Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mhuri dzechiKristu—“Rambai Makagadzirira”

Mhuri dzechiKristu—“Rambai Makagadzirira”

Mhuri dzechiKristu—“Rambai Makagadzirira”

“Rambai makagadzirira, nokuti Mwanakomana womunhu anouya paawa yamusingafungidziri.”—RUKA 12:40.

1, 2. Nei tichifanira kufungisisa zano raJesu rokuti “rambai makagadzirira”?

“MWANAKOMANA womunhu paanosvika achibwinya” uye paachaparadzanisa “vanhu mumwe achibva kune mumwe,” imi nemhuri yenyu muchava papi? (Mat. 25:31, 32) Sezvo izvi zvichizoitika tisingafungiri, zvinokosha chaizvo kuti tifungisise zano raJesu rokuti “rambai makagadzirira.”—Ruka 12:40.

2 Nyaya yakapfuura yakakurukura kuti mumwe nomumwe ari mumhuri angabatsira sei kuti mhuri yose irambe yakamuka nokuita nemwoyo wose zvaanotarisirwa kuita. Ngatikurukurei dzimwe nzira dzatingabatsira nadzo mhuri kuti inamate zvakanaka.

Rambai Muine Ziso “Rakanaka”

3, 4. (a) Mhuri dzechiKristu dzinofanira kungwarira chii? (b) Kuva neziso “rakanaka” kunorevei?

3 Kuti dzigare dzakagadzirira kuuya kwaKristu, mhuri dzinofanira kungwarira kuti dzisatsauswa panyaya dzine chokuita nokunamata kwechokwadi. Sezvo kuda pfuma uri musungo wakabata mhuri dzakawanda, fungai zvakataurwa naJesu nezvokuramba tiine ziso “rakanaka.” (Verenga Mateu 6:22, 23.) Sezvinongoitawo rambi kuti rinogona kutivhenekera tofamba tisingagumburwi, zvatinoonawo ‘nemaziso emwoyo’ yedu zvinogona kutivhenekera, zvotibatsira kuti tizvibate zvakanaka tisingagumburwi.—VaEf. 1:18.

4 Kuti ziso chairo rione zvakajeka, rinofanira kunge richishanda zvakanaka uye richiona chinhu charinenge rakatarisa chete. Ndizvo zvinongoitawo maziso emwoyo yedu. Kuva neziso rokufananidzira rakanaka kunoreva kuti pfungwa dzedu dzine chinangwa chimwe chete. Pane kurarama upenyu hwokungotsvaka pfuma chete nehwokungoriritira mhuri dzedu, tinoita kuti ziso redu rigare riri pane zvokunamata. (Mat. 6:33) Izvi zvinoreva kuti tinogutsikana nezvatiinazvo zvokurarama nazvo uye tinoisa basa raMwari pokutanga muupenyu.—VaH. 13:5.

5. Mumwe musikana wechiduku akaratidza sei kuti “ziso” rake raiva pakushumira Mwari?

5 Kana vana vakadzidziswa kuva neziso rakanaka zvinhu zvinofamba zvakanaka chaizvo. Funga muenzaniso womumwe musikana wechiduku wokuEthiopia. Akabudirira chaizvo kuchikoro zvokuti paakangopedza dzidzo yesekondari, akapiwa bhezari. Asi sezvo aive neziso rine chinangwa chokushumira Jehovha, akairamba. Pasina nguva akadanwa kuti azoshanda basa raizomuwanisa US$4 200 pamwedzi, iyo yakawandisa kana tichienzanisa nemari inowanzotambirwa munyika iyoyo. Asi “ziso” romusikana wacho raiva pabasa roupiyona. Haana kumboswerobvunza vabereki kuti arambe basa racho. Vabereki vake vakaita sei pavakanzwa zvakanga zvaitwa nemwanasikana wavo? Vakafara zvokufara zviya, vakamuudza kuti vaidada naye!

6, 7. Tinofanira ‘kuramba takasvinurira’ ngozi ipi?

6 Mashoko aJesu ari pana Mateu 6:22, 23 anonyevera nezvemakaro. Akataura nezveziso “rakanaka” ne“rakaipa.” Ziso “rakaipa” rinochiva, kureva kuti rinochochora kana kuti rine makaro. (Mat. 6:23) Jehovha anoona sei kuchochora kana kuti makaro? Bhaibheri rinoti: “Ufeve nezvinhu zvisina kuchena zvemarudzi ose kana kukara [kana kuti kuchochora] ngazvirege kumbotaurwa nezvazvo pakati penyu.”—VaEf. 5:3.

