Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Zororo raMwari Chii?

Zororo raMwari Chii?

Zororo raMwari Chii?

“Kuchine zororo resabata nokuda kwevanhu vaMwari.”—VAH. 4:9.

1, 2. Tinodzidzei pamashoko ari pana Genesisi 2:3, uye mibvunzo ipi inovapo?

MUCHITSAUKO chokutanga chaGenesisi tinodzidza kuti mumazuva matanhatu, asiri emaawa 24, Mwari akagadzirira vanhu nyika kuti vagare. Nezvekuguma kwezuva rimwe nerimwe Bhaibheri rinoti: “Manheru akavapo nemangwanani akavapo.” (Gen. 1:5, 8, 13, 19, 23, 31) Asi nezvezuva rechinomwe, Bhaibheri rinoti: “Mwari akatanga kukomborera zuva rechinomwe, akariita dzvene, nokuti pazuva iroro, iye Mwari ave achizorora pabasa rake rose.”—Gen. 2:3.

2 Mashoko okuti “ave achizorora” anoratidza kuti zuva rechinomwe kana kuti “zuva” raMwari rokuzorora, rakanga richiripo mugore ra1513 B.C.E. pakanyorwa bhuku raGenesisi naMosesi. Zororo raMwari richiri kuenderera mberi here? Kana zvakadaro, tinogona here kupinda mariri mazuva ano? Mhinduro dzemibvunzo iyi dzinokosha zvikuru kwatiri.

Jehovha Achiri ‘Kuzorora’ Here?

3. Mashoko aJesu ari pana Johani 5:16, 17 anoratidza sei kuti zuva rechinomwe rakanga risati raguma muzana remakore rokutanga?

3 Pane zvikonzero zviviri zvinoita kuti titi zuva rechinomwe rakanga richiri kuenderera mberi muzana remakore rokutanga C.E. Chokutanga, funga nezvemashoko aJesu kuvavengi vaimutsoropodza vachiti akanga aita basa paSabata nokuti akanga aporesa munhu. Ishe akati kwavari: “Baba vangu vave vachishanda kusvikira zvino, uye ini ndinoramba ndichishanda.” (Joh. 5:16, 17) Airevei? Jesu aipomerwa mhosva yokuita basa paSabata. Mashoko okuti: “Baba vangu vave vachishanda” aipindura zvavaimupomera. Jesu aitoudza vaimutsoropodza kuti: ‘Baba vangu neni tinoita basa rimwe chete. Sezvo Baba vangu vari kushanda kwesabata rakareba zviuru zvemakore, zvinobvumirwa kuti ini ndirambe ndichishanda kunyange paSabata.’ Mashoko aJesu anoratidza kuti, paaiataura ipapo, zuva rechinomwe kana kuti zuva raMwari rokuzorora pakusika zvinhu panyika rakanga risati raguma. Mwari akanga achiri kushanda kuti azadzise chinangwa chake chaakasikira vanhu uye nyika. *

4. Ndohupi humwe uchapupu hunopiwa naPauro hwokuti panguva yake zuva rechinomwe rakanga risati raguma?

4 Chikonzero chechipiri chinotaurwa nomuapostora Pauro. Afemerwa naMwari, Pauro akanyora achitora mashoko ari pana Genesisi 2:2 kuti: “Isu takatenda tinopinda muzororo racho.” (VaH. 4:3, 4, 6, 9) Saka panguva yaPauro, zuva rechinomwe rakanga risati raguma. Zuva iroro rokuzorora raizoenderera mberi kusvikira rini?

5. Chinangwa chezuva rechinomwe chaiva chei, uye chichanyatsozadziswa rini?

5 Kuti tipindure mubvunzo iwoyo, tinofanira kuyeuka chinangwa chezuva rechinomwe. Genesisi 2:3 inochitsanangura ichiti: “Mwari akatanga kukomborera zuva rechinomwe, akariita dzvene.” Zuva iroro ‘rakaitwa dzvene’ naJehovha kana kuti akarisiyanisa nemamwe kuti azadzise chinangwa chake. Chinangwa ichocho ndechokuti nyika igarwe nevarume nevakadzi vanoteerera vachiitarisira pamwe nezvipenyu zvose zviri pairi. (Gen. 1:28) Chinangwa ichocho ndicho chiri kuita kuti Jehovha Mwari naJesu Kristu, “Ishe wesabata,” varambe “vachishanda.” (Mat. 12:8) Zuva rezororo raMwari richaramba riripo kusvikira chinangwa chake chanyatsozadziswa panoguma Kutonga kwaKristu Kwemakore Ane Chiuru.

