Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kuvimba naJehovha Zvakakwana Kunoita Kuti Tisatye

Kuvimba naJehovha Zvakakwana Kunoita Kuti Tisatye

Kuvimba naJehovha Zvakakwana Kunoita Kuti Tisatye

“Jehovha achanzwa pandinomushevedza.”—PIS. 4:3.

1, 2. (a) Dhavhidhi akasangana nedambudziko rakaita sei? (b) Tichakurukura mapisarema api?

MAMBO DHAVHIDHI ava nemakore akati kuti achitonga Israeri, asi iye zvino zvinhu zvamuomera. Mwanakomana wake Absaromu aruka mazano akazviita mambo, saka zvaita kuti Dhavhidhi atize muJerusarema. Zvakare mumwe munhu waaivimba naye amurasa, uye iye zvino ari kufamba nomugomo reMiorivhi achichema, asina shangu, aine vashomanana vachiri kudivi rake. Ukuwo Shimei, weimba yedzinza raMambo Sauro, ari kumupotsera matombo achimumbumurira guruva nokumutuka.—2 Sam. 15:30, 31; 16:5-14.

2 Tsekwende iyi ichaita kuti Dhavhidhi asvike pakupinda muSheori achirwadziwa uye achinyara here? Kwete, nokuti anovimba naJehovha. Izvi zvinooneka muPisarema rechitatu, rakanyorwa naDhavhidhi achitaura nezvokutiza kwake. Akanyorawo Pisarema rechina. Ose anoratidza kuti Dhavhidhi aivimba kuti Mwari anonzwa uye anopindura minyengetero. (Pis. 3:4; 4:3) Mapisarema aya anotipa chivimbo chokuti Jehovha ane vashumiri vake vakatendeka usiku nemasikati, achivakomborera nokuvatsigira norugare uye kuita kuti vasatya. (Pis. 3:5; 4:8) Saka ngatikurukurei mapisarema aya tione kuti anotibatsira sei kuvimba naMwari.

Kana ‘Vazhinji Vatimukira’

3. Sezvinoratidzwa nePisarema 3:1, 2, zvinhu zvakanga zvakamirira sei Dhavhidhi?

3 Imwe nhume inoudza Dhavhidhi kuti: “Mwoyo yevarume vaIsraeri yava kutevera Absaromu.” (2 Sam. 15:13) Achishaya kuti Absaromu akwanisa sei kuita kuti vanhu vose ivavo vamutsigire, Dhavhidhi anobvunza kuti: “Haiwa Jehovha, nei mhandu dzangu dzawanda? Nei vazhinji vari kundimukira? Vazhinji vari kuti nezvomweya wangu: ‘Haasi kuzoponeswa naMwari.’” (Pis. 3:1, 2) VaIsraeri vakawanda vari kufunga kuti Jehovha haasi kuzonunura Dhavhidhi mudambudziko rakonzerwa naAbsaromu nevatsigiri vake.

4, 5. (a) Dhavhidhi aiva nechokwadi nechii? (b) Mashoko okuti “anosimudza musoro wangu” anorevei?

4 Asi Dhavhidhi haasi kutya nokuti anovimba naMwari zvakazara. Anoimba kuti: “Asi imi, haiwa Jehovha, muri nhoo kumativi angu ose, kukudzwa kwangu uye Iye anosimudza musoro wangu.” (Pis. 3:3) Dhavhidhi ane chokwadi chokuti Jehovha achamudzivirira senhoo inodzivirira murwi. Uyu mambo akwegura ari kutiza akafukidza musoro uye akatarira pasi nokunyara. Asi Wokumusorosoro achashandura zviri kuitika kuna Dhavhidhi zvova kukudzwa. Jehovha achaita kuti amire kuti twi, akasimudza musoro sepakutanga. Dhavhidhi anodana kuna Mwari aine chivimbo chokuti achamupindura. Une chivimbo chakadaro naJehovha here?

