Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ungaita Sei “Kuti Nzira Yako Ibudirire?”

Ungaita Sei “Kuti Nzira Yako Ibudirire?”

Ungaita Sei “Kuti Nzira Yako Ibudirire?”

“KUBUDIRIRA” kunodiwa nemunhu wese! Vamwe vakashanda nesimba pabasa kuti varambe vachisimukira uye vakabudirira chaizvo pakuwana pfuma uye mukurumbira. Vamwe vaifungidzira kuti vachabudirira asi vakakundikana zvachose.

Kakawanda, kubudirira kunoenderana nokuti chii chaunonyanya kukoshesa muupenyu. Zvimwe zviviri zvinokosha mashandisiro aunoita nguva yako nesimba uye zvaunoitawo kuti zvauri kuda zvacho zviitike.

VaKristu vakawanda vakaona kuti kushanda nesimba muushumiri kwakaita kuti vafare chaizvo. Kuita kuti basa renguva yakazara rive basa roupenyu hwose kwakabatsira vechiduku pamwe nevakuru kubudirira. Asi vamwe vangafunga kuti ushumiri hunoti finhei vobva vahuisa panzvimbo yechipiri muupenyu hwavo, vachivavarira zvimwe zvinangwa. Chii chingakonzera izvi? Ungaite sei kuti usakanganwa chinonyatsokosha muupenyu? Uye ungaita sei “kuti nzira yako ibudirire.”—Josh. 1:8.

Zvimwe Zvinoitwa Pachikoro Pashure Pezvidzidzo Chaizvo Nezvimwe Zvinovaraidza

VaKristu vechiduku vanofanira kuziva kuti ndechipi chinonyanya kukosha pakati pokushumira Mwari wechokwadi nokuita mamwe mabasa. Vaya vanoita izvozvo vanobudirira muupenyu uye vanofanira kurumbidzwa.

Asi vamwe vaKristu vechiduku vanonyura muzvimwe zvinoitwa pachikoro pashure pezvidzidzo chaizvo nezvimwe zvinovaraidza. Zvinhu zvakadaro zvingasava zvakaipa. Asi vaKristu vechiduku vanofanira kuzvibvunza kuti: ‘Zvinhu izvozvo zvingada nguva yakawanda zvakadini? Ndinenge ndichizviita nevanhu vakaita sei? Vandinenge ndinavo vangaita kuti ndive nemafungiro akaita sei? Uye chii chinogona kupedzisira chava vavariro yangu muupenyu?’ Zvichida unoziva kuti munhu anganyura muzvinhu izvozvo zvokuti zvinomusiyira nguva shoma nesimba rokusimbisa ukama hwake naMwari. Saka unogona kuona zvazvinokoshera kuziva zvokuisa pokutanga.—VaEf. 5:15-17.

Funga nezvaWiktor. * Anoti: “Pandaiva nemakore 12, ndakapinda muchikwata chemutambo wevolleyball. Nokufamba kwenguva, ndakahwina mibayiro yakawanda. Ndaiva nomukana wokuva shasha chaiyo.” Nokufamba kwenguva Wiktor akanetseka nokukanganiswa kwakanga kuchiitwa manamatiro ake nemutambo wacho. Rimwe zuva akakotsira achiedza kuverenga Bhaibheri. Akaonawo kuti akanga asisanyatsofari muushumiri. “Mutambo wacho waindipedza simba, uye pasina nguva ndakaonawo kuti waideredza kushingaira kwangu pakunamata. Ndaiziva kuti ndakanga ndisiri kuita zvose zvandaigona.”

Ko Nyaya Yedzidzo Yepamusorosoro?

Magwaro anoti muKristu anofanira kutarisira mhuri yake, uye izvozvo zvinosanganisira kuiriritira. (1 Tim. 5:8) Kunyange zvakadaro, izvozvo zvinomboda kuti ave nedhigirii rokukoreji kana kuti yunivhesiti here?

