Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Unonyatsofarira Shoko raMwari Here?

Unonyatsofarira Shoko raMwari Here?

Unonyatsofarira Shoko raMwari Here?

“PANDAKATANGA urongwa hwokugara ndichiverenga Bhaibheri, zvaingova zvokungoverengawo,” anodaro Lorraine. “Rainetsa kunzwisisa, saka ndaiwanzotanga kufunga zvimwe uku ndichiverenga.”

Vamwe vanobvuma kuti pavakatanga kuverenga Bhaibheri vaisanakidzwa naro. Asi vakashingirira nokuti vaiziva kuti kuverenga Magwaro Matsvene chinhu chakanaka. Marc anoti: “Zviri nyore kuti urege zvimwe zvinhu zvichikukanganisa kuverenga Bhaibheri uye kudzidza woga. Raive basa chairo uye ndaifanira kugara ndichinyengetera kuti kuverenga Bhaibheri zuva nezuva kuve papurogiramu yangu.”

Ungaite sei kuti uwedzere kufarira kwaunoita Shoko raMwari rakanyorwa, Bhaibheri? Ungaite sei kuti unakidzwe nokuriverenga? Heano mazano angakubatsira.

Zvaungaita Kuti Unakidzwe Nokuverenga Bhaibheri

Nyengetera usati waverenga Bhaibheri uye isa pfungwa dzose pakuverenga kwacho. Kumbira kuti Jehovha akubatsire kuva nechido chokudzidza Shoko rake. Muteterere kuti azarure pfungwa dzako nemwoyo kuti unyatsonzwisisa uchenjeri hwake. (Pis. 119:34) Ukasadaro, zviri nyore kuti kuverenga Bhaibheri kuve kwokungoti chero ndaita, uye unogona kungokukanda pasi. Lynn anoti: “Ndinomboverenga ndichimhanya zvokuti handizodzidzi dzimwewo pfungwa dzinenge dziripo. Ndinowanzotadza kunzwisisa pfungwa dzinokosha. Asi ndinonyengeterera kuti ndizvidzore uye zvinoita kuti pfungwa dzangu dzive pane zvandiri kuverenga.”

Koshesa zvaunodzidza. Yeuka kuti kunzwisisa chokwadi cheBhaibheri uye kuchishandisa kunoita kuti uwane upenyu. Gara wakangwarira kuti uwane pfungwa dzaungashandise. Chris anoti: “Ndinotsvaka zvinhu zvingandibatsire kuziva mafungiro akaipa uye vavariro dzakaipa dzandingava nadzo. Ndinofara chaizvo pandinoona mashoko anondibatsira muBhaibheri nomumabhuku edu akawanda, kunyange zvazvo vanyori vacho vasingandizivi.”

Iva nezvinangwa zvaunozokwanisa kuzadzisa. Edza kudzidza chimwe chinhu chitsva nezvevanhu vomuBhaibheri. Unogona kuwana mamwe mashoko anonakidza nezvavo ukashandisa Insight on the Scriptures kana kuti Watch Tower Publications Index. Paunotanga kuziva varume nevakadzi vomuBhaibheri sevanhu chaivo vakangoitawo sewe, uchanyatsobatsirwa paunodzidza zvakaitika kwavari.

Tsvaka dzimwe nzira itsva dzokushandisa nadzo Magwaro pakukurukura nevanhu. (Mab. 17:2, 3) Sophia anodzidza aine chinangwa ichocho. Anoti: “Chido changu ndechokudzidza uye kunzwisisa magwaro neimwe nzira itsva kuti ndizoashandisa muushumiri uye pane zvimwe zvinhu, kuitira kuti ndinyatsotsanangura chokwadi cheBhaibheri zvakajeka. Nharireyomurindi inobatsira chaizvo pakuita izvi.”—2 Tim. 2:15.

Paunenge uchiverenga Bhaibheri, ita seuri kuona zvichitoitika. “Shoko raMwari ibenyu,” inodaro VaHebheru 4:12. Sezvaunoverenga Magwaro, ita kuti zviri kutaurwa naMwari zvive zvipenyu mupfungwa dzako nokufungidzira zvaionekwa nevanhu vari muBhaibheri. Edza kunzwa zvavainzwa. Enzanisa zvavakasangana nazvo nezvauri kusangana nazvo muupenyu hwako. Dzidza pane zvavaiita kana paitika chimwe chinhu. Izvi zvichawedzera kunzwisisa uye kubata kwaunoita nhoroondo dzeBhaibheri.

Iva nenguva yokuongorora magwaro akaoma uye tsanangudzo dzawo kuitira kuti unyatsoanzwisisa. Iva nenguva yakawanda pose paunodzidza. Unogona kusangana nemimwe mibvunzo inoda kuti uwedzere kutsvakurudza. Tsvaka zvinorehwa nemashoko ausina kujairana nawo, ongorora mashoko omuzasi, uye tarisa magwaro anoenderana neauri kuverenga. Kunzwisisa kwaunoita zvauri kuverenga uye kuzvishandisa ndiko kunowedzerawo kunakidzwa kwako neShoko raMwari rakanyorwa. Uchange wava kukwanisa kutaura somunyori wepisarema akati: “Ndakaita kuti zviyeuchidzo zvenyu [Jehovha] zvive zvangu nokusingagumi, nokuti ndizvo zvinopembererwa nomufaro nomwoyo wangu.”—Pis. 119:111.