5 Mashoko aDhavhidhi okuti “anosimudza musoro wangu” anoratidza kuti aitarisira kubatsirwa naJehovha. Today’s English Version inoti: “Asi imi, haiwa ISHE, munogara muchindidzivirira pangozi; munoita kuti ndikunde uye munondidzorera ushingi.” Nezvemashoko okuti “anosimudza musoro wangu,” rimwe bhuku rinoti: “Kana Mwari achisimudza ‘musoro’ wemumwe munhu, anenge achiita kuti munhu wacho ave netariro nechivimbo.” Dhavhidhi aifanira kuora mwoyo paakabviswa pachigaro choumambo chaIsraeri. Zvisinei, ‘kusimudzwa kwemusoro wake’ kwaizoita kuti avezve noushingi, avimbe zvakazara naMwari, uye asatya.

‘Jehovha Achapindura!’

6. Dhavhidhi airevei nokuti aizopindurwa naJehovha ari pagomo rake dzvene?

6 Achivimba zvizere naJehovha, Dhavhidhi anoenderera mberi achiti: “Ndichadana Jehovha nenzwi rangu, iye achandipindura ari pagomo rake dzvene.” (Pis. 3:4) Sezvarayirwa naDhavhidhi, areka yesungano, iyo inofananidzira kuvapo kwaMwari yaendeswa kuGomo reZiyoni. (Verenga 2 Samueri 15:23-25.) Ndokusaka Dhavhidhi achiti munyengetero wake uchapindurwa naJehovha ari pagomo rake dzvene.

7. Chii chakaita kuti Dhavhidhi asatya?

7 Aine chivimbo chokuti kunyengetera kuna Mwari hakusi kunyengeterera pasina, Dhavhidhi haana chokutya. Anotoimba kuti: “Ini ndicharara pasi kuti ndibatwe nehope; ndichamuka, nokuti Jehovha anoramba achinditsigira.” (Pis. 3:5) Kunyange usiku, uhwo hunowanzorwiswa vanhu, Dhavhidhi haatyi kurara. Ane chokwadi chokuti achamuka, nokuti zvakamboitika kwaari zvakamupa chivimbo chakakwana chokuti Mwari haazombotadzi kumutsigira. Isuwo tinogona kudaro kana tikasasiya “nzira dzaJehovha.”—Verenga 2 Samueri 22:21, 22.

8. Pisarema 27:1-4 rinoratidza sei kuti Dhavhidhi aivimba naMwari?

8 Kuvimba zvakazara naMwari kwaDhavhidhi kunooneka murimwe pisarema rake, rine mashoko aya akafuridzirwa: “Jehovha ndiye chiedza changu noruponeso rwangu. Ndingatya aniko? Jehovha ndiye nhare youpenyu hwangu. Ndingadedereswa naaniko? . . . Kunyange boka rikandidzikira tende kuti rindirwise, mwoyo wangu hauzotyi. . . . Chinhu chimwe chete chandakakumbira Jehovha—ndicho chandichatsvaka, kuti ndigare mumba maJehovha mazuva ose oupenyu hwangu, kuti ndione kufadza kwaJehovha uye kuti nditarire temberi yake ndichionga.” (Pis. 27:1-4) Kana uchinzwa sezvaaiita, uye mamiriro ako ezvinhu achikubvumira, uchagara uchiwadzana nevanamati vaJehovha.—VaH. 10:23-25.

9, 10. Pasinei nezvaakataura pana Pisarema 3:6, 7, chii chingaita kuti uti Dhavhidhi akanga asiri kutsvaka zvokutsiva?

9 Kunyange zvazvo Dhavhidhi apandukirwa naAbsaromu uye vamwe vakawanda vamurasa, anoimba kuti: “Handizotyi zviuru zvevanhu zvine gumi, vaya vakagadzirira kundirwisa, vakandikomba. Haiwa Jehovha, simukai! Ndiponesei, haiwa Mwari wangu! Nokuti mucharova vavengi vangu vose pashaya dzavo. Muchagura mazino evakaipa.”Pis. 3:6, 7.

