Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Jehovha Anokuda—Uchafamba Sezvaari Kukurayira Here?

Jehovha Anokuda—Uchafamba Sezvaari Kukurayira Here?

Jehovha Anokuda—Uchafamba Sezvaari Kukurayira Here?

“Ndinovenga nzira dzose dzenhema.”—PIS. 119:128, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona.

1, 2. (a) Kana uchibvunza mafambiro aungaite kuti usvike kwauri kuenda ungade kunyeverwa nezvei, uye chii chinoita kuti udaro? (b) Jehovha anonyevera vashumiri vake nezvei, uye chii chinoita kuti adaro?

FUNGIDZIRA uchida kufamba rwendo. Unoenda kushamwari yaunovimba nayo kuti ikurayire mafambiro aungaite. Paanenge achinyatsokurayira, angati: “Kana wasvika pamharadzano iyo uchenjere. Chikwangwani chiri ipapo chinogona kukurasa. Vanhu vakawanda vanochitevera vopedzisira varasika.” Ungarega kuteerera zvaanenge akunyevera here? Jehovha akati fananei neshamwari iyoyo. Anonyatsotiratidza mafambiro atinofanira kuita kuti tisvike kunyika itsva kwatiri kuenda, asi anotinyeverawo nezvezvinhu zvinofurira zvinogona kuita kuti tiende nenzira isiri iyo.—Dheut. 5:32; Isa. 30:21.

2 Munyaya ino neinotevera, tichakurukura zvimwe zvinhu zvatinonyeverwa nezvazvo neShamwari yedu, Jehovha Mwari. Ngatizivei kuti Jehovha anotinyevera nezvezvinhu izvi nokuti anotida. Anoda kuti tisvike kwatiri kuenda. Zvinomurwadza kuona vanhu vachibvuma kufurirwa, votsauka panzira yavo. (Ezek. 33:11) Munyaya ino tichakurukura zvinhu zvitatu zvingatitsausa. Chokutanga chacho chinobva kune vamwe vanhu, chechipiri chiri matiri. Chechitatu hachisi chinhu chaicho, asi chine ngozi. Tinofanira kuziva zvinhu izvi uye kuti Baba vedu vokudenga vanotidzidzisa sei kuti zvisatikunda. Mumwe munyori wepisarema akati kuna Jehovha: “Ndinovenga nzira dzose dzenhema.” (Pis. 119:128, Bhaibheri muNdimi yeUnion Shona) Ndizvo zvaunoitawo here? Ngationei kuti tingaite sei kuti tiwedzere kuvenga nzira dzenhema.

“Usatevera Vanhu Vazhinji”

3. (a) Zvingatipinza mungozi yei kana tikatevera vamwe vanhu vari parwendo kana tisiri kuziva kuti toenda nokupi? (b) Ipfungwa ipi inokosha iri pana Eksodho 23:2?

3 Kana uri parwendo rurefu, ungaita sei kana usina chokwadi kuti wofamba sei? Ungangopindwa nepfungwa yokutevera vamwe vari parwendowo, zvikuru kana vakawanda. Asi izvozvo zvine ngozi. Vanhu vacho vanogona kunge vasiri kuenda kwauri kuenda, kana kuti vanogona kunge varasikawo. Nezvenyaya iyi, funga chakaita kuti vaIsraeri vapiwe mimwe mitemo. Vaya vaitonga nyaya kana kuti vaiva zvapupu mumatare vainyeverwa kuti varege ‘kutevera vanhu vazhinji.’ (Verenga Eksodho 23:2.) Hapana mubvunzo kuti zviri nyore kuti vanhu vane chivi vatevedzere zviri kuitwa nevamwe, votonga nepasipo. Asi mashoko acho anongoshanda panyaya dzematare chete here? Kana.

4, 5. Joshua naKarebhi vakasangana nomuedzo upi wokutevera vanhu vazhinji, asi chii chakavabatsira kuti vasabvuma?

