Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Haiwa, Uchenjeri hwaMwari Hwakadzama Sei!’

‘Haiwa, Uchenjeri hwaMwari Hwakadzama Sei!’

‘Haiwa, Uchenjeri hwaMwari Hwakadzama Sei!’

“Haiwa, pfuma yaMwari nouchenjeri nezivo zvakadzama sei! Kutonga kwake hakugoni kuongororwa sei uye nzira dzake hadzigoni kurondwa sei!”—VAR. 11:33.

1. Ropafadzo inopfuura dzimwe dzose yevaKristu vakabhabhatidzwa ndeyei?

NDEIPI ropafadzo inopfuura dzose yawakambopiwa? Ungatanga kufunga nezverimwe basa rawakapiwa kana kuti kuremekedzwa kwawakaita. Asi ropafadzo inopfuura dzose yevaKristu vakabhabhatidzwa ndeyokubvumirwa kuva noukama hwepedyo naJehovha, Mwari wechokwadi mumwe chete. Izvozvo zvakaita kuti ‘tizivikanwe naye.’—1 VaK. 8:3; VaG. 4:9.

2. Sei kuziva Jehovha uye kuzivikanwa naye kuri ropafadzo yakakura chaizvo?

2 Chii chinoita kuti kuziva Jehovha uye kuzivikanwa naye kuve ropafadzo yakakura zvakadaro? Nokuti Iye ndiye mukuru kupfuura vamwe vanhu vose uyewo Mudziviriri wevaya vaanoda. Muprofita Nahamu akafemerwa kunyora kuti: “Jehovha akanaka, inhare muzuva rokutambudzika. Anoziva vaya vanopotera kwaari.” (Nah. 1:7; Pis. 1:6) Kutaura chokwadi, upenyu husingagumi hwatinotarisira kuzowana hunobva pakuziva Mwari wechokwadi neMwanakomana wake, Jesu Kristu.—Joh. 17:3.

3. Kusvika pakuziva Mwari kunosanganisirei?

3 Kusvika pakuziva Mwari hakurevi kungoziva zita rake. Tinofanira kusvika pakumuziva seShamwari, tichinzwisisa zvaanoda nezvaasingadi. Kushandisa zivo iyoyo muupenyu hwedu kunokosha chaizvo pakuratidza kwatinoita kuti tava kunyatsoziva Mwari. (1 Joh. 2:4) Asi pane chimwe chinodiwa kana zvechokwadi tichida kuziva Jehovha. Tinofanira kuziva zvaakaita uyewo maitiro aakazviita uye zvakaita kuti adaro. Kuwedzera kwatinoita kuziva zvinangwa zvaJehovha ndiko kuwedzerawo kwatinoita kushamiswa ‘nokudzama kwouchenjeri hwaMwari.’—VaR. 11:33.

Jehovha ndiMwari Ane Chinangwa

4, 5. (a) MuBhaibheri, shoko rokuti “chinangwa” rinorevei? (b) Ipa muenzaniso unoratidza kuti chinangwa chingazadziswa sei nenzira dzakasiyana-siyana.

4 Jehovha ndiMwari ane chinangwa, uye Bhaibheri rinotaura nezve“chinangwa chake chisingagumi.” (VaEf. 3:10, 11) Mashoko aya anomborevei chaizvo? MuBhaibheri, shoko rokuti “chinangwa” rinoreva chinhu chinenge chichida kuitwa asi paine nzira dzakawanda dzokuchiita.

5 Somuenzaniso: Munhu angafunga kuenda kune imwe nzvimbo. Kusvika kunzvimbo iyoyo ndicho chinangwa chake. Pangava nenzira dzinoverengeka uye zvokufambisa zvaanogona kushandisa kuenda ikoko. Anogona kuchinja mugwagwa waanenge asarudza kana mamiriro okunze akaerekana achinja, motokari dzikawandisa, kana kuti akaona kuti mugwagwa wacho wakavharwa. Asi zvisinei nokuchinja kwaanenge aita, kana akasvika kwaanga achida kuenda anenge azadzisa chinangwa chake.

