Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Wakapinda Muzororo raMwari Here?

Wakapinda Muzororo raMwari Here?

Wakapinda Muzororo raMwari Here?

“Shoko raMwari ibenyu uye rine simba.”—VAH. 4:12.

1. Ndezvipi zvatingaita kuti tipinde muzororo raMwari mazuva ano, asi nei izvozvo zvingava nyore kuzvitaura pane kuzviita?

MUNYAYA yakapfuura takaona kuti tinogona kupinda muzororo raMwari nokumuteerera uye kutsigira zvinangwa zvake. Izvozvo zviri nyore kuzvitaura pane kuzviita. Somuenzaniso, patinodzidza kuti Jehovha haadi chimwe chinhu chatinofarira, hazvisi nyore kubva tateerera. Izvozvo zvinoratidza kuti tinofanira kuvandudzika panyaya ‘yokuda kuteerera.’ (Jak. 3:17) Munyaya ino tichakurukura mamwe mamiriro ezvinhu anotipa mikana yokuratidza kuti tinoda kuteerera zvichibva pamwoyo tichitsigira chinangwa chaMwari.

2, 3. Tinofanira kuramba tichiitei kuti tirambe tiri vanhu vanodiwa naJehovha?

2 Unoita sei panyaya yokubvuma zano rinobva muBhaibheri? Magwaro anotiudza kuti chido chaMwari ndechokuzviunganidzira zvinhu zvinokosha kana kuti zvinodiwa zvemarudzi ose. (Hag. 2:7) Ichokwadi kuti vakawanda vedu taisatombova vanhu vakadaro patakatanga kudzidza chokwadi. Asi kuda Mwari neMwanakomana wake kwakaita kuti tichinje chaizvo mafungiro edu nemaitiro kuti tinyatsofadza Mwari. Pashure pokunyengetera kakawanda uye kushanda nesimba, zuva rakakosha rakazosvika patakakwanisa kubhabhatidzwa kuti tive vaKristu.—Verenga VaKorose 1:9, 10.

3 Asi kurwisana nokusakwana hakuna kuguma nokubhabhatidzwa kwatakaita. Hondo yacho ichiri kuenderera mberi kusvikira takwana. Zvisinei tinovimbiswa kuti kana tikaramba tichirwisa tiine shungu dzokuva vanhu vanodiwa naMwari, Jehovha achakomborera zvatinoita.

Patinenge Tichifanira Kupiwa Zano

4. Tingapiwa zano rinobva muMagwaro nenzira dzipi nhatu?

4 Tisati tatanga kugadzirisa zvatinokanganisa, tinofanira kutanga tazviziva. Hurukuro inobaya mwoyo inopiwa paImba yoUmambo kana kuti nyaya inotokonya pfungwa inenge iri mumabhuku edu ingaisa pachena zvatiri kukanganisa. Asi kana tikasabata pfungwa yacho painotaurwa muhurukuro kana kuti tikatadza kushandisa zano rinenge riri mumabhuku edu, Jehovha angashandisa mumwe muKristu kutiudza zvatiri kukanganisa.—Verenga VaGaratiya 6:1.

5. Taura zvimwe zvisina kunaka zvatinoita dzimwe nguva patinopiwa zano, uye tsanangura kuti nei vafudzi vechiKristu vachifanira kuramba vachiedza kutibatsira.

5 Hazvisi nyore kubvuma zano ratinopiwa nemunhu ane chivi sesu, zvisinei nokuti aripa noungwaru uye norudo zvakadini. Asi sezvinotaurwa navaGaratiya 6:1, Jehovha anorayira vakuru kuti ‘vaedze’ kutiruramisa, vachizviita “nounyoro.” Kana tikabvuma, tichawedzera kuva vanhu vanodiwa naMwari. Chinoshamisa ndechokuti patinonyengetera, tinonyatsobvuma kuti hatina kukwana. Asi, mumwe munhu paanotiudza zvatinenge takanganisa, tinowanzoedza kupa tuzvikonzero, tichiona sepasina nyaya uye tingati ari kutipa zano wacho haatifariri kana kuti mapiro aaita zano haana kunaka. (2 Madz. 5:11) Uye patinopiwa zano nevakuru nezvechinhu chinokurumidza kutigumbura, chakadai semaitiro omumwe womumhuri, mapfekero edu, nyaya youtsanana, kana kuti zvinotivaraidza zvinovengwa naJehovha, tinogona kupindura zvakaipa, zvozopedzisira zvatisuwisa isu vacho uye atipa zano wacho! Asi hasha dzazoserera, tinowanzobvuma kuti zano racho range rakakodzera.

