Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unonyatsonzwisisa Here Uchapupu Hwekutungamirira kwaMwari?

Unonyatsonzwisisa Here Uchapupu Hwekutungamirira kwaMwari?

Unonyatsonzwisisa Here Uchapupu Hwekutungamirira kwaMwari?

VAISRAERI kana vaIjipiti vakanga vasati vamboona chinhu chakadaro. VaIsraeri pavaibuda muIjipiti, shongwe yegore yaigara iri pedyo navo iri mudenga. Usiku yaiva shongwe yemoto. Zvaishamisa chaizvo. Asi yakabva kupi? Basa rayo raiva rei? Uye pashure pemakore anenge 3 500, isu tinodzidzei pamaonero aiita vaIsraeri “shongwe yomoto negore?”—Eks. 14:24.

Shoko raMwari rinoratidza kwakabva shongwe uye basa rayo richiti: “Jehovha akanga achifamba ari mberi kwavo masikati, ari mushongwe yegore kuti avatungamirire munzira, uye usiku ari mushongwe yomoto kuti avape chiedza kuti vafambe masikati nousiku.” (Eks. 13:21, 22) Jehovha Mwari akashandisa shongwe yegore nemoto kutungamirira vanhu vake pavaibuda muIjipiti uye vari murenje. Vaifanira kugara vakagadzirira kuti vaitevere. Mauto eIjipiti paaitevera kuti arwise vanhu vaMwari, shongwe yakaenda pakati pemapoka acho, ichidzivirira vaIsraeri. (Eks. 14:19, 20) Kunyange zvazvo shongwe yacho yakatora nzira yaitenderera, kutevera kwayaienda ndiko chete kwaiita kuti vaIsraeri vasvike kuNyika Yakapikirwa.

Shongwe yaioneka yaipa vanhu vaMwari chivimbo chokuti Jehovha aiva navo. Yaimiririra Jehovha, uye dzimwe nguva aitaura ari mukati mayo. (Num. 14:14; Pis. 99:7) Uyezve gore rairatidza kuti Mosesi ndiye akanga akagadzwa naJehovha kuti atungamirire rudzi rwacho. (Eks. 33:9) Mashoko okupedzisira kutaura nezvokuonekwa kwegore akaratidzawo kuti Jehovha akanga agadza Joshua panzvimbo yaMosesi. (Dheut. 31:14, 15) Ichokwadi kuti kunzwisisa uchapupu hwekutungamirira kwaMwari ndiko kwaizoita kuti vaIsraeri vasvike kwavaienda.

Vakapedzisira Vasisakoshese Uchapupu Hwacho

VaIsraeri pavakatanga kuona shongwe iyoyo vanofanira kunge vakapedzwa mate mukanwa. Asi zvinosuwisa kuti ichi chishamiso chavaigara vachiona hachina kuita kuti varambe vachivimba naJehovha. Vakapandukira utungamiriri hwaMwari kanoverengeka. Mauto evaIjipiti paakavatevera, havana kuvimba nesimba raJehovha rokuponesa. Asi vakatopomera mushumiri waMwari Mosesi kuti akanga avatungamirira kuti vanourayiwa. (Eks. 14:10-12) Pashure pokununurwa nomuGungwa Dzvuku, vakanyunyutira Mosesi, Aroni, uye Jehovha vachiti vaishaya zvokudya uye mvura. (Eks. 15:22-24; 16:1-3; 17:1-3, 7) Kwapera mavhiki akati kuti, vakamanikidza Aroni kuti avagadzirire mhuru yendarama. Pafunge! Kune rimwe divi remusasa, vaIsraeri vaiona shongwe yegore nemoto, souchapupu hwakakura hwokuti Uyo akanga avatungamirira kubva muIjipiti aiva navo, asi nechepakadaro apo vakatanga kunamata chidhori chisina upenyu vachiti: “Uyu ndiye Mwari wako akakubudisa muIjipiti.” Uku ndiko kunonzi kuita “zvinhu zvikuru zvokusaremekedza”!—Eks. 32:4; Neh. 9:18.

