Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndiani Waunonyanya Kukoshesa Muupenyu Hwako?

Ndiani Waunonyanya Kukoshesa Muupenyu Hwako?

Ndiani Waunonyanya Kukoshesa Muupenyu Hwako?

“Imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.”—PIS. 83:18.

1, 2. Kuti munhu apone, sei zvisina kukwana kuti angoziva zita raJehovha?

ZVICHIDA wakatanga kuona zita raJehovha wariratidzwa pana Pisarema 83:18. Ungava wakashamiswa pawakaverenga mashoko acho okuti: “Kuti vanhu vazive kuti imi, mune zita rokuti Jehovha, imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.” Hapana mubvunzo kuti kubvira ipapo uri kushandisa rugwaro irworwo kubatsira vanhu kuti vasvike pakuziva Mwari wedu ane rudo, Jehovha.—VaR. 10:12, 13.

2 Kunyange zvazvo zvichikosha kuti vanhu vazive zita raJehovha, handizvo zvoga zvavanofanira kuziva. Ona kuti munyori wepisarema anoratidza sei chimwe chokwadi chatinofanira kuziva kuti tipone paanoti: “Imi moga ndimi Wokumusorosoro kumusoro kwenyika yose.” Saka, Jehovha ndiye anokosha kupfuura chero ani zvake. SoMusiki wezvose, ane kodzero yokutarisira kuti zvisikwa zvake zvose zvizviise pasi pake. (Zvak. 4:11) Saka tinofanira kuzvibvunza kuti, ‘Ndiani anokosha kupfuura vamwe vose muupenyu hwangu?’ Zvinokosha kuti tinyatsoongorora mhinduro yomubvunzo iwoyo.

Nyaya Yakamutswa Mumunda weEdheni

3, 4. Satani akakwanisa sei kunyengera Evha, uye zvii zvakazoitika?

3 Kukosha kwemubvunzo iwoyo kunogona kunyatsooneka pane zvakaitika kare mumunda weEdheni. Ngirozi yakapanduka iyo yakazozivikanwa saSatani Dhiyabhorosi yakanyengera mukadzi wokutanga, Evha, kuti akoshese zvido zvake pane kuteerera mutemo waJehovha wokuti asadye muchero womumwe muti. (Gen. 2:17; 2 VaK. 11:3) Akabvuma kufurirwa, saka haana kuremekedza uchangamire hwaJehovha. Evha haana kuona Jehovha seanokosha kupfuura vamwe vose muupenyu hwake. Asi Satani akakwanisa sei kunyengera Evha?

4 Satani akashandisa nzira dzakasiyana-siyana dzakahwanda paaitaura naEvha. (Verenga Genesisi 3:1-5.) Kutanga, Satani haana kushandisa zita raJehovha. Akangoti “Mwari.” Asi munyori webhuku raGenesisi akashandisa zita raJehovha pandima yokutanga muchitsauko ichocho. Chechipiri, pane kuti ataure nezvokuti Mwari “akarayira,” Satani akangoti Mwari “akati.” (Gen. 2:16) Nenzira iyi yakahwanda, Satani angava aiedza kurerutsa murayiro wacho. Chechitatu, kunyange zvazvo aitaura naEvha chete, akataura sokuti akanga achitaura nevanhu vaviri. Angave aiedza kumupa manyemwe, kuti anzwe seanokosha, sokunge kuti ndiye aimiririra mhuri yavo. Zvakaita kuti Evha aite sei? Zvinoita sokuti Evha akabva azvikudza akataura achimiririra iye nomurume wake nokuudza Satani kuti: “Tingadya hedu michero yemiti yomumunda.”

5. (a) Satani akaita kuti Evha aise pfungwa dzake pachii? (b) Evha akaratidzei paakadya muchero wakanga warambidzwa?