4 Kutaura chokwadi tose tinogona kufurirwa kuti ‘titevere vanhu vazhinji’ mumamiriro ezvinhu anenge ose zvawo. Zvinogona kungoerekana zvaitika uye hazvisi nyore kukunda. Somuenzaniso funga zvakasangana naJoshua naKarebhi. Vaiva muboka revarume 12 vakaenda kunosora Nyika Yakapikirwa. Pavakadzoka, gumi vavo vakataura zvinoodza mwoyo. Vakatoti vanhu vokunyika yacho vaiva hofori, vazukuru vevaNefirimu. (Gen. 6:4) Mashoko iwayo akanga asina nomusoro wose. VaNefirimu vakanga vanguri vaparadzwa mazana emakore akanga apfuura, pasina kana mumwe chete akasara. Asi kunyange mashoko asina musoro kudaro anogona kuva nesimba pane vaya vasina kusimba pakutenda. Mashoko akaipa akataurwa nevasori gumi ivavo akakurumidza kupararira, vanhu vakatanga kutya. Pasina nguva, vakawanda vakanga vava kutofunga kuti zvaiva nani kusapinda muNyika Yakapikirwa sezvakanga zvataurwa naJehovha. Joshua naKarebhi vaizoita sei mumamiriro ezvinhu akaoma kudaro?—Num. 13:25-33.

5 Havana ‘kutevera vanhu vazhinji.’ Varume ivavo vaviri vakataura chokwadi uye havana kubva pachiri kunyange zvazvo vanhu vazhinji vakanga vasingadi kuchinzwa, vachitoda kuvatema nematombo! Vakawanepi ushingi hwakadaro? Hapana mubvunzo kuti hwakabva pakutenda kwavo. Vanhu vane kutenda vanoona zvakajeka kusiyana kwakaita zvipikirwa zvaJehovha Mwari nezvinhu zvisina musoro zvinotaurwa nevanhu. Joshua naKarebhi vakazotaura kutenda kwavaiita kuti Jehovha anogara achizadzisa zvaanenge avimbisa. (Verenga Joshua 14:6, 8; 23:2, 14.) Joshua naKarebhi vaida chaizvo Mwari wavo akatendeka, uye vakanga vasingadi kumurwadzisa nokutevera ruzhinji rwaisatenda. Saka vakaramba kutsauswa vakatisiyira muenzaniso wakanaka.—Num. 14:1-10.

6. Ndepapi patingasangana nomuedzo wokutevera vanhu vazhinji?

6 Unombonzwawo uchida ‘kutevera vanhu vazhinji’ here? Nhasi uno vanhu vasina kana nebasa naJehovha nemitemo yake yokuzvibata ndivo vakatowanda. Panyaya yezvinhu zvokuvarairwa nazvo vanhu ivavo vanowanzotsigira pfungwa dzisina kana nomusoro. Vanogona kuti unzenza, nyaya dzokurwa, uye zvemidzimu zvakazara mumapurogiramu eTV, mafirimu, nemitambo yemavhidhiyo hazvikuvadzi. (2 Tim. 3:1-5) Paunosarudza zvokuvaraidzwa nazvo iwe pachako kana kuti nemhuri yako, unosarudza uchitevedzera hana dzevamwe dzisingarovi here? Ikoko kungasava ‘kutevera vanhu vazhinji’ here?

7, 8. (a) ‘Simba rokunzwisisa’ rinorovedzwa sei, uye izvozvo zvinobatsira sei kupfuura kungotevera mitemo? (b) Chii chinokufadza pamuenzaniso wevechiduku vakawanda vechiKristu?