Zvakanaka kuti munhu afunge kuti kutsvaka dzidzo yepamusorosoro kungakanganisa sei ukama hwake naMwari. Ngatienzanisirei izvi nokufunga muenzaniso uri muMagwaro.

Bharuki aiva munyori womuprofita Jeremiya. Pane imwe nguva, pane kuisa pfungwa dzake pamakomborero aaiva nawo pakushumira Jehovha, Bharuki akatanga kutsvaka kubudirira. Jehovha akazviona uye akashandisa Jeremiya kumunyevera achiti: “Unoramba uchizvitsvakira zvinhu zvikuru. Usaramba uchitsvaka.”—Jer. 45:5.

“Zvinhu zvikuru” izvo Bharuki airamba achitsvaka zvaiva chii? Angangodaro akaedzwa kuti azvitsvakire mukurumbira mumamiriro ezvinhu echiJudha. Kana kuti anogona kunge aitsvaka pfuma. Chiripo ndechokuti akanga akanganwa zvinhu zvainyanya kukosha, zviya zvaimubatsira kuramba aine ukama naMwari. (VaF. 1:10) Asi zviri pachena kuti Bharuki akateerera nyevero yaakapiwa naJehovha achishandisa Jeremiya uye zvakaita kuti apone.—Jer. 43:6.

Tingadzidzei munyaya iyi? Zano rakapiwa Bharuki rinoratidza kuti pane pakanga pasina kumira zvakanaka. Akanga achizvitsvakira zvinhu zvikuru. Kana uine zvokurarama nazvo, pane chikonzero here chokupedza nguva, mari, uye simba uchiwedzera dzidzo nemhaka yokuti unongova neshungu yokuzviita kana kuti ndidzo shungu dzevabereki vako nehama dzako?

Funga nezvaGrzegorz aigadzira mapurogiramu emakombiyuta. Akurudzirwa nevamwe vake, akatanga imwe kosi kuti awane humwe unyanzvi pabasa rake. Pasina nguva akanga asisawani nguva yezvinhu zvokunamata. Anoyeuka kuti: “Ndaigara ndichishushikana. Hana yangu yaindinetsa nokuti ndaisakwanisa kuzadzisa zvinangwa zvangu zvokunamata.”

Kunyura Mubasa

Shoko raMwari rinokurudzira vaKristu vechokwadi kushanda nesimba uye kuva vashandi uye vashandirwi vakavimbika. Muapostora Pauro akanyora kuti: “Zvose zvamunoita, zviitei nomweya wose sokunge munoitira Jehovha, kwete vanhu.” (VaK. 3:22, 23) Zvisinei, kunyange zvazvo kushanda nesimba kwakanaka, ukama hwakanaka nomusiki wedu ndihwo hunonyanya kukosha. (Mup. 12:13) Kana muKristu akanyura mubasa rake renyika, zviri nyore kuisa kunamata munzvimbo yechipiri.

Kunyura mubasa renyika kunogona kuita kuti muKristu asava nesimba rokuramba akasimba pakunamata uye rokubatsira mhuri yake. Mambo Soromoni akataura kuti “kushanda zvakaoma zvakapetwa kaviri” kunowanzoguma kwava ‘kudzingana nemhepo.’ Kana muKristu akanyura mubasa rake renyika, anogona kupedzisira ava kuzvidya mwoyo kwenguva refu. Munhu akadaro anogona kutoitwa muranda nebasa rake zvokuti anopedzisira arukutika zvisingaiti. Zvikadaro, zvechokwadi ‘angafara, uye angafadzwe nezvinhu zvakanaka pabasa rake rose rakaoma’ here? (Mup. 3:12, 13; 4:6) Mubvunzo unotokosha ndewokuti achasara aine simba rokuita mabasa ake mumhuri uye okunamata here?