5 Satani akataura mashoko nepasipo. Akapa kapfungwa kekuti Mwari aidzvinyirira Adhamu naEvha nokuvaudza kuti “hamufaniri kudya miti yose yomumunda?” Satani akazoita kuti Evha angozvifunga iye chete uye kuti afunge kuti aizovandudza upenyu hwake, ova ‘akafanana naMwari.’ Pakupedzisira akamuita kuti afunge nezvomuti uye muchero wawo pane kufunga nezveukama hwake neUyo akanga amupa zvose. (Verenga Genesisi 3:6.) Zvinosuwisa kuti paakadya muchero, Evha akaratidza kuti Jehovha handiye ainyanya kukosha muupenyu hwake.

Nyaya Yakamutswa Panguva yaJobho

6. Satani akashora sei kuperera kwaJobho, uye Jobho akapiwa mukana wei?

6 Mazana emakore akazotevera, murume akanga akatendeka Jobho akava nomukana wokuratidza waainyanya kukoshesa muupenyu hwake. Jehovha paakaudza Satani nezvokutendeka kwaJobho, Satani akapindura kuti: “Jobho anotya Mwari pasina here?” (Verenga Jobho 1:7-10.) Satani haana kuramba kuti Jobho aiteerera Mwari. Asi aiti vavariro yaJobho ndiyo yakanga yakashata. Akapomera Jobho kuti aisashumira Jehovha nerudo asi nokuti pane zvaaiwana. Jobho chete ndiye aigona kuratidza kuti aya aiva manyepo, uye akapiwa mukana wokudaro.

7, 8 Jobho akasangana nemiedzo yakaita sei, uye akaratidzei nokuramba achitsungirira?

7 Jehovha akabvumira kuti Satani aunze matambudziko akatevedzana pana Jobho. (Job. 1:12-19) Jobho akaita sei zvinhu pazvakachinja kudaro? Tinoudzwa kuti “haana kutadza kana kutaura chinhu chisina kukodzera kuna Mwari.” (Job. 1:22) Asi izvozvo hazvina kuita kuti Satani anyarare. Akazotizve: “Ganda rinotsiviwa neganda, uye munhu achapa zvose zvaainazvo nokuda kwomweya wake.” * (Job. 2:4) Satani aitaura kuti Jobho aisazoona Jehovha seanokosha kupfuura vamwe vose muupenyu hwake kana akarwadziswa nyama yake.

8 Chirwere chinosemesa chakaita kuti Jobho asatarisika uye mudzimai wake akazoedza kumumanikidza kuti atuke Mwari afe. Vanyaradzi venhema vakazomupomerawo kuti akanga aita zvakaipa. (Job. 2:11-13; 8:2-6; 22:2, 3) Zvisinei pakutambudzika kwose uku, Jobho akaramba akaperera kuna Mwari. (Verenga Jobho 2:9, 10.) Akaratidza kuti Jehovha ndiye ainyanya kukosha muupenyu hwake nokuramba achitsungirira. Jobho akaratidzawo kuti munhu asina kukwana anogona kupindura, kunyange nepaduku, kupomera kwaDhiyabhorosi kwenhema.—Enzanisa naZvirevo 27:11.

Mhinduro yaJesu Isina Kusiya Mubvunzo

9. (a) Satani akaedza sei Jesu achishandisa nzara yaaiva nayo? (b) Jesu akaita sei nomuedzo iwoyo?

9 Jesu achangobhabhatidzwa, akaedzwa naSatani kuti azvifadze iye pane kuti arambe achiona Jehovha seanonyanya kukosha muupenyu hwake. Dhiyabhorosi akaedza Jesu katatu. Kutanga, akashandisa nzara yaiva naJesu kuti amufurire kuchinja matombo kuva chingwa. (Mat. 4:2, 3) Jesu akanga atsanya mazuva 40 uye nzara yakanga yamuruma. Saka Dhiyabhorosi akamukurudzira kuti ashandise zvisizvo simba rake rokuita zvishamiso kuti apedze nzara yacho. Jesu akaita sei? Kusiyana naEvha, Jesu akaisa pfungwa dzake paShoko raJehovha uye akabva angoramba muedzo wacho.—Verenga Mateu 4:4.

