Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mhuri dzechiKristu—‘Rambai Makamuka’

Mhuri dzechiKristu—‘Rambai Makamuka’

Mhuri dzechiKristu—‘Rambai Makamuka’

“Ngatirambei takamuka, takasvinura.”—1 VAT. 5:6.

1, 2. Chii chinodiwa kuti mhuri irambe yakamuka pakunamata?

PAAITAURA nezvezuva “guru nerinotyisa raJehovha,” muapostora Pauro akanyorera vaKristu vokuTesaronika kuti: “Hama, hamusi murima, kuti zuva iroro rikusvikirei sezvaringaita mbavha, nokuti imi mose muri vanakomana vechiedza nevanakomana vemasikati. Isu hatisi vousiku kana verima.” Pauro akawedzera kuti: “Naizvozvo, ngatiregei kuramba takarara sezvinoita vamwe vose, asi ngatirambei takamuka, takasvinura.”—Joe. 2:31; 1 VaT. 5:4-6.

2 Zano raPauro raakanyorera vaTesaronika rakakodzera chaizvo kuvaKristu vari kurarama ‘munguva yokuguma.’ (Dhan. 12:4) Sezvo kuguma kwenyika ino yakaipa kuri kuswedera, chinangwa chaSatani ndechokutsausa pakushumira Mwari vanamati vechokwadi vakawanda sevaangagona. Saka kuchenjera kufungisisa zano raPauro rokuti tirambe takamuka pakunamata. Kuti mhuri yechiKristu irambe yakamuka, zvinokosha kuti mumwe nomumwe atevedzere zvaanonzi neMagwaro aite. Saka, varume, madzimai, uye vana vanofanira kuitei pakubatsira mhuri dzavo ‘kuramba dzakamuka’?

Varume—Tevedzerai “Mufudzi Akanaka”

3. Maererano na1 Timoti 5:8, basa romurume somusoro wemba rinosanganisirei?

3 Bhaibheri rinoti: “Musoro womukadzi murume.” (1 VaK. 11:3) Basa romurume somusoro wemba rinosanganisirei? Magwaro anotaura rimwe remabasa omusoro wemba achiti: “Kana munhu asingagoveri vokwake, kunyanya nhengo dzeimba yake, iye aramba kutenda uye akaipa kwazvo kupfuura munhu asingatendi.” (1 Tim. 5:8) Zvechokwadi, murume anofanira kuriritira mhuri yake. Asi kuti abatsire mhuri yake kuramba yakamuka pakunamata, haangogumiri pakuriritira mhuri chete. Anofanira kuvaka mhuri yake, kuti ive noukama hwakasimba naMwari. (Zvir. 24:3, 4) Angazviita sei izvozvo?

4. Chii chingabatsira murume kubudirira pakuvaka mhuri yake pakunamata?

4 Sezvo ‘murume ari musoro womudzimai wake, Kristu zvaariwo musoro weungano,’ murume anofanira kuongorora kuti Jesu musoro wakaita sei weungano, omutevedzera. (VaEf. 5:23) Funga nezvokurondedzera kwakaita Jesu ukama hwake nevadzidzi vake. (Verenga Johani 10:14, 15.) Chii chingaita kuti murume anoda kuvaka mhuri yake pakunamata abudirire? Ndeichi: Dzidza zvakataurwa nezvakaitwa naJesu so“mufudzi akanaka,” wo“nyatsotevera tsoka dzake.”—1 Pet. 2:21.

5. Mufudzi Akanaka anoziva ungano zvakadini?

5 Ushamwari hwemufudzi nemakwai hunobva pakuti iye anonyatsoaziva uye iwo anomuziva uye anovimba naye. Makwai anoziva uye anoteerera inzwi rake. Jesu akati, “Ndinoziva makwai angu uye makwai angu anondiziva.” Jesu anonyatsoziva ungano. Shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “ziva” rinoreva “kuziva chinhu zvakadzama.” Chokwadi uyu Mufudzi Akanaka anoziva gwai rimwe nerimwe. Anoziva zvinoda gwai roga roga, zvarisingagoni, uye zvarinogona. Anoziva zvose zvinoitika kumakwai ake. Makwai acho anonyatsozivawo mufudzi wawo uye anovimba noutungamiriri hwake.