6. Jehovha akaratidza sei kuti anogona kuchinja maererano nemamiriro ezvinhu kuti azadzise chinangwa chake?

6 Jehovha akachinjawo zvakawanda kuti azadzise chinangwa chake chisingagumi. Achifunga nezverusununguko rwokusarudza rwune vanhu nengirozi, anokurumidza kuchinja nzira yaanozadzisa nayo chinangwa chake. Somuenzaniso, ngatikurukurei kuzadzisa kunoita Jehovha chinangwa chake chine chokuita neMbeu yakapikirwa. Pakutanga, Jehovha akaudza vanhu vaviri vokutanga kuti: “Berekai muwande, muzadze nyika, muikurire.” (Gen. 1:28) Chinangwa ichi chakakundikana nokupanduka kwakaitika mumunda weEdheni here? Kana! Jehovha akabva aona zvokuita nemamiriro matsva ezvinhu achishandisa imwe “nzira” kuti azadzise chinangwa chake. Akataura nezve“mbeu” yaizovapo kuti igadzirise zvakanga zvakonzerwa nevapanduki vacho.—Gen. 3:15, mashoko omuzasi; VaH. 2:14-17; 1 Joh. 3:8.

7. Tinodzidzei nezvekutsanangura kwakaita Jehovha zita rake pana Eksodho 3:14?

7 Kukwanisa kwaJehovha kuchinjira kumamiriro matsva ezvinhu achizadzisa chinangwa chake kunoenderana nematsananguriro aakaita zita rake. Mosesi paakaudza Jehovha nezvezvipingamupinyi zvaaigona kusangana nazvo pabasa raakanga apiwa, Jehovha akamuvimbisa kuti: “‘Ndichava iye wandichava.’ Akatizve: ‘Uti kuvanakomana vaIsraeri, “Ndichava ndiye andituma kwamuri.”’” (Eks. 3:14) Chokwadi, Jehovha anokwanisa kuva chero chaanoda kuva kuti azadzise zvizere chinangwa chake! Pauro anopa mufananidzo unonwisa mvura panyaya iyi muchitsauko 11 chebhuku raVaRoma. Imomo anotaura nezvemuorivhi wokufananidzira. Kuongorora mufananidzo uyu kuchawedzera kunzwisisa kwatinoita kudzama kwouchenjeri hwaJehovha, zvisinei nokuti tariro yedu ndeyokudenga here kana kuti youpenyu husingaperi pasi pano.

Chinangwa chaJehovha Panyaya yeMbeu

8, 9. (a) Ndezvipi zvinhu zvina zvichatibatsira kunzwisisa mufananidzo womuorivhi? (b) Imhinduro yomubvunzo upi inoratidza kuti Jehovha anochinja zvinoenderana nemamiriro ezvinhu pakuzadzisa chinangwa chake?

8 Kuti tinzwisise mufananidzo womuorivhi, tinofanira kutanga taziva zvinhu zvina nezvechinangwa chaJehovha panyaya yembeu yakagara yataurwa. Kutanga, Jehovha akavimbisa Abrahamu kuti ‘marudzi ose enyika aizozvikomborera’ achishandisa mbeu yake, kana kuti vana. (Gen. 22:17, 18) Chechipiri, rudzi rwaIsraeri rwakabva kuna Abrahamu rwakapiwa tariro yokuti “umambo hwevapristi” hubve parwuri. (Eks. 19:5, 6) Chechitatu, ruzhinji rwevaJudha parwusina kugamuchira Mesiya, Jehovha akatora mamwe matanho kuti pave no“umambo hwevapristi.” (Mat. 21:43; VaR. 9:27-29) Chokupedzisira, kunyange zvazvo Jesu ari iye wokutanga pambeu yaAbrahamu, vamwe vakapiwa ropafadzo yokuvawo vamwe vembeu iyoyo.—VaG. 3:16, 29.

9 Kubva pazvinhu izvi zvina zvinokosha, tinodzidza mubhuku raZvakazarurwa kuti vanhu 144 000 vachatonga naJesu vari madzimambo nevapristi kudenga. (Zvak. 14:1-4) Ava vanonziwo “vanakomana vaIsraeri.” (Zvak. 7:4-8) Asi 144 000 vose vanenge vari vaJudha here? Mhinduro yemubvunzo iwoyo inoratidza kuti Jehovha anochinja zvinoenderana nemamiriro ezvinhu pakuzadzisa chinangwa chake. Iye zvino ngationei kuti tsamba yomuapostora Pauro kuvaRoma inotibatsira sei kuwana mhinduro yacho.