10. Nei Satani akaedza Jesu kuti azviwisire pasi kubva pamusoro perusvingo rwetemberi?

10 Satani akaedzawo Jesu kuti aite zvokushamisira. Aida kuti aite zvinhu zvine ngozi nokuzviwisira pasi kubva pamusoro perusvingo rwetemberi. (Mat. 4:5, 6) Satani aiva nechinangwa chei? Satani aiti kana Jesu akasakuvara, zvaizoratidza kuti aiva “mwanakomana waMwari.” Zviri pachena kuti Dhiyabhorosi aida kuti Jesu anyanyofunge nezvemukurumbira wake, zvokutosvika pakushamisira. Satani aiziva kuti munhu angangobvuma kuita zvine ngozi nemhaka yokuzvikudza uye kuda kuremekedzwa. Satani akashandisa rugwaro zvisizvo, asi Jesu akaratidza kuti ainyatsonzwisisa Shoko raJehovha. (Verenga Mateu 4:7.) Nokuramba muedzo iwoyo, Jesu akaratidzazve kuti Jehovha ndiye ainyanya kukosha muupenyu hwake.

11. Jesu akarambirei kupiwa naDhiyabhorosi umambo hwose hwenyika?

11 Pamuedzo wake wokupedzisira, Satani akatosvika pakuti aizopa Jesu umambo hwose hwenyika. (Mat. 4:8, 9) Jesu akabva angoramba. Akaona kuti kubvuma kwaizoreva kuramba uchangamire hwaJehovha, kodzero yaMwari soWokumusorosoro. (Verenga Mateu 4:10.) Mumiedzo yose iyi, Jesu aipindura Satani nokushandisa magwaro ane zita raJehovha.

12. Jesu akatarisana nechisarudzo chipi chakaoma paakanga ava pedyo nokupedza upenyu hwake pasi pano, uye tinodzidzei nezvaakaita?

12 Paakanga ava pedyo nokupedza upenyu hwake hwepasi pano, Jesu akatarisana nechisarudzo chakaoma. Muushumiri hwake hwose, aitaura kuti akanga akagadzirira kupa upenyu hwake sechibayiro. (Mat. 20:17-19, 28; Ruka 12:50; Joh. 16:28) Zvisinei, Jesu aizivawo kuti aizopomerwa nhema onzi nedare revaJudha ane mhosva, ourayiwa somunhu aimhura Mwari. Kufunga nezvemafiro iwayo kwaimutambudza chaizvo. Akanyengetera kuti: “Baba vangu, kana zvichibvira, kapu iyi ngaindipfuure.” Asi akaenderera mberi achiti: “Zvisinei, kwete sokuda kwangu, asi sokuda kwenyu.” (Mat. 26:39) Chokwadi kutendeka kwaJesu kusvikira pakufa, kwakaratidza pasina mubvunzo kuti ndiani ainyanya kukosha muupenyu hwake!

Mhinduro Yedu Panyaya Yacho

13. Kusvika pari zvino, tadzidzei pamuenzaniso waEvha, waJobho, newaJesu Kristu?

13 Kusvika pari zvino tadzidzei? Panyaya yaEvha, tinodzidza kuti vose vanobvuma kukundwa nezvido zvenyama kana kuti kuzvikoshesa vanoratidza kuti Jehovha haasiye anonyanya kukosha muupenyu hwavo. Kusiyana naEvha, pana Jobho, tinodzidza kuti kunyange vanhu vasina kukwana vanogona kuratidza kuti vanoisa Jehovha pakutanga nokuramba vachitsungirira matambudziko, kunyange kana vasinganyatsonzwisisi zvinoakonzera. (Jak. 5:11) Uye muenzaniso waJesu unotidzidzisa kuti tive vakagadzirira kunyadziswa uye tisanyanya kukoshesa mukurumbira wedu. (VaH. 12:2) Asi tingashandisa sei zvidzidzo izvi?