10 Dhavhidhi haasi kutsvaka zvokutsiva. Kana vavengi vake vaizofanira kurohwa “pashaya dzavo,” Mwari ndiye aizozviita. Mambo Dhavhidhi akanyora kopi yeMutemo uye anoziva kuti unoti: “Kutsiva ndokwangu, nokudzorera.” (Dheut. 17:14, 15, 18; 32:35) Zviri kuna Mwariwo kuti agure “mazino evakaipa.” Kugura mazino avo kunoreva kuita kuti vasava nesimba rokukuvadza. Jehovha ndiye anoziva kuti vakaipa ndevapi nokuti “anoona zvakaita mwoyo.” (1 Sam. 16:7) Tinoonga chaizvo kuti Mwari akatipa kutenda nesimba kuti tikwanise kumira takasimba tichirwisana nemukuru wevakaipa, Satani, uyo ava kuda kukandwa mugomba rakadzikadzika seshumba iri kudzvova isina mazino yakakodzera kuparadzwa!—1 Pet. 5:8, 9; Zvak. 20:1, 2, 7-10.

“Ruponeso ndorwaJehovha”

11. Nei tichifanira kunyengeterera vatinonamata navo?

11 Dhavhidhi anoziva kuti Jehovha chete ndiye achamuunzira ruponeso rwaari kutsvaka nemaziso matsvuku. Asi uyu munyori wepisarema haasi kungozvifunga. Ari kufungawo nezvevanhu vanodiwa naMwari. Ndosaka Dhavhidhi achipedzisa rwiyo rwake rwakafuridzirwa nemashoko okuti: “Ruponeso ndorwaJehovha. Chikomborero chenyu chiri pavanhu venyu.” (Pis. 3:8) Ichokwadi kuti Dhavhidhi ane matambudziko akakura, asi anoramba achifunga nezvevanhu vose vaJehovha uye anovimba kuti Mwari achavakomborera. Ko isuwo hatifaniri kugara tichifunga nezvehama dzedu here? Ngativayeukei patinonyengetera, tichikumbira Jehovha kuti avape mudzimu wake mutsvene kuitira kuti vave noushingi uye vazivise mashoko akanaka nechivimbo.—VaEf. 6:17-20.

12, 13. Chii chakaitika kuna Absaromu, uye izvi zvakaita kuti Dhavhidhi aite sei?

12 Absaromu anofa zvinonyadzisa uye izvi zvinofanira kuyambira vaya vanotadzira vamwe, zvikuru vakazodzwa vaMwari vakaita saDhavhidhi. (Verenga Zvirevo 3:31-35.) Panorwiwa uye mauto aAbsaromu anokurirwa. Absaromu pachake akatasva nyurusi uye bvudzi rake rakareba rinohakira pamhandi yomuti mukuru. Anorembera ipapo, ari mupenyu asi asisakwanisi kuita chinhu, kusvikira Joabhi asvikomubvoora pamwoyo nemiseve mitatu achibva afa.—2 Sam. 18:6-17.

13 Dhavhidhi anofara paanonzwa zvaitika kumwanakomana wake here? Kwete. Anotochema misodzi achifamba-famba ari mumba achiti: “Mwanakomana wangu Absaromu, mwanakomana wangu kani, mwanakomana wangu Absaromu! Haiwa, kudai ini ndanga ndafa, panzvimbo pako iwe, Absaromu mwanakomana wangu, mwanakomana wangu kani!” (2 Sam. 18:24-33) Pasina mashoko aJoabhi Dhavhidhi anga ava kutokurirwa neshungu. Chokwadi Absaromu akazviurayisa zvinorwadza nokuda kwake chigaro kwakaita kuti arwise muzodziwa waJehovha!—2 Sam. 19:1-8; Zvir. 12:21; 24:21, 22.

Dhavhidhi Anotaurazve Kuti Anovimba naMwari

14. Dhavhidhi angave akanyorerei Pisarema 4?

14 Kufanana nerechitatu, pisarema rechina munyengetero waDhavhidhi wemwoyo wose unoratidza kuti aivimba zvizere naJehovha. (Pis. 3:4; 4:3) Zvichida Dhavhidhi akarinyora achiratidza kuzorora pamatambudziko uye achitenda Mwari pakakundikana Absaromu kumutorera chigaro. Kana kuti akarinyora achifunga nezvevaRevhi vaiimba. Chero chaangave akarinyorera, kurifungisisa kunogona kusimbisa kuvimba kwedu naJehovha.

