Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Ndaitya Rufu Asi Iye Zvino Ndamirira Upenyu Husingaperi

Ndaitya Rufu Asi Iye Zvino Ndamirira Upenyu Husingaperi

Ndaitya Rufu Asi Iye Zvino Ndamirira Upenyu Husingaperi

Yakataurwa naPiero Gatti

RUZHA rwainzwikira pasi pasi rwakangoramba rwuchiwedzera kusvikira rwusisaiti. Rwakazoteverwa nokurira kwemasairini ainyevera vanhu kuti vatsvake pokuvanda. Pakazova nemabhomba aiparadza zvinhu airira zvokunge achatsemura nzeve dzevanhu vakange vatoparara nokutya.

Maiva muguta reMilan, kuItaly, pakati pa1943 na1944. Somusoja wechiduku aishandira ikoko, ndaiwanzopiwa basa rokuunganidza zvitunha zvakadamburwa-damburwa zvokusazivikanwa zvainge zvafutsirwa mudzimba dzokuvanda dzainge dzabhombwa nendege. Ndaiona vanhu vachifa uye iniwo ndaipona nepaburi retsono. Pakadaro ndaiwanzonyengetera, ndichivimbisa Mwari kuti dai ndaizopona, ndaizoita kuda kwake.

Maperero Akazoita Kutya Kwangu Rufu

Ndakakurira kuItaly, mumusha uri kure neguta reComo anenge nemakiromita 10 pedyo nemuganhu weSwitzerland. Ndichiri muduku hanzvadzi dzangu mbiri dzakafa nefuruwenza uye ini ndakatangawo kutya rufu. Muna 1930, pandaingova nemakore matanhatu, amai vangu, Luigia, vakafa. Sezvo ndakakura ndiri muchechi yeRoma, ndaitevedzera mitemo yemo uye ndaipinda Misa vhiki nevhiki. Asi kutya kwangu rufu kwakazoperera mune imwe bhabhashopu kwete muchechi, patova nemakore.

Muna 1944, Hondo Yenyika II yakanga ichitsvaira vanhu. Ndaive mumwe wezviuru nezviuru zvemasoja omuItaly akanga atiza hondo achienda kuSwitzerland iyo yakanga isina kwayakarerekera. Patakasvikako takaendeswa kumisasa yevapoteri yakasiyana-siyana. Ini ndakaendeswa kune waiva pedyo neSteinach, kuchamhembe kwakadziva kumabvazuva munyika iyoyo. Ikoko taibvumirwawo kuita zvimwe zvinhu. Mumwe munhu aigera vanhu muSteinach aida munhu anomubatsira kwenguva pfupi. Ndakagara naye ndichishanda naye kwemwedzi, zvikazoita kuti ndisangane nomumwe munhu akazochinja upenyu hwangu.

Mumwe wevanhu vaigerwa nomurume uyu ndiAdolfo Tellini, aibvawo kuItaly achigara muSwitzerland. Aive mumwe weZvapupu zvaJehovha. Ndaive ndisati ndambonzwa nezveZvapupu nokuti mazuva iwayo muItaly yose maiva neZvapupu zvakanga zvisingapfuuri 150. Adolfo akandiudza nezvechokwadi cheBhaibheri chinofadza chaizvo, zvipikirwa zvokuti kuchava norunyararo uye upenyu husingaperi. (Joh. 10:10; Zvak. 21:3, 4) Ndakafara kwazvo pandakanzwa kuti mune remangwana kuchange kusina hondo uye rufu. Ndadzokera mumusasa wevapoteri, ndakasvikoudzawo wechiduku aibva kuItaly, Giuseppe Tubini nezvazvo, iye akafadzwawo nazvo. Adolfo nezvimwe Zvapupu vaipota vachitishanyira mumusasa.

