Enda pane zvauri kuda

Enda pakanzi zviri mukati

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Mibvunzo Inobva Kuvaverengi

Zvinoita here kuziva nhamba chaiyo youprofita hunotaura nezvaMesiya huri muMagwaro echiHebheru?

Kunyatsodzidza Magwaro echiHebheru kunoita kuti tizive uprofita hwakawanda hwakazadziswa naJesu Kristu. Uprofita uhwu hwakafanotaura makuriro aizoita Mesiya, paaizooneka, zvaaizoita, mabatirwo aaizoitwa nevamwe uye basa rake muurongwa hwaJehovha Mwari. Hwose hukabatanidzwa hunotibatsira kuziva kuti Jesu ndiye Mesiya. Zvisinei, tinofanira kungwarira kana tichida kuedza kuona nhamba chaiyo youprofita hunotaura nezvaMesiya muMagwaro echiHebheru.

Vanhu havabvumirani pakuti hunonzi uprofita hwaMesiya ndohupi. Mubhuku rake rinonzi The Life and Times of Jesus the Messiah, Alfred Edersheim akati zvinyorwa zvavanarabhi zvaiti pane ndima 456 muMagwaro echiHebheru dzinoprofita nezvaMesiya, kunyange zvazvo zhinji dzacho dzisinganyatsotauri nezvake. Kunyatsoongorora ndima idzi kunomutsa mubvunzo wokuti dzose zvadzo dzinotaura nezvaJesu Kristu here. Somuenzaniso, Edersheim akataura kuti vaJudha vaiti Genesisi 8:11 inotaura nezvaMesiya. Ivo vaiti “shizha romuorivhi rakaunzwa nenjiva, rakatorwa muGomo raMesiya.” Munyori uyu akataurawo nezvaEksodho 12:42. Achitsanangura kusanzwisisa kwaiita vaJudha ndima iyi, akanyora kuti: “Sokubuda kwakaita Mosesi mugwenga, Mesiya aizobudawo muRoma.” Zviri pachena kuti vaongorori veBhaibheri vakawanda nevamwewo vaizoomerwa nokutsanangura kuti ndima mbiri idzi netsanangudzo dzacho dzisina kururama zvakabatana sei naJesu Kristu.

Kunyange tikada kutarisa uprofita hwakanyatsozadziswa pana Jesu Kristu, zvinonetsa kuti tibvumirane panhamba chaiyo. Somuenzaniso, Isaya 53 ine zvinhu zvakati wandei zvine chokuita naMesiya. Isaya 53:2-7 yakaprofita kuti: “Haana chimiro kwacho . . . Akazvidzwa uye akarambwa nevanhu . . . Iye akatakura urwere hwedu . . . Akanga achibayiwa nokuda kwokudarika kwedu . . . Akaunzwa kuzourayiwa sezvinoitwa gwai.” Ndima iyi yose yaIsaya 53 inofanira kuonekwa seuprofita humwe chete hwaMesiya here, kana kuti chikamu chimwe nechimwe chionekwe seuprofita huri hwega?

Fungawo Isaya 11:1 inoti: “Pachigutsa chaJese pachabuda davi; uye bukira rinobva pamidzi yake richabereka zvibereko.” Uprofita hwakafanana naihwohwo hunowanika mundima 10. Toverenga uprofita uhwu sehuviri here kana kuti tongoti ndihwozve hwakadzokororwa? Zviri pachena kuti nhamba yatinowana youprofita hwaMesiya inoenderana nokuti tapindura sei mibvunzo iri pamusoro apa nezvaIsaya 11 ne53.

Saka zvakanaka kuti tisatsvaka nhamba chaiyo yokuti uprofita hungani hunotaura nezvaMesiya muMagwaro echiHebheru. Sangano raJehovha rakaratidza magwaro ane uprofita hwakawanda hune chokuita naJesu uye kuzadziswa kwahwo. * Magwaro acho anogona kutibatsira uye kutikurudzira patinenge tichidzidza Bhaibheri mumhuri kana kuti tiri toga, uye muushumiri. Uyezve, uprofita hwakawanda hwaMesiya, zvisinei nokuti hungani, hunotipa uchapupu hwakasimba hwokuti Jesu ndiye Kristu, kana kuti Mesiya.

[Mashoko Omuzasi]

^ ndima 7 Insight on the Scriptures, Volume 1, peji 1223; Volume 2, peji 387; “Rugwaro Rwose Rwakafuridzirwa naMwari uye Runobetsera,” mapeji 343-344; Bhaibheri Rinombodzidzisei Chaizvo? peji 200.