Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

“Fudzai Boka raMwari Ramunotarisira”

“Fudzai Boka raMwari Ramunotarisira”

“Fudzai Boka raMwari Ramunotarisira”

“Fudzai boka raMwari ramunotarisira, musingaiti nokugombedzerwa, asi nokuzvidira.”—1 PET. 5:2.

1. VaKristu vakanga vari mumamiriro ezvinhu akaita sei Petro paakanyora tsamba yake yokutanga?

PANE imwe nguva vaKristu vomuRoma vasati vatanga kutambudzwa naMambo Nero, muapostora Petro akanyora tsamba yake yokutanga. Aida kusimbisa vaKristu vaainamata navo. Dhiyabhorosi ‘aifamba-famba seshumba,’ achitsvaka kudya vaKristu. Kuti vamirisane naye, vaifanira ‘kusvinurira’ uye ‘kuzvininipisa pasi poruoko rwaMwari rune simba.’ (1 Pet. 5:6, 8) Vaifanirawo kuramba vakabatana. Iyi yaisava nguva yokuti ‘varumane nokudyanana,’ nokuti izvozvo zvaizoita kuti ‘vapedzane.’—VaG. 5:15.

2, 3. Ndiani watinofanira kurwisana naye, uye chii chatichaongorora munyaya dzino?

2 Nhasi tinosanganawo nemamiriro ezvinhu akadaro. Dhiyabhorosi ari kutsvaka mikana yokuti atiparadze. (Zvak. 12:12) Uye pamberi patiri kuenda apa pane “kutambudzika kukuru kusina kumboitika kubvira pakutanga kwenyika.” (Mat. 24:21) Tinofanira kungwarira kuti tisangogara tichinetsana, sokungwarira kwaifanira kuita vaKristu vomuzana remakore rokutanga. Kuti tikwanise kuita izvi, pamwe pacho tinoda rubatsiro rwevakuru vakagadzwa.

3 Ngationei kuti vakuru vangaita sei kuti vawedzere kukoshesa kwavanoita basa rokufudza ‘boka raMwari ravanotarisira.’ (1 Pet. 5:2) Tadaro tichaongorora maitirwo akanaka ebasa rokufudza. Munyaya inotevera, tichazoongorora kuti ungano ingaita sei kuti ‘iremekedze vaya vari kushanda nesimba kuti vatungamirire’ boka. (1 VaT. 5:12) Kuongorora izvi kuchatibatsira kuti timirisane noMuvengi wedu mukuru, tichiziva kuti ndiye watinofanira kurwisana naye.—VaEf. 6:12.

Fudzai Boka raMwari

4, 5. Vakuru vanofanira kuona sei makwai? Ipa muenzaniso.

4 Petro akakurudzira varume vakuru vechiKristu muzana remakore rokutanga kuti vaone makwai avakanzi vatarisire semaonerwo aanoitwa naMwari. (Verenga 1 Petro 5:1, 2.) Kunyange zvazvo aionekwa sembiru muungano, Petro akanga asingatauri navo sokunge kuti vaiva pasi pake. Asi aivakurudzira sevamwe vake. (VaG. 2:9) Kufanana naPetro, nhasi Dare Rinodzora rinokurudzira vakuru veungano kuti vaedze kuita mabasa avo anorema okufudza boka raMwari.

5 Muapostora wacho akanyora kuti vakuru vaifanira ‘kufudza boka raMwari ravanotarisira.’ Zvaikosha chaizvo kuti vaone kuti makwai ndeaJehovha naJesu Kristu. Vakuru vaizozvidavirira pakutarisira kwavaizoita makwai aMwari. Tomboti shamwari yako yepedyo yakukumbira kuti utarisire vana vayo iyo isipo. Waisazovatarisira zvakanaka uye kuvapa zvokudya here? Kana mumwe wavo akarwara, waisazomurapisa here? Vakuru vemuungano vanofanirawo kufudza “ungano yaMwari, yaakatenga neropa roMwanakomana wake.” (Mab. 20:28) Vanoziva kuti gwai rimwe nerimwe rakatengwa neropa rinokosha raKristu Jesu. Vakuru vanopa zvokudya, vanochengetedza, uye vanotarisira makwai vachiziva kuti vachazvidavirira.