“Umambo Hwevapristi”

10. Rudzi rwechiJudha ndirwo chete rwaiva netarisiro yei?

10 Sezvambotaurwa, paiva netarisiro yokuti murudzi rwechiJudha chete ndimo maizobva vaya vaizova “umambo hwevapristi norudzi rutsvene.” (Verenga VaRoma 9:4, 5.) Asi chii chaizoitika paizosvika Mbeu yakagara yataurwa? “Israeri waMwari,” kureva 144- 000, vamwe vembeu yaAbrahamu vaizobva vose murudzi rwechiJudha here?—VaG. 6:16.

11, 12. (a) Kusarudzwa kwevaya vaizoumba Umambo hwokudenga kwakatanga rini, uye ruzhinji rwevaJudha vepanguva iyoyo rwakaita sei? (b) Jehovha akaita sei kuti ‘nhamba izere’ yevaya vaizova mbeu yaAbrahamu ikwane?

11 Verenga VaRoma 11:7-10. Rudzi rwechiJudha muzana remakore rokutanga rwakaramba Jesu. Saka mukana wokuti mbeu yaAbrahamu ibve kwavari ivo chete wakabva waguma. Asi, pakatanga kusarudzwa vaya vaizova “umambo hwevapristi” hwokudenga paPendekosti ya33 C.E., paiva nevamwe vaJudha vaida chokwadi vakabvuma kukokwa kwacho. Vanhu ivavo zviuru zvishomanana vakanga vakangoita se“vakasara” kana tichienzanisa norudzi rwose rwechiJudha.—VaR. 11:5.

12 Asi Jehovha aizoita sei kuti ‘nhamba izere’ yevaya vaizova mbeu yaAbrahamu ikwane? (VaR. 11:12, 25) Ona mhinduro yakapiwa nomuapostora Pauro achiti: “Hazvina kuita sokunge kuti shoko raMwari rakanga rakundikana. Nokuti havasi vose vanobva kuna Israeri [vaJudha] vari ‘Israeri’ chaiye. Uyewo ivo vose havasi vana [vamwe vembeu yaAbrahamu] nokuti vanonzi vana [mbeu] vaAbrahamu . . . Kureva kuti, vana panyama havasi vana vaMwari chaivo, asi vana vokupikirwa ndivo vanonzi vana.” (VaR. 9:6-8) Saka wakanga usiri mutemo kuti vazukuru chaivo vaAbrahamu ndivo chete vaifanira kuzadzisa chinangwa chaJehovha chine chokuita nembeu.

Muorivhi Wokufananidzira

13. Chii chinomiririrwa (a) nemuorivhi, (b) nemidzi yawo, (c) nehunde yawo, uye (d) nemapazi awo?

13 Muapostora Pauro anoenderera mberi achifananidza vaya vanova vamwe vembeu yaAbrahamu nemapazi omuorivhi wokufananidzira. * (VaR. 11:21) Muorivhi uyu wakaita zvokudyarwa unomiririra kuzadziswa kwechinangwa chaMwari chine chokuita nesungano yaAbrahamu. Mudzi wacho mutsvene uye unomiririra Jehovha souyo anopa upenyu kuna Israeri waMwari. (Isa. 10:20; VaR. 11:16) Hunde inomiririra Jesu sewokutanga pambeu yaAbrahamu. Mapazi ndiwo ‘nhamba izere’ yevamwe vembeu yaAbrahamu.

14, 15. Ndivanaani ‘vakatyorwa vakabviswa’ pamuorivhi wakaita zvokudyarwa, uye ndivanaani vakavatsiva?

14 Pamufananidzo wemuorivhi, vaJudha vakaramba Jesu vakafanana nemapazi omuorivhi “akatyorwa akabviswa.” (VaR. 11:17) Saka vakarasikirwa nemukana wokuva vamwe vembeu yaAbrahamu. Asi vaizotsiviwa navanaani? Mhinduro yacho yaiva kure nezvaifungwa nevaJudha, avo vaidada nokuva vana vaAbrahamu. Asi Johani Mubhabhatidzi akanga agara avanyevera kuti kana Jehovha aida, aigona kumutsira Abrahamu vana kubva pamatombo chaiwo.—Ruka 3:8.