7 Zvinogona kuva nyore kuona kuti vamwe vanhu vane makaro, asi hazvisi nyore kuziva kuti isu vacho tinawo. Ndosaka kuri kuchenjera kuteerera zano raJesu rokuti: “Rambai makasvinura, muchenjerere kuchochora kwemarudzi ose.” (Ruka 12:15) Kuti tidaro tinofanira kuzviongorora kuti tione kuti mwoyo yedu iri pazvinhu zvipi. Mhuri dzechiKristu dzinofanira kufungisisa kuti dzinoshandisa nguva yakadini nemari pazvinhu zvinovaraidza, uye kutsvaka pfuma.

8. Panyaya yokutenga, tingaita sei kuti ‘tirambe takasvinurira’?

8 Kutenga chinhu hakusi kwokungoti chero tiine mari yacho. Fungai nezvemibvunzo inotevera: ‘Ndichazova nenguva yokushandisa chinhu chacho uye kuchichengetedza kuti chisafa here? Ndichatora nguva yakadii kuti ndidzidze mashandiro acho?’ Imi vechiduku, musatorwa mwoyo nemashoko enyika okushambadza zvigadzirwa monetsa vabereki nokukumbira mari yavasingakwanisi yokutenga mbatya dzinodhura kana kuti zvimwe zvinhu. Zvidzorei. Fungai kuti kutenga chimwe chinhu kungakanganisa sei kugadzirira kwakaita mhuri yenyu kuuya kweMwanakomana womunhu. Ivai nokutenda muchipikirwa chaJehovha chokuti: “Handingambokuregerei kana kumbokusiyai.”—VaH. 13:5.

Edzai Kuzadzisa Zvinangwa Panyaya Dzokunamata

9. Kuedza kuzadzisa zvinangwa zvine chokuita nokunamata kunogona sei kubatsira mhuri?

9 Imwe nzira yokuti vari mumhuri vasimbise kutenda kwavo uye vabatsire mhuri yose kunamata zvakanaka ndeyokuti vave nezvinangwa panyaya dzokunamata uye kuvavarira kuzvizadzisa. Kuita saizvozvo kunogona kubatsira mhuri kuti izive kuti iri kufambira mberi zvakadini pachinangwa chayo chokufadza Jehovha uye kunogona kuvabatsira kuziva zvokuisa pokutanga muupenyu.—Verenga VaFiripi 1:10.

10, 11. Semhuri zvinangwa zvipi zvamuri kuvavarira kuzadzisa, uye ndezvipi zvamuri kurongawo kuzoita?

10 Kunyange kuvavarira kuita zvinhu zviduku zvinokwanisika nomunhu wose ari mumhuri kunogona kubatsira zvikuru. Somuenzaniso munogona kuva nechinangwa chokugara muchiita rugwaro rwezuva. Zvinotaurwa nevari mumhuri zvinogona kubatsira musoro wemhuri kuziva kuti vane ukama hwakasimba zvakadini naJehovha. Chinangwa chokugara muchiverenga Bhaibheri pamwe chete chinopa vana mukana wakazonaka wokuvandudza kuverenga kwavo uye kunzwisisa kwavanoita Bhaibheri. (Pis. 1:1, 2) Uye hachingava chinangwa chakanaka here kuti tiedze kunatsiridza minyengetero yedu? Kuedza kunatsiridza maratidziro atinoita zvinhu zvinoumba chibereko chomudzimu chimwewo chinangwa chakazonaka. (VaG. 5:22, 23) Kana kuti munogona kufunga nezvenzira dzokuratidza nadzo tsitsi vanhu vamunosangana navo muushumiri. Kuita izvozvo semhuri kunogona kubatsira vana kudzidza kuva netsiye nyoro, uye zvinogona kuita kuti vave nechido chokupayona kana kuti chokuva mamishinari.

11 Madii kukurukura kuti zvinangwa zvipi zvamungava nazvo semhuri? Mhuri yenyu inogona kuva nechinangwa chokuwedzera nguva yamunenge muri muushumiri here? Mungaedza here kuti musazengurira kupupurira norunhare, mumigwagwa, kana kuti panzvimbo dzemabhizimisi? Zvakadini nokunoshanda kunodiwa vamwe vaparidzi voUmambo? Pane mumwe womumhuri angadzidza mumwe mutauro here kuti aparidze mashoko akanaka kuvanhu vedzimwe nyika?