Kupanduka kwevaIsraeri kwakaratidza kusaremekedza zvachose utungamiriri hwaJehovha. Hakusi kuti maziso avo akanga asingaoni, asi dambudziko raiva pamaonero avaiita utungamiriri hwaMwari. Vaiona shongwe yacho, asi vakanga vasisakoshese zvayaimiririra. Kunyange zvazvo “vakarwadzisa Mutsvene waIsraeri” nezvavakaita, Jehovha akavaratidza ngoni nokuramba achivatungamirira achishandisa shongwe yacho kusvikira vasvika kuNyika Yakapikirwa.—Pis. 78:40-42, 52-54; Neh. 9:19.

Ona Uchapupu Hwokutungamirira kwaMwari Mazuva Ano

Mazuva anowo, Jehovha haana kumbobvira asiya vanhu vake vasina utungamiriri hwakajeka. Sezvo asina kusiya vaIsraeri vachizvitsvakira nzira voga, isu nhasi haatisiyiwo tichizvitsvakira nzira yokupinda nayo munyika itsva. Jesu Kristu ndiye akagadzwa kuti ave Mutungamiriri weungano yechiKristu. (Mat. 23:10; VaEf. 5:23) Akapawo masimba muranda akatendeka, boka revaKristu vakatendeka vakazodzwa nomudzimu. Boka romuranda iroro rinogadzawo vatariri muungano yechiKristu.—Mat. 24:45-47; Tito 1:5-9.

Boka romuranda akatendeka, kana kuti romutariri rinozivikanwa sei? Ona kuti Jesu anoritsanangura sei nemashoko aya: “Chokwadi ndiani mutariri akatendeka, akangwara, achagadzwa natenzi wake paboka revashandi vake kuti arambe achivapa mugove wavo wezvokudya panguva yakakodzera? Anofara muranda iyeye, kana tenzi wake akamuwana achiita saizvozvo paanosvika!”—Ruka 12:42, 43.

Saka boka romutariri ‘rakatendeka,’ pakuti harizombosiyi Jehovha, Jesu, chokwadi cheBhaibheri, kana kuti vanhu vaMwari. ‘Rakangwara,’ pakuti rinoratidza uchenjeri pakutungamirira basa rinokosha kupfuura mamwe ose rokuparidza “mashoko akanaka oumambo” nokuita kuti “vanhu vemarudzi ose vave vadzidzi.” (Mat. 24:14; 28:19, 20) “Panguva yakakodzera,” boka romutariri rinoratidza kuteerera nokuparadzira zvokudya zvinosimbisa pakunamata. Kufarira kwaJehovha boka iri kunooneka pakukomborera kwaari kuita vanhu vake nokuwedzera, nokuvatungamirira pakuita zvisarudzo zvinokosha, nokunzwisisa chokwadi cheBhaibheri, nokuvadzivirira kuti vasaparadzwa nevavengi vavo, uye nokuvapa rugare rwomupfungwa nomumwoyo.—Isa. 54:17; VaF. 4:7.

Bvuma Kutungamirirwa naMwari

Tingaratidza sei kuti tinokoshesa kutungamirirwa naMwari? Muapostora Pauro akati: “Teererai vaya vari kukutungamirirai, muzviise pasi.” (VaH. 13:17) Pamwe pacho hazvisi nyore kuzviita. Kuenzanisira: Tomboti uri muIsraeri mumazuva aMosesi. Chimbofungidzira kuti pashure pokufamba kwenguva yakati kuti, shongwe inomira. Ichasvika rini yakamira? Zuva rimwe here? Vhiki imwe here? Mwedzi yakati kuti here? Ungati, ‘Ndosunungura mikwende yangu here?’ Pakutanga ungambobudisa zvauri kuda kushandisa chete. Asi pashure pemazuva mashoma, waneta nokugara uchitsvaka zvinhu, unotanga kuzvitutunura zvose. Asi paunenge wava kupedza kubudisa zvose, unoona shongwe yava kutanga kusimuka, saka wava kufanira kutanga kurongedza zvakare! Izvozvo hazvisi nyore. Kunyange zvakadaro, vaIsraeri vaifanira ‘kubva vatamawo.’—Num. 9:17-22.