15 Saka Jehovha akaitei kuti azadzise chinangwa chake? Pauro anotsanangura kuti mapazi akatorwa pamuorivhi womusango akabatanidzwa nemuorivhi wakaita zvokudyarwa achitsiva aya akabviswa. (Verenga VaRoma 11:17, 18.) Saka vaKristu vemamwe marudzi vakazodzwa nomudzimu mutsvene, vakadai sevaya vaiva muungano yeRoma, vakaita sevabatanidzwa nouyu muorivhi wokufananidzira. Izvi zvakaita kuti vave vamwe vembeu yaAbrahamu. Pakutanga, vakanga vakaita semapazi omuorivhi womusango, vasina kana mukana wokuva muiyi sungano inokosha. Asi Jehovha akavazarurira mukana wokuva noukama naye sehwaimbova nevaJudha chaivo.—VaR. 2:28, 29.

16. Muapostora Petro akatsanangura sei kuumbwa kwerudzi rwaMwari rutsva?

16 Muapostora Petro anotsanangura mamiriro acho ezvinhu seizvi: “Naizvozvo, iye [Jesu Kristu] anokosha kwamuri [vaIsraeri vaMwari vanosanganisira vaKristu vemamwe marudzi], nokuti muri vatendi; asi kune vaya vasingatendi, ‘dombo iroro rakarambwa nevavaki razova musoro wekona,’ uye ‘dombo rokugumbura uye dombo guru remhosva.’ . . . Asi imi muri ‘dzinza rakasarudzwa, upristi hwoumambo, rudzi rutsvene, vanhu vake chaivo, kuti muzivise kwose kwose kunaka’ kwouya akakudanai kuti mubve murima mupinde muchiedza chake chinoshamisa. Nokuti maimbova musiri rudzi, asi zvino mava rudzi rwaMwari; maiva vaya vakanga vasina kunzwirwa ngoni, asi zvino mava vaya vakanzwirwa ngoni.”—1 Pet. 2:7-10.

17. Zvakaitwa naJehovha zvaipesana sei “nokusikwa kwakaitwa zvinhu”?

17 Jehovha akaita chimwe chinhu chakanga chisingatarisirwi zvachose nevakawanda. Pauro anorondedzera zvakaitika sezvinopesana “nokusikwa kwakaitwa zvinhu.” (VaR. 11:24) Zvakanga zvakadaro sei? Zvingaita sezvisingaiti, uye zvinotopesana nokusikwa kwakaitwa zvinhu, kuisa bazi romuti womusango pamuti wakaita zvokudyarwa, asi izvozvo ndizvo zvaitoitwa nevamwe varimi muzana remakore rokutanga. * Saizvozvowo, Jehovha akaita zvaishamisa. VaJudha vaiona vemamwe marudzi sevasingakwanisi kubereka zvibereko zvakanaka. Asi, Jehovha akaita kuti ivavo vacho vave mu“rudzi” rwaibereka zvibereko zvoUmambo. (Mat. 21:43) Kutanga muna 36 C.E. nokuzodzwa kwemunhu weMamwe marudzi wokutanga kutendeuka, Koneriyasi, vanhu vasina kudzingiswa vasiri vaJudha vakapiwa mukana wokubatanidzwa nomuorivhi uyu wokufananidzira.—Mab. 10:44-48. *

18. VaJudha vakava nomukana upi gore ra36 C.E. rapfuura?

18 Izvi zvinoreva here kuti gore ra36 C.E. rapfuura hapana kuzombova nomukana wokuti vaJudha vave vamwe vembeu yaAbrahamu? Kwete. Pauro anotsanangura kuti: “Ivowo [vaJudha], kana vakarega kuramba vari mukushayiwa kwavo kutenda, vachanamatidzwa; nokuti Mwari anokwanisa kuvanamatidza zvakare. Nokuti kana iwe wakatemwa pamuorivhi worudzi rwomusango ukanamatidzwa pamuorivhi womumunda nenzira yakasiyana nokusikwa kwakaitwa zvinhu, aya epo achanamatidzwa zvikuru sei nomuorivhi wawo chaiwo!” *VaR. 11:23, 24.

“VaIsraeri Vose Vachaponeswa”

19, 20. Jehovha anozadzisa chii sezvinoenzanisirwa nomuorivhi wokufananidzira?