Janusz, anogara kuEastern Europe akambonyura mubhizimisi rake. Anoyeuka kuti: “Vanhu venyika vaindiyemura nokuti ndaiva nounyanzvi hwokutanga zvinhu zvitsva uye ndaipedza basa rimwe nerimwe nenguva. Asi ndaikanganisa kunamata kwangu, uye ndakarega kubuda muushumiri. Pasina nguva ndakarega kupinda misangano. Ndakasvika pakuzvikudza zvokuti ndakaramba zano revakuru ndokubuda muungano.”

Unogona Kuita Kuti Upenyu Hwako Hubudirire

Takurukura zvinhu zvitatu izvo muKristu anganyura mazviri asi achikanganisa kunamata kwake. Pane chimwe chazvo chawakanyura machiri here? Kana zvakadaro, mibvunzo, magwaro, nemashoko anotevera zvingakubatsira kuona kana zvechokwadi uchizobudirira.

Zvimwe zvinoitwapo pashure pezvidzidzo chaizvo nezvimwe zvinovaraidza: Wakanyura zvakadini muzvinhu izvi? Zviri kukutorera nguva yawaimboshandisa pakunamata here? Wava kuona kushamwaridzana nehama dzako kusisanakidzi here? Kana zvakadaro, wadii kutevedzera Mambo Dhavhidhi, uyo akateterera Jehovha achiti: “Ndizivisei nzira yandinofanira kufamba nayo.”—Pis. 143:8.

Mumwe mutariri anofambira akabatsira Wiktor ambotaurwa nezvake. Mutariri wacho akati kwaari: “Unotaura zvinoratidza kuti unoda chaizvo mutambo wako wevolleyball.” “Izvozvo zvakandipengenutsa,” anodaro Wiktor. “Ndakaziva kuti ndakanga ndanyura mauri. Pasina nguva, ndakarega kushamwaridzana nevanhu venyika vechikwata chacho ndikatsvaka shamwari muungano.” Iye zvino Wiktor ari kushumira Jehovha achishingaira muungano yake. Anokurudzira kuti: “Bvunza shamwari dzako, vabereki, kana kuti vakuru veungano kuti vanoona mabasa ako echikoro achikuswededza pedyo naJehovha here kana achikuendesa kure naye.”

Wadii kuratidza kuvakuru vari muungano yenyu kuti ungada kuwedzera kushandiswa pakushumira Mwari? Unogona here kutsigira vakwegura vanoda wokukurukura naye kana rubatsiro rwakadai sokuenda kunotenga kana kuvaitira mamwe mabasa pamba? Pasinei nezera rako, unogona kupinda muushumiri hwenguva yakazara, uchiudza vamwe zvaunotenda izvo zvinoita kuti ufare.

Dzidzo yepamusorosoro: Jesu akanyevera nezvo‘kuzvitsvakira kukudzwa.’ (Joh. 7:18) Pasinei nokuti wakasarudza kudzidza zvakadini, une “chokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi” here?—VaF. 1:9, 10.

Grzegorz, uya wokugadzira mapurogiramu emakombiyuta akazogadziridza upenyu hwake. Akati: “Ndakafungisisa zano revakuru, ndikaita kuti upenyu hwangu husava netwakawandawanda. Ndakaona kuti ndakanga ndisina chikonzero chokuwedzera dzidzo yangu. Zvaizondipedzera nguva nesimba.” Grzegorz akatanga kunyura mumabasa eungano. Nokufamba kwenguva, akapedza kudzidza kuChikoro Chokudzidzisa Vashumiri chava kunzi Chikoro cheBhaibheri Chehama Dzisina Kuroora. Zvechokwadi ‘akatenga nguva’ kuti awedzere dzidzo inobva kuna Mwari.—VaEf. 5:16.

