Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Kushandisa Indaneti Nokuchenjera

Kushandisa Indaneti Nokuchenjera

Kushandisa Indaneti Nokuchenjera

MAZANA emakore akapfuura, kutanga kwakaita vanhu kushandisa michina yokudhinda kwakachinja chaizvo kukurukurirana kwavaiita. Izvozvo ndizvo zvakaitikawo pakatanga kushandiswa Indaneti mazuva ano. Saka Indaneti yakasvika pakunzi mudziyo unoshandiswa pakukurukurirana pasi pose, uye ndizvo zvairi. Unogona kuwana mashoko aunoda, nhamba dzezvinhu, uye zvinofungwa nevamwe panyaya dzakasiyana-siyana.

Kukwanisa kukurukura chipo chakazonaka chinobva kuMusiki. Chinoita kuti tikwanise kupanana mazano uye mashoko. Jehovha ndiye akatanga kukurukura nemhuri yevanhu, achivapa mashoko akajeka, anonzwisisika okuti vararame upenyu hune chinangwa. (Gen. 1:28-30) Zvisinei chipo ichocho chinogona kushandiswa zvisizvo, sezvinoratidzwa nezvakaitika kuvanhu vokutanga. Satani akaudza Evha mashoko okunyepa. Akabvuma zvaakaudzwa akazvipfuudzawo kuna Adhamu, uyo akazoisa vanhu vose munzira izere matambudziko.—Gen. 3:1-6; VaR. 5:12.

Tingatii nezvokushandisa Indaneti? Kunyange zvazvo Indaneti ichitiwanisa mashoko anokosha munguva shomanana, uye ichibatsira zvikuru, inogonawo kutiudza zvisizvo, kutidyira nguva yakawandisa, uye kushatisa tsika dzedu. Ngationgororei kuti tingabatsirwa sei nokushandisa mudziyo uyu.

Mashoko Acho Ndeechokwadi Here Kana Kuti Inhema?

Usambofa wakafunga kuti mashoko ose aunoona paIndaneti akanaka uye anobatsira. Nzvimbo dzokutsvaka mashoko paIndaneti dzingafananidzwa nevanhu vakawanda vanoita basa rokutsvaka howa hunodyiwa nehunouraya, vachikanda mumudziyo mumwe chete vachipa vanhu. Ungahudya here usina kumbohuongorora? Haungambodaro! Indaneti inoshandisa makombiyuta akawandisa kutsvaka kana kuti kusarudza padandemutande remashoko panenge paine zvinhu zvose zvakanakisisa nezvakaipisisa. Tinofanira kuita setiri kupepeta hundi kuti tisare nezviyo, kuti tirege kukanganisa pfungwa dzedu.

Muna 1993 imwe magazini inozivikanwa zvikuru yaiva nechimwe chimufananidzo chokusetsa vanhu chaive nembwa mbiri dzakagara pamberi pekombiyuta. Imwe yakati kune imwe yayo: “PaIndaneti hapana anotomboziva kuti urimbwa.” Kare Satani akahwanda nenyoka achida kutanga kukurukura naEvha akamuudza kuti aigona kuva saMwari. Mazuva anowo, chero ane mukana wokushandisa Indaneti anogona kuva muzvinadzidzo pakombiyuta, achinyepedzera kuziva, pasina kumbobudisa zita rake. Uye hapana mitemo inorambidza munhu kubudisa mashoko, mazano, uye mifananidzo zvaanoda.

Usanyengerwa sezvakaitwa Evha. Uchinyumwawo kana waona mamwe mashoko. Usati wavimba nawo zvibvunze kuti: (1) Ndiani akabudisa mashoko aya? Akadzidza zvakadini nezvenyaya yaakabudisa? (2) Akabudisirwei? Munyori wacho aidei paakaanyora? Ari kuratidza kuti ane kwaakarerekera here? (3) Mashoko acho akaatora kupi? Anoratidza paakatora mashoko zvokuti unogona kuzvionera woga here? (4) Mashoko acho ndiwo achiri kushanda here? Muzana remakore rokutanga, muapostora Pauro akapa Timoti zano richiri kungoshandawo nhasi. Akanyora kuti: “Rinda zvawakaronzeswa, uchifuratira kutaura kusina zvakunobatsira kunoshatisa zvinhu zvitsvene, nokupokanidzana pamusoro peinonzi ‘zivo’ iyo iri yenhema.”—1 Tim. 6:20.

Inochengetedza Nguva Here Kana Kuti Inoitambisa?

Hapana mubvunzo kuti Indaneti ikashandiswa zvakanaka inochengetedza nguva, simba, nemari. Tinogona kutenga chimwe chinhu tisina kumbobva pamba. Kuenzanisa mitengo kunogona kutibatsira kuchengetedza mari. Kubhenga mari uchishandisa Indaneti kwava kuita kuti upenyu hwevakawanda huve nyore. Nyaya dzemari dzinogona kugadziriswa takazvigarira zvedu pamba. Indaneti inotibatsira pakuronga nzendo, dzimwe nguva tichitofanobhadhara dzimba dzatinoda kuzonogara. Tinogona kuwana nyore nyore nhamba dzerunhare, makero, uye nzira dzakasiyana siyana dzokusvika kwatinenge tichida kuenda. Mahofisi emapazi eZvapupu zvaJehovha nyika yose anoshandisa zvakawanda zvezvinhu izvi kuti achengetedze nguva, mari uye kuti vashandi vave vashoma.