19 Zvechokwadi, chinangwa chaJehovha chine chokuita na“Israeri waMwari” chiri kuzadziswa zvinoshamisa. (VaG. 6:16) Sezvakataurwa naPauro, “vaIsraeri vose vachaponeswa.” (VaR. 11:26) Panguva yaJehovha yakakodzera, “vaIsraeri vose,” kureva nhamba yakakwana yevakazodzwa, vachava madzimambo nevapristi kudenga. Hapana chinogona kuita kuti chinangwa chaJehovha chikundikane!

20 Sezvakagara zvataurwa, mbeu yaAbrahamu, kureva Jesu Kristu pamwe nevane 144- 000, ichaunza makomborero “kuvanhu vemamwe marudzi.” (VaR. 11:12; Gen. 22:18) Izvi zvinoita kuti vanhu vose vaMwari vabatsirwe nourongwa uhwu. Zvechokwadi, patinofungisisa nezvekuzadzisa kwaJehovha chinangwa chake chisingagumi, tinoshamiswa nokudzama kwakaita “pfuma yaMwari nouchenjeri nezivo.”—VaR. 11:33.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 13 Zviri pachena kuti hapana munhu kana rudzi rwakanzi rwaifananidzira muorivhi waizovapo. Kunyange zvazvo vaJudha vaiva nemadzimambo nevapristi, rudzi rwacho haruna kuva umambo hwevapristi. Mutemo wairambidza madzimambo kuva vapristi. Saka vaJudha havana kufananidzira muorivhi. Mufananidzo waPauro uri kutaura nezvekuzadziswa kwechinangwa chaMwari chokuita kuti pave ne“umambo hwevapristi” hunoumbwa naIsraeri waMwari. Izvi zviri kugadziridza zvakambobudiswa muNharireyomurindi yaFebruary 1, 1984, mapeji 12-17.

^ ndima 17 Izvi zvakaitika pakaguma mukana wemakore matatu nehafu wakanga wapiwa vaJudha kuti vave vamwe vaizoumba rudzi rutsva rwaMwari. Izvi zvakagara zvataurwa nouprofita hune chokuita nevhiki 70 dzinoenderana nemakore 490.—Dhan. 9:27.

^ ndima 18 Chivakashure chomutauro wechiGiriki chinoshandurwa kuti “womumunda” pana VaRoma 11:14 chinobva pashoko rinoreva kuti “wakanaka, kana kuti wakanakisisa” kana kuti “wakanyatsokodzera chinangwa chawo.” Chinowanzoshandiswa pazvinhu zvinozadzisa chinangwa chazvakaitirwa.

Unoyeuka Here?

• Tinodzidzei nezvaJehovha pakuzadzisa kwaanoita chinangwa chake?

• Muchitsauko 11 chaVaRoma, chii chinomiririrwa . . .

nemuorivhi?

nemidzi yawo?

nehunde yawo?

nemapazi awo?

• Sei kuisa bazi romumwe muti pane mumwe muti kwaipesana “nokusikwa kwakaitwa zvinhu”?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 24]

 Sei Mapazi Omuorivhi Womusango Aiiswa Pamuorivhi Womumunda?

▪ Lucius Junius Moderatus Columella aiva murwi weRoma uye murimi muzana remakore rokutanga. Anozivikanwa chaizvo nemabhuku 12 aakanyora ane chokuita noupenyu hwokumaruwa uye kurima.

Mubhuku rake rechishanu, anotaura nezvechirevo ichi chekare: “Anodyara munda wemiorivhi, anenge achiikumbira kuti ibereke; anoiisa mupfudze, anenge achiiteterera kuti ibereke; anoichekerera, anenge achiimanikidza kuti ibereke.”

Pashure pokurondedzera miti inenge ichikura yakasvibirira asi isingabereki, anoti zvinotevera zvingaitwa: “Zvakanaka kuiboora wonyatsopfekera kabazi kanyoro kemuorivhi womusango; izvi zvinoita kuti muti wacho ubereke nokuti zvinoita sokuti unenge wapiwa pamuviri nebazi rinobereka.”

[Mufananidzo uri papeji 23]

Unonzwisisa here muenzaniso womuorivhi wokufananidzira?