Usapindawo “Mumuitiro Wokusateerera”

6. Mienzaniso ipi inotinyevera, uye tinodzidzei pairi?

6 Mwari akanyatsotsanangurira Adhamu naEvha chinangwa chake, asi havana kuteerera. Zviri pachena kuti Adhamu naEvha handivo chete vasina kuteerera. Kubvira panguva yavo pane mamwe mamiriyoni asina kuteererawo. Kunyange rudzi rwevaIsraeri, vanhu vakasarudzwa naMwari, rwakava nemaitiro okusateerera. Saka Pauro akanyevera vaKristu vomuzana remakore rokutanga kuti kunyange vamwe vavo vaigona kubatwa nomusungo iwoyo wakabata vaIsraeri. Akanyora kuti: “Naizvozvo ngatiitei zvose zvatinogona kuti tipinde muzororo iroro, kuti parege kuva nomunhu angawira mumuitiro wokusateerera wakafanana.” (VaH. 4:11) Ona kuti Pauro anoratidza kuti kusateerera kwakabatana nokukundikana kupinda muzororo raMwari. Izvozvo zvinorevei kwatiri? Kana tikaita zvinopesana nechinangwa chaMwari, izvozvo hazvingaiti here kuti titadze kupinda muzororo raMwari? Chokwadi, mhinduro yemubvunzo iwoyo inokosha chaizvo kwatiri, uye tichazokurukura nezvayo. Asi regai titange taona zvimwe zvatingadzidza panyaya yokupinda muzororo raMwari nokukurukura muenzaniso wakaipa wevaIsraeri.

“Havazopindi Muzororo Rangu”

7. Jehovha akanunura vaIsraeri muuranda muIjipiti nechinangwa chei, uye ivo vaifanira kuitei?

7 Mugore ra1513 B.C.E., Jehovha akazivisa mushumiri wake Mosesi nezvechinangwa chake chine chokuita nevaIsraeri. Mwari akati: “Ndichaburuka kuti ndivanunure pamaoko evaIjipiti uye kuti ndivabudise munyika iyoyo [Ijipiti] kuti ndivaendese kunyika yakanaka uye yakakura, kunyika inoyerera mukaka nouchi.” (Eks. 3:8) Sezvakanga zvavimbisa Jehovha tateguru wavo Abrahamu, chinangwa chaMwari pakununura vaIsraeri “pamaoko evaIjipiti” chaiva chokuti avaite vanhu vake. (Gen. 22:17) Mwari akapa vaIsraeri bumbiro remitemo raizovabatsira kuti vave norugare naye. (Isa. 48:17, 18) Akaudza vaIsraeri kuti: “Kana mukanyatsoteerera inzwi rangu uye mukachengeta sungano yangu [sezvaiva mubumbiro reMitemo], muchabva mava pfuma yangu chaiyo pakati pemamwe marudzi ose, nokuti nyika yose ndeyangu.” (Eks. 19:5, 6) Saka kuteerera inzwi raMwari ndiko chete kwaigona kuita kuti vaIsraeri vave vanhu vake.

8. Kudai vaIsraeri vakanga vateerera Mwari vangadai vakava noupenyu hwakaita sei?

8 Funga kuti vaIsraeri vangadai vakava noupenyu hwakaita sei kudai vakateerera inzwi raMwari! Jehovha angadai akakomborera minda yavo, mizambiringa yavo, nezvipfuwo zvavo. Angadai akaita kuti vasatongwa nevavengi vavo. (Verenga 1 Madzimambo 10:23-27.) Mesiya paakasvika, zvimwe angadai akawana vaIsraeri vachizvitonga, vasiri pasi peRoma. Vangadai vakava umambo hwakanaka hwaizotevedzerwa nedzimwe nyika zvichipa uchapupu hwakasimba hwokuti kuteerera Mwari wechokwadi kunounza makomborero.

9, 10. (a) Chido chevaIsraeri chokudzokera kuIjipiti chakanga chakaipirei? (b) Kudai vaIsraeri vakadzokera kuIjipiti, izvozvo zvingadai zvakakanganisa sei kunamata kwavo?

