Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Remekedzai “Vaya Vari Kushanda Nesimba Pakati Penyu”

Remekedzai “Vaya Vari Kushanda Nesimba Pakati Penyu”

Remekedzai “Vaya Vari Kushanda Nesimba Pakati Penyu”

“Muremekedze vaya vari kushanda nesimba pakati penyu vachikutungamirirai munaShe uye vachikurayirai.”—1 VAT. 5:12.

1, 2. (a) Ungano yeTesaronika yakanga yakamira sei payakanyorerwa tsamba yokutanga naPauro? (b) Pauro akakurudzira vaTesaronika kuitei?

FUNGIDZIRA uri muungano yeTesaronika yomuzana remakore rokutanga, imwe yeungano dzokutanga muEurope. Muapostora Pauro akanga atora nguva yakareba achisimbisa hama dzeko. Angava akagadza varume vakuru kuti vatungamirire, sezvaakaita kune dzimwe ungano. (Mab. 14:23) Asi ungano iyoyo yangoumbwa, vaJudha vakabva varonga mhomho yevanhu kuti idzinge Pauro naSirasi muguta iroro. VaKristu vakanga vasara vangave vakasurukirwa, kana kutotya.

2 Zvinonzwisisika kuti mwoyo waPauro hauna kubva kuungano itsva iyi paakabva kuTesaronika. Akaedza kudzokerako, asi ‘Satani akamupinganidza.’ Saka akatuma Timoti kuti anokurudzira ungano yacho. (1 VaT. 2:18; 3:2) Pauro paakanzwa Timoti achidzoka neshoko rinofadza, zvakabva zvaita kuti anyorere VaTesaronika tsamba. Chimwe chezvinhu zvavakakurudzirwa kuita naPauro ‘kuremekedza vaya vaivatungamirira.’—Verenga 1 VaTesaronika 5:12, 13.

3. Nei vaKristu vokuTesaronika vaifanira kukudza kwazvo varume vakuru?

3 Hama dzaitungamirira vaKristu vokuTesaronika dzakanga dzisina ruzivo serwaPauro nevamwe vake vaaifamba navo; dzakanga dzisinawo nguva refu dziri muchokwadi sevakuru vaiva kuJerusarema. Ungano iyi yakanga isati yambosvitsa gore chairo! Kunyange zvakadaro vaya vaiva muungano vaifanira kuonga zvavaiitirwa nevarume vakuru, avo ‘vaishanda nesimba’ uye ‘vaitungamirira’ ungano ‘vachirayira’ hama. Chokwadi vaifanira ‘kuvakudza kwazvo murudo.’ Apedza kuvakumbira kuti vadaro Pauro akavapa zano rokuti, “Itai kuti muve norugare nevamwe.” Dai waiva kuTesaronika, ungadai wakaratidza kuti unonyatsokoshesa basa revakuru here? Unoona sei “zvipo zviri varume” zvakapiwa ungano yenyu naMwari achishandisa Kristu?—VaEf. 4:8.

“Kushanda Nesimba”

4, 5. Raive basa rakaoma zvakadini kuti vakuru vomunguva yaPauro vadzidzise ungano uye nei tingati ndizvo zvazviriwo nhasi?

4 Varume vakuru vokuTesaronika vakasara ‘vachishanda nesimba’ sei vaendesa Pauro naSirasi kuBheriya? Hapana mubvunzo kuti vaitevedzera Pauro pakudzidzisa ungano vachishandisa Magwaro. Asi ungabvunza kuti ‘VaKristu vokuTesaronika vaikoshesa Shoko raMwari here?’ Bhaibheri haritauri here kuti vaBheriya “vakanga vaine pfungwa dzakanaka kupfuura vaya vokuTesaronika, . . . vachinyatsoongorora Magwaro zuva nezuva”? (Mab. 17:11) Ndizvozvo, asi pano vaBheriya vaienzaniswa nevaJudha vaigara kuTesaronika vose zvavo, kwete nevaKristu. Vaya vakava vatendi havana ‘kugamuchira shoko raMwari, seshoko revanhu, asi seshoko raMwari.’ (1 VaT. 2:13) Varume vakuru vanofanira kunge vaishanda nesimba kuti vadzidzise ungano.