6. Shoko raMwari rinobudisa sei “kufunga nevavariro zvomwoyo”?

6 Rugwaro ruri kutungamirira nyaya ino runotiyeuchidza kuti shoko raMwari “rine simba.” Chokwadi shoko raMwari rine simba rokuchinja mararamiro omunhu. Rinotibatsira kuchinja zvimwe zvinhu pashure pokubhabhatidzwa sokutibatsira kwarakaita tisati tabhabhatidzwa. Mutsamba yaakanyorera vaHebheru, Pauro akati shoko raMwari “rinobaya kusvikira panoparadzana mweya nomudzimu, uye mapfundo nemwongo yawo, uye rinokwanisa kunzwisisa kufunga nevavariro zvomwoyo.” (VaH. 4:12) Izvi zvinoreva kuti patinonyatsonzwisisa izvo Mwari anoda kuti tiite, zvatinoita zvinobva zvaratidza zvakaita mwoyo wedu. Maonerwo atinoitwa nevamwe (ari kunzi “mweya”) anombosiyana here nezvatiri chaizvo (zviri kunzi “mudzimu”)? (Verenga Mateu 23:27, 28.) Funga kuti ungaita sei kana zvinotevera zvikaitika.

Fambirana Nesangano raJehovha

7, 8. (a) Chii chingave chakaita kuti vaKristu vechiJudha vasada kusiyana nezvimwe zvaidiwa noMutemo waMosesi? (b) Zvavaiita zvaienderana here nechinangwa chaJehovha?

7 Vakawanda vedu tinogona kutaura mashoko aZvirevo 4:18 nomusoro, anoti: “Gwara revakarurama rakaita sechiedza chinopenya chinoramba chichiwedzera kupenya kusvikira ava masikati chaiwo.” Izvozvo zvinoreva kuti ticharamba tichivandudza nzira yatinozvibata nayo uye manzwisisiro atinoita zvinangwa zvaMwari.

8 Sezvatakakurukura munyaya yakapfuura, pashure pokunge Jesu afa, zvakanga zvakaomera vaKristu vechiJudha vakawanda kusiyana neMutemo waMosesi. (Mab. 21:20) Kunyange zvazvo Pauro akavatsanangurira nounyanzvi kuti vaKristu vakanga vasisiri pasi poMutemo, vamwe vakaramba zvaidiwa naMwari. (VaK. 2:13-15) Zvichida vaifunga kuti kana vakaramba vachiita zvimwe zvaitaurwa noMutemo wacho, vaisazotambudzwa. Pasinei nokuti vaizviitirei, Pauro akanyorera vaKristu ivavo vechiHebheru kuti kana vaizoramba vachiita zvaipesana nechinangwa chaMwari, vaisazopinda muzororo rake. * (VaH. 4:1, 2, 6; verenga VaHebheru 4:11.) Kuti vafarirwe naMwari, vaifanira kubvuma kuti akanga ava neimwe nzira yokunamatwa nayo.

9. Tinofanira kuita sei panogadziriswa manzwisisiro atinoita zvinotaurwa neMagwaro?

9 Munguva yedu, pane zvimwe zvakagadziriswa pakunzwisisa kwedu zvimwe zvinodzidziswa neBhaibheri. Izvi hazvifaniri kutinetsa; zvinofanira kusimbisa kuvimba kwatinoita neboka romuranda akatendeka, akangwara. Hama dzinomiririra “muranda” uyu padzinoona kuti manzwisisiro atinoita chimwe chokwadi anofanira kujekeswa kana kuti kururamiswa, hadzizezi kuchigadzirisa. Kana paine zviri kuda kuchinjwa havatyiri kuti vachatsoropodzwa asi chavanoda chete kuti vafambirane nechinangwa chaJehovha chavanenge vachijekeserwa zvishoma nezvishoma. Iwe unoita sei panogadziriswa manzwisisiro atinoita Magwaro?—Verenga Ruka 5:39.

10, 11. Zvidzidzo zvipi zvatinogona kudzidza pane zvakaitwa nevamwe pakatangwa dzimwe nzira itsva dzokuparidza mashoko akanaka?

10 Ngatikurukurei mumwe muenzaniso. Makore anenge zana apfuura, vamwe Vadzidzi veBhaibheri avo vaipa hurukuro dzavose dzakazonaka vaifunga kuti kupa hurukuro dzakanyatsogadzirirwa kuvanhu vanenge vachinyatsoteerera ndiyo nzira yakanga yakanakisisa yokuparidza nayo. Vainakidzwa nokukurukura paruzhinji uye vamwe vavo vainyanya kufarira kurumbidzwa nevainzwa hurukuro dzacho. Asi zvakazova pachena kuti Jehovha aida kuti vanhu vake vabatikane mukuparidza nenzira dzakasiyana-siyana, kusanganisira kuenda paimba neimba. Vamwe vehama idzodzo dzaiva nyanzvi pakukurukura vakaramba zvachose. Nechokunze vaiita sevanhu vaida Mwari chaizvo, vakanyatsozvipira kunaShe. Asi pavakapiwa uchapupu hwakajeka hwezvaidiwa naMwari panyaya yebasa rokuparidza, zvavainyatsofunga, uye zvavaida zvakabuda pachena. Jehovha akanzwa sei nezvavakaita? Haana kuvakomborera. Vakasiya sangano.—Mat. 10:1-6; Mab. 5:42; 20:20.