15. Chii chinotipa chivimbo chokunyengetera kuna Jehovha muzita reMwanakomana wake?

15 Dhavhidhi anoratidzazve chivimbo chakazara muna Mwari uye kuti munyengetero unobatsira zvakadini. Anoimba kuti: “Ndipindurei pandinoshevedza, haiwa Mwari wangu akarurama. Mundigadzirire nzvimbo yakafara pakutambudzika. Ndinzwirei nyasha, munzwe munyengetero wangu.” (Pis. 4:1) Nesuwo tinogona kuva nechivimbo chakadaro kana tichiita zvakarurama. Tichiziva kuti ‘Mwari akarurama’ anokomborera vanhu vake vakarurama, tinogona kunyengetera kwaari nechivimbo muzita reMwanakomana wake tichitenda chibayiro chaJesu chorudzikinuro. (Joh. 3:16, 36) Izvi zvinoita kuti tive norugare.

16. Chii chingave chakaita kuti Dhavhidhi aore mwoyo?

16 Dzimwe nguva tinogona kusangana nemamiriro ezvinhu anoodza mwoyo anoita kuti tisava nechivimbo. Izvi zvingava zvakamboitika kuna Dhavhidhi, nokuti akaimba kuti: “Imi vanakomana vevanhu, kukudzwa kwangu kuchazvidzwa kusvikira riniko, imi muchiramba muchida zvinhu zvisina zvazvinobatsira, imi muchiramba muchitsvaka nhema?” (Pis. 4:2) Zviri pachena kuti mashoko okuti “vanakomana vevanhu” anotaura nezvevanhu vakaipa. Vavengi vaDhavhidhi ‘vaida zvinhu zvisina zvazvinobatsira.’ Bhaibheri Dzvene MuChishona Chanhasi rinopati: “Muchada kutsauswa nokutsvaka vamwari venhema kusvikira riniko?” Kunyange tikaodzwa mwoyo nezvinoitwa nevamwe, ngatirambei tichinyengetera nemwoyo wose uye tichiratidza chivimbo chakazara muna Mwari wechokwadi.

17. Tsanangura kuti tingaita sei zvinoenderana nePisarema 4:3.

17 Kuvimba kwaDhavhidhi naMwari kunonyatsooneka pamashoko aya: “Naizvozvo zivai kuti Jehovha achatsaura munhu wake akavimbika; Jehovha achanzwa pandinomushevedza.” (Pis. 4:3) Ushingi uye chivimbo chakazara muna Jehovha zvinodiwa kuti tisamusiya. Somuenzaniso, izvi zvinodiwa nemhuri yechiKristu panodzingwa hama yavo isingapfidzi. Mwari anokudza vaya vakavimbika kwaari nenzira dzake. Kuvimba naJehovha zvakazara uye kusamusiya kunoitawo kuti vanhu vake vagare vachifara.—Pis. 84:11, 12.

18. Maererano nePisarema 4:4, tinofanira kuita sei kana takataurirwa kana kuti kuitirwa zvinorwadza?

18 Ko kana mumwe munhu akataura kana kuti akaita zvinotigumbura? Tinogona kuramba tichifara kana tikaita zvakataurwa naDhavhidhi kuti: “Dederai, asi musatadza. Taurai mumwoyo menyu, muri pamibhedha yenyu, murambe makanyarara.” (Pis. 4:4) Kana takataurirwa kana kuti kuitirwa zvinorwadza, ngatiregei kuita chivi nokutsiva. (VaR. 12:17-19) Tinogona kungotaura nechemumwoyo tiri pamibhedha yedu. Kana tikanyengetera nezvenyaya yacho, tinogona kutanga kuiona neimwe nzira zvoita kuti tikanganwire murudo. (1 Pet. 4:8) Panyaya iyi zvinokosha kucherechedza zano romuapostora Pauro, raangava akatora paPisarema 4:4, rinoti: “Tsamwai henyu, asi musatadza; zuva ngarirege kuvira makatsamwa, uyewo musabvumira Dhiyabhorosi nzvimbo.”—VaEf. 4:26, 27.