5 Nhasi boka romuranda akatendeka, akangwara riri kupa makwai aMwari ‘zvokudya panguva yakakodzera.’ (Mat. 24:45) Vakuru vomuungano vanoshanda nesimba kuti vadzidzise hama dzavo vachitungamirirwa nemuranda. Vaya vari muungano vangava nemabhuku anotsanangura Bhaibheri akawanda, uye mune mimwe mitauro munowanika Watch Tower Publications Index neWatchtower Library iri paCD-ROM. Kuti vanyatsobatsira ungano zvakakwana, vakuru vanotora nguva yakawanda vachigadzirira misangano kuitira kuti vazokurukura zvinonyatsonzwisisika. Wakambofunga kuti vakuru vanotora nguva yakawanda zvakadini vachigadzirira hurukuro dzepamisangano nemagungano here?

6, 7. (a) Varume vakuru vokuTesaronika vakadzidzei kuna Pauro? (b) Nei zvingaomera vakuru kutevedzera Pauro?

6 Varume vakuru vokuTesaronika vaiyeuka muenzaniso waPauro wakanaka wokufudza makwai. Akanga asingangoshanyiri vanhu zvokungoti chero ndaita. Sezvatakakurukura munyaya yakapfuura, Pauro aiva “norupfave . . . , sezvinoita amai vanoyamwisa kana vachitarisira vana vavo.” (Verenga 1 VaTesaronika 2:7, 8.) Akanga akagadzirira ‘kupa mweya wake’! Varume vakuru vaifanira kumutevedzera pakufudza.

7 Vafudzi vechiKristu mazuva ano vanotevedzera Pauro nokutarisira makwai. Pane mamwe makwai anongozvarwa asina ushamwari. Kunyange zvakadaro vakuru vanoedza kuvanzwisisa uye ‘kuwana zvakanaka’ mavari. (Zvir. 16:20) Ichokwadi kuti sezvo mukuru ari munhuwo asina kukwana, anogona kuomerwa nokuona zvakanaka zvinoitwa nomumwe nomumwe. Asi paanoedza nepaanogona napo kubata vanhu vose nounyoro, haafaniri here kutendwa nokuedza kwaari kuita kuva mufudzi akanaka ari pasi paKristu?

8, 9. Vakuru variko iye zvino “vanorinda mweya” yedu sei?

8 Tose tinofanira ‘kuzviisa pasi’ pevakuru. Sezvakanyorwa naPauro, “vari kurinda mweya” yedu. (VaH. 13:17) Mashoko iwayo anotiyeuchidza nezvomufudzi wemakwai chaiwo anotadza kurara kuti adzivirire makwai ake. Vakuru vanoitawo izvozvo vachitadza kurara kuti vabatsire vaya vane utano husina kumira zvakanaka kana kuti vane zviri kuvanetsa mupfungwa kana pakunamata. Somuenzaniso, hama dziri muDare Rokukurukura Nezvipatara dzinombomutswa usiku kana paine murwere apinda dambudziko. Asi tinotenda kwazvo basa ravanoita patinotarisana nemamiriro ezvinhu akadaro!

9 Vakuru vari muMatare Okuvaka Omunharaunda uye matare okununura vanenge vawirwa nenjodzi vanoshanda zvakaoma vachibatsira hama. Tinofanira kuvatsigira nemwoyo wose! Funga zvakaitwa pakaitika dutu reCyclone Nargis kuMyanmar muna 2008. Kuti boka rokununura risvike kuungano yeBothingone iri munharaunda yakanyanya kuparadzwa yeIrrawaddy Delta, rakapfuura nomunzvimbo dzakanga dzakati zvitunha kata kata. Hama dzekuBothingone padzakaona aimbova mutariri wavo wedunhu muboka rokununura rakatanga kusvika, dzakadaidzira kuti: “Mutariri wedu wedunhu, auya! Inga Jehovha atinunura!” Unokoshesa basa rakaoma rinoitwa nevakuru siku nesikati here? Vamwe vakuru vanogadzwa kuti vashumire mumatare anotonga nyaya dzinenge dzichinetsa kutonga. Vakuru ava havazvitutumadzi nezvavanoita; asi vaya vavanobatsira vanotenda zvikuru basa ravo.—Mat. 6:2-4.

10. Ndeapi mamwe mabasa atisinganyanyi kufunga nezvawo anoitwa nevakuru?

10 Vakuru vakawanda nhasi vane mamwe mabasa okunyora nokuverenga avanofanira kuita. Somuenzaniso, murongi mudare revakuru anoronga vachaitisa misangano yevhiki nevhiki. Munyori weungano anosanganisa mishumo yemwedzi uye yegore. Mutariri wechikoro anofungisisa marongero aangaita purogiramu yechikoro. Mwedzi mitatu yoga yoga, akaunzi dzeungano dzinoongororwa. Vakuru vanoverenga tsamba dzinobva kuhofisi yebazi voshandisa zvinenge zvataurwa kuitira kuti parambe paine “kubatana mukutenda.” (VaEf. 4:3, 13) Kushanda nesimba kunoita vakuru vakadaro kunoita kuti zvinhu zvose “zviitike nenzira yakakodzera uye zvakarongeka.”—1 VaK. 14:40.