Saka isu tinoitawo sei patinogamuchira mirayiridzo inobva kuna Mwari? Tinobva taishandisa ipapo here, kana kuti tinoramba tichiita zvinhu semaitiro atanga tajaira? Tinoziva mirayiridzo inofambirana nenguva here, yakadai sekuitisa zvidzidzo zveBhaibheri, kuparidzira vanhu vemumwe mutauro, kugara tichiva nokunamata kwemhuri, kushandira pamwe neMatare Okukurukura Nezvipatara, uye kuzvibata zvakanaka pamagungano? Tinoratidzawo kuti tinokoshesa kutungamirirwa naMwari nokugamuchira zano. Patinoda kuita zvisarudzo zvakakosha, hativimbi neuchenjeri hwedu asi tinotsvaka kutungamirirwa naJehovha nesangano rake. Uye sezvinoita mwana anotsvaka kudzivirirwa nevabereki panouya dutu, tinotsvaka kudzivirirwa nesangano raJehovha kana matambudziko enyika ino auya patiri.

Ichokwadi kuti vose vari kutungamirira sangano raMwari pasi pano vanokanganisa, sezvaingoitawo Mosesi. Kunyange zvakadaro, shongwe yakaramba ichiratidza uchapupu hwokuti Mosesi akanga agadzwa uye kuti aifarirwa naMwari. Onawo kuti zvakanga zvisiri zvokuti muIsraeri woga woga azvionere paanoda kusimuka. Asi vanhu vaifamba “sezvairayirwa naJehovha achishandisa Mosesi.” (Num. 9:23) Saka Mosesi somunhu aishandiswa naMwari pakupa mirayiridzo, anofanira kunge airatidza vanhu nguva yokusimuka.

Mazuva ano, boka romutariri rinoratidza zvakajeka zvinofanira kuitwa. Rinozviita sei? Rinoshandisa nyaya dziri muNharireyomurindi uye Ushumiri Hwedu hwoUmambo, mabhuku matsva, uye hurukuro dzepamagungano. Ungano dzinopiwawo mirayiridzo nevatariri vanofambira kana netsamba kana kuti nokudzidziswa kunoitwa hama dzinotungamirira ungano.

Unonyatsonzwisisa uchapupu hwokutungamirira kwaMwari here? Jehovha anoshandisa sangano rake kutungamirira isu vanhu vake, mumazuva ano okupedzisira enyika yakaipa yaSatani yakaita serenje. Zvinobva zvaita kuti tibatane, tidanane, uye tidzivirirwe.

VaIsraeri pavakasvika muNyika Yakapikirwa, Joshua akati: “Munonyatsoziva nemwoyo yenyu yose nemweya yenyu yose kuti hapana kana shoko rimwe chete pamashoko ose akanaka akataurwa naJehovha Mwari wenyu kwamuri rakakundikana. Ose akaitika nokuda kwenyu.” (Josh. 23:14) Saizvozvowo, vanhu vaMwari varipo iye zvino vachatopinda munyika itsva yakapikirwa. Zvisinei, kuti iwe pachako uchapindamo zvava kuenderana nokuti unonyatsoteerera mirayiridzo yaMwari uchizvininipisa here. Saka kudai tose tikanzwisisa uchapupu hwokutungamirira kwaJehovha!

[Mifananidzo iri papeji 5]

Mazuva ano tiri kutungamirirwa nesangano raJehovha

Kubudiswa kwemabhuku matsva pagungano

Zvikoro zvesangano

Kudzidziswa pamisangano yebasa romumunda