Asi pane chimwe chakaipira Indaneti chatinofanira kufunga nezvacho. Inguva inogona kupedzerwa pakuishandisa. Vamwe havachaoni Indaneti semudziyo unobatsira asi kuti chatova chinhu chokutambisa. Vanopedza nguva yakawandisa vachitamba, vachitenga, vachinyorerana matsamba, vachitsvaka mashoko uye vachingoivhura-vhura. Vanogona kupedzisira vasiya zvinhu zvinokosha zvakadai semhuri dzavo, shamwari, uye ungano. Vanopedzisira vasisakwanisi kugara vasingavhuri Indaneti. Somuenzaniso imwe ongororo yakaitwa muna 2010 inoratidza kuti vechiduku 18,4 kubva muzana vomuKorea havachakwanisi kugara vasingavhuri Indaneti. Vanotsvakurudza kuGermany vakati “vakadzi vakawanda vari kunyunyuta kuti varume vavo havachagoni kugara vasina kuvhura Indaneti.” Mumwe mukadzi akati murume wake achinja, zvokuti imba yavo yaparara nokuti haachagoni kugara asiri paIndaneti.

Imwe hofisi yebazi yeZvapupu zvaJehovha yakagamuchira tsamba kubva kune mumwe munhu aiti akanga asisakwanisi kugara asingashandisi Indaneti. Dzimwe nguva aipedza maawa gumi pazuva ari paIndaneti. Akati: “Pakutanga ndaingoti kungovhurawo Indaneti, asi nokufamba kwenguva ndakatanga kurovha misangano uye ndakarega kunyengetera.” Paaienda kumisangano, ainge asina kugadzirira uye pfungwa dzake dzaingova kumba achingoti dai ‘ndasvika kumba ndaivhura.’ Chinofadza ndechokuti akazoona kuipa kwazvakanga zvakaita akatora matanho okugadzirisa nyaya yacho. Ngatisambofa takashandisa Indaneti kwenguva yakareba zvokuti tinosvika pakutadza kusiyana nayo.

Mashoko Acho Anokosha Here Kana Kuti Kwete?

Pana 1 VaTesaronika 5:21, 22 panoti: “Ivai nechokwadi nezvinhu zvose; batisisai zvinhu zvakanaka kwazvo. Regai zvakaipa zvose.” Tinofanira kuona kuti mashoko atinowana paIndaneti anofadza Mwari here, achienderana nemitemo yake. Anofanira kunge asina kufumuka uye akakodzera vaKristu. Mifananidzo inonyadzisira paIndaneti haichazivani, saka kana tikasangwarira, inogona kutipinza mumusungo.

Zvakanaka kuzvibvunza kuti, ‘Zvinhu zvandinoona pakombiyuta ndezviya zvokuti ndinonyara kuti zvionekwe newandakaroorana naye, vabereki, kana hama dzechiKristu here?’ Kana mhinduro iri hongu, zvingava zvakanaka kuti tishandise Indaneti kana pamba paine vamwe. Zvechokwadi Indaneti yachinja nzira yatinokurukurirana nayo uye yatinotenga nayo. Asi yakaunzawo nzira itsva zvachose yokuita nayo ‘upombwe mumwoyo medu.’—Mat. 5:27, 28.

Unofanira Kupfuudza Mashoko Acho Here?

Kushandisa Indaneti kunosanganisira kuwana mashoko uyewo kuatumira kune vamwe. Kunyange zvazvo tisingarambidzwi kuwana mashoko uye kuapfuudza, tinofanirawo kuona kuti ndeechokwadi uye ane mutsigo here. Tine uchapupu here hwokuti mashoko atatumira vamwe ndeechokwadi? Tinobvumirwa kuatumira here? * Anokosha uye anovaka here? Chinangwa chedu pakuatumira ndechei? Tiri kungoda kuratidza vamwe kuti tinowana mashoko akadaro here?

Kunyorerana matsamba paIndaneti kunobatsira kana kukashandiswa nemazvo. Kunogona kutiwanzirawo mashoko. Tiri kungotumira vanhu vakawanda vatinozivana navo nhau dzichangoitika kana kuti tunyaya twenhando, pamwe tichitovapedzerawo nguva here? Hatifaniri kutanga tafunga here tisati tatumira? Tiri kuda kuti zvivabatsire chii? Vanhu vaiwanzonyorerana matsamba nehama neshamwari, vachiudzana zvavakasangana nazvo, uye zvoupenyu hwavo. Handizvo here zvatinofanirawo kungoita netsamba dzepaIndaneti? Nei tichifanira kutumira vanhu chinhu chatisina chokwadi nacho?

Saka toita sei nenyaya yeIndaneti? Tobva taikanda pasi zvachose here? Izvozvo zvinogona kubatsira dzimwe nguva. Ndizvo zvakaitwa nouya wokunyorera bazi kuti akunde dambudziko rakanga rava nemakore. Asiwo kushandisa Indaneti kunogona kutibatsira kana tikabvumira ‘mano okufunga kuramba akatirinda, uye ungwaru huchitichengetedza.’—Zvir. 2:10, 11.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 17 Izvi zvinoshandawo pamifananidzo. Kunyange zvazvo tingatora mifananidzo, hazvirevi kuti tinobvumirwa kungoipa watada, ndoda kutozotumira mazita evanhu vari pamifananidzo iyoyo nekwavanogara.

[Mufananidzo uri papeji 4]

Ungaite sei kuti urege kuudzwa zvisizvo?

[Mufananidzo uri papeji 5]

Unofanira kufungei usati watumira mashoko?