6. Basa revafudzi vekare raisanganisirei?

6 Chimbofunga zvaiitwa kare nevafudzi vemakwai chaiwo. Vaiswera vachitsva nezuva uye vachitonhorwa nechando usiku kuti vatarisire makwai. (Gen. 31:40) Vaitoisa upenyu hwavo pangozi kuti vanunure makwai. Dhavhidhi paaifudza makwai achiri mukomana akaanunura pazvikara, zvinosanganisira shumba nebheya. Dhavhidhi akataura nezvazvo achiti “ndakabata ndebvu dzacho, ndikachiwisira pasi, ndikachiuraya.” (1 Sam. 17:34, 35) Uhwu ndihwo hunonzi ushingi! Anofanira kunge akasara padukuduku kuti imubvambure, asi haana kuzeza kununura makwai.

7. Vakuru vangaita sei sevari kubvuta gwai mukanwa maSatani?

7 Nhasi uno, vakuru vanofanira kugara vakangwarira kurwisa kunoita Dhiyabhorosi seshumba. Izvi zvingatoda kuti vashinge vachiita sevari kubvuta makwai mukanwa maDhiyabhorosi. Vakuru vangaita sevari kubata ndebvu dzechikara vachinunura makwai. Vanogona kubatsira hama kuona misungo yaSatani yadzingave dzisina kungwarira. (Verenga Judha 22, 23.) Asi vakuru havangaiti izvi pasina rubatsiro rwaJehovha. Vanobata gwai rakakuvara zvinyoronyoro, vachirisunga maronda uye kuriporesa nemafuta anonyevenutsa eShoko raMwari.

8. Vakuru vanotungamirira makwai kupi, uye vanozviita sei?

8 Mufudzi wemakwai aiatungamirirawo kumafuro akanaka uye nzvimbo ine mvura. Ndizvo zvinoitawo vakuru. Vanokurudzira makwai kugara achipinda misangano kuti awane zvokudya zvakakwana “panguva yakakodzera.” (Mat. 24:45) Vakuru vangada nguva yakawanda vachikurudzira vaya vasina kusimba pakunamata kuti vabatsirwe neShoko raMwari. Gwai rakarasika ringava richiedza kudzoka kuboka. Pane kutyisidzira hama yavo, vakuru vanonyatsoitsanangurira zvinotaurwa neMagwaro uye kuti ingazvishandisa sei muupenyu.

9, 10. Vakuru vangabatsira sei vaya vanorwara pakunamata?

9 Kana uchirwara, unoda kurapwa nachiremba akaita sei? Uya anongokuteerera kwenguva pfupi, obva akunyorera mushonga kuitira kuti aone mumwe murwere here, kana kuti uya anonyatsokuteerera, otsanangura zvingava zvichikunetsa, obva akuudza nzira dzakasiyana-siyana dzemarapirwo aungaitwa?

10 Vakuru vangateererawo munhu ari kurwara pakunamata, vomurapa ronda rake, vachiita sevari kumuzora “mafuta vachishandisa zita raJehovha.” (Verenga Jakobho 5:14, 15.) Shoko raMwari rinogona kuzorodza ari kurwara sezvaiita bharisamu yokuGiriyedhi. (Jer. 8:22; Ezek. 34:16) Kana zvinotaurwa neBhaibheri zvikashandiswa, zvinogona kubatsira munhu kuti asimbezve pakunamata. Chokwadi, kana vakuru vakatanga vaziva zviri kunetsa gwai riri kurwara, vonyengetera naro, zvinobatsira chaizvo.

Musingaiti Zvokugombedzerwa, Asi Muchizvidira

11. Chii chinoita kuti vakuru vafudze boka raMwari vasingaiti zvokuzvimanikidza?

11 Petro akazoyeuchidza varume vakuru zvavaifanira kuita nezvavaisafanira kuita pabasa rokufudza. Vakuru vanofanira kufudza makwai aMwari, ‘vasingaiti zvokugombedzerwa, asi vachizvidira.’ Chii chinoita kuti vakuru vashumire hama dzavo vasingaiti zvokumanikidzwa? Ko chii chakamboita kuti Petro afudze uye ape zvokudya makwai aJesu? Rudo rwaaiva narwo naIshe wake. (Joh. 21:15-17) Nemhaka yerudo rwavo, vakuru ‘havachatombozviraramiri, asi vanoraramira iye akavafira.’ (2 VaK. 5:14, 15) Kuda Jesu, pamwe naMwari nehama dzavo zvinoita kuti vakuru vashumire makwai, vachishandisa simba ravo, pfuma yavo, uye nguva. (Mat. 22:37-39) Vanozvipira vasingaiti zvokuzvimanikidza asi nemwoyo wose.