7 Jehovha akatipa chipo chinokosha chinotibatsira kuita zvisarudzo. Chipo ichocho ‘isimba rokunzwisisa.’ Asi simba iroro rinofanira kurovedzwa “nokurishandisa.” (VaH. 5:14) Kutevedzera vanhu vazhinji kana kupiwa mitemo panyaya dzatinenge tichifanira kushandisa hana hakutibatsiri pakushandisa simba redu rokunzwisisa. Ndosaka vanhu vaJehovha vasingapiwi mitemo yokuti ndeapi mafirimu, mabhuku, uye nzvimbo dzepaIndaneti zvavanonzi vasiyane nazvo. Dai zvainyorwa zvaizochinjwa zvichangobudiswa nokuti nyika ino inochinja nokukurumidza. (1 VaK. 7:31) Zvakatoipa ndezvokuti zvaizotisiya tisina mukana wokuzvionera toga kuti tingashandisa sei zvinotaura Bhaibheri uye kunyengetera, tozoita zvisarudzo.—VaEf. 5:10.

8 Ichokwadi kuti dzimwe nguva zvatinosarudza tichishandisa Bhaibheri zvingaita kuti tisafarirwe nevamwe. VaKristu vechiduku kuchikoro vanogona kusangana nomuedzo wakakura wokuti vaone kana kuti vaite zvinhu vachitevedzera ruzhinji. (1 Pet. 4:4) Saka zvinofadza zvikuru kuona vaKristu vechiduku uye vechikuru vachitevedzera kutenda kwaJoshua naKarebhi, vachiramba ‘kutevera vanhu vazhinji.’

‘Usatevera Mwoyo Wako Nemaziso Ako’

9. (a) Kana uri parwendo zvine ngozi yei kungozvifungira kuti woenda nokupi? (b) Mutemo uri pana Numeri 15:37-39 waibatsirei vanhu vaMwari vekare?

9 Chechipiri chatichakurukura chinogona kutirasa chiri mukati medu. Tingazvienzanisira seizvi: Dai waiva parwendo, unofunga kuti waizorasa mepu iri kukuratidza nzira uchiti uchangoita zvaunenge wafunga, uchizongotevera chero mugwagwa waunenge waona zvinhu zvinoyevedza here? Zvechokwadi kuzvifurira kwakadaro kungaita kuti utadze kusvika kwauri kuenda. Panyaya iyi funga mumwe wemitemo yakapiwa vaIsraeri. Vakawanda nhasi zvinovaomera kunzwisisa mutemo wokuti vaIsraeri vaifanira kuisa masa uye shinda yebhuruu pamipendero yenguo dzavo. (Verenga Numeri 15:37-39.) Asi unoona here kuti waishandei? Kuteerera mutemo wakadaro kwaibatsira vanhu vaMwari kuti varambe vakasiyana uye vakaparadzana nemarudzi echihedheni avakanga vakavakidzana nawo. Izvozvo zvaikosha pakuita kuti varambe vachifarirwa naJehovha. (Revh. 18:24, 25) Asi mutemo iwoyo unogona kutiratidza chimwe chinhu chinoitika mukati medu chinogona kutitadzisa kusvika kunyika itsva kwatiri kuenda. Chinotitadzisa sei?

10. Jehovha akaratidza sei kuti anonzwisisa zvakaita vanhu?

10 Cherechedza kuti Jehovha akaudza vanhu vake kuti akavapirei mutemo uyu paakati: “Musatevera mwoyo yenyu nemaziso enyu, zvamuri kutevera muchiita unzenza.” Jehovha anonyatsonzwisisa zvakaita vanhu. Anonyatsoziva kuti mwoyo uri nyore sei kufurirwa nezvatinoona. Saka Bhaibheri richitinyevera richiti: “Mwoyo unonyengera kupfuura zvinhu zvose uye wakaipa kwazvo. Ndiani angauziva?” (Jer. 17:9) Saka unoona here kukodzera kwazvakanga zvakaita kuti Jehovha anyevere vaIsraeri? Ainyatsoziva kuti vaigona kutarira vahedheni vavakanga vakavakidzana navo vofurirwa nezvavaiona vakaita. Vaigona kuva nomuedzo wokuda kutaridzika sevanhu ivavo uye kuvatevedzera pamafungiro nezviito.—Zvir. 13:20.

