rokutanga. Pavakatengesa munda wavo, vakauya neimwe mari yacho kuvaapostora ndokutaura kuti ndiyo yose yavakanga vawana pakatengwa munda wacho. Vaida kuti vaonekwe sevanhu vanopa chaizvo. Asi muapostora Petro, achifemerwa nomudzimu mutsvene waMwari, akavafumura, vakabva vaurayiwa naJehovha.—Mab. 5:1-11.

Kusiyana naAnaniyasi naSafira vakanga vasina kuvimbika, vanyori veBhaibheri vakanga vakavimbika uye vakatendeseka. Mosesi akataura pachena kuti akambotadza kudzora hasha dzake izvo zvakazoita kuti atadze kupinda muNyika Yakapikirwa. (Num. 20:7-13) Jonawo haana kuvanza kutadza kwaakaita asati aparidzira Ninivhi uye pashure pacho. Akatozvinyora zvose.—Jona 1:1-3; 4:1-3.

Zvechokwadi unofanira kushinga kuti utaure chokwadi, kunyange kana zvichiita kuti urasikirwe, sezvinoratidzwa nezvakaitika kuchikoro kuna Nathalia ane makore 14. Akaongorora bvunzo dzaakanga anyora ndokucherechedza kuti paiva nepamwe paakanga anzi nomudzidzisi agona asi iye akanga atadza. Kunyange zvazvo zvaizoita kuti zvibodzwa zvake zviderere, Nathalia haana kuzeza kunoudza mudzidzisi wake. Akati, “Vabereki vangu vanogara vachindidzidzisa kuti ndinofanira kuva akatendeseka kuti ndifadze Jehovha. Dai ndarega kuudza mudzidzisi hana yangu yaizondinetsa.” Mudzidzisi wacho akafadzwa nokutendeseka kwaNathalia.

Kutendeseka Kunokudza Jehovha

Giselle, mumwe musikana ane makore 17 akanhonga chikwama chaiva nemapepa uye mari inoenzana neUS$35. Akaronga nevakuru vechikoro kuti chikwama ichocho chidzorerwe kumuridzi wacho. Papfuura mwedzi, mutevedzeri wemukuru wechikoro akaverengera kirasi yose tsamba yairumbidza Giselle nokutendeseka kwake uye yaitenda vabereki vake nokumurayira kwavakaita uye kumudzidzisa kunamata. ‘Mabasa ake akanaka’ akakudza Jehovha.—Mat. 5:14-16.

Kuva akatendeseka ibasa chairo nokuti tiri kurarama nevanhu “vanozvida, vanoda mari, vanozvitutumadza, vanozvikudza, . . . vasina kuvimbika.” (2 Tim. 3:2) Kunyange zvakadaro kutya kugumbura Jehovha, kuva nehana yakadzidziswa neBhaibheri, uye kugutsikana nezvatiinazvo kunobatsira kuti tirambe takatendeseka munyika isina kutendeseka. Tinovawo noushamwari hwepedyo zvikuru naJehovha, uyo ‘akarurama uye anoda mabasa akarurama.’—Pis. 11:7.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 5 Mamwe mazita akachinjwa.

[Mifananidzo iri papeji 7]

Kutya kugumbura Jehovha kunoita kuti tide kugara takatendeseka

[Mufananidzo uri papeji 8]

Kutendeseka kwedu kunokudza Jehovha