Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Unoyeuka Here?

Une zvawakadzidza here pawakaverenga nyaya dzichangopfuura dzeNharireyomurindi? Ona kana uchikwanisa kupindura mibvunzo inotevera:

• Sei tingati munda weEdheni inzvimbo chaiyo yaivepo?

Bhaibheri rinoratidza kuti waivako zvechokwadi, richinyatsotsanangura pawaiwanikwa. Nzizi mbiri dzinotaurwa munhoroondo yacho dziriko nanhasi. Aya handiwo mataurirwo anoitwa ngano. Jesu, Chapupu chakavimbika kupfuura vose, akataura nezvaAdhamu naEvha sevanhu chaivo vakararama.—1/1, mapeji 5-6, 9.

• Mwari aiziva here kuti Adhamu naEvha vaizotadza?

Kwete. Jehovha akavapa uchenjeri uye rusununguko rwokusarudza, rwaiita kuti vakwanise kusarudza kuteerera kana kusateerera. Kunyange zvazvo Jehovha achikwanisa kuziva zvichaitika, haangozviiti pose pose.—1/1, mapeji 13-15.

• VaKristu vechokwadi vanoshandisa zita raMwari sedumwa here?

Vamwe vanhu vanoona chimwe chinhu sedumwa, kureva zango rinovadzivirira, asi vanhu vaMwari havatori zita rake saizvozvo. Vanotenda muna Jehovha uye vanotsvaka kuita kuda kwake, saka vanenge vachitizira kuzita rake. (Zef. 3:12, 13)—1/15, mapeji 5-6.

• Ndivanaani muIsraeri vaibatsirwa neurongwa hwokunhonga zvinenge zvasara mumunda?

Munhu wose. Hwaiita kuti varombo vashande nesimba pavainhonga zvasara. Vamwe vaibatsirwa nokukurudzirwa kuva norupo uye kuvimba kuti Mwari aizovakomborera.—2/1, peji 15.

• Jehovha akarambirei Mambo Sauro?

Sauro aifanira kumirira muprofita waMwari kuti ape chibayiro, asi haana kuteerera, akapa chibayiro oga. Haana kuzoteererawo paakarega kuparadza vavengi.—2/15, mapeji 22-23.

• Tingaratidza sei kuti tinovenga kusateerera mutemo?

Tichasiyana nezvemidzimu, kana tichinwa tichazviita nemwero, uyo tichateerera nyevero yaJesu nezvounzenza. Somuenzaniso, tichasiyana nemifananidzo inonyadzisira uye zvinhu zvainoita kuti tifunge. (Mat. 5:27, 28) Ticharegawo kufambidzana nevanhu vakadzingwa.—2/15, mapeji 29-32.

• Chii chinoshamisa pakuwanikwa kwakaitwa mikoko yenyuchi yekare kuIsrael nevanochera matongo?

Vanochera matongo vakawana mikoko inopfuura 30, iyo vanoongorora vanofungidzira kuti ingave yaibudisa hafu yetani yeuchi pagore. Izvi zvinoratidza kuti vanhu vaichengeta nyuchi munyika yakanga yanzi naMwari ‘inoyerera mukaka nouchi.’ (Eks. 3:8)—3/1, peji 15.

• Jeremiya aiva sei somuti “wakadyarwa pedyo nemvura, unoendesa midzi yawo kurwizi chaiko”? (Jer. 17:7, 8)

Haana kumborega kuva nezvibereko; kana kurega vanhu vaimupikisa vachimudzorera shure. Asi haana kusiyana neuyo aimupa mvura inopa upenyu, achifungisisa zvaakanga audzwa naMwari.—3/15, peji 14.

• Jesu airevei paakaudza Marita kuti zvinhu zvishoma kana chimwe chete zvinongodiwa? (Ruka 10:41, 42)

Akanga asiri kureva kuti ainyanya kuda zvinhu paaibika zvakasiyana-siyana zvokudya, uye akanga asiri kuti kushanda kwake nesimba kwaisakosha. Asi akanga achimubatsira kuziva zvinokosha kupfuura zvimwe. Marita kanga asiri kushandisa mukana waisawanzowanika wakanga wamuka kuti awedzere kutenda kwake.—4/1, mapeji 12-13.

• Ndezvipi zvimwe zvisina kuitwa zviri pamutemo paitongwa Jesu?

Dare racho harina warakapa mukana wokutaura kana Jesu aisava nemhosva. Pakatsvakwa zvapupu zvenhema. Nyaya yacho yakatongwa usiku. Yakatongwa ikapera nezuva rimwe.—4/1, peji 20.