6. Varume vangatevedzera sei Mufudzi Akanaka?

6 Kuti murume ave musoro wemba unotevedzera Kristu, anofanira kudzidza kuzviona somufudzi uye mhuri yake semakwai. Anofanira kuedza kunyatsoiziva. Zvinoita here kuti murume adaro? Zvinoita kana achikurukurirana zvakanaka nemhuri, achiteerera zvinovanetsa, achivatungamirira pane zvavanoita, uye achingwarira pakuita zvisarudzo zvakanaka panyaya yekunamata kwemhuri, kupinda misangano, basa romumunda, kutandara, uye varaidzo. Murume wechiKristu paanotungamirira achiratidza kuti anoziva Shoko raMwari uye anozivawo mhuri yake, izvozvo zvingaita kuti mhuri yacho ivimbe noutungamiriri hwake uye iye achafara kuvaona vachiramba vakabatana pakunamata kwechokwadi.

7, 8. Murume angatevedzera sei Mufudzi Akanaka pakuratidza rudo vaya vari pasi pake?

7 Mufudzi akanaka anodawo makwai ake. Patinodzidza nhoroondo dzeEvhangeri dzeupenyu uye ushumiri hwaJesu, tinobayiwa mwoyo norudo rwaakaratidza vadzidzi vake. ‘Akatopa mweya wake nokuda kwemakwai.’ Varume vanofanira kutevedzera Jesu pakuda vaya vari pasi pavo. Pane kudzvinyirira mudzimai, murume anoda kufarirwa naMwari anoramba achida mudzimai wake “Kristu zvaakadawo ungano.” (VaEf. 5:25) Anofanira kuva nehanya naye uye kumuratidza mutsa, nokuti akakodzera kukudzwa.—1 Pet. 3:7.

8 Pakudzidzisa vana, musoro wemhuri unofanira kuomerera pane zvinodiwa naMwari. Asi haafaniri kukundikana kuratidza vana vake rudo. Pavanenge vachifanira kurangwa anofanira kuzviita norudo. Vamwe vana vangada nguva refu kupfuura vamwe kuti vanzwisise zvavanonzi vanofanira kuita. Pakadaro, baba vanofanira kuvashivirira zvakanyanya. Varume pavanogara vachitevedzera Jesu, vanoita kuti pamba pave nzvimbo isina chokutya. Ukama hwemhuri dzavo naMwari hunochengetedzwa hwova sezvakaimbwa nomunyori werimwe pisarema.—Verenga Pisarema 23:1-6.

9. Satateguru Noa, varume vechiKristu vane basa rei, uye chii chichavabatsira kuriita?

9 Tateguru Noa akararama panguva yokuguma kwenyika yemazuva ake. Asi Jehovha akamuchengeta “nevamwe vanomwe paakaunza mafashamo panyika yevanhu vakanga vasingadi Mwari.” (2 Pet. 2:5) Noa ndiye aifanira kubatsira mhuri yake kuti ipone Mafashamo. Misoro yemhuri dzechiKristu yakangofanana naye mumazuva ano okupedzisira. (Mat. 24:37) Zvinokosha chaizvo kuti vadzidze muenzaniso wo“mufudzi akanaka kwazvo” voedza kumutevedzera!

Madzimai—‘Vakai Dzimba Dzenyu’

10. Zvinorevei kuti mudzimai anofanira kuzviisa pasi pomurume?

10 “Madzimai ngaazviise pasi pevarume vawo sokunaShe,” akanyora kudaro muapostora Pauro. (VaEf. 5:22) Mashoko aya haarevi kuti vakadzi vari kuderedzwa. Asati asika mukadzi wokutanga, Evha, Mwari wechokwadi akati: “Hazvina kunaka kuti munhu arambe ari oga. Ndichamuitira mubatsiri, kuti ave mukwanisi wake.” (Gen. 2:18) Basa ro“mubatsiri” uye “mukwanisi,” rokutsigira murume wake paanoita mabasa ake emhuri, ibasa rinokudzwa zvechokwadi.

11. Mukadzi akanaka ‘anovaka imba yake’ sei?

11 Mudzimai akanaka anovaka imba yake. (Verenga Zvirevo 14:1.) Kusiyana nomukadzi benzi, uyo asingaremekedzi urongwa hwomusoro wemba, mukadzi akachenjera anoremekedza chaizvo urongwa uhwu. Pane kuratidza mafungiro ari munyika okupanduka uye umbimbindoga, iye anozviisa pasi pomurume wake. (VaEf. 2:2) Mukadzi benzi haazezi kutaura zvakaipa nezvemurume wake, asi mukadzi akachenjera anoita zvinoita kuti vana vake nevamwe vanhu vawedzere kuremekedza murume wake. Mukadzi akadaro anongwarira kusazvidza utungamiriri hwomurume wake nokumunetsa kana kuita nharo naye. Panewo nyaya yokusatambisa mari. Mukadzi benzi anopambadza pfuma inenge yashandirwa zvakaoma nemhuri yake. Mukadzi anotsigira murume wake haadaro. Anoshandira pamwe naye panyaya dzemari. Maitiro ake anoratidza ungwaru uye kuchengetedza mari. Haamanikidzi murume wake kuti awedzere kushanda kana nguva yebasa yapfuura.