‘Vari Kukutungamirirai’

11, 12. Ndivanaani vanotungamirira ungano, uye izvi zvinosanganisirei?

11 Pauro akatsanangura varume vakuru vokuTesaronika vaishanda nesimba achiti ‘vaitungamirira’ ungano. Shoko racho mumutauro wakatanga kunyorwa nawo rinoreva kuti “kumira pamberi” uye rinogona kushandurwa kunzi “kuratidza kwokuenda.” (1 VaT. 5:12) Pauro akataura nezvevakuru ivavo kuti ‘vaishanda nesimba.’ Akanga asingatauri nezve“mutariri anotungamirira,” mumwe chete asi aireva vakuru vacho vose vaiva muungano. Nhasi uno vakuru vakawanda vanomira pamberi peungano vachiitisa misangano. Kugadziridzwa kuchangobva kuitwa kwokushandisa shoko rokuti “murongi mudare revakuru” kunotibatsira kuona vakuru senhengo dzedare rakabatana.

12 ‘Kutungamirira’ ungano hakungorevi kudzidzisa chete. Shoko irori ndiro rakashandiswa pana 1 Timoti 3:4. Pauro akati mutariri anofanira kuva “murume anotungamirira imba yake zvakanaka, ane vana vanozviisa pasi nomwoyo wose.” Pano shoko rokuti “anotungamirira” zviri pachena kuti haringorevi kudzidzisa vana chete asi kutungamirira mhuri uye kuva ne“vana vanozviisa pasi.” Saka vakuru vanotungamirira ungano, vachibatsira vanhu vose kuzviisa pasi paJehovha.—1 Tim. 3:5.

13. Chii chingaita kuti zvitorere vakuru nguva kuti vaite chisarudzo chimwe chete?

13 Kuti vakuru vatungamirire makwai zvakanaka, vanogara pasi vokurukura kuti ndezvipi zvakanakira ungano. Zvinhu zvaisazodya nguva yakawanda dai mukuru mumwe chete aiita zvisarudzo zvose. Asi achitevedzera muenzaniso wedare rinodzora romuzana remakore rokutanga, matare evakuru ariko iye zvino anokurukura nyaya akasununguka, achitungamirirwa neMagwaro. Chinangwa chavo ndechokushandisa Magwaro kuti vabatsire ungano. Izvi zvinonyanya kubudirira kana mukuru mumwe nomumwe akagadzirira misangano yevakuru, achifunga zvinotaurwa neMagwaro uye nomuranda akatendeka. Izvi zvinotora nguva. Kana vakasabvumirana pane imwe nyaya sezvakamboitika kudare rinodzora romuzana remakore rokutanga paraikurukura nezvokudzingiswa, pangada nguva yokutsvakurudzazve kuti vasvike pachisarudzo chinobva muMagwaro.—Mab. 15:2, 6, 7, 12-14, 28.

14. Unokoshesa here kushanda kunoita vakuru vakabatana? Chii chinoita kuti udaro?

14 Ko kana mukuru achingoti zvake chete ndizvo zvinofanira kuitwa kana kuti achikurudzira vamwe kutevedzera pfungwa dzake? Ko kana mumwe munhu, kufanana naDhiyotrefesi wemuzana remakore rokutanga, akatanga kupesanisa vanhu? (3 Joh. 9, 10) Izvi zvichakanganisa ungano yose. Kana Satani akaedza kuvhiringa ungano yomuzana remakore rokutanga, haangambotadzi kufunga nezvekukanganisa rugare rweungano nhasi. Anogona kuita kuti munhu ade mukurumbira sezvo achiziva kuti ndizvo zvinowanzodiwa nevanhu. Saka vakuru vanofanira kuedza kuzvininipisa uye kushanda pamwe chete sedare rakabatana. Tinotenda zvikuru vakuru nokuzvininipisa kwavanoita vachishanda pamwe chete sedare!