9 VaIsraeri vaiva neropafadzo chaiyo yokutsigira chinangwa chaJehovha, iyo yaizoita kuti vakomborerwe ivo nedzimwe mhuri dzose dzepanyika! (Gen. 22:18) Asi vakawanda vavo havana kukoshesa mukana wokuva umambo hunotongwa naMwari hwaizotevedzerwa nemamwe marudzi. Vakatoti vaida kudzokera kuIjipiti! (Verenga Numeri 14:2-4.) Kudai vaizodzokera, vaizotsigira sei chinangwa chaMwari chokuvaita umambo hwaizotevedzerwa nemamwe marudzi? Zvaisazoita. Zvaitozoitika ndezvokuti kudai vaizodzokera kunoitwa varanda nevahedheni, vaisazombokwanisa kutevedzera Mutemo waMosesi vobatsirwa nourongwa hwaJehovha hwokukanganwirwa zvivi. Vakanga vasiri kufunga nezvaMwari nechinangwa chake. Ndokusaka Jehovha akaudza vapanduki ivavo kuti: “Ndakanyangadzwa nechizvarwa ichi ndikati, ‘Vanogara vachirasika mumwoyo mavo, uye ivo havana kusvika pakuziva nzira dzangu.’ Naizvozvo ndakapika ndakatsamwa ndikati, ‘Havazopindi muzororo rangu.’”—VaH. 3:10, 11; Pis. 95:10, 11.

10 Chido chavo chokudzokera kuIjipiti chakaratidza kuti vaisakoshesa makomborero avakanga vapiwa naMwari, asi vaikoshesa rikisi, hanyanisi negariki zvaiva muIjipiti. (Num. 11:5) Kufanana naEsau, vapanduki ivavo vaida zvokudya zvinonaka kupfuura kunamata Mwari.—Gen. 25:30-32; VaH. 12:16.

11. Kusatendeka kwevaIsraeri vomunguva yaMosesi kwakaita kuti chinangwa chaMwari chichinje here?

11 Jehovha ‘akaramba achingoshanda’ kuti chinangwa chake chizadziswe, achiisa pfungwa dzake pachizvarwa chaitevera, pasinei nokuti chizvarwa chevaIsraeri chakabuda muIjipiti chakaratidza kusatenda maari. Chizvarwa chakazotevera chaiteerera kupfuura madzibaba acho. Maererano nomurayiro waJehovha, vakapinda muNyika Yakapikirwa vakatanga kuitora. Pana Joshua 24:31 tinoverenga kuti: “Israeri akaramba achishumira Jehovha mazuva ose aJoshua nemazuva ose evarume vakuru vakanga vachiri kurarama Joshua afa uye vakanga vaziva basa rose raJehovha raakaitira Israeri.”

12. Tinoziva sei kuti zvinoita kuti tipinde muzororo raMwari mazuva ano?

12 Zvisinei, chizvarwa ichocho chaiteerera chakazopera kufa, chikatsiviwa nechizvarwa “chakanga chisingazivi Jehovha kana basa raakanga aitira Israeri.” Saka “vanakomana vaIsraeri vakaita zvakaipa pamberi paJehovha, vakashumira vanaBhaari.” (Vat. 2:10, 11) Nyika Yakapikirwa haina kuva ‘nzvimbo yokuti vazororere.’ Pamusana pokupanduka kwavo, havana kuva norugare naMwari kwenguva refu. Achitaura nezvenguva yakazotevera, Pauro akanyora kuti: “Kudai Joshua akanga avapinza munzvimbo yezororo, Mwari angadai asina kuzotaura nezverimwe zuva. Naizvozvo kuchine zororo resabata nokuda kwevanhu vaMwari.” (VaH. 4:8, 9) “Vanhu vaMwari” vaitaurwa naPauro vaKristu. Izvozvo zvinoreva here kuti vaKristu vaigona kupinda muzororo raMwari? Zvechokwadi, vaKristu vechiJudha nevakanga vasiri vechiJudha vaigona kupinda mariri!

Vamwe Vanotadza Kupinda Muzororo raMwari

13, 14. Kuteerera Mutemo waMosesi nokupinda muzororo raMwari zvakanga zvakabatana sei (a) panguva yaMosesi? (b) muzana remakore rokutanga?

13 Pauro paakanyora tsamba yake kuvaKristu vechiHebheru, ainetseka kuti vamwe vavo vakanga vasiri kutsigira chinangwa chaMwari chaifambira mberi. (Verenga VaHebheru 4:1.) Pakuti kudini? Zvinoshamisa kuti vakanga vachiri kuchengeta Mutemo waMosesi. Kwemakore 1 500, muIsraeri wose aida kurarama maererano nechinangwa chaMwari aifanira kuchengeta Mutemo. Asi nokufa kwaJesu, Mutemo wacho wakabviswa. Vamwe vaKristu vakatadza kunzwisisa izvozvo, uye vakaramba vachichengeta zvimwe zvaiva muMutemo wacho. *

14 Pauro akatsanangurira vaKristu vakanga vasingadi kusiyana neMutemo waMosesi kuti zvose zvaiitwa muMutemo zvaipfuurwa noupristi hwaJesu, sungano itsva, netemberi huru yaMwari. (VaH. 7:26-28; 8:7-10; 9:11, 12) Pauro akashandisa muenzaniso weSabata romuMutemo waMosesi kuti aratidze kuti vaKristu vangapinda sei muzuva rezororo raJehovha achiti: “Kuchine zororo resabata nokuda kwevanhu vaMwari. Nokuti munhu anenge apinda muzororo raMwari anenge azororawo pamabasa ake, sezvakaita Mwari pane ake.” (VaH. 4:8-10) VaKristu ivavo vechiHebheru vaifanira kurasa pfungwa yokuti vaigona kufarirwa naJehovha nemhaka yokuita mabasa aitaurwa muMutemo waMosesi. Kubvira paPendekosti ya33 C.E., Mwari akanga ava kufarira vaya vanotenda muna Jesu Kristu.

