Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

‘Uya Nemipumburu, Kunyanya Iya Yematehwe’

‘Uya Nemipumburu, Kunyanya Iya Yematehwe’

‘Uya Nemipumburu, Kunyanya Iya Yematehwe’

NEMASHOKO aya, muapostora Pauro akakurudzira mumwe wake Timoti kuti amuvigire zvokuverenga. Mipumburu inosanganisira yematehwe yaitaurwa nezvayo naPauro chii? Chii chakaita kuti ataure izvi? Uye tinodzidzei pachikumbiro chake?

Pakazosvika pakati pezana remakore rokutanga C.E., pakanyorwa naPauro mashoko iwayo, mabhuku 39 eMagwaro echiHebheru akanga abatanidzwa kuva 22 kana kuti 24, zvichida rimwe nerimwe riine mupumburu waro roga. Muzvinafundo Alan Millard akati kunyange zvazvo mipumburu iyi yaidhura panguva iyoyo, ‘vanhu vakati simukirei vaigonawo kuitenga.’ Vamwe vaigona kuwana kana mumwe chete zvawo. Somuenzaniso, mukuru mukuru wokuItiopiya aiva nawo paaive mungoro yake uye aiverenga “zvinonzwika bhuku romuprofita Isaya.” Akanga ari “murume aiva nesimba aiva pasi paKandase mambokadzi wevaItiopiya, akanga ari mutarisiri wepfuma yake yose.” Anofanira kunge aiva akapfuma zvokukwanisa kuva nemipumburu yemamwe mabhuku eMagwaro.—Mab. 8:27, 28.

Achinyorera Timoti, Pauro akati: “Paunouya, uuye nejasi randakasiya riina Kapo kuTroasi, nemipumburu, kunyanya iya yematehwe.” (2 Tim. 4:13) Izvi zvinoratidza kuti Pauro aiva nemabhuku akati wandei. Chii chimwe chaangadai aikoshesa zvakanyanya muraibhurari yake kupfuura Shoko raMwari? Muongorori weBhaibheri anonzi A. T. Robertson, achitaura nezvemashoko okuti ‘mipumburu yematehwe’ ari murugwaro urwu, akati: “Inofanira kunge yaiva yemabhuku eTestamende Yekare, yematehwe iri iyo yaidhura kupfuura yenhokwe.” Kubvira achiri muduku, Pauro “akadzidza . . . pamakumbo aGamarieri,” uyo aidzidzisa Mutemo waMosesi uye airemekedzwa nevanhu vose. Saka zvinonzwisisika kuti Pauro aiva nemipumburu yake yeShoko raMwari.—Mab. 5:34; 22:3.

Kushandiswa Kwaiitwa Mipumburu nevaKristu

Kunyange zvakadaro, havasi vanhu vakawanda vaiva nemipumburu yeMagwaro Matsvene. Saka vaKristu vakawanda mazuva iwayo vaikwanisa sei kuverenga Shoko raMwari? Tsamba yokutanga yaPauro kuna Timoti inotibatsira kuwana mhinduro. Akanyora kuti: “Ramba uchishingairira kuverengera vanhu vose . . . kusvikira ndauya.” (1 Tim. 4:13) Kuverengera vanhu vose kwaiitwawo pamisangano yechiKristu, izvo zvakanga zvagara zvichiitwa nevanhu vaMwari kubvira panguva yaMosesi.—Mab. 13:15; 15:21; 2 VaK. 3:15.

Somukuru, Timoti aifanira ‘kushingairira’ kuverenga zvinonzwika, izvo zvaizobatsira vaya vakanga vasina mipumburu yeMagwaro. Chokwadi, paiverengwa Shoko raMwari, vose vainyatsoteerera kuti vasarasikirwe kunyange neshoko rimwe, uye vabereki nevana vanofanira kunge vaizokurukura kumba mashoko ainge averengwa pamisangano.