12. Muapostora Pauro aizvipira zvakadini?

12 Vakuru vanofanira kuzvipira zvakadini? Pakutarisira makwai, vanotevedzera muapostora Pauro, uyo aitevedzerawo Jesu. (1 VaK. 11:1) Nemhaka yokuda kwavaiita hama dzokuTesaronika, Pauro nevamwe vake ‘havana kungofara nokuvapa mashoko akanaka aMwari chete, asiwo mweya yavo.’ Vakazviita norupfave, “sezvinoita amai vanoyamwisa kana vachitarisira vana vavo.” (1 VaT. 2:7, 8) Pauro ainzwisisa kuti amai vanoyamwisa vanobata sei vana vavo. Vanovaitira zvose zvavanokwanisa, kunyange kumuka pakati pousiku kuti vavayamwise.

13. Vakuru vangakamuranisa sei nguva yavo zvakanaka pamabasa avanoita?

13 Vakuru vanofanira kuita basa ravo rokufudza vachizivawo kuti vane mabasa avanofanira kuitira mhuri dzavo. (1 Tim. 5:8) Nguva inoshandiswa nevakuru pakuita mabasa eungano inguva inokosha yavanofanira kunge vane mhuri dzavo. Imwe nzira yokufudza asi vasingasiyiwo mhuri dzavo ndeyokumbopota vachikoka vamwe pavanova nemanheru okunamata kwemhuri. Kwemakore, Masanao, mumwe mukuru wekuJapan, aikoka vaya vasina mhuri uye mhuri dzisina misoro yemba kuti vazodzidza semhuri. Vamwe vaakabatsira vakazova vakuru uye vakatevedzera muenzaniso wake wakanaka.

Fudzai Boka Nokuzvidira Musingatarisiri Kuwana Pfuma

14, 15. Nei vakuru vachifanira kungwarira “pfuma inowanikwa nenzira dzokusatendeseka,” uye vangatevedzera sei Pauro panyaya iyi?

14 Petro akakurudzirawo vakuru kuti vafudze makwai, vasingaitiri “pfuma inowanikwa nenzira dzokusatendeseka, asi nomwoyo wose.” Basa revakuru rinotora nguva yakawanda, asi havatarisiri kuwana mubhadharo. Petro akaona kuti aifanira kunyevera vamwe vake kuti vasafudza makwai vachida “pfuma inowanikwa nenzira dzokusatendeseka.” Kuipa kwazvo kunooneka pamararamiro oumbozha evatungamiriri ve“Bhabhironi Guru” uku ruzhinji ruchitambura nourombo. (Zvak. 18:2, 3) Nhasi vakuru vanofanira kungwarira kuti vasaite zvinhu zvakada kudaro.

15 Pauro akaratidza vakuru vechiKristu muenzaniso wakanaka. Kunyange zvazvo aiva muapostora uye aigona “kuisa mutoro unorema” pavaKristu vokuTesaronika, haana ‘kudya zvokudya zvomumwe munhu asingabhadhari.’ Asi ‘aiita basa uye aishanda zvakaoma usiku nemasikati.’ (2 VaT. 3:8) Mazuva ano vakuru, kusanganisira vaya vari mubasa rokufambira vanoratidza muenzaniso wakanaka panyaya iyi. Kunyange zvazvo vachibvuma kuva vaenzi mudzimba dzehama, ‘havaisi mutoro unorema’ pana ani naani.—1 VaT. 2:9.

16. Kufudza boka “nokuzvidira” kunorevei?

16 Vakuru vanofudza boka “nokuzvidira.” Izvi zvinooneka pakuzvipira kwavanoita pavanobatsira makwai. Asi izvi hazvirevi kuti vanomanikidza makwai kushumira Jehovha; uye vakuru vane rudo havakurudzire vamwe kushumira Mwari zvemakwikwi. (VaG. 5:26) Vakuru vanonzwisisa kuti makwai haafanani. Vanoda kubatsira hama dzavo kuti dzishumire Jehovha dzichifara.