Usaita zvokumhanya-mhanya pakuverenga. Ronga zvakanaka nguva yako yokudzidza, uchizivawo kuti uchada nguva yokugadzirira misangano. Raquel anoti: “Ndinowanzonzwa pfungwa dzangu dzisina kugadzikana zvokuti hapana chandinonzwisisa. Saka ndinoona zvichibatsira kudzidza kwenguva pfupi. Izvi zvinoita kuti ndibatsirwe zvakanyanya nezvidzidzo zvangu.” Chris anobvuma kuti: “Ndikadzidza ndichiita zvokumhanya, hana yangu inondinetsa nokuti hapana chandinenge ndabata. Mashoko acho haawanzosvika pamwoyo pangu.” Saka usaita zvokumhanyamhanya.

Wedzera kupanga kwaunoita shoko raMwari. Muapostora Petro akati: “Sevacheche vachangobva kuberekwa, pangai mukaka usina kushatiswa weshoko raMwari, kuti mukure nawo muzoponeswa.” (1 Pet. 2:2) Vana havaite zvokudzidza kupanga mukaka. Vanongozvarwa vachiuda. Asi Magwaro anoratidza kuti tinotofanira kuita zvokudzidza kupanga Shoko raMwari. Ukapota uchiverenga peji imwe chete yeBhaibheri pazuva, pasina nguva unenge wava kugara uine chido chokuriverenga. Zvawaimboona sezvakaoma unoona zvava kutonakidza.

Fungisisa zviri mundima dzeMagwaro. Kufungisisa zvaunodzidza kunobatsirawo zvikuru. Izvi zvichakubatsira kuona kubatana kwazvakaita nedzimwe nyaya dzemuBhaibheri dzawakamboongorora. Pasina nguva uchange wawana pfuma yakawanda inokosha.—Pis. 19:14; Zvir. 3:3.

Inguva Inenge Yashandiswa Zvakanaka

Kuti munhu ugare uchidzidza zvakanaka pane basa chairo, asi makomborero acho akawanda. Uchavandudza manzwisisiro aunoita nyaya dzokunamata. (VaH. 5:12-14) Nzwisiso uye uchenjeri zvaunowana muMagwaro akafuridzirwa zvinoita kuti ufare, unakidzwe, uye uve norugare. Uchenjeri huri muShoko raMwari rakafuridzirwa “muti woupenyu” kune vaya vanohuwana vohushandisa.—Zvir. 3:13-18.

Kudzidza zvakadzama Shoko raMwari kunogona kuita kuti uve nemwoyo unonzwisisa. (Zvir. 15:14) Izvi zvichakubatsira kupa munhu zano nemwoyo wose richibva muBhaibheri. Kana ukaita kuti zvisarudzo zvaunoita zvienderane nezvaunoverenga muMagwaro uye mumabhuku e“muranda akatendeka, akangwara,” Shoko raJehovha rakafuridzirwa richakuzorodza uye richaita kuti udekare. (Mat. 24:45) Uchava munhu anogara achifunga zvinokurudzira uye zvinovaka pakunamata. Uyezve zvinhu zvose zvine chokuita noukama hwako naMwari zvichabudirira.—Pis. 1:2, 3.

Mwoyo wakazara nokuda Mwari uchaita kuti uudze vamwe zvaunotenda. Izviwo zvine mubayiro wakakura. Sophia ari kuedza kuyeuka uye kushandisa magwaro akasiyana-siyana kuti aite kuti vanasaimba vafarire uye ushumiri hwake hwechiKristu hubudirire uye hunakidze. Anoti: “Zvinondinakidza kuona zvinoita vanhu kana vanzwa mashoko ari muBhaibheri.”

Chinhu chinokosha kupfuura zvose chatinowana pakufarira Shoko raMwari, ukama hwepedyo naye. Bhaibheri rinoita kuti uzive zvaanoda uye unzwisise rudo rwake, rupo rwake, uye kutonga kwake zvakarurama. Hapana chimwe chinhu chinokosha kupfuura izvozvo. Ita zvokunyura mukudzidza Shoko raMwari. Iyi inguva yaunenge washandisa zvakanaka.—Pis. 19:7-11.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 5]

ZVAUNGAITA KUTI UNAKIDZWE NOKUVERENGA BHAIBHERI

▪ Nyengetera usati waverenga Bhaibheri uye isa pfungwa dzose pakuverenga kwacho.

▪ Koshesa zvaunodzidza.

▪ Iva nezvinangwa zvaunozokwanisa kuzadzisa.

▪ Tsvaka dzimwe nzira itsva dzokushandisa nadzo Magwaro pakukurukura nevanhu.

▪ Paunenge uchiverenga Bhaibheri, ita seuri kuona zvichitoitika.

▪ Iva nenguva yokuongorora magwaro akaoma uye tsanangudzo dzawo kuitira kuti unyatsoanzwisisa.

▪ Usaita zvokumhanya-mhanya pakuverenga.

▪ Wedzera kupanga kwaunoita shoko raMwari.

▪ Fungisisa zviri mundima dzeMagwaro.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Ita seuri kuona uri mumamiriro ezvinhu akafanana neari munhoroondo yeBhaibheri yauri kuverenga