19. Pisarema 4:5 inotibatsira sei panyaya yezvibayiro zvokunamata?

19 Achiratidza kukosha kwokuvimba naMwari, Dhavhidhi anoimba kuti: “Bayirai zvibayiro zvokururama, muvimbe naJehovha.” (Pis. 4:5) Zvibayiro zvaipiwa nevaIsraeri zvaikosha chete kana vaizvipa vaine vavariro yakanaka. (Isa. 1:11-17) Isuwo kuti zvibayiro zvedu zvokunamata zvigamuchirwe naMwari tinofanira kuva nevavariro yakanaka, tichivimba naye zvizere.—Verenga Zvirevo 3:5, 6; VaHebheru 13:15, 16.

20. Mashoko okuti ‘chiedza chechiso chaJehovha’ anorevei?

20 Dhavhidhi anoenderera mberi achiti: “Kune vazhinji vari kuti: ‘Ndiani achatiratidza zvakanaka?’ Simudzirai chiedza chechiso chenyu patiri, haiwa Jehovha.” (Pis. 4:6) Mashoko okuti ‘chiedza chechiso chaJehovha’ anoreva kufarirwa naMwari. (Pis. 89:15) Saka pari kunyengetera Dhavhidhi achiti: “Simudzirai chiedza chechiso chenyu patiri,” ari kuti ‘tifarireiwo.’ Tinofarirwa naJehovha uye tinofara chaizvo sezvatinoita kuda kwake nechivimbo nokuti tinovimba naye.

21. Tinovimbiswa chii kana tichishanda nesimba mubasa rokukohwa kwokufananidzira?

21 Achitarisira mufaro waaizopiwa naMwari uyo unopfuura wepanguva yokukohwa, Dhavhidhi anoimbira Jehovha kuti: “Chokwadi muchafadza mwoyo wangu kupfuura panguva yakawanda zviyo zvavo newaini yavo itsva.” (Pis. 4:7) Tinogona kuva nechokwadi kuti tichava nemufaro unobva mumwoyo kana tichishanda zvakazara mubasa rokukohwa kwokufananidzira. (Ruka 10:2) Tichitungamirirwa ‘nerudzi rune vazhinji’ rwevakazodzwa, tiri kufara sezvo ‘vashandi vokukohwa’ vari kuwedzera. (Isa. 9:3) Uri kunyatsoshanda basa iri rokukohwa zvinokugutsa here?

Ramba Uchiratidza Chivimbo Chizere Muna Mwari

22. Maererano naPisarema 4:8, zvinhu zvaifambira sei vaIsraeri pavaichengeta Mutemo waMwari?

22 Dhavhidhi anopedzisa pisarema iri nemashoko aya: “Ndicharara pasi norugare ndobatwa nehope, nokuti imi moga, haiwa Jehovha, ndimi munoita kuti ndigare ndakachengeteka.” (Pis. 4:8) VaIsraeri pavaichengeta Mutemo waJehovha, vaiva nerugare naye uye aivachengetedza. Somuenzaniso, ‘vaJudha nevaIsraeri vaigara vakachengeteka’ pakutonga kwaSoromoni. (1 Madz. 4:25) Vaya vaivimba naMwari vaiva norunyararo kunyange nyika dzavakavakidzana nadzo dzaida zvokurwa. SaDhavhidhi, tinorara tine rugare nokuti Mwari anotichengetedza.

23. Chii chichaitika kwatiri kana tiine chivimbo chakazara muna Mwari?

23 Ngatirambei tichiita basa raJehovha nechivimbo. Ngatinyengetereiwo nokutenda kuti tiwane “rugare rwaMwari runopfuura kufunga kwose.” (VaF. 4:6, 7) Izvi zvinopa mufaro usingatauriki! Uye tichatarira remangwana nechivimbo kana tikavimba naJehovha zvakazara.

Ungapindura Sei?

• Matambudziko api akasangana naDhavhidhi akonzerwa naAbsaromu?

Pisarema 3 rinotipa sei chivimbo?

Pisarema 4 rinosimbisa sei chivimbo chedu muna Jehovha?

• Kuva nechivimbo chakazara muna Mwari kunotibatsira sei?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 29]

Kunyange paaitiza Absaromu, Dhavhidhi aivimba naJehovha

[Mifananidzo iri papeji 32]

Unovimba zvakazara naJehovha here?