Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kutevera Kristu, Mutungamiriri Akakwana

Kutevera Kristu, Mutungamiriri Akakwana

Kutevera Kristu, Mutungamiriri Akakwana

VAYA vanotevera vatongi vepanyika vanowanzoodzwa mwoyo. Asi utungamiriri hwaKristu hahumbodaro pane vaya vanozviisa pasi pake. Jesu akati: “Uyai kwandiri, imi mose munoshanda zvakaoma uye makaremerwa, uye ini ndichakuzorodzai. Takurai joko rangu mudzidze kwandiri, nokuti ndiri munyoro uye ndine mwoyo unozvininipisa, uye muchawana zororo remweya yenyu.” (Mat. 11:28, 29) Utungamiriri hwaJesu hunoita kuti vanhu vazorodzwe uye vafare. Ane hanya chaizvo nevakaderera uye vanodzvinyirirwa, uye anovakoka kuti vave pasi pejoko rake romutsa. Asi munhu anofanira kuitei kuti atevere utungamiriri hwaJesu?

“Kristu akakutambudzikirai, achikusiyirai muenzaniso kuti munyatsotevera tsoka dzake,” akanyora kudaro muapostora Petro. (1 Pet. 2:21) Zvakakosha zvakadini kuti titevere tsoka dzaJesu? Chimbofungidzira uri mumwe wevanhu vari kufamba nomunzvimbo ine zvimbambaira uye pachingova nomumwe chete anoziva mafambiro amungaita kuti musazvitsika. Haunganyatsotevedzera tsoka dzake here? Kuti isuwo tive nechokwadi chokuti tichapona, tinofanira kurarama tichitevedzera Jesu. Izvi zvinosanganisira kuteerera uye kuita zvinotaurwa nevaya vanomumiririra.

Inzwa Wozviita

Achipedzisa mharidzo yake yepagomo, Jesu akati: “Munhu wose anonzwa mashoko angu aya akaaita achafananidzwa nomurume akangwara, akavakira imba yake padombo guru. Mvura yakanaya nesimba, mafashamo akauya, mhepo ikavhuvhuta, ikarova imba iyoyo nesimba, asi haina kuwa, nokuti yakanga yavakirwa padombo guru.”—Mat. 7:24, 25.

Saka Jesu akati munhu anonzwa mashoko ake oaita, “akangwara.” Tinoratidza here kuti tinoremekedza uye tinokoshesa muenzaniso waKristu nokuteerera nemwoyo wose, kana kuti tinowanzosarudza kuti pamirayiro yatakapiwa naJesu toteerera ipi iri nyore? Jesu akati: “Ndinogara ndichiita zvinhu zvinomufadza [Mwari].” (Joh. 8:29) Ngatiedzei kutevedzera muenzaniso uyu.

Muzana remakore rokutanga, vaapostora vakaratidza muenzaniso wakanaka wokuzviisa pasi poutungamiriri hwaKristu. Petro akamboti kuna Jesu: “Tarirai! Isu takasiya zvinhu zvose uye tave tichikuteverai.” (Mako 10:28) Chokwadi, vaapostora vakaona kuti utungamiriri hwaJesu hwaikosha chaizvo zvokuti vakanga vakagadzirira kusiya zvimwe zvinhu kuti vamutevere.—Mat. 4:18-22.

Ita Zvinenge Zvataurwa Nevamiririri vaKristu

Ava pedyo nokufa, Jesu akataura imwe nzira yatingatevera nayo utungamiriri hwake. Akati: “Anogamuchira munhu wandinotuma anondigamuchirawo.” (Joh. 13:20) Jesu akatotaura nezvevamiririri vake vakazodzwa se“hama” dzake. (Mat. 25:40) Pashure pokunge Jesu amutswa adzokera kudenga, “hama” dzake dzakagadzwa kuti dzishande panzvimbo pake, ‘dzichimiririra Kristu’ senhume dzinokoka vamwe kuti vayananiswe naJehovha Mwari. (2 VaK. 5:18-20) Kubvuma utungamiriri hwaKristu kunosanganisira kuzviisa pasi pe“hama” dzake.

Tinofanira kuzviongorora kuti tinoita sei nezano romuMagwaro rinoenderana nenguva rinowanika mumabhuku edu anotsanangura Bhaibheri. Patinodzidza Magwaro nokupinda misangano yeungano, tinoyeuchidzwa mashoko aKristu. (2 Pet. 3:1, 2) Tinoratidza kuti tinoonga nomwoyo wose zvokudya izvi zvinosimbisa pakunamata nokugara tichizvidya. Asi tinofanira kuita sei kana rimwe zano richigara richidzokororwa? Somuenzaniso, Shoko raMwari rinopa vaKristu zano rokuroora kana kuroorwa “munaShe chete.” (1 VaK. 7:39) Nyaya iyi yanga ichikurukurwa muNharireyomurindi kwemakore anopfuura zana. Kubudisa kunoita hama dzaKristu nyaya dzine zano iri nemamwe mazano akafemerwa kunoratidza kuti dzine hanya nokunamata kwedu. Kunyatsoisa pfungwa dzedu pazviyeuchidzo izvi ndeimwe nzira inoratidza kuti tiri kutevera mutungamiriri wedu akakwana, Jesu Kristu.

“Gwara revakarurama rakaita sechiedza chinopenya chinoramba chichiwedzera kupenya kusvikira ava masikati chaiwo,” inodaro Zvirevo 4:18. Chokwadi, utungamiriri hwaJesu ndehwokuti zvinhu zvirambe zvichifambira mberi. Imwe nzira yokuteerera zvinenge zvataurwa ne“hama” dzaKristu ndeyokutsigira zvose zvinenge zvagadziriswa pamanzwisisiro atinoita chokwadi cheMagwaro chinobudiswa ne“muranda akatendeka, akangwara.”—Mat. 24:45.

Tinoratidzawo kuti tinozviisa pasi pe“hama” dzaKristu nokuita zvinotaurwa nevatariri vakagadzwa vari muungano yechiKristu. Muapostora Pauro akati: “Teererai vaya vari kukutungamirirai, muzviise pasi, nokuti ivo vari kurinda mweya yenyu.” (VaH. 13:17) Somuenzaniso, mumwe mukuru angatikurudzira kuti tikoshese manheru Okunamata Kwemhuri kana kuti angatipa mazano ane chokuita nezvimwe zvatinoita muushumiri hwedu. Mutariri wedunhu angapa zano rinobatsira romuMagwaro nezvemamwe mararamiro echiKristu. Patinoshandisa zano rakadaro zvichibva pamwoyo, tinoratidza kuti tinotevera mutungamiriri wedu Jesu.

Zvinosuwisa kuti nyika iri kushaya utungamiriri hunobatsira. Asi zvinozorodza chaizvo kutevera utungamiriri hworudo hwaKristu. Ngatiitei zvose zvatinokwanisa kuteerera Mutungamiriri wedu uye kuita zvinotaurwa nevaya vaari kushandisa nhasi.

[Mifananidzo iri papeji 27]

Unobvuma zano rinobva muMagwaro rokusazvisunga nomunhu asingatendi here?