11. Tinogona sei kufurirwa nezvatinoona?

11 Nhasi zvinotova nyore kuti mwoyo unonyengera ufurirwe nezvatinoona. Tiri kurarama munyika inoda zvokufadza nyama. Saka tingashandisa sei zvinotaurwa naNumeri 15:39? Funga izvi: Kana vokuchikoro, vaunoshanda navo, kana kuti vekwaunogara vachipfeka zvinoita kuti vamwe vafunge zvounzenza, zvingakutora mwoyo here? Ungava nomuedzo ‘wokutevera mwoyo wako nemaziso’ here wotevedzera zvaunenge uchiona? Ungachinja mapfekero ako akanaka wopfekawo sezvavanoita here?—VaR. 12:1, 2.

12, 13. (a) Tinofanira kuita sei kana maziso edu achida kutarisa zvatisingafaniri kutarisa? (b) Chii chingatibatsira kuti tisaisa vamwe pamuedzo?

12 Tinotofanira kudzidza kuzvidzora. Kana maziso edu achiwanzoda kutarisa zvatisingafaniri kutarisa, ngatiyeukei zvakaitwa naJobho, uyo akanyatsobvumirana nemaziso ake kuti aisazotarisa mukadzi asiri wake achimuchiva. (Job. 31:1) Ndizvo zvakaitwawo naMambo Dhavhidhi, uyo akati: “Handizoisi chinhu chisingabatsiri pamberi pemaziso angu.” (Pis. 101:3) Chero chipi zvacho chinokuvadza hana yedu yakachena uye ukama hwedu naJehovha, ichocho “chinhu chisingabatsiri.” Izvozvo zvinosanganisira chero muedzo unofadza maziso edu uye unofurira mwoyo wedu kuti tiite zvakaipa.

13 Isuwo hatidi kuva “chinhu chisingabatsiri” kuvamwe vanhu nokuvaedza kuti vafunge zvakaipa. Saka tinonyatsofungisisa zano reBhaibheri rakafemerwa rokuti tipfeke zvakanaka zvine mwero. (1 Tim. 2:9) Hatingozvifungiri toga kuti zvatinoti zvine mwero ndezvipi. Tinofanira kufunga nezvehana dzevamwe, tichiedzawo kuvafadza, kwete kuzvifadza. (VaR. 15:1, 2) Ungano yechiKristu yakakomborerwa nezviuru zvevechiduku vane muenzaniso wakanaka pakupfeka. Chokwadi tinodada navo nokuti vanoramba ‘kutevera mwoyo yavo nemaziso avo,’ vachisarudza kufadza Jehovha pazvose zvavanoita, kusanganisira mapfekero avo.

Usatevera “Zvinhu Zvisiri Zvechokwadi”

14. Samueri akanyevera kuti chii nezvokutevera “zvinhu zvisiri zvechokwadi”?

14 Fungidzira kuti rwendo rwako rwaizokupfuudza nomugwenga rakakura. Ngatitii, nechokure, uri kuona kupenya kuri kuita jecha riri kurohwa nezuva wofunga kuti imvura wotsauka wakananga ikoko. Kuita izvozvo kungakuita kuti utsakatike! Jehovha anonyatsoziva ngozi iyoyo. Funga nezvomuenzaniso wevaIsraeri. Vaida kufanana nemamwe marudzi akanga akavakidzana navo aitongwa nemadzimambo aaiona. Izvozvo zvaitova chivi chakakura nokuti zvaive zvakafanana nokuramba Jehovha kuti asava Mambo wavo. Kunyange zvazvo Jehovha akavabvumira kuva namambo wavaida, akaita kuti muprofita Samueri avanyevere nezvokutevera “zvinhu zvisiri zvechokwadi.”—Verenga 1 Samueri 12:21.