Mupumburu Wegungwa Rakafa waIsaya unozivikanwa zvikuru wakareba mamita anoda kusvika 7,3. Mupumburu waigona kurema nokuti waiva nezvimiti kumicheto uye kazhinji uine butiro raiudzivirira. Zvimwe vaKristu vakawanda vaisakwanisa kutakura yakawanda pakuparidza. Kunyange zvazvo Pauro aiva nemipumburu yake yeMagwaro, angadaro aisakwanisa kutakura yose paaiva parwendo. Saka mimwe yacho akaisiyira shamwari yake Kapo wokuTroasi.

Tinodzidzei Pamuenzaniso waPauro?

Pauro asati akumbira kuti aunzirwe mipumburu, paakanga akasungwa kechipiri muRoma, akanyora kuti: “Ndarwa kurwa kwakanaka kwazvo, ndamhanya kusvika kumugumo . . . Kubvira panguva ino ndakachengeterwa korona yokururama.” (2 Tim. 4:7, 8) Angangodaro akanyora mashoko aya munenge muna 65 C.E. paitambudzwa vaKristu naMambo Nero. Apa paakasungwa kechipiri pakanga pasisina chakanaka. Aitozviona kuti akanga ava kuda kuurayiwa. (2 Tim. 1:16; 4:6) Pakadaro Pauro haaimborega kuva nechido chikuru chokuva nemipumburu yake. Kunyange zvazvo aivimba kuti akanga arwa zvakanaka kusvika kumugumo, chido chake chaiva chokuramba achizvisimbisa nokudzidza Shoko raMwari.

Chikumbiro chaPauro chingangodaro chakasvika kuna Timoti ari kuEfeso. (1 Tim. 1:3) Kubva kuEfeso kuenda kuRoma uchipfuura nomuTroasi paiva nemakiromita anenge 1 600. Mutsamba iyoyo, Pauro akakurudzira Timoti kuti: “Ita zvose zvaunogona kuti usvike mwaka wechando usati watanga.” (2 Tim. 4:21) Bhaibheri haritauri kana Timoti akazowana chikepe kuti asvike kuRoma nenguva yaaitarisirwa naPauro.

Tinodzidzei pakukumbira kwaPauro kuti aunzirwe “mipumburu, kunyanya iya yematehwe”? Akaramba aine chido chokudzidza Shoko raMwari panguva iyi yaakashungurudzika zvaakanga asati amboita muupenyu. Hauoni here kuti izvi ndizvo zvaiita kuti arambe akasimba pakunamata uye achikurudzira vakawanda?

Mazuva ano takakomborerwa chaizvo kana tiine Bhaibheri redu pachedu rakazara. Vamwe tinotova neakawanda uye shanduro dzakasiyana-siyana. Tinofanira kuva nechido chokunzwisisa Magwaro zvakadzama sezvaiita Pauro. Tsamba yaPauro yechipiri kuna Timoti ndiyo yokupedzisira pa14 dzaakanyora. Akanyora chikumbiro chake ava kunopedzisa bhuku racho. Tingatoti chikumbiro chaPauro kuna Timoti chokuti amuunzire “mipumburu, kunyanya iya yematehwe,” chaiva chimwe chezvinhu zvokupedzisira zvakanyorwa zvaiva pamwoyo pake.

Ko iwe une chido chikuru chokurwa kurwa kwakanaka kwokutenda kusvika kumugumo sezvakaitwa naPauro here? Unoda here kugara wakamuka pakunamata, uye wakagadzirira here kuramba uchipupura chero bedzi Ishe achida? Kana zvakadaro wadii kuita zvakakurudzirwa vaKristu naPauro? “Ramba uchizvichenjerera iwe nokudzidzisa kwako” nokugara uchidzidza Bhaibheri nechido, iro rava kuwanikwa nevanhu vakawanda kupfuura zvati zvamboitika uye riri nyore kutakura kupfuura mipumburu.—1 Tim. 4:16.

[Mepu/Mifananidzo iri papeji 18, 19]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

Roma

Troasi

Efeso