12. Misoro yemba ingaita sei kuti ibatsire mhuri pakunamata?

12 Somusoro wemba, onai kuti ndepapi panoda kuti mhuri yenyu igadziridze. Kana madaro ivai nezvinangwa zvokuita izvozvo. Zvinangwa zvamunova nazvo semhuri zvinofanira kuva zvinokwanisika maererano nemamiriro enyu ezvinhu. (Zvir. 13:12) Ichokwadi kuti kuzadzisa chinangwa chinobatsira kunotora nguva. Saka tengai nguva yamunoona TV moishandisa pazvinhu zvokunamata. (VaEf. 5:15, 16) Shandai nesimba kuti muzadzise zvinangwa zvamakaronga semhuri. (VaG. 6:9) Mhuri inoedza kuzadzisa zvinangwa zvine chokuita nokunamata inoita kuti kufambira mberi kwayo “kuonekwe nevanhu vose.”—1 Tim. 4:15.

Rambai Muine Manheru Okunamata Kwemhuri

13. Kuchinja kupi kwakavapo pamisangano yevhiki nevhiki uye mibvunzo ipi yatinofanira kuzvibvunza?

13 Kuchinja kunokosha kwakaitwa mapindiro ataiita misangano yevhiki nevhiki kwakatanga pana January 1, 2009 kunobatsira chaizvo mhuri kuti ‘dzirambe dzakagadzirira’ kuuya kweMwanakomana womunhu. Musangano wataimboita zuva rawo woga wainzi Chidzidzo Chebhuku Cheungano wakabatanidzwa kuti uitwe panoitwa Chikoro chaMwari Choushumiri noMusangano Webasa. Izvi zvakaitirwa kuti mhuri dzechiKristu dzive nomukana wokusimbisa ukama hwadzo naMwari nokuronga manheru avanonamata semhuri. Zvapapfuura nguva yakawanda kubvira pakatanga urongwa uhwu, tinogona kuzvibvunza kuti: ‘Ndiri kushandisa nguva yavapo iyi kuva noKunamata Kwemhuri kana kuti kudzidza ndoga here? Ndakabudirira here pachinangwa chakaisirwa urongwa uhwu?’

14. (a) Ndechipi chinangwa chikuru chokugara tiine manheru oKunamata Kwemhuri kana kuti kudzidza toga? (b) Nei kuva nemanheru okudzidza kuchikosha?

14 Chinangwa chikuru chokuramba tiine manheru oKunamata Kwemhuri kana kuti kudzidza toga ndechokuswedera pedyo naMwari. (Jak. 4:8) Patinogara tichidzidza Bhaibheri towedzera kuziva Musiki, ukama hwedu naye hunosimbiswa. Kuswedera kwatinoita kuna Jehovha, ndiko kuwedzerawo kumuda kwatinoita ‘nomwoyo wedu wose nomweya wedu wose nepfungwa dzedu dzose uye nesimba redu rose.’ (Mako 12:30) Chokwadi tinoda kuteerera Mwari tomutevedzera. (VaEf. 5:1) Saka kugara muine manheru oKunamata Kwemhuri kunokosha kuti mumwe nomumwe ‘arambe akagadzirira’ sezvatinomirira “kutambudzika kukuru.” (Mat. 24:21) Kunokosha kuti tipone.

15. Manheru oKunamata Kwemhuri anoita kuti vanhu vari mumhuri vaite sei?

15 Urongwa hwoKunamata Kwemhuri hwakaitirwazve kuti hubatsire vari mumhuri kuva pedyo nepedyo. Kuva nenguva yamunova pamwe chete muchikurukura nezvaMwari vhiki nevhiki kunobatsira chaizvo kuti mhuri idanane. Rudo rwomurume nomudzimai rwunobva rwawedzera pavanonzwa mumwe nomumwe achitaura kufadzwa kwaaitwa nechimwe chokwadi chavanenge vaona pamwe chete. (Verenga Muparidzi 4:12.) Vabereki vanonamata nevana vavo vanowanzobatanidzwa murudo, “chisungo chakakwana chokubatana.”—VaK. 3:14.