15. VaIsraeri vakatevera sei zvinhu zvisiri zvechokwadi?

15 Vanhu ivavo vaifunga here kuti vaigona kuvimba namambo uyu nokuti vaimuona kupfuura zvavaiita Jehovha? Kana zviri izvo zvavaifunga, vaitevera zvinhu zvisiri zvechokwadi! Uye vaiva mungozi yokuzotevera zvimwe zvakawanda zvisiri zvechokwadi zvinoshandiswa naSatani. Madzimambo avo aizovanamatisa zvidhori. Vanhu vanonamata zvidhori vanozvinyepera nokufunga kuti vanamwari vavanoona vavanogadzira nemiti kana kuti matombo ndivo chaivo vokuvimba navo, kupfuura Mwari wavasingaoni, Jehovha, akasika zvinhu zvose. Asi sezvakataurwa nomuapostora Pauro, chidhori “hachisi chinhu.” (1 VaK. 8:4) Hachigoni kuona, kunzwa, kutaura, kana kuita chimwe chinhu. Unogona kuchiona uye kuchibata, asi kana ukachinamata, zvechokwadi unenge uchitevera chinhu chisiri chechokwadi, chisina kwachinokusvitsa kunze kwokukupinza mungozi.—Pis. 115:4-8.

16. (a) Satani anofurira sei vakawanda nhasi kuti vatevere zvinhu zvisiri zvechokwadi? (b) Nei pfuma iri zvinhu zvisiri zvechokwadi, zvikuru kana tichiienzanisa naJehovha Mwari?

16 Satani achiri nyanzvi yokuita kuti vanhu vade kutevera zvinhu zvisiri zvechokwadi. Somuenzaniso, akafurira vanhu vakawanda kuti vafunge kuti pfuma ndiyo inovachengetedza. Mari, nezvimwe zvinhu, uye mabasa anobhadhara zvingaita sezvinobatsira. Asi zvinozobatsira here kana munhu wava kurwara, kana upfumi hwenyika hwaderera, kana kuti pakaitika njodzi? Zvinobatsirei kana vanhu vachinzwa upenyu hwavo husina chinangwa, vachishaya mhinduro dzemibvunzo inokosha youpenyu? Zvinonunura munhu parufu here? Kana tikaona pfuma sokunge ndiyo yava Mwari, tichaodzwa mwoyo. Pfuma haiponesi; iyo zvinhu zvisiri zvechokwadi. Nokufamba kwenguva haina zvainobatsira pakutichengetedza, nokuti hairebesi upenyu uye haiiti kuti munhu asarwara. (Zvir. 23:4, 5) Asi Jehovha Mwari anoita zvose izvozvo! Kuti tichengetedzwe zvechokwadi, tinofanira kuva noukama hwakasimba naye. Ichocho chikomborero chaicho! Ngatisambomusiya tichitevera zvinhu zvisiri zvechokwadi.

17. Uchada kuitei nezvezvinhu zvatakurukura zvinotsausa?

17 Hatina kukomborerwa here kuva naJehovha, Shamwari inotiudza kuti tofamba sei rwendo rwoupenyu? Kana tikaramba tichiteerera zvaanotinyevera nezvezvinhu zvitatu zvakaipa zvinoti, kutevera vanhu vazhinji, kutevera mwoyo wedu, uye kutevera zvinhu zvisiri zvechokwadi, tichasvika kunyika itsva kwatiri kuenda. Munyaya inotevera, ngatikurukurei zvimwe zvitatu zvatinonyeverwa naJehovha kuti tisapinda munzira dzenhema dzinotirasa.—Pis. 119:128.

Unofungei?

Ungashandisa sei pfungwa dziri mumagwaro anotevera?

Eksodho 23:2

Numeri 15:37-39

1 Samueri 12:21

Pisarema 119:128

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 11]

Unombova nomuedzo wokutevera vanhu vazhinji here?

[Mufananidzo uri papeji 13]

Zvakaipirei kutevera zvinoda mwoyo yedu?

[Mufananidzo uri papeji 14]

Uri kutevera zvinhu zvisiri zvechokwadi here?