11 Izvozvo hazvirevi kuti kuparidza pamba nemba kwaiva nyore kuvanhu vose vakaramba vari musangano. Pakutanga, vakawanda vaiomerwa nebasa racho. Asi vaiteerera. Nokufamba kwenguva vakanga vasisatyi, uye Jehovha akavakomborera chaizvo. Unoita sei paunokumbirwa kuti uparidze neimwe nzira yaunozeza? Une chido chokuedza nzira itsva here?

Kana Munhu Watinoda Asiya Jehovha

12, 13. (a) Chinangwa chaJehovha pakuti vatadzi vasingapfidzi vadzingwe ndechei? (b) Vamwe vabereki vechiKristu vanosangana nomuedzo wei, uye chii chinoita kuti muedzo wacho uve wakaoma chaizvo?

12 Ichokwadi kuti tose tinobvuma kuti tinofanira kuteerera murayiro wokuva vakachena pane zvose kuti tifadze Mwari. (Verenga Tito 2:14.) Asi dzimwe nguva tingaomerwa chaizvo nokuita zvinenge zvichidiwa naMwari panyaya iyi. Somuenzaniso, ngatitii mwanakomana mumwe chete wevaKristu vari kuita zvakanaka anosiya chokwadi. Jaya racho rinoona “kufadzwa nechivi kwenguva duku” kuchikosha kupfuura ukama hwaro naJehovha uye nevabereki varo robva radzingwa.—VaH. 11:25.

13 Vabereki vacho vanorwadziwa zvisingaiti! Asi vanoziva kuti panyaya yokudzingwa, Bhaibheri rinoti “murege kufambidzana nomunhu wose anonzi hama iye ari chifeve kana munhu anokara kana anonamata zvidhori kana anotuka kana chidhakwa kana gororo, musambodya nomunhu akadaro.” (1 VaK. 5:11, 13) Vanozivawo kuti mashoko okuti “munhu wose” ari mundima iyi anosanganisira vemumhuri vavasiri kugara navo pamba. Asi vanoda mwanakomana wavo chaizvo! Kumuda ikoko kungaita kuti vafunge kuti: ‘Tingabatsira sei mwanakomana wedu kuti adzoke kuna Jehovha kana tikasagara tichitaura naye? Hatingamubatsiri zvakanyanya here nokugara tichikurukura naye?’ *

14, 15. Vabereki vanofanira kuyeukei pakusarudza kana vachifanira kutaura nemwana wavo akadzingwa?

14 Tinorwadziwa patinoona vabereki ivavo vachitambura. Mwanakomana wavo akatozvisarudzira hake kurarama zvinopesana nechiKristu pane kuramba achishamwaridzana nevabereki vake ari muungano. Vabereki vaida kubatsira mwana wavo asi hapana zvavaigona kuita. Ndokusaka zviri kuvarwadza zvikuru!

15 Asi vabereki ivavo vachaitei? Vachateerera murayiro waJehovha wakajeka here, kana kuti vachagara vachikurukura nemwanakomana wavo akadzingwa vachiti inyaya dzemhuri? Pavanosarudza zvokuita, vanofanira kuyeuka kuti Jehovha anonzwa sei nezvavanenge vachiita. Chinangwa chake ndechokuchengeta sangano rakachena, uye kana zvichiita, kubatsira vatadzi kuti vapengenuke. Vabereki vechiKristu vangatsigira sei chinangwa ichocho?

16, 17. Tinogona kudzidzei nokufungisisa muenzaniso waAroni?

16 Mukoma waMosesi, Aroni, akaomerwa nezvinhu nemhaka yezvakaitwa nevanakomana vake vaviri. Funga kuti anofanira kunge akanzwa sei pakaurayiwa vanakomana vake naJehovha, vaenda kwaari nemoto waisabvumirwa nomutemo. Zviri pachena kuti kufa kwakaita vanakomana ava, Nadhabhi naAbhihu, kwakabva kwaita kuti pasava nokukurukurirana nevabereki vavo. Asi hazvina kugumira ipapo. Jehovha akarayira Aroni nevanakomana vake vakatendeka kuti: “Musarega misoro yenyu yakati nyangarara, musabvarura nguo dzenyu [muchichema], kuti murege kufa uye kuti [Jehovha] arege kutsamwira ungano yose.” (Revh. 10:1-6) Zviri kurehwa zviri pachena. Kuda kwatinoita Jehovha kunofanira kupfuura kuda kwatinoita vemumhuri vasina kutendeka.