16. Rondedzera kuti dzimwe hanzvadzi dziri kubatsirwa sei nokuva nemanheru okudzidza Bhaibheri.

16 Funga kuti urongwa hwokuva nemanheru okudzidza Bhaibheri hwakabatsira sei dzimwe hanzvadzi nhatu dzinonamata pamwe chete. Kunyange zvazvo vasina ukama, chirikadzi nhatu dzechikuru idzi dzinogara muguta rimwe chete uye dzava nemakore dzichishamwaridzana. Nechido chokuti vawedzere kushamwaridzana pane zvokunamata pane kungodyidzana chete, vakaronga kuti vave nemanheru avanosangana kuti vadzidze Bhaibheri. Vakatanga kuzviita vachishandisa bhuku ra‘Kupupurira Kwazvo’ Pamusoro poUmambo hwaMwari. Mumwe wavo anoti: “Zvinotinakidza zvokuti kazhinji tinopfuura awa imwe tichidzidza. Tinoedza kuita setiri kuona zvaiitika kuhama dzedu muzana remakore rokutanga tokurukura kuti dai taiva isu taizoita sei. Tinobva taedza kushandisa muushumiri zvatinenge tadzidza. Izvi zviri kuita kuti tinakidzwe nebasa redu rokudzidzisa vanhu nerokuparidza Umambo kupfuura zvatati tamboita.” Kuwedzera pakusimbisa ukama hwavo naMwari, urongwa uhwu hwatosimbisa ushamwari hwehanzvadzi nhatu idzi. Dzinoti: “Urongwa uhwu tinozohuda.”

17. Zvii zvingaitwa kuti Kunamata Kwemhuri kubudirire?

17 Ko iwe? Uri kubatsirwa zvakadini nemanheru okunamata kwemhuri kana kuti okudzidza woga? Kana hwuri hwokuti rimwe vhiki hwamboitwa, rimwe vhiki hwakandwa pasi, urongwa uhwu hauzobatsiri. Mumwe nomumwe ari mumhuri anofanira kunge akagadzirira kudzidza panguva yakarongwa. Twunhu twenhando hatufaniri kuregwa tuchikanganisa manheru aya. Uyezve munofanira kusarudza zvokudzidza zvinobatsira mhuri yenyu. Mungaita sei kuti kudzidza ikoko kunakidze? Shandisai nzira dzokudzidzisa dzinobudirira, uye itai kuti zvirambe zvichiratidza ruremekedzo uye runyararo.—Jak. 3:18. *

‘Rambai Makamuka’ Uye ‘Rambai Makagadzirira’

18, 19. Kuziva kuti kuuya kweMwanakomana womunhu kwava pedyo kunofanira kuita kuti iwe nemhuri yako muite sei?

18 Kuipa kuri kuita zvinhu munguva yedu kunotisiya tisina mubvunzo kuti kubvira 1914, nyika yaSatani yakaipa iri mumazuva ayo okupedzisira. Amagedhoni yava pedyo pedyo. Kwasara nguva shomanana kuti Mwanakomana womunhu auye kuzopa mutongo waJehovha pavanhu vasingadi Mwari. (Pis. 37:10; Zvir. 2:21, 22) Izvozvo hazvifaniri kuita kuti iwe nemhuri yako musvinure here?

19 Uri kuteerera zano raJesu rokuramba uine ziso “rakanaka” here? Vanhu venyika ino pavari kuita chipatapata chokutsvaka pfuma, mukurumbira uye kutonga vamwe, mhuri yako iri kuedza kuzadzisa zvinangwa zvine chokuita nokunamata here? Urongwa hwemanheru oKunamata Kwemhuri kana kuti nguva yokudzidza woga huri kukubatsira here? Uri kubatsirwa maererano nezvakaitirwa urongwa hwacho here? Sezvakakurukurwa munyaya yakapfuura, uri kuita zvaunofanira kuita somurume, mudzimai, kana kuti mwana here, izvo zvinoita kuti mhuri yose ‘irambe yakamuka’? (1 VaT. 5:6) Kana zvakadaro, ‘ucharamba wakagadzirira’ kuuya kweMwanakomana womunhu.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 17 Kuti muwane mazano okuti mungadzidzei uye zvamungaita kuti manheru oKunamata Kwemhuri abatsire uye anakidze, onai Nharireyomurindi yaOctober 15, 2009, mapeji 29-31.

Wadzidzei?

• Tsanangura kuti mhuri dzechiKristu ‘dzingaramba dzakagadzirira’ sei . . .

nokuva neziso “rakanaka.”

nokuva nezvinangwa zvine chokuita nokunamata uye kuedza kuzvizadzisa.

nokugara vaine manheru oKunamata Kwemhuri.

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 13]

Ziso “rakanaka” richaita kuti tisatsauswa nezvinhu zviri munyika