Adolfo akaenda neni kuArbon, anenge makiromita 10 kubva kuSteinach, kwaive neboka reZvapupu raiita misangano muchiItalian. Ndakanakidzwa nezvandakanzwa zvokuti vhiki rakatevera ndakaendako netsoka. Ndakazopinda gungano reZvapupu paimba yemagungano muZurich. Ndakarwadziwa kwazvo pandakaona hurukuro yemasiraidhi yevanhu vaurayiwa mumisasa, zvitunha zvakaita mirwi. Ndakazoziva kuti Zvapupu zvakawanda zvokuGermany zvakaurayirwa kutenda kwazvo. Pagungano iroro ndakasangana naMaria Pizzato. Akanga atongerwa makore 11 nehurumende youdzvinyiriri yemuItaly, nemhaka yemabasa ake seChapupu.

Pakapera hondo ndakadzokera kuItaly ndikatanga kupinda neungano duku yemuComo. Ndakanga ndisati ndadzidza Bhaibheri zvakarongeka, asi chokwadi ndakanga ndava kuchiziva hangu. Maria Pizzato aipindawo neungano iyoyo. Akataura neni nezvokubhabhatidzwa somuKristu akanditi ndiende kuna Marcello Martinelli, aigara kuCastione Andevenno, muruwa rweSondrio. Marcello yaive hama yakazodzwa yakatendeka yakanga yambotongerwa makore 11 nehurumende youdzvinyiriri. Ndakachovha bhasikoro kwemakiromita 80 kuenda kumba kwake.

Marcello akashandisa Bhaibheri kunditsanangurira zvinodiwa kuti munhu abhabhatidzwe, ndokubva tanyengetera ndokuenda kurwizi rwunonzi Adda, kwandakabhabhatidzirwa. Maive muna September 1946. Zuva iroro handirikanganwi! Ndakafadzwa nechisarudzo changu chokushumira Jehovha uye kuva netariro yakasimba yeramangwana zvokuti pakwakazosviba handina kumboziva kuti ndakanga ndachovha bhasikoro makiromita 160 musi iwoyo!

Muna May 1947, gungano rokutanga muItaly pashure pehondo rakaitwa muMilan. Paive nevanhu vaida kusvika 700, kusanganisira vakawanda vakanga vararama pasi pehurumende yeItaly yaidzvinyirira. Pane chimwe chinhu chinoshamisa chakaitika pagungano iri. Giuseppe Tubini, wandakanga ndaparidzira mumusasa wevapoteri ndiye akapa hurukuro yorubhabhatidzo, achibva abhabhatidzwawo!

Pagungano iroro, ndakafara kusangana naHama Nathan Knorr, vokuBheteri yokuBrooklyn. Vakakurudzira ini naGiuseppe kuti tishandise upenyu hwedu hwose kushumira Mwari. Ndakasarudza kuti ndaizotanga basa renguva yakazara mwedzi waitevera. Pandakasvika kumba, ndakaudza wemumhuri nezvechisarudzo changu, vakaedza kundirambidza. Asi ndakanga ndisingazodzokeri shure. Saka mwedzi wakatevera ndakatanga kushanda paBheteri muMilan. Paishanda mamishinari mana: Giuseppe (Joseph) Romano nomudzimai wake Angelina; Carlo Benanti nomudzimai wake Costanza. Wechishanu akanga achangosvikawo ndiGiuseppe Tubini, uye ini ndakava wechitanhatu.

Pashure pemwedzi ndiri paBheteri, ndakagadzwa kuva mutariri wedunhu. Pakanga pasati pambova nemutariri wedunhu chizvarwa chemuItaly. Hama George Fredianelli, mumishinari wokutanga kushumira kuItaly uyo akanga abva kuUnited States muna 1946, aitove mubasa rokufambira. Akandidzidzisa kwemavhiki mashomanana, ndokutanga kuzvifambira ndoga. Ndichiri kunyatsoyeuka ungano yeFaenza yandakatanga kushanyira. Funga kuti kusvika ipapo ndaive ndisati ndambopa hurukuro muungano! Kunyange zvakadaro, ndakakurudzira vateereri, kusanganisira vechiduku vakawanda, kuti vafunge nezvebasa renguva yakazara. Vamwe vechiduku ivavo vakatozoita mabasa anokosha muItaly.