17 Mazuva ano, Jehovha haauraye pakarepo vaya vanotyora mitemo yake. Anoratidza rudo nokuvapa mukana wokupfidza pamabasa avo asina kururama. Asi Jehovha aizonzwa sei kudai vabereki vomutadzi asiri kupfidza vaizoramba vachimuedza nokungogara vachikurukura nemwanakomana kana mwanasikana wavo akadzingwa?

18, 19. Vemumhuri vanoteerera mirayiridzo yaJehovha ine chokuita nevakadzingwa vanowana makomborero api?

18 Vakawanda vakanga vakambodzingwa iye zvino vanobvuma pachena kuti vakabatsirwa kupengenuka nokuti shamwari dzavo nehama dzaisambotaura navo. Vachinyora nezvomumwe mukadzi wechiduku akazodzorerwa muungano, vakuru vakati chimwe chakaita kuti achinje mararamiro ake “ndechokuti hanzvadzi yake yairemekedza urongwa hwokudzingwa kwevatadzi.” Vakati “akabatsirwa kuti ade kudzoka nokuti hanzvadzi yake yairamba ichiita zvinotaurwa neMagwaro.”

19 Saka tinodzidzei? Tinofanira kurwisa katsika kemwoyo yedu isina kukwana kekupandukira zano rinobva muMagwaro. Tinofanira kunyatsobvuma kuti zvatinoudzwa naMwari pakugadzirisa matambudziko edu zvakatinakira.

“Shoko raMwari Ibenyu”

20. VaHebheru 4:12 ingashandiswa nenzira dzipi mbiri? (Ona mashoko omuzasi.)

20 Pauro paakanyora kuti “shoko raMwari ibenyu,” akanga asiri kunyatsoreva Shoko raMwari, Bhaibheri. * Kuri kubva nenyaya yacho kunoratidza kuti ishoko rezvakavimbiswa naMwari. Pauro aitaura kuti Mwari haapikiri chinhu asi okanganwa nezvacho. Jehovha akataura achishandisa Isaya kuti: “Shoko rangu . . . harizodzoki kwandiri risina zvaraita, asi . . . richabudirira pane zvandinoritumira.” (Isa. 55:11) Saka hapana chikonzero chokuti tinetseke nokuti zvinhu hazvisi kuitika nokukurumidza sezvatingada. Jehovha ‘anoramba achishanda’ kuti azadzise chinangwa chake.—Joh. 5:17.

21. VaHebheru 4:12 inogona sei kukurudzira vakwegura vakatendeka ve“boka guru”?

21 Hama dzakwegura dzakatendeka dze“boka guru” dzava nemakumi emakore dzichishumira Jehovha. (Zvak. 7:9) Vazhinji vaisambotarisira kuti vaizokwegura nyika ino isati yaguma. Kunyange zvakadaro, havana kuora moyo. (Pis. 92:14) Vanoziva kuti shoko raMwari rezvaakapikira harina kufa, ibenyu, uye Jehovha ari kushanda kuti arizadzise. Sezvo Jehovha achida chaizvo chinangwa chake, tinomufadza patinogara tichifunga nezvacho kupfuura zvimwe zvose. Muzuva rake rechinomwe, Jehovha ange achizorora, achinyatsoziva kuti chinangwa chake chichazadziswa uye kuti vanhu vake vachachitsigira. Zvakadini newe? Wakapinda muzororo raMwari here?

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 8 Vatungamiriri vakawanda vevaJudha vainyatsotevedza Mutemo waMosesi, asi pakasvika Mesiya, vakatadza kumuziva. Havana kufambirana nechinangwa chaMwari.

^ ndima 20 Mazuva ano Mwari anotaura nesu achishandisa Shoko rake rakanyorwa, iro rine simba rokuchinja mararamiro edu. Saka, mashoko aPauro akanyorwa pana VaHebheru 4:12 anogona kurevawo Bhaibheri.

Usakanganwa Pfungwa Idzi

• Mazuva ano chii chatinofanira kuita kuti tipinde muzororo raMwari?

• Chinangwa chaMwari chakabatana papi nokuva kwedu nechido chokubvuma zano rinobva muMagwaro?

• Tingaomerwa nokuteerera zvinotaura Magwaro pazvinhu zvipi, asi nei zvichikosha kuti titeerere?

VaHebheru 4:12 ingashandiswa sei munzira mbiri?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mufananidzo uri papeji 31]

Vabereki vacho vanorwadziwa zvikuru!