12. Mudzimai angaitei kuti abatsire mhuri ‘kuramba yakamuka’?

12 Mukadzi akanaka anobatsira mhuri ‘kuramba yakamuka’ nokubatsira murume wake kudzidzisa vana nezvaMwari. (Zvir. 1:8) Anoshingaira kutsigira urongwa hwoKunamata Kwemhuri. Uyezve anotsigira murume wake paanopa zano vana uye paanovaranga. Zvechokwadi akasiyana nomukadzi asingashandiri pamwe nemurume wake, ane vanotambudzika uye vasina ukama hwakanaka naMwari.

13. Nei zvichikosha kuti mudzimai atsigire murume wake pamabasa aanoita muungano?

13 Mudzimai anotsigira murume wake anonzwa sei paanomuona achishingaira muungano yechiKristu? Anofara zvechokwadi! Murume wake angava mushumiri anoshumira, mukuru, kana kuti zvimwe ari muboka reDare Rokukurukura Nezvipatara kana kuti Dare Rokuvaka Romunharaunda, iye anofara neropafadzo yake. Kutsigira murume wake nemashoko nezviito zvechokwadi kunoda kuti atozvipira. Asi anoziva kuti mabasa ane chokuita nokunamata anoitwa nomurume wake anobatsira mhuri yose kuramba yakamuka pakunamata.

14. (a) Mudzimai anotsigira murume wake angaomerwa nei, uye angakunda sei? (b) Mudzimai angaita sei kuti mhuri yose igare zvakanaka?

14 Hazvisi nyore kuti mudzimai atsigire murume wake kana murume wacho aita chisarudzo chaasingawirirani nacho. Kunyange pakadaro, anofanira kuratidza “mudzimu wakanyarara uye munyoro” uye kumutsigira kuti chisarudzo chake chibudirire. (1 Pet. 3:4) Mudzimai akanaka anoedza kutevedzera zvakanaka zvaiitwa nevakadzi vekare vaitya Mwari vakadai saSara, Rute, Abhigairi, uye amai vaJesu, Mariya. (1 Pet. 3:5, 6) Anotevedzerawo vakadzi vakuru vemazuva ano ‘vanozvibata zvakakodzera.’ (Tito 2:3, 4) Kana mudzimai akaratidza kuti anoda uye anoremekedza murume wake, izvozvo zvinobatsira chaizvo pawanano yavo uye pakugara zvakanaka kwemhuri yose. Musha wake unova nzvimbo inozorodza uye isina chokutya. Murume anoda zvokunamata anokoshesa chaizvo mudzimai anomutsigira!—Zvir. 18:22.

Vechiduku—‘Rambai Makatarira Zvinhu Zvisingaoneki’

15. Vechiduku vangashanda sei pamwe nevabereki vavo kuti mhuri ‘irambe yakamuka’?

15 Imi vechiduku mungashanda sei nevabereki venyu kuti mhuri yenyu ‘irambe yakamuka’ pakunamata? Fungai nezvemubayiro wakaiswa pamberi penyu naJehovha. Zvichida kubvira uchiri muduku, vabereki vako vaikuratidza mifananidzo youpenyu muParadhiso. Uchikura, zvichida vaishandisa Bhaibheri nemamwe mabhuku echiKristu kukubatsira kufungidzira zvichange zvakaita upenyu husingaperi munyika itsva. Kuramba wakaisa maziso pabasa raJehovha uye kuronga upenyu uchifunga nezvaro kuchakubatsira ‘kuramba wakamuka.’

16, 17. Vechiduku vangaitei kuti vabudirire munhangemutange youpenyu?