15. Nei kuteerera kuchikosha kana tichida kupinda muzororo raMwari?

15 Chii chakatadzisa vaIsraeri vepanguva yaMosesi kupinda muNyika Yakapikirwa? Kusateerera. Chii chaitadzisa vamwe vaKristu vomuzuva raPauro kupinda muzororo raMwari? Kwaivazve kusateerera. Vakatadza kunzwisisa kuti Mutemo wakanga wapedza basa rawo uye kuti Jehovha akanga ava neimwe nzira yaaida kunamatwa nayo.

Kupinda Muzororo raMwari Mazuva Ano

16, 17. (a) Nhasi tingapinda sei muzororo raMwari? (b) Tichakurukurei munyaya inotevera?

16 Mazuva ano hapana vaKristu vangaomerera pakuchengeta zvimwe zvaitaurwa noMutemo waMosesi kuti vaponeswe. Mashoko aPauro aakafemerwa kunyorera vaEfeso akanyatsojeka, anoti: “Chokwadi, imi makaponeswa nokutenda pachishandiswa mutsa uyu usina kukodzera kuwanwa; uye izvi hazvina kuitika nokuda kwenyu, iwo chipo chaMwari. Aiwa, hazvina kuitika nokuda kwemabasa, kuti parege kuva nomunhu angava nechikonzero chokuzvirumbidza.” (VaEf. 2:8, 9) Saka, muKristu angapinda sei muzororo raMwari? Jehovha akatsaura zuva rechinomwe, zuva rake rokuzorora, kuti azadzise chinangwa chake chaakasikira nyika. Tinogona kupinda muzororo raJehovha, kana kuti kubatana naye pazororo rake, nokushanda tichitsigira chinangwa chake chaanotizivisa achishandisa sangano rake.

17 Asi kana tisingakoshesi zano riri muBhaibheri ratinopiwa neboka romuranda akatendeka, akangwara, tinenge tichiita zvinopesana nechinangwa chaMwari chaari kutizivisa pashoma nepashoma. Izvi zvinogona kukanganisa rugare rwedu naJehovha. Munyaya inotevera, tichakurukura mamwe mamiriro ezvinhu anonyanya kuzivikanwa anogona kukanganisa vanhu vaMwari, tozoona kuti zvatinosarudza, kungava kuteerera kana kusateerera, zvinogona sei kuratidza kuti takapinda muzororo raMwari kana kuti kwete.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 3 Vapristi nevaRevhi vaiita basa repatemberi paSabata asi ‘vairamba vasina mhosva.’ Sezvo Jesu aiva mupristi mukuru waMwari, aigona kuitawo basa raakanga apiwa naMwari asinganzi atyora mutemo weSabata.—Mat. 12:5, 6.

^ ndima 13 Hatizivi kana pavaKristu vechiHebheru paiva nevamwe vaipa zvibayiro paZuva Rokuyananisa pashure pePendekosti ya33 C.E. Kuita izvozvo kwaizoratidza kusaremekedza chibayiro chaJesu. Asi vamwe vaKristu vechiJudha vakanga vasingadi kusiyana nedzimwe tsika dzaitaurwa muMutemo.—VaG. 4:9-11.

Mibvunzo Yokufungisisa

• Chii chaiva chinangwa chaMwari chokuva nezuva rechinomwe rokuzorora?

• Tinoziva sei kuti zuva rechinomwe richiri kuenderera mberi?

• Chii chakatadzisa vaIsraeri vepanguva yaMosesi uye vamwe vaKristu vomuzana remakore rokutanga kupinda muzororo raMwari?

• Nhasi tingapinda sei muzororo raMwari?

[Mibvunzo Yechidzidzo]

[Mashoko okukwezva vaverengi ari papeji 27]

Tinogona kupinda muzororo raJehovha nokushanda tichitsigira chinangwa chake chaanotizivisa achishandisa sangano rake

[Mifananidzo iri papeji 26, 27]

Mazuva ano chii chichiri kudiwa kuti vanhu vaMwari vapinde muzororo rake?