Uku ndiko kwaiva kutanga basa rinonakidza rokushanyira ungano. Ibasa raiwanzoitika zvinhu zvandaisafungira, raida kuti ndichinje-chinje, rine matambudziko, uye mufaro, uye rakaita kuti ndidiwe zvikuru nehama.

Zvakanga Zvakaita Nyaya Dzechitendero Pashure Pehondo

Regai ndikuudzei kuti mazuva iwayo nyaya dzokunamata dzakanga dzakamira sei muItaly. Chechi yeRoma yaiva nesimba uye hapana aiipikisa. Kunyange zvazvo bumbiro romutemo idzva rakatanga kushanda muna 1948, muna 1956 ndimo makazobviswa mutemo wehurumende youdzvinyiriri wairambidza Zvapupu kuparidza. Magungano aiwanzovhiringidzwa nemhaka yevafundisi. Asi dzimwe nguva zvaiitwa nevafundisi zvaishaya basa, zvinova ndizvo zvakaitika muna 1948 mune rimwe guta duku rinonzi Sulmona.

Gungano racho raiitirwa muimba yemitambo. Musi weSvondo mangwanani ndini ndaive sachigaro, uye Giuseppe Romano akapa hurukuro yavose. Vateereri vakanga vakawanda kuenderana nemazuva acho. Maive makazara vanhu 2 000 asi muItaly yose maingova nevaparidzi 500 chete. Pakapera hurukuro, mumwe murume wechiduku, afurirwa nevafundisi vaive muvateereri, akasvetukira pachikuva. Akatanga kushamatata achida kukonzera nyonganyonga. Ndakabva ndamuti, “Kana uine zvauri kuda kutaura renda imba yokuitira izvozvo, wotaura zvose zvaunoda.” Vanhu havana kufara nezvaaiita ndokutanga kumushora nemanzwi ari pamusoro zvokuti zvaaitaura hazvina kunzwika. Akabva angobva pachikuva ndokunyangarika.

Mazuva iwayo pakufambira ungano waisangana nezvakawanda. Dzimwe nguva ndaienda kune imwe ungano netsoka, dzimwe nguva nebhasikoro, pamwe pacho nemigweje yemabhazi yakatsindirana vanhu, kana kuti nechitima. Mamwe mazuva ndaigona kurara mudzimba dzemabhiza kana kuti munochengeterwa midziyo. Hondo yakanga ichangopera, saka vanhu vakawanda muItaly vaive varombo. Hama dzaive shoma uye dzakanga dzisina zvakawanda. Asi basa raJehovha raingonakidza zvakadaro.

Kudzidza kuGiriyedhi

Muna 1950, ini naGiuseppe Tubini takakokwa kukirasi yechi16 yechikoro chemamishinari cheGiriyedhi. Kubvira pakutanga chaipo ndaiziva kuti Chirungu chaisazova nyore kwandiri. Ndakaedza pandaigona, asi zvakanga zvakaoma. Taifanira kuverenga Bhaibheri rose neChirungu. Kuti ndikwanise kudaro, dzimwe nguva ndairega kunodya masikati kuti ndidzidzire kuverenga zvinonzwika. Chijana changu chokuti ndipe hurukuro chakazosvika. Ndichiri kuyeuka zvakataurwa nomurayiridzi sokunge nezuro chaiye paakati, “Wanga uchitaura zvine upenyu, nemaoko nemaoko, asi Chirungu chako changa chisinganzwisisiki zvachose!” Asi ndakakwanisa kupedza chikoro chacho. Tapedza chikoro ini naGiuseppe takadzorerwazve kuItaly. Sezvo takanga tawedzera kudzidziswa, takanga tava kukwanisa kunyatsoshumira hama dzedu.