16 Fungisisai mashoko omuapostora Pauro ari pana 1 VaKorinde 9:24. (Verenga.) Mhanyai nhangemutange youpenyu nechinangwa chokuwana mubayiro. Sarudzai mararamiro achaita kuti muwane mubayiro woupenyu husingaperi. Vakawanda vakaita kuti kumhanyisana nepfuma kuvatadzise kuramba vakatarira mubayiro. Zvechokwadi ihwohwo upenzi chaihwo! Kuronga upenyu uchivavarira kuwana pfuma hakuunzi mufaro wechokwadi. Zvinhu zvinotengwa nemari hazvigari. Asi imi, rambai makatarira “zvinhu zvisingaoneki.” Nemhaka yei? Nokuti “zvinhu zvisingaoneki ndezvokusingaperi.”—2 VaK. 4:18.

17 “Zvinhu zvisingaoneki” zvinosanganisira zvikomborero zvoUmambo. Rongai upenyu hwenyu kuti muwane zvikomborero izvozvo. Mufaro wechokwadi unobva pakushandisa upenyu hwenyu mubasa raJehovha. Kushumira Mwari wechokwadi kunopa mikana yokuzadzisa zvinangwa zvenguva pfupi uye zvenguva refu. * Kuva nezvinangwa zvokunamata zvinokwanisika kunogona kukubatsirai kuramba makaisa pfungwa pakushumira Mwari muchivavarira kuwana mubayiro woupenyu husingaperi.—1 Joh. 2:17.

18, 19. Wechiduku angaziva sei kana ava neukama hwakasimba naMwari?

18 Vechiduku, danho rokutanga pakufamba mumugwagwa wokuupenyu nderokuti imi pachenyu muve noukama naJehovha. Makatora danho iroro here? Zvibvunzei kuti: ‘Ndiri munhu anoda zvokunamata here, kana kuti zvandinoita pakunamata ndezvokungotevedzera vabereki vangu? Ndinovavarira kuva nounhu hunoita kuti ndifarirwe naMwari here? Ndiri kuita izvozvo? Ndinoedza here kugara ndine purogiramu yokuita mabasa ane chokuita nokunamata kwechokwadi akadai sokugara ndichinyengetera, kudzidza, kupinda misangano, uye kubuda mubasa romumunda? Ndiri kuswedera pedyo naMwari nokuvavarira kuva noukama hwepedyo naye here?’—Jak. 4:8.

19 Fungai nezvemuenzaniso waMosesi. Pasinei nokukurira mutsika isiri yorudzi rwake, akasarudza kunzi munamati waJehovha pane kunzi mwanakomana wemwanasikana waFarao. (Verenga VaHebheru 11:24-27.) Imi vaKristu vechiduku, munofanirawo kutsidza mumwoyo menyu kuramba muchishumira Jehovha. Kana mukaita izvozvo, muchawana mufaro wechokwadi, upenyu hwakanakisisa iye zvino, uye tariro ‘yokubatisisa upenyu chaihwo.’—1 Tim. 6:19.

20. Munhangemutange youpenyu, ndivanaani vanowana mubayiro?

20 Mumitambo yaiitwa kare, munhu mumwe chete ndiye aikunda. Izvozvo zvakasiyana nenhangemutange youpenyu. Mwari “anoda kuti vanhu vemarudzi ose vaponeswe uye vasvike pakuva nezivo yakarurama pamusoro pechokwadi.” (1 Tim. 2:3, 4) Kare pane vakawanda vakamhanya vakakunda, uye vakawanda vari kumhanya pamwe newe. (VaH. 12:1, 2) Vose vasingakandi mapfumo pasi vachawana mubayiro. Saka shinga kuti ukunde!

21. Tichakurukurei munyaya inotevera?

21 “Zuva guru nerinotyisa raJehovha” harinzvengeki. (Mar. 4:5) Zuva iroro harifaniri kusvikira mhuri dzechiKristu dzakarivara. Zvinokosha kuti vose vari mumhuri vaite zvavanonzi neMagwaro vanofanira kuita. Chiizve chamungaita kuti murambe makamuka pakunamata uye kuti musimbise ukama hwenyu naMwari? Nyaya inotevera ichakurukura zvinhu zvitatu zvinokosha kuti mhuri irambe ichinamata zvakanaka.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 17 Onai Nharireyomurindi yaNovember 15, 2010, mapeji 12-16; uye yaJuly 15, 2004, mapeji 21-23.

Wadzidzei?

• Nei zvichikosha kuti mhuri dzechiKristu ‘dzirambe dzakamuka’?

• Murume angatevedzera sei Mufudzi Akanaka?

• Mudzimai akanaka angaitei kuti atsigire murume wake?

• Vechiduku vangabatsira sei pakuita kuti mhuri dzavo dzirambe dzakamuka pakunamata?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 9]

Mudzimai anotsigira murume wake anokosha chaizvo kwaari