Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Mutariri Akazonaka Uye Shamwari Inodiwa”

“Mutariri Akazonaka Uye Shamwari Inodiwa”

“Mutariri Akazonaka Uye Shamwari Inodiwa”

JOHN (JACK) BARR, uyo aiva muDare Rinodzora reZvapupu zvaJehovha, akapedza upenyu hwake hwepasi pano mangwanani omusi weMugovera, December 4, 2010. Aiva nemakore 97. Akatsanangurwa so“mutariri akazonaka uye shamwari inodiwa.”

Hama Jack Barr vakazvarirwa kuAberdeen, Scotland, vari vokupedzisira pavana vatatu. Vabereki vavo vose vaiva vamwe vevakazodzwa. Hama Barr vaiwanzofarira kutaura zvaiitika mumhuri yavo vachiri vaduku; vaionga muenzaniso wakanaka wavakaratidzwa nababa naamai vavo vavaida chaizvo.

Pavakanga vava nemakore anenge gumi nematatu, vakatanga kuona kuti zvaivaomera chaizvo kuti vataure nevanhu vavasingazivi. Asi vakashanda nesimba kuti vakurire dambudziko iroro, uye muna 1927, vaine makore 14, mamwe masikati omusi weSvondo vakaudza baba vavo kuti vakanga vagadzirira kuenda navo kunoparidza pamba nemba. Uku ndiko kutanga kwavakaita kushumira Mwari. Kubvira zuva iroro kusvikira vafe, Hama Barr vakaramba vachishingaira pakuparidza mashoko akanaka.

Tsaona yakapotsa yauraya amai vake, yakaita kuti wechiduku Jack afungisise nezvechinangwa choupenyu, uye muna 1929 akatsaurira upenyu hwake kuna Jehovha, uye akabhabhatidzwa paakangowana mukana muna 1934. Muna 1939, akazoenda kunoshanda paBheteri kuLondon, England. Ndipo paakatanga basa renguva yakazara raakazoita kwemakore 71.

Pana October 29, 1960, Hama Barr vakatanga hwavakati “ukama hunokosha chaizvo” pavakaroora Mildred Willett, akanga ava nemakore akawanda achishingaira sapiyona uye mumishinari. Hama naHanzvadzi Barr vaizivikanwa somurume nomudzimai vane muenzaniso wakanaka wokudanana, uye vakaramba vakadaro kusvikira Mildred apedza upenyu hwake hwepasi pano muna October 2004. Hama naHanzvadzi Barr vaiverenga Bhaibheri pamwe chete zuva roga roga.

Kune vaya vaivaziva, zita rokuti Jack Barr rinovayeuchidza nezvomurume aitanga afunga asati apa vamwe zano. Zano racho rakanga rakanaka, riri romutsa, uye richibva muMagwaro. Vaishanda nesimba, vaiva nehanya nevamwe, vaiva mutariri ane rudo uye shamwari yevanhu vose. Mhinduro dzavaipa, hurukuro, neminyengetero zvairatidza kuti vakanga vakasimba pakunamata uye kuti vaiva neukama hwepedyo pedyo naJehovha.

Kunyange zvazvo tiri kusuwa hama yedu inodiwa Barr, tinofara navo pakuti vava nechipo chokusafa, inova ropafadzo yavaitarisira uye yavaitaura nezvayo. Tariro iyi ndicho chaiva chinhu chikuru muupenyu hwavo.—1 VaK. 15:53, 54. *

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Nyaya izere nezveupenyu hwaJohn E. Barr, iri muNharireyomurindi yaJuly 1, 1987, mapeji 26-31.