Muna 1955, ndakaroora Lidia, ane hurukuro yorubhabhatidzo yandakanga ndapa makore manomwe akanga adarika. Baba vake Domenico, yaive hama yakanaka yakakwanisa kurera vana vanomwe ikavabatsira vose kuwana chokwadi, pasinei nokuti yakatambudzwa nehurumende youdzvinyiriri ikambodzingwa munyika kwemakore matatu. Lidia airwirawo chokwadi. Akaendeswa kumatare katatu tisati tabvumirwa kuparidza paimba neimba. Takazova nemwanakomana wedu wokutanga Beniamino, pashure pemakore matanhatu taroorana. Muna 1972 takava nemumwe mwanakomana, Marco. Ndinofara kuti vose nemhuri dzavo vari kushingaira mubasa raJehovha.

Kuramba Ndichishingaira Mubasa raJehovha

Mumakore ose andanga ndichishumira vamwe ndasangana nezvakawanda zvandisingakanganwi. Somuenzaniso, kuma1980 atezvara vangu vakanyorera vaSandro Pertini vaiva purezidhendi weItaly. Vakanga vambodzingwa munyika pamwe chete mumakore ehurumende youdzvinyiriri, vakaendeswa kuVentotene kwaiendeswa vose vainzi nehurumende yacho vavengi vayo. Atezvara vangu vakakumbira kuti vaida kutaura naye vaine chinangwa chokumuparidzira. Pavakabvumirwa, ndakaenda navo uye takatambirwa nemaoko maviri, izvo zvatakanga tisina kumbojaira. Mutungamiriri wenyika akakwazisa tezvara vangu noushamwari achivambundira. Takazotaura nezvechitendero chedu, tikamupa mabhuku.

Muna 1991, ndava nemakore 44 ndiri mubasa rokufambira, ndakasiya basa redunhu, pashure pokushanyira ungano dzose dziri muItaly. Makore mana akazotevera, ndakamboshanda somutariri weImba Yemagungano kusvikira ndazorega nemhaka yokurwara zvakanyanya. Asi ndinotenda Jehovha nomutsa wake mukuru, nokuti ndichiri mubasa renguva yakazara. Ndinoedza nepandinogona napo kuparidza uye kudzidzisa vanhu mashoko akanaka, uye iye zvino ndine zvidzidzo zveBhaibheri. Hama dzichiri kuti kana ndichipa hurukuro, ndinokurukura zvine upenyu. Ndinotenda Jehovha kuti simba rangu harina kudzikira nokukura.

Pandaive mukomana ndaingogara ndichitya rufu, asi kuwana zivo yakarurama yeBhaibheri kwakandipa tariro youpenyu husingaperi. (Joh. 10:10) Ndihwo upenyu hwandakamirira, hune runyararo, pasina chokutya, uye hune mufaro, nezvikomborero zvakawandisa zvinobva kuna Jehovha. Musiki wedu ane rudo ngaarumbidzwe, uyo akatikomborera nokuita kuti titakure zita rake.—Pis. 83:18.

[Mepu iri papeji 22, 23]

(Kana uchida mashoko azere, ona bhuku racho)

SWITZERLAND

BERN

Zurich

Arbon

Steinach

ITALY

ROME

Como

Milan

River Adda

Castione Andevenno

Faenza

Sulmona

Ventotene

[Mufananidzo uri papeji 22]

Tichienda kuGiriyedhi

[Mufananidzo uri papeji 22]

Ndiina Giuseppe kuGiriyedhi

[Mufananidzo uri papeji 23]

Musi watakachata

[Mufananidzo uri papeji 23]

Ndagara nomudzimai wangu wandinoda kwemakore 55