Musingazviiti Madzishe Paboka Asi Muchiva Mienzaniso

17, 18. (a) Chii chaiita kuti dzimwe nguva zviomere vaapostora kubata zvaidzidziswa naJesu nezvekuzvininipisa? (b) Tinogona kuva mumamiriro api ezvinhu akafanana neavo?

17 Sezvatakurukura, vakuru vanofanira kuziva kuti makwai avari kufudza ndeaMwari, haasi avo. Vanongwarira kuti vasazviita “madzishe pane vaya vari nhaka yaMwari.” (Verenga 1 Petro 5:3.) Dzimwe nguva vadzidzi vaJesu vaitsvaka zvinzvimbo nevavariro yakashata. Vaida mukurumbira sezvaiitwa nevatongi venyika.—Verenga Mako 10:42-45.

18 Mazuva ano hama dziri ‘kutsvaka kuva vatariri’ dzinofanira kuzviongorora kuti nei dziri kuda basa iroro. (1 Tim. 3:1) Vaya vatori vakuru vangada kuzviongorora kuti vaone kana vari kuvavarira kuva nemasimba pane vamwe kana kuti mukurumbira sezvaiitwa nevamwe vaapostora. Kana zvaiomera vaapostora, vakuru vanogona kuona kuti ibasa chairo kuti varege kuva nemafungiro enyika okuda kuva nesimba pamusoro pevamwe.

19. Chii chinofanira kuyeukwa nevakuru pavanenge vachidzivirira makwai?

19 Ichokwadi kuti dzimwe nguva vakuru vanofanira kutosimba, pakadai sepakudzivirira makwai pa“mhumhi dzinodzvinyirira.” (Mab. 20:28-30) Pauro akaudza Tito kuti arambe ‘achirayira uye kutsiura nesimba.’ (Tito 2:15) Asi kunyange pavanenge vachiita izvozvo, vakuru vanoedza kuremekedza vavanenge vachibatsira. Vanonzwisisa kuti kunyengetedza zvinyoro-nyoro kunonyanya kubatsira pakusvika pamwoyo uye kuita kuti munhu apinde munzira yakarurama, pane kumutsoropodza.

20. Vakuru vangatevedzera sei Jesu pakuratidza muenzaniso wakanaka?

20 Muenzaniso wakanaka waKristu unokurudzira vakuru kuda makwai. (Joh. 13:12-15) Patinoverenga nezvemadzidzisiro aaiita vadzidzi vake basa rokuparidza nokuita kuti vanhu vave vadzidzi mwoyo yedu inofara. Mararamiro ake okuzvininipisa akaita kuti ivowo vazorarama ‘nepfungwa dzinozvininipisa vachifunga kuti vamwe vakuru kwavari.’ (VaF. 2:3) Nhasi vakuru vanokurudzirwawo kutevedzera muenzaniso waJesu, izvo zvinozoitawo kuti vade kuva “mienzaniso kuboka.”

21. Vakuru vanotarisira kuzowana mubayiro wei?

21 Petro akapedzisa kukurudzira varume vakuru nokutaura nezvechipikirwa cheramangwana. (Verenga 1 Petro 5:4.) Vatariri vakazodzwa vachagamuchira “korona yokubwinya isingasvavi” pamwe chete naKristu kudenga. Vafudzi vaduku ve“mamwe makwai” vachakomborerwa nebasa rokufudza makwai aMwari pasi pano panenge pachitonga “mufudzi mukuru.” (Joh. 10:16) Nyaya inotevera ichakurukura zvingaitwa nevari muungano kuti vatsigire vaya vakagadzwa kuti vatungamirire.

Kudzokorora

• Nei zvakanga zvakakodzera kuti Petro akurudzire vamwe vakuru kufudza boka raMwari ravanotarisira?

• Vakuru vanofanira kufudza sei vaya vanenge vachirwara pakunamata?

• Chii chinoita kuti vakuru vafudze boka raMwari ravanotarisira?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 21]

Kufanana nevafudzi vekare, vakuru vanofanira kudzivirira “makwai” avanotarisira