14, 15. Zvakaitwa naJesu paakasangana nomuedzo zvakasiyana sei nezvakaitwa naEvha, uye tingatevedzera sei Jesu? (Tauraiwo nezvemufananidzo uri papeji 18.)

14 Usamborega miedzo ichiita kuti ukanganwe Jehovha. Evha akaisa pfungwa dzake dzose pamuedzo waakanga akatarisana nawo panguva iyoyo. Akaona kuti muchero wacho “wakanga wakanakira kudya uye kuti wakanga uri chimwe chinhu chinoyevedza, chokwadi, muti wacho waifadza kutarira.” (Gen. 3:6) Izvi zvakasiyana nokure nezvakaitwa naJesu paakasangana nemiedzo katatu! Pose paakasangana nemuedzo, haana kubvumira muedzo wacho kuita kuti akanganwe kuti zviito zvake zvaizoguma nei. Aivimba neShoko raMwari uye aishandisawo zita raJehovha.

15 Patinotarisana nemiedzo yokuita zvinhu zvinogumbura Jehovha, tinoisa pfungwa dzedu pachii? Tikaramba takaisa pfungwa dzedu pamuedzo, chido chakaipa chinosimbawo. (Jak. 1:14, 15) Tinofanira kubva tangobvisa chido chacho, kunyange kana zvakaoma sokunge kuti tiri kubvisa imwe nhengo yomuviri wedu. (Mat. 5:29, 30) Kufanana naJesu, tinofanira kuisa pfungwa dzedu pane zvinozokonzerwa nezviito zvedu, uye kukanganisa kwazvinozoita ukama hwedu naJehovha. Tinofanira kuyeuka zvinotaurwa neShoko rake, Bhaibheri. Iyi ndiyo nzira chete yokuratidza kuti Jehovha ndiye anonyanya kukosha muupenyu hwedu.

16-18. (a) Chii chingaita kuti tiore mwoyo? (b) Chii chichatibatsira kuti titsungirire matambudziko atinosangana nawo?

16 Tisamborega matambudziko atinosangana nawo achiita kuti titsamwire Jehovha. (Zvir. 19:3) Sezvatava pedyo nomugumo wenyika ino yakaipa, vanhu vaJehovha vakawanda vari kusangana nematambudziko akasiyana-siyana. Hatitarisiri kuti Mwari aite chishamiso kuti atinunure panguva ino. Kunyange zvakadaro, kufanana naJobho, tinogona kuodzwa mwoyo patinofirwa nehama dzedu kana kuti patinoomerwa nezvinhu.

17 Jobho haana kunzwisisa kuti nei Jehovha aibvumira kuti zvimwe zvinhu zviitike, uye dzimwe nguva hatinzwisisi kuti nei zvakaipa zvichiitika. Zvimwe takanzwa nezvehama dzedu dzakatendeka dzakaurayiwa nokudengenyeka kwenyika, sezvakaitika kuHaiti, kana kuti nedzimwe njodzi dzinongoitika dzoga. Kana kuti tingava tichiziva nezvemumwe akaperera kuna Mwari akarwiswa kana kuti akafira mutsaona yakaipisisa. Kana kuti tingave tiri kunetseka nechimwe chinhu kana kuti tichifunga kuti hatisi kubatwa zvakanaka. Kurwadziwa kungaita kuti titi: ‘Ko ini ndini ndadini, nhai Jehovha? Ndakatadzei?’ (Hab. 1:2, 3) Chii chingatibatsira kuti titsungirire panguva dzakadaro?