‘Vanokurayirai’

15. Chii chinoita kuti vakuru varayire hama dzavo nehanzvadzi?

15 Pauro akazotaurazve rimwe basa revakuru rakaoma asi rinokosha: kurayira makwai. MuMagwaro echiKristu echiGiriki, Pauro chete ndiye akashandisa shoko rechiGiriki rakashandurwa kuti “rayira” murugwaro rwatiri kukurukura. Rinogona kureva kupa zano rakasimba asi zvisiri zvokutuka. (Mab. 20:31; 2 VaT. 3:15) Somuenzaniso Pauro akanyorera vaKorinde kuti: “Ndiri kunyora zvinhu izvi, kuti ndikurayirei sevana vangu vanodiwa, kwete kuti ndikunyadzisei.” (1 VaK. 4:14) Aivarayira nokuti aivada.

16. Vakuru vanofanira kuyeuka chii pavanorayira vamwe?

16 Vakuru vanoziva kuti nzira yavanorayira nayo vamwe inokosha. Vanoedza kutevedzera Pauro nokuva nomutsa, norudo, uye kuva vanobatsira. (Verenga 1 VaTesaronika 2:11, 12.) Vakuru vanofanira ‘kubatisisa shoko rakatendeka kuti vakwanise kurayira vachishandisa kudzidzisa kunopa utano.’—Tito 1:5-9.

17, 18. Unofanira kuyeuka chii paunorayirwa nomukuru?

17 Ichokwadi kuti vakuru vanotadzawo, uye vanogona kutaura zvimwe zvinhu zvavanozozvidemba. (1 Madz. 8:46; Jak. 3:8) Vakuru vanozivawo kuti hama nehanzvadzi dzinowanzoona kupiwa zano ‘kusingafadzi asi kuchishungurudza.’ (VaH. 12:11) Saka mukuru paanoenda kunotaura nomumwe munhu mashoko okumurayira, kazhinji anototanga ambofungisisa uye anyengetera nezvazvo. Kana wakamborayirwa nomukuru, unonzwisisa here kuti akazviita nokuti anokuda?

18 Ngatitii uri kurwara zviri kutadza kunyatsonzwisiswa navanachiremba. Mumwe chiremba anozobata chirwere chacho asi zvokuomera kubvuma kuti ndizvo zvauri. Ungamuvengera izvozvo here? Kwete! Kunyange akati unofanira kuvhiyiwa, unobvuma nokuti unoziva kuti zvichakubatsira. Maudzirwo aunoitwa nachiremba anogona kukurwadza asi ungabva waramba kurapwa nemhaka yaizvozvo here? Pamwe haumbodaro. Saka usaregawo nzira yaunorayirwa nayo ichiita kuti usateerere vaya vari kushandiswa naJehovha naJesu kukuudza zvaungaita kuti ubatsirike kana kuti udzivirirwe panyaya dzokunamata.

Tenda Jehovha Nokutipa Kwaakaita Vakuru

19, 20. Ungaratidza sei kuti unoonga “zvipo zviri varume”?

19 Unoita sei kana ukapiwa chipo chinoratidza kuti ari kukupa anyatsofunga nezvako? Hauratidzi kuti unotenda nokuchishandisa here? “Zvipo zviri varume” ndizvo zvawakapiwa naJehovha achishandisa Jesu Kristu. Imwe nzira yaungaratidza nayo kuti unotenda zvipo izvi ndeyokunyatsoteerera hurukuro dzinopiwa nevakuru uye kuedza kushandisa pfungwa dzacho. Unogonawo kuratidza kuonga kwako nokupa mhinduro dzinobatsira pamisangano. Tsigira basa rinotungamirirwa nevakuru rakadai soushumiri. Kana wakambopiwa zano nomumwe mukuru rikakubatsira, wadii kumuudza? Wadiiwo kutenda mhuri dzevakuru? Yeuka kuti, kuti mukuru ashande nesimba muungano, mhuri yake inenge yarasikirwa nenguva yavaifanira kuva naye.

20 Tine zvikonzero zvakawanda zvokutenda vakuru, avo vari kushanda nesimba pakati pedu, vachititungamirira, uye vachitirayira. Izvi “zvipo zviri varume” urongwa hwerudo hwatakaitirwa naJehovha!

Unoyeuka Here?

• VaKristu vokuTesaronika vaiva nezvikonzero zvipi zvokutenda vaya vaivatungamirira?

• Vakuru vemuungano menyu vanoshanda sei nesimba kuti ubatsirwe?

• Unobatsirwa sei nevakuru vari kukutungamirira?

• Kana ukarayirwa nomukuru, unofanira kuyeuka chii?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 27]

Unoonga here nzira dzakawanda dzinoshandiswa nevakuru kufudza ungano?