Basa renyika: Wanyura mubasa rako zvokuti kunamata kwava kumboiswa padivi here? Unowana nguva yakakwana yokumbokurukura nemhuri here? Muungano, uri kunatsiridza hurukuro dzako here? Uri kukurukurirana nevamwe zvinovaka here? “Itya Mwari wechokwadi uchengete mirayiro yake,” uye uchakomborerwa chaizvo naJehovha ‘wofadzwa nezvakanaka pabasa rako rakaoma.’—Mup. 2:24; 12:13.

Janusz ambotaurwa haana kuzobudirira chaizvo mubhizimisi rake; asi akakundikana. Asisawani mari uye anyura muchikwereti, akanyengetera kuna Jehovha. Janusz akagadzirisa zvinhu uye iye zvino ndipiyona wenguva dzose uye mukuru muungano. Anoti: “Pandinogutsikana nezvinodiwa kuti munhu ararame ukuwo ndichishandisa simba rangu pakunamata, ndinova norugare rwepfungwa uye mwoyo wakadekara.”—VaF. 4:6, 7.

Wana nguva yokunyatsoongorora zvaunovavarira nezvaunoisa pokutanga. Kushumira Jehovha ndiko kuchaita kuti ubudirire kwoupenyu hwose. Ngakuve chinhu chinonyanya kukosha muupenyu hwako.

Ungafanira kugadzirisa zvimwe zvinhu, kunyange kutorega zvimwe zvisingakoshi kuti uratidze kuti “zvinodiwa naMwari zvakanaka, zvinogamuchirika” ndezvipi. (VaR. 12:2) Zvechokwadi unogona kuita “kuti nzira yako ibudirire” nokumushumira nemwoyo wose.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Mamwe mazita akachinjwa.

[Bhokisi/Mufananidzo uri papeji 31]

Ungaita Sei Kuti Nzira Yako Ibudirire?

Sezvo paine zvinhu zvakawanda zvinoda nguva yako, ungaita sei kuti usakanganwa zvinhu zvinokosha zvechokwadi? Wana nguva yokuongorora zvaunovavarira nezvaunokoshesa nokufungisisa mibvunzo iri pasi apa:

ZVINOITWA PACHIKORO PASHURE PEZVIDZIDZO CHAIZVO UYE ZVIMWE ZVINOVARAIDZA

▪ Paunoita zvinhu izvi, unoshamwaridzana nevanhu vane mafungiro akaita sei?

▪ Zvinoda nguva yakawanda zvakadini?

▪ Zvingapedzisira zvava izvo zviri kunyanya kukosha muupenyu hwako here?

▪ Zviri kukudyira nguva yawaimboshandisa pakunamata here?

▪ Unenge uchishamwaridzana nevanhu vakaita sei?

▪ Shamwari idzi dzinokufadza kupfuura vaunonamata navo here?

DZIDZO YEPAMUSOROSORO

▪ Kana uine zvokurarama nazvo, unofanira here kupedza nguva, mari, uye simba uchiwedzera dzidzo?

▪ Kuti uwane chokurarama nacho, zvinomboda kuti uve nedhigirii rokukoreji kana kuti yunivhesiti here?

▪ Zvichakanganisa sei kupinda kwaunoita misangano?

▪ Une “chokwadi chokuti zvinhu zvinokosha kupfuura zvimwe ndezvipi” here?

▪ Unofanira kuwedzera kuvimba kwaunoita nokukwanisa kwaJehovha kukupa zvaunoda here?

BASA

▪ Basa raunosarudza rinokubvumira ‘kufadzwa nezvinhu zvakanaka pabasa rako rose rakaoma’ here?

▪ Unosara uine simba rakakwana rokuita mabasa ako omumhuri uye okunamata here?

▪ Unowana nguva yakakwana yokukurukura nemhuri here?

▪ Wanyura mubasa rako zvokuti kunamata kwava kumboiswa padivi here?

▪ Rakanganisa mapiro aunoita hurukuro dzako here?

[Mufananidzo uri papeji 30]

Jehovha akanyevera Bharuki nezvokutsvaka kubudirira