18 Tinofanira kungwarira kuti tisafunge kuti zvinhu zvakadaro zvinoratidza kuti Jehovha haatifariri. Jesu akabudisa pfungwa iyi paaitaura nezvenjodzi mbiri dzakaitika panguva yake. (Verenga Ruka 13:1-5.) Njodzi dzakawanda dzinokonzerwa “nenguva nezviitiko zvisingafanoonekwi.” (Mup. 9:11) Asi pasinei nezvinoita kuti titambure, tinogona kutsungirira kana tikaisa pfungwa dzedu pana “Mwari wokunyaradza kwose.” Achatipa simba rokuti tirambe takatendeka.—2 VaK. 1:3-6.

19, 20. Chii chakabatsira Jesu kutsungirira mamiriro ezvinhu aigona kuita kuti anyare, uye chii chingatibatsirawo kuita izvozvo?

19 Usanyanya kuzvifunga uye usatya kunyadziswa. Kuzvininipisa kwaJesu kwakaita kuti ‘azvidurure, ave somuranda.’ (VaF. 2:5-8) Akakwanisa kutsungirira mamiriro ezvinhu akasiyana-siyana aigona kuita kuti anyare nokuti aivimba naJehovha. (1 Pet. 2:23, 24) Nokuita izvi, Jesu akaisa Jehovha pakutanga, uye izvi zvakaita kuti akwidziridzwe kunzvimbo yepamusoro. (VaF. 2:9) Jesu akakurudzira vadzidzi vake kuti vararamewo sezvaakaita.—Mat. 23:11, 12; Ruka 9:26.

20 Dzimwe nguva, miedzo yatinosangana nayo ingaita kuti tinyare. Kunyange zvakadaro, tinofanira kuva nechivimbo sechaiva nemuapostora Pauro uyo akati: “Nokuda kwechikonzero ichi ini ndiri kutamburawo zvinhu izvi, asi handinyari. Nokuti ndinoziva wandakatenda, uye ndine chivimbo chokuti anokwanisa kurinda zvandakaunganidza kuti achengete kusvikira zuva iroro.”—2 Tim. 1:12.

21. Pasinei nekuzvifunga kunoita vanhu vari munyika, watsidza kuitei?

21 Bhaibheri rakagara rataura kuti munguva yedu vanhu vaizova “vanozvida.” (2 Tim. 3:2) Ndokusaka takapoteredzwa nevanhu vanoda kuva ivo vokutanga. Ngatisambokanganiswa nemafungiro akadaro. Tingava tichisangana nemiedzo, matambudziko kana mamiriro ezvinhu angaita kuti tinyare, mumwe nomumwe wedu ngaaratidze kuti Jehovha ndiye anonyanya kukosha muupenyu hwake!

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Dzimwe nyanzvi dzeBhaibheri dzinofunga kuti mashoko okuti “ganda rinotsiviwa neganda” angava achireva kuti Jobho aizoita kuti vana vake nezvipfuwo zvirasikirwe neganda, kana kuti upenyu, chero iye aizoramba aine ganda rake, kana kuti upenyu. Vamwe vanofunga kuti mashoko iwayo anoratidza kuti munhu angasva hake arasikirwa neganda rake kana zvichizoita kuti arambe achirarama. Somuenzaniso, munhu angavhika chibhakera noruoko kuti asarohwa kumeso, achirasikirwa nerimwe ganda kuti arambe aine ganda rake. Chero zvairehwa nedimikira racho, zviri pachena kuti Jobho aizofara kurasikirwa nezvose chero aizoramba aine upenyu hwake.

Tinodzidzei . . .

• pakunyengerwa kwakaitwa Evha naSatani?

• pane zvakaitwa naJobho paakasangana nematambudziko?

• pane zvainyanya kukosheswa naJesu?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 17]

Evha akatadza kuisa ukama hwake naJehovha pakutanga

[Mufananidzo uri papeji 18]

Jesu akaramba miedzo yaSatani uye akaisa kuda kwaMwari pakutanga

[Mifananidzo iri papeji 20]

Kuparidza mumatende pashure pekudengenyeka kwenyika kuHaiti

Panguva yokutambudzika tinogona kuisa pfungwa dzedu pana “Mwari wokunyaradza kwose”